Rwiyo 80
Kuva Vakanaka
Rakaprindwa
1. Tofara kuziva kuti
Jehovha akanaka.
Baba vedu vokudenga,
Vakanaka pazvose.
Vanotinzwirawo nyasha,
Dzataisakodzera.
NdiMwari akakodzera
Kuti timunamate.
2. Mumufananidzo wake
Akatisika kuti
Tive vanhu vakanaka,
Tichimutevedzera.
Ngatiwedzere kunatsa,
Tive saiye Mwari.
Ngatikumbirei simba,
Tiite zvakanaka.
3. Kuvanhu vaMwari vose,
Sangano rake rose,
Ti’te zvakanakisisa,
Tibatsirewo vamwe.
Sezvatinoparidzira
Vatinowana vose,
Tisambosarura zvedu;
Ngative vakanaka.
(Onawo Pis. 103:10; Mako 10:18; VaG. 5:22; VaEf. 5:9.)