Rwiyo 75
Zvinoita Kuti Tifare
1. Zvinotifadza zvakawanda,
Zvinowedzera sepfuma.
Zvinokosha zvendudzi dzose
Zviri kubatana nesu.
Kufara kwedu kwakadzama
Kunobva muBhaibheri.
Tinogara tichiridzidza,
Tanzwa, tova nokutenda.
Mufaro wedu watinawo
Unobva pasi pemwoyo;
Kunyange patinotambura,
Tinotsungiswa naMwari.
(KORASI)
Tinofadzwa naJehovha,
Tofarira basa rake.
Ibasa guru, rinoratidza
Kunaka kwake nesimba!
2. Patinoona zvakasikwa,
Matenga, gungwa nenyika,
Taona bhuku rezvisikwa,
Zvoita timurumbidze.
Tobudirira kuparidza,
Tichizivisa Umambo.
Tinofara kuhuzivisa,
Pamwe nokugadzwa kwahwo.
Kufara zvachose kwasvika
Sechiedza pane rima.
Munyika nematenga matsva
Tichafaramo narini.
(KORASI)
Tinofadzwa naJehovha,
Tofarira basa rake.
Ibasa guru, rinoratidza
Kunaka kwake nesimba!
(Onawo Dheut. 16:15; Isa. 12:6; Joh. 15:11.)