Kubatsira Ndima Yevanotaura Mutauro Wekune Imwe Nyika
1. Mukana upi wavapo sezvatinoita basa rokuparidza mundima dzedu?
1 Jesu Kristu akafanotaura kuti mashoko akanaka aizoparidzwa munyika yose “kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” Vose vanoita basa rokuparidza nokudzidzisa vanoziva kukosha kwemashoko iwayo. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Sezvatinoparidza nokuita kuti vamwe vave vadzidzi, tingasangana nevanhu vanobva munyika dzakasiyana-siyana vanotaura mutauro wakasiyana newedu. Ivavawo vanofanira kuwana mukana wokunzwa mashoko oUmambo, votsigira chokwadi zvakasimba, zuva rinotyisa raJehovha risati rasvika. (Mar. 3:18) Tingabatsira sei vaya vanotaura mutauro wekune imwe nyika vari mundima yedu?
2. Tinotevedzera sei Jehovha kana tichikurukura nevamwe vanotaura mumwe mutauro?
2 Ona Vaya Vanotaura Mumwe Mutauro Sezvavanoitwa naJehovha: Kuti tiratidze rudo rwaJehovha kumunhu wose ari mundima yedu tisingasaruri, tinofanira kuva nechido chakasimba chokubatsira vanhu kuti vave nezivo yakarurama yaMwari wechokwadi, Jehovha, pasinei nemutauro wavangataura. (Pis. 83:18; Mab. 10:34, 35) Kunyange zvazvo tinganyanya kuparidzira vaya vanotaura mutauro unoshandiswa muungano yatinopinda nayo, tinofanirawo kufunga nezvezvinodiwa nevaya vanotaura mumwe mutauro, totsvaka nzira dzokuvaudza nadzo mashoko oUmambo hwaMwari. Kusiya vaya vanotaura mumwe mutauro kungasaenderana nechinangwa chaJehovha chokupupurira vanhu vemarudzi ose. Saka, tingabatsira sei vanhu vanotaura mutauro wakasiyana newedu?
3. Ndekapi kabhuku kanobatsira katakapiwa, uye tingagadzirira sei kukashandisa?
3 Shandisa Good News for People of All Nations: Kabhuku aka kakagadzirirwa kuti tikashandise patinosangana nevaya vanotaura mutauro wakasiyana newedu. Gara uine kabhuku aka, ziva zvakakaita, uye gadzirira kukashandisa. Kuti ukurumidze kuona zvaunenge uchida, maka mitauro yakasiyana-siyana yevanhu vaunosangana navo mundima yenyu. Kana pane mabhuku emitauro yacho, zvingabatsira kuti uve nemashoma aungazogovera mumwe munhu pashure pokunge wakurukura naye mashoko ari mukabhuku kacho.
4. Kabhuku kanonzi Nations kangashandiswa sei muushumiri hwedu?
4 Kana ukasangana nemumwe munhu muushumiri anotaura mumwe mutauro uye usina chokwadi chokuti mutauro upi waanotaura, tanga nokumuratidza zviri pabutiro rekabhuku kacho. Vhura pane mepu yenyika yose nechomukati mebutiro racho, wozvinongedza uye nyika yaunogara. Ratidza kuti ungada kuziva kunobva saimba uye mutauro waanotaura. Kana uchinge wangoziva mutauro wake, enda papeji inoratidza zviri mukati mekabhuku kacho, tsvaka peji yakakodzera, woita kuti saimba wacho atarire mutsetse wakanyorwa nemabhii matematema nechepamusoro pepeji yacho, wobva waratidza saimba wacho kuti ungada kuti averenge mashoko acho. Kana achinge apedza, mugovere turakiti remutauro wake kana kuti nongedza mutsetse wakaiswa ruvara rwegireyi, unoratidza kuti unoda kuzodzoka nebhuku remutauro wasaimba wacho. Zvadaro muratidze mashoko akanzi “zita rangu” akanyorwa nemabhii matematema, wotaura zita rako zvakajeka. Nongedza pakanyorwa nemabhii matematema kuti “zita renyu”, womirira saimba wacho kuti apindure. Nyatsoranganai musi wauchadzoka.
5. Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti titarisire zvakanaka vaya vanotaura mumwe mutauro vanenge vafarira?
5 Urongwa Hwekuona Vanenge Vafarira: Tinofanira kuedza kuita zvose zvatinokwanisa kuti tishanyire vaya vanoratidza kufarira shoko roUmambo, pasinei nomutauro wavo. Kana tichinge tangoona kuti anofarira Mwari neShoko rake, Bhaibheri, tinofanira kuzadza fomu rakanzi Tapota Muonei (S-43), tokurumidza kuripa munyori weungano kuti aritumire kuhofisi yebazi kuitira kuti munhu wacho anenge afarira ashanyirwe nemumwe munhu anotaura mutauro wake. Zvadaro, hofisi yebazi ichatumira fomu racho kuboka rakakodzera romutauro iwoyo. Kana richinge ragamuchirwa, munhu wacho achakurumidza kuonekwa. Munyori angapa rimwe fomu racho kumutariri webasa kuitira kuti azive nezvekufarira kuri kuitwa nevanhu veboka romumwe mutauro. Fomu iri rinofanira kungoshandiswa chete kana munhu afarira zvechokwadi.
6. Kana tikasangana nemunhu anofarira anotaura mumwe mutauro, tinofanira kuitei?
6 Kubvira panotumirwa fomu reS-43 kusvikira panozoshanyirwa munhu wacho anofarira nemuparidzi anenge asarudzwa anotaura mutauro wake, pangapera nguva yakati kuti. Saka, pakuedza kuita kuti kufarira kwacho kuwedzere, muparidzi uya anenge aunza fomu reS-43 angapfuurira kuita kuti munhu wacho arambe achifarira kusvikira ashanyirwa nemumwe anotaura mutauro wake. Dzimwe nguva, chidzidzo cheBhaibheri chingaitiswa munhu wacho anofarira. Zvisinei, munguva iyi yose kusvikira munhu wacho anofarira ashanyirwa, muparidzi angawana sei mabhuku omutauro wemunhu wacho ari kufarira?
7. Urongwa hupi uripo hwokuwana mabhuku emutauro unotaurwa nevaya vatingasangana navo?
7 Mabhuku Emumwe Mutauro: Ungano hadzifaniri kuchengeta mabhuku akawanda emumwe mutauro. Zvisinei, kana mutariri webasa akaona kuti vanhu veboka remumwe mutauro vari kuratidza kufarira, angaona zvakakodzera kuchengeta mabhuku mashomanana omutauro wacho kuti azoshandiswa nevaparidzi. Kana pasina mabhuku aripo muungano, angaodhwa. Zvingatora nguva kuti mabhuku emumwe mutauro auye. Saka, pane urongwa hwekudhinda mashoko ari mumabhuku anowanika pawww.watchtower.org. Ipapo pane mabhuku akawanda emitauro ine mazana angakurumidza kuwanikwa nemuparidzi kana kuti nemunhu anofarira. Chokwadi urongwa uhwu huchabatsira kuita kuti kufarira kunoratidzwa nevaya vanotaura mumwe mutauro kuwedzere.
8. Ndezvipi zvingaitwa neungano pakuita kuti vaya vanotaura mumwe mutauro varambe vachifarira?
8 Zvinofanira Kuitwa Neungano: Dzimwe nguva, boka rakati kurei revanotaura mutauro wokune imwe nyika parinotanga kuvapo, pangasava neungano iri pedyo inoita misangano ichishandisa mutauro iwoyo. Saka, vanofarira vanotaura mumwe mutauro vanofanira kukokwa kuti vapinde misangano yenyu. Kugamuchirwa noushamwari uye kunyatsofarirwa kwavanoitwa kungavakurudzira kugara vachipinda misangano. Pakutanga kusiyana kwemitauro uye kwetsika zvingaita kuti mutadze kukurukura; asi musangano riri munyika yose reZvapupu zvaJehovha, hapana chinotadzisa kuratidzirana rudo chairwo rwechiKristu. (Zef. 3:9; Joh. 13:35) Unogona kunyatsotaura mumwe mutauro here? Kana uchikwanisa uye uchida kushanyira vanhu vanofarira vanotaura mutauro iwoyo, tapota udza munyori weungano yenyu kuitira kuti mashoko aya atumirwe kuhofisi yebazi. Izvi zvichabatsira hofisi yebazi painenge ichitsvaka muparidzi angaita kuti munhu arambe achifarira.
9. Ndirini pazvingava zvakakodzera kuti vaparidzi vadzidzire mumwe mutauro, uye izvi zvingaitwa sei?
9 Kudzidza Mutauro: Paunenge uchibatsira vaya vanotaura mumwe mutauro, zvakanyanya kunaka kuvakurudzira kutanga kupinda misangano muungano inoshandisa mutauro wavo kana paine iri pedyo zvokuti vangafamba kuenda ikoko. Zvisinei, kana izvozvo zvisingaiti, vamwe vaparidzi vangasarudza kudzidza mutauro wacho, zvoita kuti vakwanise kubatsira zvakanaka vanofarira. Kana pasina ungano iri pedyo, hofisi yebazi ingaona kuti kirasi yokudzidzira mutauro wacho ingabatsira pamusana pokuwanda kwevanhu vomutauro wacho vari kupinda munyika kana kuti vanhu vanotaura mutauro wacho vemunyika imomo. Kana zvakadaro, hofisi yebazi ingazivisa ungano dziri pedyo nezvezviri kudiwa yoronga kuti papiwe chiziviso chine chokuita nekirasi yokudzidzira mutauro. Vaya vanokumbira kuzopinda kirasi yomutauro wacho vanofanira kuva nechinangwa chekuzotama vachienda kuboka racho kana ungano kuti vabatsire ndima yomutauro wacho kufambira mberi.
10. Ndirini pangatangwa boka revanotaura mutauro wekune imwe nyika, uye izvi zvingasarudzwa sei?
10 Kutanga Boka: Panofanira kunge paine zvinhu zvina zvinokosha kuti boka remumwe mutauro ritangwe. (1) Panofanira kuva nevanhu vanofarira vakati wandei uye mukana wokuwedzera mundima yacho. (2) Boka duku revaparidzi vanoziva mutauro wacho kana kuti vari kuudzidza. (3) Panofanira kuva nemukuru anokwanisa kana kuti mushumiri anoshumira kuti atungamirire uye kuti aitise musangano unenge mumwe chete pavhiki yega yega mumutauro iwoyo. (4) Dare revakuru rinofanira kunge richida kutsigira boka racho. Zvinhu izvi zvinodiwa pazvinenge zvavapo, dare revakuru richanyorera hofisi yebazi nezvemashoko ane chokuita neboka racho uye vachakumbira kuti ungano yavo itsigire boka racho revanotaura mutauro wekune imwe nyika. (Ona Takarongwa, map. 106-107.) Mukuru kana kuti mushumiri anoshumira anenge achitungamirira anganzi ndiye “mutariri weboka” kana kuti “mushumiri weboka” ane basa rokutarisira boka racho.
11. Nei iri ropafadzo chaiyo kubatsira vaya vanotaura mutauro wekune imwe nyika vanenge vari mundima yeungano yedu?
11 Kubatsira vaya vanotaura mutauro wekune imwe nyika vanenge vari mundima yedu chinhu chinokosha chaizvo pamushandirapamwe wokuparidza munyika yose wakatangwa naJesu Kristu, Muenzaniso wedu. Isu ngatiitei zvatinofanira kuita, toona kuti Jehovha achapfuurira sei kuzunungusa marudzi uye kuunza kwaari vaya vaanoda. (Hag. 2:7) Zvinogutsa chaizvo kunyatsoshanda pamwe chete pakuita izvozvo! Jehovha ngaakomborere kushanda kwatinoita pamwe chete kubatsira vaya vanotaura mutauro wekune imwe nyika vari mundima yeungano yega yega sezvatinoyeuka nguva dzose kuti pasinei nekutadziswa kukurukura nekusiyana kwemitauro, Mwari angaita kuti zvirambe zvichikura!—1 VaK. 3:6-9.