RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs p. 330-p. 334
  • Sangano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sangano
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Ramba Wakachengeteka Somutezo Wesangano raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Jehovha ndiMwari Akarongeka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Ko Jehovha Anotungamirira Sei Sangano Rake?
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs p. 330-p. 334

Sangano

Tsanangudzo: Boka kana kuti chikwata chevanhu vane basa kana kuti chimwe chinangwa chavanoda kuita. Vanoumba sangano vanoita zvavanoita vachitungamirirwa nemitemo inenge yakarongwa. Zvapupu zvaJehovha zvakazvitsaurira uye zvakabhabhatidzwa zvinoita zvokuzvisarudzira kuuya musangano rake, hazviiti zvokuberekerwamo kana kuti zvokumanikidzwa. Vakauya kusangano iri repasi pano pamusana pezvarinodzidzisa nezvarinoita uye vanodawo kuita basa rinoitwa nesangano iroro.

Jehovha ane sangano chairo pasi pano here?

Kuti upindure mubvunzo iwoyo chimbofunga zvinotevera:

Ngirozi dzaMwari dzakarongeka here?

Dhan. 7:9, 10: “Ndakaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoumambo zvaiswa, Akakwegura Pamazuva akagara ipapo. Chipfeko chake chakanga chakachena sechando, uye bvudzi romusoro wake rakanga rakachena semvere dzemakwai dzisina tsvina. Chigaro chake choumambo chakanga chakaita semirazvo yomoto; mavhiri acho akanga ari moto unopfuta. Paiva norukova rwomoto rwaiyerera ruchibuda pamberi pake. Paiva nezviuru zvine chiuru zvairamba zvichimushumira, uye zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi zvairamba zvimire pamberi pake chaipo. Kutonga kwakatanga, mabhuku akavhurwa.”

Pis. 103:20, 21: “Rumbidzai Jehovha, haiwa imi ngirozi dzake, dzine simba guru, dzinoita zvaanotaura, nokuteerera inzwi reshoko rake. Rumbidzai Jehovha, imi mose mauto ake, imi vashumiri vake, vanoita kuda kwake.” (“Uto” iboka rakarongeka.)

Kare Jehovha aipa vashumiri vake vepasi pano mirayiridzo sei?

Vanamati vaJehovha pavaiva vashoma, aivapa mirayiridzo achishandisa misoro yemhuri yakadai saNoa naAbrahamu, uye vaibva vataurira mhuri dzavo mashoko aJehovha. (Gen. 7:1, 7; 12:1-5) Jehovha paakanunura vaIsraeri kubva kuIjipiti, akavapa mirayiridzo achishandisa Mosesi. (Eks. 3:10) PaGomo reSinai, Mwari akaronga vanhu kuti vave rudzi, achivapa mitemo nemirayiro yaivabatsira pakunamata kwavo uye mabatiro avaifanira kuita vamwe vavo. (Eks. 24:12) Akaronga kuti pave nevapristi vaizotungamirira pakunamata uye kudzidzisa vanhu zvinodiwa naJehovha; dzimwe nguva aiitawo kuti pave nevaprofita vaizorayira kana kuti kunyevera vanhu. (Dheut. 33:8, 10; Jer. 7:24, 25) Kunyange zvazvo Jehovha aiteerera minyengetero yomumwe nomumwe wevanamati vake, aivapa mirayiridzo achishandisa sangano.

Nguva zvayakanga yava kusvika yokuti Jehovha atange kuzviunganidzira vanamati vake vechokwadi achishandisa Jesu Kristu, Mwari akamutuma pasi pano kuti ataure achimumiririra. (VaH. 1:1, 2) Ungano yechiKristu yakabva yatanga pakadururwa mudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E. Pashure pokunge Jesu adzokera kudenga, ungano iyi ndiyo yakazoshandiswa naJehovha kudzidzisa uye kutungamirira muKristu mumwe nomumwe. Paiva nevakuru vaitungamirira ungano, uye dare rinodzora raiita zvisarudzo zvaidiwa uye raibatsira kutungamirira basa racho. Zviri pachena kuti Jehovha akaita kuti pave nesangano pasi pano rinoumbwa nevaKristu vechokwadi.—Mab. 14:23; 16:4, 5; VaG. 2:7-10.

Zvinhu zvatinoona zvakasikwa naJehovha zvinoratidza here kuti ndiMwari akarongeka?

Isa. 40:26: “Tarirai kumusoro muone. Ndiani akasika zvinhu izvi? Ndiye anobudisa uto razvo maererano nokuwanda kwazvo, anozvishevedza zvose nemazita azvo. Nokuda kwoukuru hwesimba rake guru, zvaainewo simba guru, hapana kana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.” (Nyeredzi dzakarongwa mumapoka uye mafambiro adzo akarongeka, kunyange zvazvo imwe neimwe yakasiyana nedzimwe pakusikwa. Zvinhu zvakasikwa zviri kudenga hazvingofambi zvachero asi zvinofamba maererano nemitemo yazvo, nepazvakarongerwa. Magadzirirwo ezvinhu zvacho zvose akarongeka zvokuti masayendisiti akakwanisa kufungidzira kuvapo kwezvimwe zvinhu asati anyatsozviona kuti ndizvo zvazvakaita. Zvose izvi uchapupu hwokurongeka kunoshamisa.)

Bhaibheri rinoratidza kuti vaKristu vechokwadi vaizova vanhu vari musangano here?

Mat. 24:14; 28:19, 20: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza . . . muchivadzidzisa.” (Izvi zvaizoitika sei kana pasina sangano? Jesu paakadzidzisa vadzidzi vake vokutanga basa iri, haana kungovaudza kuti mumwe nomumwe angoenda kwaada kuti anodzidzisa vamwe zvaanotenda nenzira yaanoda. Akavadzidzisa, akavapa mirayiridzo, akavatuma zvakarongeka. Ona Ruka 8:1; 9:1-6; 10:1-16.)

VaH. 10:24, 25: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (Dai kusina sangano rinoungana nguva nenguva richiita misangano, munhu aizoendesa kupi vanhu vanofarira kudzidza shoko raMwari kuitira kuti vateerere mutemo uyu?)

l1 VaK. 14:33, 40: “Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi worugare. . . . Zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.” (Pano muapostora Pauro ari kutaura nezvokurongeka kunofanira kuitwa pamisangano yeungano. Kuti zano iri rakafuridzirwa rigone kushandisika zvinoda kuremekedza sangano.)

1 Pet. 2:9, 17: “Asi imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo, kuti muzivise kwose kwose kunaka’ kwouya akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa. . . . Idai sangano rose rehama.” (Sangano iboka revanhu rinoshanda pamwe kuti ribudirire kuita rimwe basa.)

Vashumiri vaMwari vakatendeka vakangoita rumwe rumwe mumachechi akasiyana-siyana echiKristudhomu here?

2 VaK. 6:15-18: “Munhu akatendeka ane mugove wei nomunhu asingatendi? . . . ‘Naizvozvo ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’; ‘uye ini ndichakugamuchirai.’ ‘Ndichava baba venyu, uye imi muchava vanakomana nevanasikana vangu,’ anodaro Jehovha Wemasimbaose.” (Munhu angava mushumiri akatendeka waMwari here kana achiramba achinamata nevaya vanoita zvinoratidza kuti havatendi? Ona musoro mukuru unoti “Bhabhironi Guru.”)

1 VaK. 1:10: “Zvino ndinokurayirai, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu kuti imi mose mutaure muchibvumirana, uye kuti hapafaniri kuva nokupesana pakati penyu, asi kuti munyatsobatanidzwa mupfungwa imwe chete nomukufunga kumwe chete.” (Kubatana uku hakuwaniki mumachechi akasiyana-siyana echiKristudhomu.)

Joh. 10:16: “Ndine mamwe makwai, asiri edanga rino; iwayowo ndinofanira kuuya nawo, achateerera inzwi rangu, uye achava boka rimwe chete, pasi pomufudzi mumwe chete.” (Sezvo Jesu achazounza vakadai kuti vave “boka rimwe,” hazvisi pachena here kuti havazovi vakangoita rumwe rumwe mumachechi echiKristudhomu?)

Mazuva ano sangano raJehovha rinooneka ringazivikanwa sei?

(1) Rinokudza Jehovha zvechokwadi saMwari woga wechokwadi, richikudza zita rake.—Mat. 4:10; Joh. 17:3.

(2) Rinonzwisisa chaizvo basa raJesu Kristu rinokosha muchinangwa chaJehovha, rokuva munhu achareverera uchangamire hwaJehovha, Mumiriri Mukuru woupenyu, musoro weungano yechiKristu, Mambo anotonga woUmambo hwaMesiya.—Zvak. 19:11-13; 12:10; Mab. 5:31; VaEf. 1:22, 23.

(3) Rinonyatsoita zvose zvakafuridzirwa muShoko raMwari, uye zvose zvarinodzidzisa netsika dzokuzvibata rinozvitora muBhaibheri.—2 Tim. 3:16, 17.

(4) Rinoramba rakaparadzana nenyika.—Jak. 1:27; 4:4.

(5) Pamusana pokuti Jehovha pachake mutsvene, iro rinoramba richiita kuti mumwe nomumwe wavo ave netsika dzakanaka chaizvo.—1 Pet. 1:15, 16; 1 VaK. 5:9-13.

(6) Rinozvipira nomwoyo wose kuita basa rakagara rataurwa muBhaibheri kuti richaitwa mazuva ano, kureva kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari pasi rose nokuda kwouchapupu.—Mat. 24:14.

(7) Pasinei nokusakwana, mumwe nomumwe wavo anoedza kuva nechibereko chomudzimu chinoumbwa nekuva nerudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora, vachizviita zvokuti zvinobva zvavasiyanisa nenyika.—VaG. 5:22, 23; Joh. 13:35.

Tingaremekedza sei sangano raJehovha?

1 VaK. 10:31: “Itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.”

VaH. 13:17: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira.”

Jak. 1:22: “Ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi chete.”

Tito 2:11, 12: “Mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unounza ruponeso kuvanhu vemarudzi ose wakaratidzwa pachena, uchitirayiridza kuti tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari nokuchiva kwenyika uye kuti tirarame nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna Mwari.”

1 Pet. 2:17: “Idai sangano rose rehama.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe