Rwiyo 111
Achashevedza
Rakaprindwa
1. Upenyu hwakaita semhute,
Raramei hwapera.
Pasina nguva tinenge tafa,
Sare yava misodzi.
Wafa angararamazve here?
Mwari anovimbisa:
(KORASI)
Adana; Vachapindura.
Iye achavamutsa
Nokuti achasuwa
Basa raakaita.
Tendai musashamiswa.
Mwari achatimutsa,
Torarama narini.
Ndiye akatiita.
2. Nyangwe shamwari dzake dzikafa,
Mwari haakanganwi.
Dzose anotodzirangarira,
Iye achadzimutsa.
Tozoona upenyu chaihwo:
Imo muParadhiso.
(KORASI)
Adana; Vachapindura.
Iye achavamutsa
Nokuti achasuwa
Basa raakaita.
Tendai musashamiswa.
Mwari achatimutsa,
Torarama narini.
Ndiye akatiita.
(Onawo Joh. 6:40; 11:11, 43; Jak. 4:14.)