Rwiyo 128
Mamiriro Ezvinhu Enyika Ino Ari Kuchinja
Rakaprindwa
1. Kuti She atinunure
Pakutambura norufu,
Akapa Mwanakomana,
Chipo chikuru kwazvo.
(KORASI)
Kunyange nyika
iri kuchinja
Mwari achakomborera
Denga nenyika yose.
2. Nyika iri kutambura.
Zvino yazokundikana.
Isu tinokudza Mwari.
Umambo hwazosvika.
(KORASI)
Kunyange nyika
iri kuchinja
Mwari achakomborera
Denga nenyika yose.
(Onawo Pis. 115:15, 16; VaR. 5:15-17; 7:25; Zvak. 12:5.)