CHIDZIDZO 45
Mifananidzo/Mienzaniso Inodzidzisa
MIFANANIDZO nemienzaniso zvinhu zvine simba pakudzidzisa. Zvinowanzokwezva uye zvinobudirira pakubata pfungwa zvinoshamisa. Zvinotokonya mano omunhu okufunga. Zvinomutsa manzwiro omunhu saka zvingagona kusvika pahana nepamwoyo. Padzimwe nguva mifananidzo ingashandiswa kubvisa kufungira zvisiri izvo. Inobatsirawo pakuyeuka. Unoishandisa pakudzidzisa kwako here?
Zvirungamutauro mifananidzo inowanzoda mashoko mashomanana; asi zvinogona kuonesa mifananidzo yakajeka mupfungwa. Kana zvikasarudzwa zvakanaka, zvakawanda zvezvazvinoreva zvinobuda pachena zvoga. Asi mudzidzisi angasimbisa kukosha kwazvo nokuwedzera tsananguro pfupi. Bhaibheri rizere nemienzaniso yaunogona kudzidza kwairi.
Tanga nefananidzo uye enzaniso. Fananidzo ndizvo zvirungamutauro zvakapfava pane zvose. Kana uri kudzidzira kushandisa mifananidzo zvingakubatsira kutanga nefananidzo. Dzinowanzotanga nokuti ku“fanana” kana kuti “se-.” Pakuenzanisa zvinhu zviviri zvakasiyana nokure, fananidzo dzinobudisa pachena zvakafanana pazviviri zvacho. Bhaibheri rizere nezvirungamutauro zvinoshandisa zvinhu zvakasikwa—miti, mhuka, uye zviri mudenga—uyewo zviitiko zvomuupenyu hwevanhu. Pana Pisarema 1:3, tinoudzwa kuti munhu anoverenga Shoko raMwari “Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,” muti unobereka uye usingasvavi. Munhu akaipa anonzi anoita “seshumba” inovandira kuti ibate mhuka. (Pis. 10:9) Jehovha akavimbisa Abrahamu kuti vana vake vaizowanda “senyeredzi dzokudenga” uye “sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa.” (Gen. 22:17) Nezvoukama hwepedyo-pedyo uhwo Jehovha akaita iye norudzi rwaIsraeri, Iye akati: “Bhanhire sezvarinonamatira pachiuno chomunhu,” saizvozvo Iye akaita kuti Israeri naJudha vanamatire Kwaari.—Jer. 13:11.
Enzaniso inoratidzawo kufanana kuripo pakati pezvinhu zviviri zvakasiyana kwazvo. Asi enzaniso inonyatsobudisa zvazviri. Inotaura sokunge kuti chinhu chokutanga ndicho chechipiri, saka zvinoreva kufananidza chokutanga nechechipiri. Jesu akati kuvadzidzi vake: “Imi muri chiedza chenyika.” (Mat. 5:14) Achitsanangura kukuvadza kungaita kutaura kusingadzorwi, mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Rurimi moto.” (Jak. 3:6) Dhavhidhi akaimbira Jehovha achiti: “Ndimi dombo rangu nenhare yangu.” (Pis. 31:3) Enzaniso inonyatsosarudzwa kazhinji inongoda kutsanangurwa zvishomanana kana kuti kusambotsanangurwa. Kubudirira kwayo kunowanzonatsiridzwa nokuva pfupi kwayo. Enzaniso inogona kubatsira vateereri vako kuyeuka pfungwa yakati munzira isingagoni kuitwa nemashoko echokwadi angotaurwawo zvawo.
Gudziramukanwa kupamhidzira, uko kunofanira kushandiswa nokuchenjerera, zvikasadaro kungasanzwisiswa. Jesu akashandisa chirungamutauro ichi kurondedzera mufananidzo usingakanganwiki paakabvunza kuti: “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingafungi danda riri muziso rako?” (Mat. 7:3) Usati waedza kushandisa gudziramukanwa kana kuti zvimwe zvirungamutauro, dzidza kushandisa zvinobudirira fananidzo neenzaniso.
Shandisa Mienzaniso. Pane kushandisa chirungamutauro, ungasarudza kushandisa mienzaniso, ingave yengano yokufungidzira kana kuti yezvakaitika chaizvoizvo, seyamuro pakudzidzisa. Iyi inowanzobuda mugwara, saka inofanira kushandiswa nokuchenjerera. Mienzaniso yakadaro inofanira kungoshandiswa kutsigira pfungwa dzinokosha chete, uye inofanira kutaurwa nenzira inoita kuti murayiridzo wacho usakanganwike, kwete ngano yacho.
Kunyange zvazvo isiri mienzaniso yose inofanira kunge iri zvinhu chaizvo zvakaitika, inofanira kuratidza zvinhu chaizvo zvomuupenyu. Saka pakudzidzisa kuti vatadzi vanopfidza vanofanira kuonekwa sei, Jesu akafananidza zvaaitaura nokutaura mafariro omurume akawana gwai rake rakarasika. (Ruka 15:1-7) Achipindura murume akanga achikundikana kunyatsonzwisisa zvairehwa noMutemo pamurayiro wokuda muvakidzani, Jesu akarondedzera nyaya yomuSamariya akabatsira murume akanga akuvara asi mupristi nomuRevhi varega kumubatsira. (Ruka 10:30-37) Kana ukadzidza kuongorora mafungiro uye zviito zvevanhu, ungashandisa zvinobudirira uhwu unyanzvi hwokudzidzisa.
Muprofita Natani akarondedzera ngano yokufungidzira kuti atsiure Mambo Dhavhidhi. Ngano yacho yakabudirira nokuti yakaita kuti Dhavhidhi arege kuzozvipembedza. Ngano yacho yaitaura nezvomurume aiva akapfuma aine makwai akawanda, uye murume aiva murombo aingova negwayana dunzvi raaitarisira norudo rukuru. Dhavhidhi pachake aimbova mufudzi, saka aigona kunzwisisa manzwiro omuridzi wegwayana iroro. Dhavhidhi akaratidza kushatirirwa mupfumi uya akanga abvutira murombo gwai rake raaida, uye zvakanga zvakarurama kuti adaro. Zvadaro Natani akataura zvakananga kuna Dhavhidhi achiti: “Ndiwe munhu uyo!” Zvakasvika pamwoyo paDhavhidhi, achibva apfidza zvepachokwadi. (2 Sam. 12:1-14) Nokudzidzira ungagona kubata nenhau dzinoshungurudza nenzira inobaya mwoyo.
Mienzaniso yakawanda inobatsira pakudzidzisa ingatorwa muzviitiko zvakanyorwa muMagwaro. Jesu akaita izvi nemashoko mashomanana paakati: “Yeukai mukadzi waRoti.” (Ruka 17:32) Achitaura nezvechiratidzo chokuvapo kwake, Jesu akataura nezve“mazuva aNoa.” (Mat. 24:37-39) Muna VaHebheru chitsauko 11, muapostora Pauro akataura nezvevarume nevakadzi 16 nemazita avo semienzaniso yokutenda. Sezvaunojairana neBhaibheri, uchakwanisa kuwana mienzaniso ine simba pane zvinotaurwa neMagwaro pamusoro pezviitiko nevanhu vakanyorwa maari.—VaR. 15:4; 1 VaK. 10:11.
Padzimwe nguva ungazviwana zvichibatsira kusimbisa shoko rinorayiridza nechiitiko chaicho chakaitika chemazuva ano. Zvisinei, pakuita izvi, chenjerera kuti ushandise zviitiko zvechokwadi uye kusashandisa zviya zvinganyadzisa mumwe munhu ari pakati pevateereri kana kuti zviya zvine chokuita nenyaya dzine makakatanwa asiri iwo ari kutaurwa. Yeukawo kuti chiitiko chacho chinofanira kuva nechinangwa. Usangorondedzera mashoko asina nebasa rose, anopedzisira abvisa pfungwa pachinangwa chehurukuro yako.
Zvichanzwisiswa Here? Chero mufananidzo kana muenzaniso waunoshandisa, unofanira kuva nechinagwa chaicho. Muenzaniso wacho uchaita izvozvo here kana iwe usingaratidzi kushanda kwaunoita maererano nenyaya iri kukurukurwa?
Ataura kuti vadzidzi vake “chiedza chenyika,” Jesu akawedzera mashoko mashomanana pamashandisirwo erambi uye kuti izvi zvairevei kwavari. (Mat. 5:15, 16) Akapedzisa mufananidzo wake wegwai rakarasika nemashoko omufaro unoitika kudenga panotendeuka mutadzi. (Ruka 15:7) Apedza nyaya yake yomuSamariya ane mutsa, Jesu akabvunza muteereri wake mubvunzo wakananga achibva azopa zano rakananga. (Ruka 10:36, 37) Kusiyana neizvi, Jesu akatsanangura mufananidzo wake wemhando dzevhu dzakasiyana-siyana uye wemasora ari mumunda kune vaya vaizvininipisa vakabvunza, kwete kumapoka evanhu. (Mat. 13:1-30, 36-43) Mazuva matatu asati afa, Jesu akataura mufananidzo pamusoro pevarimi vomunda womuzambiringa vaiva mhondi. Haana kuratidza kushanda kwacho; zvakanga zvisingadiwi. “Vapristi vakuru nevaFarisi . . . vakaziva kuti akanga achitaura pamusoro pavo.” (Mat. 21:33-45) Saka zvakaita mufananidzo wacho, mafungiro evateereri vacho, uye chinangwa chako zvose zvinobatsira kuona kana panoshanda muenzaniso wacho pangada kutsanangurwa, kana zvakadaro zvakakura sei.
Kuva nemano okushandisa mifananidzo nemienzaniso zvinobudirira kunotora nguva, asi unenge uchitamburira zviripo. Mifananidzo yakanyatsosarudzwa inokwezva zvose mwoyo uye manzwiro omunhu. Izvi zvinoguma nokuita kuti shoko racho risvike nokubudirira kusingawanzoitwi nemashokowo zvawo echokwadi.