RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 25 pp. 196-202
  • “Ndinokwidza Nyaya Yangu Kuna Kesari!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndinokwidza Nyaya Yangu Kuna Kesari!”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Ndakamira Pamberi Pechigaro Chekutonga” (Mabasa 25:1-12)
  • “Handina Kurega Kuteerera” (Mabasa 25:13–26:23)
  • “Unenge Uchatondinyengetedza Kuva muKristu” (Mabasa 26:24-32)
  • Pauro Anopupurira Noushingi Pamberi Pevanoremekedzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Batsira Vamwe Kugamuchira Shoko roUmambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Ndinokwirira Kuna Kesari!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Zivisa Umambo hwaJehovha Noushingi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 25 pp. 196-202

CHITSAUKO 25

“Ndinokwidza Nyaya Yangu Kuna Kesari!”

Pauro anopupurira mashoko akanaka nenzira yakakodzera kutevedzera

Mabasa 25:1–26:32

1, 2. (a) Zvinhu zvakamirira sei Pauro iye zvino? (b) Kukwidza kwakaita Pauro nyaya yake kuna Kesari kunoita kuti pave nemubvunzo upi?

PAURO anoramba ari muusungwa muKesariya akachengetedzwa zvakasimba. Makore maviri akapfuura paakadzokera kuJudhiya, haana kumboita mazuva vaJudha vasati vaedza kumuuraya katatu kese. (Mab. 21:27-36; 23:10, 12-15, 27) Kusvika parizvino vavengi vake havana kubudirira, asi havasi kuzokanda mapfumo pasi. Pauro paanoona kuti anogona kuzopedzisira adzorerwa mumaoko avo, anoudza Gavhuna Festo weRoma kuti: “Ndinokwidza nyaya yangu kuna Kesari!”—Mab. 25:11.

2 Jehovha akatsigira zvakasarudzwa naPauro paakakwidza nyaya yake kuna mambo kuRoma here? Mhinduro yacho inokosha kwatiri isu tiri kupa uchapupu hwakasimba pamusoro peUmambo hwaMwari munguva ino yemugumo. Tinoda kuona kuti tinodzidzei pane zvakaitwa naPauro “pakutsigira mashoko akanaka nekushandisa mutemo kuita kuti asarambidzwa.”—VaF. 1:7.

“Ndakamira Pamberi Pechigaro Chekutonga” (Mabasa 25:1-12)

3, 4. (a) VaJudha pavakakumbira kuti Pauro aunzwe kuJerusarema chinangwa chavo chaiva chei, uye akapukunyuka sei? (b) Jehovha anotsigira sei vashumiri vake vemazuva ano, sezvaakaita Pauro?

3 Pashure pemazuva matatu agara pachigaro, gavhuna mutsva weRoma aitonga Judhiya, Festo, akaenda kuJerusarema.a Ava ikoko akateerera vatungamiriri vevapristi nevakuru vevaJudha vachipomera Pauro mhosva dzakakura. Vaiziva kuti shungu dzagavhuna mutsva uyu dzaiva dzekuti agare achiwirirana navo nevamwe vaJudha vese. Saka vakakumbira Festo kuti avaunzire Pauro kuJerusarema kuti vamutongere ikoko. Asi chinangwa chavo chaiva chekuti vazomuurayira mumugwagwa achibva kuKesariya achiuya kuJerusarema. Festo akavarambira, achiti: “Vatungamiriri venyu ngavauye tiende tese [kuKesariya] vanomupomera kana paine chaakatadza zvechokwadi.” (Mab. 25:5) Saka apa Pauro akapukunyukazve rufu.

4 Jehovha aitsigira Pauro pamiedzo yese achishandisa Ishe Jesu Kristu. Yeuka kuti Pauro akaudzwa naJesu muchiratidzo kuti: “Usatya!” (Mab. 23:11) Mazuva ano vashumiri vaMwari vanosanganawo nezvipingamupinyi uye vanotyisidzirwa. Jehovha haatidziviriri pamatambudziko ese, asi anotipa uchenjeri nesimba zvekuti titsungirire. Tinogona kugara tichivimba nesimba “rakawedzerwa pane ratagara tiinaro” ratinopiwa naMwari wedu ane rudo.—2 VaK. 4:7.

5. Festo akaita sei naPauro?

5 Pashure pemazuva, Festo “akagara pachigaro chekutonga” muKesariya.b Pauro nevaimupomera vakanga vakamira pamberi pake. Pauro akapindura zvavaimupomera achiti: “Handina kutyora Mutemo wevaJudha kana kutadzira temberi kana Kesari.” Pauro akanga asina mhosva uye aifanira kusunungurwa. Saka Festo achapa mutongo wekutii? Achida kufadza vaJudha, akabvunza Pauro kuti: “Unoda here kukwidza kuJerusarema wonotongerwa nyaya idzi pamberi pangu?” (Mab. 25:6-9) Uku kwaiva kupenga chaiko! Kuna Pauro, kudzorerwa kuJerusarema kwaireva kuti vari kumupomera vacho ndivo vaizova vatongi vake, saka kwaitongova kufa. Saka apa Festo aida kutotsvaga rutsigiro rwezvematongerwo enyika kupfuura kutonga zvakarurama. Pondiyo Pirato, aimbova gavhuna, akamboitawo izvozvo paitongwa mumwe musungwa aitokosha kupfuura Pauro. (Joh. 19:12-16) Vatongi vemazuva ano vanombotsvagawo kufadza vezvematongerwo enyika. Saka hazvifaniri kutishamisa kana matare akatonga zvisina kururama pasinei neuchapupu hunenge huripo panenge pachitongwa nyaya dzevanhu vaMwari.

6, 7. Nei Pauro akakwidza nyaya yake kuna Kesari, uye vaKristu vechokwadi mazuva ano vanodzidzei?

6 Nyaya yaFesto yekuda kufadza vaJudha yaigona kuurayisa Pauro. Saka Pauro akashandisa kodzero yake sechizvarwa cheRoma. Akaudza Festo kuti: “Ndakamira pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa. Handina zvandakatadzira vaJudha sezvamava kuzvionerawo. . . . Ndinokwidza nyaya yangu kuna Kesari!” Munhu aiti akangokwidza nyaya yake seizvi kazhinji kacho aisagona kuchinja zvaataura. Festo akasimbisa izvi achiti: “Wakwidza nyaya yako kuna Kesari, saka uchaenda kuna Kesari.” (Mab. 25:10-12) VaKristu mazuva ano vanogona kutevedzera Pauro, nekukwidza nyaya kune vane simba kupfuura vanenge vachivatonga. Vanopikisa pavanoedza kukonzera kuti ‘pave nedambudziko vachishandisa mutemo,’ Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisawo mutemo kuti zvidzivirire mashoko akanaka.c—Pis. 94:20.

7 Saka pashure pemakore maviri asungirwa mhosva dzaasina kupara, Pauro akapiwa mukana wekunotaura nyaya yake kuRoma. Asi pane mumwe mutongi aida kumuona asati apinda munzira.

Vanhu vari mudare pashure pekupiwa kwemutongo. Hama negweta rayo, nezvimwe Zvapupu zvakamira vachiremekedza. Vanhu vasiri Zvapupu vari kutofara nemutongo usina kunaka wapiwa hama, vachikorokotedza vanga vachiipomera.

Tinokwidza nyaya dzinenge dzatongwa zvisingatigutsi

“Handina Kurega Kuteerera” (Mabasa 25:13–26:23)

8, 9. Nei Mambo Agripa akashanya kuKesariya?

8 Pashure pemazuva kubvira pakakwidza Pauro nyaya yake kuna Kesari, Mambo Agripa nehanzvadzi yake, Bhenisi, “vakasvika muKesariya vachishanyira Festo kuzomukwazisa.”d Munguva yaitonga Roma, yaiva tsika yevakuru vakuru kuti vashanyire magavhuna ainge achangogadzwa. Kukorokotedza kwaiita mambo Agripa gavhuna mutsva uyu kwaitoita kuti asimbise ushamwari hwake naye kuti zvizomubatsira samambo.—Mab. 25:13.

KUKWIDZA NYAYA DZEKUTSIGIRA KUNAMATA KWECHOKWADI KUMATARE MAZUVA ANO

Dzimwe nguva Zvapupu zvaJehovha zvakakwidza nyaya kumatare epamusoro kuti zvigadzirise zvinhu zvaivhiringidza kuparidzwa kwemashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Hedzino nyaya mbiri dzakadaro.

Musi wa28 March, 1938, Dare Repamusorosoro reUnited States rakadzima mutongo wakanga wambopiwa mune rimwe dare remunharaunda yeGriffin, Georgia, U.S.A, wakanga wapiwa zvimwe Zvapupu zvakanga zvasungirwa kupa vanhu mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Iyi ndiyo nyaya yekutanga yakakwidzwa kudare iroro yakazoteverwa nedzimwe dzakawanda dzakakwidzwa neZvapupu zvaJehovha zvichirwira kodzero yazvo yekuparidza mashoko akanaka.g

Imwe nyaya yaiva nechekuita nechimwe Chapupu chekuGreece chinonzi Minos Kokkinakis. Akasungwa kanokwana ka60 mumakore anosvika 48, achinzi ari kupara mhosva yekutendeutsa vanhu. Akamiswa pamberi pedare ka18. Akaita makore akawanda ari mujeri uye akatombodzingwa munyika akagara kuzvitsuwa zveGungwa reAegean. Panyaya yavakapedzisira kutongerwa muna 1986, Hama Kokkinakis havana kubudirira pavakakwidza nyaya yavo kumatare epamusoro eGreece. Vakabva vaendesa nyaya yavo kuEuropean Court of Human Rights (ECHR), [Dare Rekodzero Dzevanhu rekuEurope]. Musi wa25 May, 1993, Dare iroro rakatonga kuti Greece yakanga ichityora rusununguko rwekunamata rwaHama Kokkinakis.

Zvapupu zvaJehovha zvakakwidza nyaya dzakawanda kuECHR, zvikakunda mune dzakawanda dzacho. Hakuna rimwe sangano, ringava rechitendero kana kuti risiri, rakabudirira zvakadaro pakudzivirira kodzero dzevanhu pamberi peECHR.

Vamwe vanobatsirwawo here nezvinenge zvabuda mumatare panokwidza Zvapupu zvaJehovha nyaya? Mumwe muzvinafundo anonzi Charles C. Haynes akati: “Tese tinofanira kutenda Zvapupu zvaJehovha. Pese pavanotukwa, pavanodzingwa mumaguta, kana kurohwa, vanoramba vachirwira kodzero dzavo dzekunamata (nedzeduwo). Uye pavanokunda, tese tinokundawo.”

g Ona imwe nyaya yemutongo wakapiwa neDare Repamusorosoro reUnited States nezverusununguko rwekutaura, yakabudiswa muMukai! yaJanuary 8, 2003, mapeji 3-11.

9 Festo akaudza mambo nezvaPauro, uye Agripa akati aida kumbomunzwawo achitaura. Mangwana acho, vatongi vacho vaviri vakagara pachigaro chekutonga. Asi mashoko akazotaurwa naPauro ndiwo aipedza mate mukanwa kupfuura kupinda kwavakaita vachishamisira nesimba ravaiva naro.—Mab. 25:22-27.

10, 11. Pauro akaratidza sei ruremekedzo kuna Agripa, uye akataurei kuna mambo pamusoro pezvaaimboita kare?

10 Pauro akatanga nekuremekedza Mambo Agripa achinyatsomutenda nekupiwa kwaakanga aita mukana wekuti ataure, achibva ataurawo kuti mambo akanga ari nyanzvi patsika dzevaJudha uye panyaya dzavaiwanzonetsana nezvadzo. Pauro akabva atsanangura upenyu hwake hwekare, achiti: “Ndairarama semuFarisi, boka risingatombotsaudziri pamanamatiro edu.” (Mab. 26:5) Paaiva muFarisi, Pauro aitarisira kuuya kwaMesiya. Iye zvino paakanga ava muKristu, akaratidza neushingi kuti Jesu Kristu ndiye Mesiya wacho akanga akamirirwa kwenguva refu. Saka akataura kuti nyaya yaaitongerwa inyaya yavaitobvumirana nevaimupomera, yevimbiso yakanga yaitwa naMwari kumadzitateguru avo. Izvi zvakatoita kuti Agripa ade kutonzwa zvaitaurwa naPauro.e

11 Pauro akataura nezvemabatiro aaimboita vaKristu, achiti: “Ini ndini munhu aifunga kuti ndaitofanira kuita zvinhu zvakawanda ndichirwisana nezita raJesu wekuNazareta. . . . Sezvo ndakanga ndakavatsamwira kwazvo, ndakatosvika pakuvatambudza kunyange mune mamwe maguta.” (Mab. 26:9-11) Pauro akanga asiri kuwedzeredza. Vanhu vakawanda vaiziva kutambudza kwaakanga aita vaKristu. (VaG. 1:13, 23) Agripa angadaro akazvibvunza kuti, ‘Saka chii chakazoita kuti munhu akadaro achinje?’

12, 13. (a) Pauro akatsanangura sei matendeukiro aakaita? (b) Pauro ‘aimbokava zvibayiso’ sei asati ava muKristu?

12 Mhinduro yacho inowanika pane zvakazotaurwa naPauro. Akati: “Ndichienda kuDhamasiko ndapiwa mvumo uye ndatumwa nevatungamiriri vevapristi, ava masikati, Mambo wangu, ndakaona chiedza chaibva kudenga ndiri mumugwagwa, chichipenya kupfuura zuva, chikatipoteredza, ini nevamwe vandaifamba navo. Tese patakanga tawira pasi, ndakanzwa inzwi richiti kwandiri muchiHebheru: ‘Sauro, Sauro, uri kunditambudzireiko? Kuramba uchikava zvibayiso kunoita kuti zvikuomere.’ Ndakabva ndati: ‘Ndimi ani, Ishe?’ Ishe akati: ‘Ndini Jesu, wauri kutambudza.’”f—Mab. 26:12-15.

13 Asati aona chiratidzo ichi, Pauro aiita ‘seaikava zvibayiso.’ Sezvaingoita mhuka yaitakuriswa zvinhu kuti yaigona kuzvikuvadza nekukava chibayiso chaishandiswa pakuitinha, Pauro aitozvirwadzisa paaiita zvaipesana nekuda kwaMwari. Kuzviratidza kwakaita Jesu kuna Pauro mumugwagwa waienda kuDhamasiko kwakaita kuti murume uyu aishingaira asi akarasika, achinje mafungiro ake.—Joh. 16:1, 2.

14, 15. Pauro akati chii nezvekuchinja kwaakanga aita upenyu hwake?

14 Pauro akachinja zvechokwadi mararamiro aaiita. Akati kuna Agripa: “Handina kurega kuteerera chiratidzo ichi chekudenga, asi ndakatangira kune vaya vari muDhamasiko, ndikazoenda kune vaya vari muJerusarema, nenharaunda yese yeJudhiya, uye kumamwe marudzi, ndichivaendesera mashoko ekuti vaifanira kupfidza zvivi zvazvo votendeukira kuna Mwari nekuita mabasa anoratidza kupfidza zvivi.” (Mab. 26:19, 20) Pauro akanga ava nemakore achiita basa iroro raakanga apiwa naJesu Kristu muchiratidzo chaakaona masikati iwayo. Basa racho rakabudirira zvakadini? Vaya vakateerera mashoko akanaka aiparidzwa naPauro vakachinja mararamiro avo eunzenza uye ekusavimbika vakatendeukira kuna Mwari. Vanhu vakadaro vakatanga kugarisana nevamwe zvakanaka munyika, vachiremekedza mitemo yenyika, zvichiita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munyika.

15 Asi zvese izvi zvakanga zvisina basa kuvaJudha vaipikisa Pauro. Akati: “Izvi ndizvo zvakaita kuti vaJudha vandibate mutemberi uye vaedze kundiuraya. Asi nekuti ndakabatsirwa naMwari, nanhasi ndichiri kupupurira vakuru nevadiki.”—Mab. 26:21, 22.

16. Tingatevedzera sei Pauro patinotaura nezvezvatinotenda kumatare uye kumadzimambo?

16 SevaKristu vechokwadi, tinofanira ‘kugara takagadzirira kupindura munhu wese anobvunza’ nezvekutenda kwedu. (1 Pet. 3:15) Patinotaura nezvekutenda kwedu mumatare uye kumadzimambo, tinogona kubatsirwa nekutevedzera nzira yakashandiswa naPauro paaitaura naAgripa naFesto. Patinovaudza neruremekedzo kuti Bhaibheri rakachinja sei upenyu hwedu nehwevaya vatakadzidzisa, vakuru vakuru ava vanogona kuremekedza mashoko atinoparidza.

“Unenge Uchatondinyengetedza Kuva muKristu” (Mabasa 26:24-32)

17. Festo akapindura sei Pauro, uye zvaakaita zvakafanana sei nezvinowanzoitwa mazuva ano?

17 Pavaiteerera Pauro achitaura uchapupu hwake hune simba, vatongi vaviri ava vakanga vasingachakwanisi kuramba vakanyarara. Inzwa zvakazoitika: “Pauro paakanga achiri pakati pekutaura zvinhu izvi achizvimiririra, Festo akashevedzera kuti: ‘Wava kupenga Pauro! Kunyanya kudzidza kwava kukupengesa!’” (Mab. 26:24) Mashoko aFesto anoratidza maonero evakawanda kunyange mazuva ano. Vakawanda vanofunga kuti vanhu vanonyatsodzidzisa zvinotaurwa neBhaibheri vanenge vava kupengeswa naro. Vanhu vanonzi vakachenjera nenyika vanowanzoomerwa nekubvuma zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro pekumuka kwevakafa.

18. Pauro akapindura sei Festo, zvikaita kuti Agripa atii?

18 Asi Pauro akapindura gavhuna wacho achiti: “Handisi kupenga, Changamire Vanoremekedzwa Festo. Ndiri kutaura mashoko echokwadi uye ane musoro. Kutaura chokwadi mambo wandiri kutaura naye ndakasununguka kudai anonyatsoziva zvinhu izvi . . . Mambo Agripa, munotenda zvakanyorwa muVaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.” Agripa akabva apindura kuti: “Unenge uchatondinyengetedza kuva muKristu nenguva pfupi pfupi iwe.” (Mab. 26:25-28) Kunyange zvazvo angave asina kutaura mashoko aya achirevesa, zvaakataura zvinoratidza kuti uchapupu hwakapiwa naPauro hwakava nesimba pana mambo uyu.

19. Festo naAgripa vakapedzisa nekuti chii nezvaPauro?

19 Agripa naFesto vakabva vasimuka, vachiratidza vanhu kuti dare rakanga rapera. “Asi pavakanga vava kuenda, vakataurirana vachiti: ‘Murume uyu haana chaari kuita chakakodzera rufu kana kusungwa.’ Agripa akabva ati kuna Festo: ‘Dai murume uyu asina kukwidza nyaya yake kuna Kesari angadai asunungurwa.’” (Mab. 26:31, 32) Vaiziva kuti murume uyu akanga asina mhosva. Zvichida iye zvino vakanga vachinja maonero avaiita vaKristu.

20. Kupupurira kwakaita Pauro vatongi kwakabatsira sei?

20 Hapana kana mumwe chete pavatongi vese vari kutaurwa munyaya ino akagamuchira mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Saka pane zvazvakabatsira here kuti Pauro amire pamberi pavo vese? Mhinduro ndeyekuti, hongu. ‘Kuendeswa pamberi pemadzimambo nemagavhuna’ kwakaitwa Pauro muJudhiya kwakaguma kwaita kuti uchapupu husvike kuvakuru vakuru veRoma vangadai vasina kuwana uchapupu. (Ruka 21:12, 13) Uyewo zvaakasangana nazvo uye kuramba akatendeka kwaakaita zvakakurudzira hama nehanzvadzi dzake.—VaF. 1:12-14.

21. Kuramba tichiita basa reUmambo kunobatsira sei?

21 Ndizvo zviri kuitikawo mazuva ano. Kuramba tichiita basa reUmambo pasinei nemiedzo uye kupikiswa kunobatsira nenzira dzakawanda. Kunoita kuti tiparidzire vamwe vanhu vane zvinzvimbo vangave vachitiomera kuonana navo. Kutsungirira kwedu takatendeka kunogona kukurudzira hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu, zvoita kuti vatowedzera kushinga mubasa ravo rekupa uchapupu hwakasimba pamusoro peUmambo hwaMwari.

POKIYO FESTO, GAVHUNA AIMIRIRIRA ROMA

Mashoko atinongoziva nezvaPokiyo Festo ndeatinowana muna Mabasa Evaapostora neakataurwa naFlavius Josephus. Festo ndiye akava gavhuna weJudhiya pashure paFerikisi munenge muna 58 C.E. uye kunenge kuti akafa pashure pekutonga kwemakore maviri kana matatu chete.

Pokiyo Festo.

Festo anoratidza sekunge aiva gavhuna akangwara uye aigona basa, kupfuura Ferikisi waakanga atsiva pachigaro uye Albinus akazomutevera. Paakatanga kutonga, muJudhiya makanga makazara makororo. Josephus anoti, “Festo . . . aida kuva nechokwadi chekuti abvisa vanhu vese vanokanganisa vamwe munyika. Saka akabata vakawanda vavo uye akaita kuti vakawanda vaurayiwe.” Makore aaitonga, vaJudha vakavaka rusvingo vachiitira kuti Mambo Agripa asaona zvaiitika patemberi. Festo akatanga avaudza kuti varwupaze. Asi paakakumbirwa nevaJudha, akavabvumira kuti vaendese nyaya yavo kuna Nero, Mambo weRoma.

Festo anoratidza kuti akanga akaomesa mutemo zvechokwadi pamusoro pemakororo nevanhu vaida kupandukira hurumende. Asi panyaya yaPauro akaratidza kuti aiva nechido chekufadza vaJudha, zvekuti akambosendeka padivi kutonga zvakarurama.

MAMBO HERODHI AGRIPA II

Agripa anotaurwa muchitsauko 25 chaMabasa ndiMambo Herodhi Agripa II, mwana wemwana waHerodhi Mukuru uye mwanakomana waHerodhi uya wekurwisa ungano yeJerusarema makore 14 akanga adarika. (Mab. 12:1) Agripa ndiye wekupedzisira pavanhu vekwaHerodhi vakambotonga.

Mambo Herodhi Agripa II.

Pakafa baba vake muna 44 C.E., Agripa, uyo aiva nemakore 17, akanga ari kuRoma, kwaaidzidza ari pamuzinda waKraudhiyo Mambo weRoma. Vanachipangamazano vaKesari vakaona kunge Agripa aiva mudiki zvekuti aisakwanisa kuiswa panzvimbo yababa vake; saka mumwe wemagavhuna eRoma akabva agadzwa kuti ave mambo panzvimbo pake. Flavius Josephus anoti kunyange izvozvo pazvakanga zvaitika, Agripa paakanga achiri kuRoma, aipindira munyaya dzevaJudha achivadzivirira uye achivamiririra.

Munenge muna 50 C.E., Kraudhiyo akaita kuti Agripa atonge Chalcis uye muna 53 C.E., akaita kuti atonge Itureya, Trakonitisi neAbhirene. Temberi yemuJerusarema yakaiswawo mumaoko ake, aine simba rekugadza vapristi vakuru vechiJudha. Nero, uyo akazotevera Kraudhiyo pachigaro, akawedzera nharaunda yaitongwa naAgripa kuti ibatanidze dzimwe nzvimbo dzemuGarireya nePeriya. Paakazotaura naPauro, Agripa akanga auya kuKesariya nehanzvadzi yake Bhenisi, uyo akanga atiza murume wake, mambo weKirikiya.—Mab. 25:13.

Muna 66 C.E., Agripa paakakundikana kudzikamisa vaJudha vaipandukira Roma, vakabva vamupandukirawo iye wacho, saka akanga asisina zvimwe zvekuita kunze kwekutotsigira vaRoma. Pakakurirwa vaJudha vaipandukira umambo, mambo mutsva, Vespasian, akapa Agripa mubayiro wekuwedzera nharaunda dzaaitonga.

a Ona bhokisi rakanzi “Pokiyo Festo, Gavhuna Aimiririra Roma”.

b “Chigaro chekutonga” chainge chakagadzikwa pakakwirira. Kuiswa kwachakanga chakaitwa pakakwirira kwairatidza kuti zvinenge zvasarudzwa nemutongi ndizvo zvekupedzisira uye hazvifaniri kupikiswa. Pirato akagara pachigaro chekutonga paaiongorora zvaipomerwa Jesu.

c Ona bhokisi rakanzi “Kukwidza Nyaya Dzekutsigira Kunamata Kwechokwadi Kumatare Mazuva Ano”.

d Ona bhokisi rakanzi “Mambo Herodhi Agripa II”.

e SemuKristu, Pauro aitenda kuti Jesu ndiye Mesiya. VaJudha, avo vairamba Jesu, vaiona Pauro semunhu akapanduka muchitendero chavo.—Mab. 21:21, 27, 28.

f Mumwe muongorori weBhaibheri akataura nezvemashoko aPauro ekuti aifamba “ava masikati,” achiti: “Munhu aingofamba masikati kana paine chinhu chinokosha chiri kuda kukurumidzirwa chaari kufambira, nekuti yaiwanzova nguva yekuti munhu azorore kuchipisa. Saka izvi zvinonyatsoratidza kuti Pauro aishingaira zvikuru pakutambudza [vaKristu].”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe