Shoko Ratinofanira Kuzivisa
Jehovha akatipa basa neropafadzo huru achiti: “Imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari.” (Isa. 43:12) Hatisi vatendi chete. Tiri zvapupu zvinopupurira pachena chokwadi chiri muShoko raMwari rakafuridzirwa. Ishoko ripi ratakanzi tiendese naJehovha muzuva redu? Rakananga pana Jehovha Mwari, Jesu Kristu, noUmambo hwaMesiya.
“ITYA MWARI [WECHOKWADI] UCHENGETE MIRAYIRO YAKE”
KARE kare chiKristu chisati chatanga, Jehovha akaudza Abrahamu akatendeka nezvourongwa hwokuti “ndudzi dzose dzenyika” dzizvikomborere. (Gen. 22:18) Akafuridzirawo Soromoni kunyora nezvechinodiwa chinofanira kuitwa nevanhu vose: “Itya Mwari, uchengete mirayiro yake, nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.” (Mup. 12:13) Asi vanhu vanogara mundudzi dzose vaizoziva sei nezvezvinhu izvi?
Kunyange zvazvo kwakagara kuine vanhu vaitenda mushoko raMwari, Bhaibheri rinoratidza kuti kupupurira kukuru munyika yose, kwaizosvika ndudzi dzose nemashoko akanaka, kwakanga kwakachengeterwa “zuva raShe.” Izvi zvakatanga muna 1914. (Zvak. 1:10) Nezvenguva iyi, Zvakazarurwa 14:6, 7 yakafanotaura kuti kuzivisa kunokosha kwaizoitwa “kumarudzi ose ne[ma]dzinza nendimi nevanhu,” kuchitungamirirwa nengirozi. Vaizokurudzirwa kuti “Ityai Mwari mumupe mbiri, nokuti awa yokutonga kwake yasvika, nokudaro namatai Iye akasika denga nepasi negungwa nezvitubu zvemvura.” Chido chaMwari kuti shoko iri risvike kuvanhu. Tine ropafadzo yokushanda mubasa iroro.
‘Mwari Wechokwadi.’ Jehovha paakazivisa kuti: “Imi muri zvapupu zvangu,” paiva nemakakatanwa okuti Mwari wechokwadi ndiani. (Isa. 43:10) Shoko rinofanira kukurukurwa harisi rokungoti vanhu vanofanira kuva nechitendero kana kuti kutenda mune anonzi mwari zvakewo. Asi vanofanira kupiwa mukana wokudzidza kuti Musiki wedenga nenyika ndiye Mwari wechokwadi bedzi. (Isa. 45:5, 18, 21, 22; Joh. 17:3) Mwari wechokwadi bedzi ndiye anogona kutaura nezvenguva yemberi nenzira yakavimbika. Iropafadzo yedu kuratidza kuti kuzadzikwa kweshoko raJehovha munguva dzakapfuura kunopa chikonzero chakasimba chokuva nechivimbo chokuti zvinhu zvose zvaakapikira mune remangwana zvichaitika.—Josh. 23:14; Isa. 55:10, 11.
Ichokwadi kuti vamwe vatinoparidzira vanonamata vamwe vanamwari kana kuti vanoti hapana mwari wavanonamata. Kuti tiwane nzeve inoteerera, tingada kutanga nechimwe chinhu chatinofarira tose. Tinogona kubatsirwa nomuenzaniso wakanyorwa pana Mabasa 17:22-31. Ona kuti kunyange zvazvo muapostora Pauro akanga akachenjerera, asi akataura zvakajeka kuzvidavirira kwevanhu vose kuna Mwari, Musiki wedenga nepasi.
Kuzivisa Zita raMwari. Usarega kuzivisa Mwari wechokwadi nezita rake. Jehovha anoda zita rake. (Eks. 3:15; Isa. 42:8) Anoda kuti vanhu vazive zita iroro. Akaita kuti zita rake rakaisvonaka riiswe muBhaibheri kanopfuura ka7 000. Ibasa redu kuita kuti vanhu varizive.—Dheut. 4:35.
Tariro youpenyu hwemangwana hwevanhu vose inobva pakuziva kwavo Jehovha uye kudana kwaari nokutenda. (Joe. 2:32; Mar. 3:16; 2 VaT. 1:8) Asi vanhu vazhinji havazivi Jehovha. Izvi zvinosanganisira vazhinji vevaya vanoti vanonamata Mwari womuBhaibheri. Kunyange kana vaine Bhaibheri uye vachiriverenga, vangave vasingazivi zita raMwari nokuti rakabviswa mushanduro zhinji dzemazuva ano. Vamwe vakangonzwa nezvezita raJehovha pavaiudzwa nevafundisi vavo kuti vasarishandisa.
Tingaita sei kuti vanhu vazive zita raMwari? Hapana chinobudirira kupfuura kuvaratidza muBhaibheri—Bhaibheri ravo kana zvichiita. Mune dzimwe shanduro, zviuru nezviuru zvezita iroro zvirimo. Mune dzimwe, ringangowanikwa pana Pisarema 83:18 chete kana kuti pana Eksodho 6:3-6, kana kuti ringawanikwa pamashoko omuzasi pana Eksodho 3:14, 15 kana kuti 6:3. Mushanduro dzakawanda mashoko anotsiva akadai sa“Ishe,” “Tenzi” kana kuti “Mwari,” anoiswa akanyorwa zvakasiyana nemamwe apo rugwaro rwekare runenge rune zita raMwari pachake. Somuenzaniso muBhaibheri Rinoyera, zita rokuti Jehovha iri rakanzi TENZI, asi kuti rinomirira kuti Jehovha zviri kumapeji okupedzisira panotsanangurwa shoko rokuti Tenzi. Pakasiyiwa zita raMwari nevashanduri vazvino uno zvachose, ungafanira kushandisa shanduro yeBhaibheri yekare kuonesa vanhu zvakaitwa. Mune dzimwe nyika ungavaratidza zita raMwari mumabhuku enziyo dzechitendero kana kuti pane zvakanyorwa pachivako chinozivikanwa navose.
Kunyange kuna vaya vanonamata vamwe vanamwari, Jeremiya 10:10-13 Shanduro yeNyika Itsva inogona kushandiswa zvinobudirira chaizvo. Haingotauri zita raMwari chete asi inojekesawo kuti iye ndiani.
Usavanze zita raMwari nemazita akadai sokuti “Mwari,” “Ishe,” na“Tenzi” sezvinoita chiKristudhomu. Izvi hazvirevi kuti zita racho rinofanira kushandiswa pose paunotanga kutaura. Pamusana pokufungira zvisiri izvo, vamwe vanhu vangabva vati havachadi kuramba vachitaura newe. Asi kana wava nepokutangira kukurukurirana, usanyara kushandisa zita raMwari.
Zvinokosha kuona kuti Bhaibheri rinoshandisa zita raMwari kakawanda kudarika kushandisa kwarinoita mamwe mazita akadai sa“Ishe,” “Tenzi,” na“Mwari” zvikasanganiswa. Kunyange zvakadaro, vanyori veBhaibheri havana kuedza kushandisa zita raMwari muchirevo chiri chose. Zvaingoerekana zvaitika, norusununguko, uye nokuremekedza. Uyu muenzaniso wakanaka wokutevedzera.
Munhu Anoziviswa Nezita Racho. Kunyange zvazvo chiri chokwadi chinokosha kuti Mwari ane zita rake oga, ikoko kunongova kutanga kumuziva.
Kuti vanhu vade Jehovha uye vova nokutendeka maari, vanofanira kuziva kuti ndiMwari akaita sei. Jehovha paakazivisa zita rake kuna Mosesi paGomo reSinai, Iye haana kungodzokorora kuti “Jehovha” chete. Akataura nezvezvaari zvinomusiyanisa nevamwe. (Eks. 34:6, 7) Iwoyo muenzaniso wokuti isu titevedzere.
Ungave uchiparidza kune vatsva vachangotanga kufarira kana kuti uchipa hurukuro muungano, paunotaura nezvezvikomborero zvoUmambo, ratidza kuti izvozvo zvinozivisei nezvaMwari anoita zvipikirwa izvozvo. Paunotaura nezvemirayiro yake, simbisa uchenjeri norudo zvazvinoratidza. Jekesa kuti zvinodiwa naMwari hazviiti kuti tiomerwe nezvinhu asi, zvakagadzirirwa kutibatsira. (Isa. 48:17, 18; Mika 6:8) Ratidza kuti chimwe nechimwe chinoitwa naJehovha achiratidza simba rake chinoratidza chimwe chinhu pamusoro pezvaari, nheyo dzake, uye zvinangwa zvake. Ratidza kuti Jehovha ane mwero munzira yaanoratidza nayo zvaari. Vanhu ngavakunzwe uchitaura manzwiro aunoita nezvaJehovha. Kuda kwako Jehovha kunogona kubatsira vamwe kuti vave norudo rwakadaro.
Shoko rinokosha romuzuva redu nderokuti vanhu vose vatye Mwari. Tinofanira kuedza kuita kuti vamwe vave nokutya Mwari kwakadaro nezvatinotaura. Uku kutya kwakanaka, kukudza Jehovha, kumuremekedza kwokumunamata. (Pis. 89:7) Kunosanganisira kuziva kuti Jehovha ndiye Mutongi mukuru kupfuura vamwe vose uye kuti remangwana redu rinobva pakutenderwa naye. (Ruka 12:5; VaR. 14:12) Naizvozvo kutya kwakadaro kwakasangana nokumuda zvikuru uye chido chikuru chokumufadza. (Dheut. 10:12, 13) Kutya Mwari kunotiitawo kuti tivenge zvakaipa, titeerere mirayiro yake, uye timunamate nomwoyo wose. (Dheut. 5:29; 1 Mak. 28:9; Zvir. 8:13) Kunotidzivirira pakuedza kushumira Mwari asi tichida zvinhu zvenyika.—1 Joh. 2:15-17.
Zita raMwari—“Nhare Yakasimba.” Vanhu vanosvika pakuziva Jehovha zvechokwadi vanowana dziviriro huru. Izvi hazvibvi pakuti vanoshandisa zita raMwari kana kuti vanogona kudonongodza zvaari, asi pakuti vanovimba naJehovha. Nezvavo, Zvirevo 18:10 inoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba; wakarurama unovangiramo ndokuchengetwa.”
Shandisa zvakanaka mikana yokukurudzira vamwe kuvimba naJehovha. (Pis. 37:3; Zvir. 3:5, 6) Kuvimba kwakadaro kunoratidza kutenda muna Jehovha nezvipikirwa zvake. (VaH. 11:6) Kana vanhu ‘vakadana zita raJehovha’ nokuti vanoziva kuti ndiye Changamire Wezvakasikwa Zvose, nokuti vanoda nzira dzake uye vanotenda zvakakwana kuti ruponeso rwechokwadi runobva kwaari chete, zvikadaro—Shoko raMwari rinotivimbisa kuti—vachaponeswa. (VaR. 10:13, 14) Sezvaunodzidzisa vamwe, vabatsire kuti vave nokutenda kwakadaro maererano nechinhu chose choupenyu.
Vanhu vazhinji vanotarisana nezvinetso zvakakomba. Vangasaona nzira yokubuda nayo mazviri. Vabatsire kudzidza nzira dzaJehovha, kuvimba naye, uye kushandisa zvavanodzidza. (Pis. 25:5) Vakurudzire kunyengetera nomwoyo wose kuti Mwari avabatsire uye kuti vamutende nokuvakomborera kwaanoita. (VaF. 4:6, 7) Pavanosvika pakuziva Jehovha, kwete nokungoverenga mamwe mashoko muBhaibheri asi nokuona kuzadzika kwezvipikirwa zvake muupenyu hwavo, vachatanga kuwana kuchengeteka kunobva pakunyatsonzwisisa zvinorehwa nezita rokuti Jehovha.—Pis. 34:8; Jer. 17:7, 8.
Shandisa mukana wose kubatsira vanhu kunzwisisa uchenjeri hwokutya Mwari wechokwadi, Jehovha, uye hwokuchengeta mitemo yake.
“KUPUPURIRA JESU”
AMUTSWA, asi asati adzokera kudenga, Jesu Kristu akapa mirayiridzo kuvadzidzi vake, achiti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mab. 1:8) Vashumiri vaMwari vakavimbika muzuva redu vanotaurwa sevaya “vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvak. 12:17) Uri kushingaira zvakadini nezvokupupurira ikoko?
Vanhu vakawanda vanotaura nomwoyo wose kuti vanotenda muna Jesu, havatombozivi nezvokuvapo kwake asati ava munhu. Havatombozivi kuti aiva munhu zvechokwadi paaiva pasi pano. Havatombonzwisisi zvinorehwa nokuva kwake Mwanakomana waMwari. Vanoziva zvishomanana nezvebasa rake mukuzadzikwa kwechinangwa chaMwari. Havatombozivi zvaari kuita iye zvino, uye havatombozivi kuti upenyu hwavo huchachinjwa sei nezvaachaita munguva yemberi. Pamwe vanotokanganisa kufunga vachiti Zvapupu zvaJehovha hazvitendi muna Jesu. Tine mukana wokushingairira kuzivisa chokwadi chezvinhu izvi.
Uyewo kune vanhu vanototi munhu akaita saJesu, anotaurwa nezvake muBhaibheri haana kumbovapo. Vamwe vanongoona Jesu somunhuwo zvake akakurumbira. Vazhinji vanoramba pfungwa yokuti iye Mwanakomana waMwari. “Kupupurira Jesu” pakati pevanhu vakadaro kunoda kushanda nesimba, kushivirira, uye kushandisa njere.
Pasinei nemaonero evateereri vako, vanofanira kuwana zivo nezvaJesu Kristu kana vachizowana chipo chaMwari choupenyu husingagumi. (Joh. 17:3) Chido chaMwari chakataurwa pachena ndechokuti vanhu vose vapenyu vano“fanira kubvuma pachena kuti Jesu Kristu ndiShe” uye vanofanira kuzviisa pasi pechiremera chake. (VaF. 2:9-11) Saka hatingangonyarari nyaya yacho patinosangana nevanhu vanofunga zvisizvo kana kuti vasinganzwisisi. Paimwe nguva tinogona kutaura norusununguko nezvaJesu Kristu—kunyange pakushanya kwedu kwokutanga—asi kune vamwe, tingatofanira kutaura mamwe mashoko nouchenjeri achabatsira vateereri vedu kutanga kufunga zvakanaka nezvake. Tingatofanirawo kufunga nezvenzira dzokusuma nadzo zvimwe zvinhu zvokuwedzera nezvenyaya yacho mukushanya kunotevera. Zvisinei, zvingasagoneka kukurukura zvose zvinodiwa kusvikira tava kudzidzisa munhu wacho Bhaibheri.—1 Tim. 2:3-7.
Nzvimbo Inokosha yaJesu Muchinangwa chaMwari. Tinofanira kubatsira vanhu kunzwisisa kuti sezvo Jesu ari iye “nzira” uye pasina anoenda kuna Baba asingaendi nokwaari,’ hazvibviri kuva noukama hwakanaka naMwari pasina kutenda muna Jesu Kristu. (Joh. 14:6) Kutoti munhu aziva basa rinokosha iro Jehovha akapa Mwanakomana wake wedangwe, hazvibviri kunzwisisa Bhaibheri. Nei? Nokuti Jehovha akaita kuti uyu Mwanakomana ave musimboti wezvinangwa Zvake. (VaK. 1:17-20) Apa ndipo pane uprofita hwose hweBhaibheri. (Zvak. 19:10) Zvinetso zvose zvakakonzerwa nokupandukira kwaSatani, nechivi chaAdhamu zvinopedzwa nokuna Jesu Kristu.—VaH. 2:5-9, 14, 15.
Kuti munhu anzwisise basa raKristu, anofanira kuziva kuti vanhu vari mumamiriro ezvinhu anosiririsa avasingagoni kuzvinunura. Tose tinozvarirwa muchivi. Izvi zvinotikanganisa munzira dzakasiya-siyana munguva yatinenge tiri vapenyu. Pakupedzisira, tinofa. (VaR. 3:23; 5:12) Kurukura izvozvo nevaya vaunopupurira. Zvadaro, ratidza kuti Jehovha norudo akaita kuti zvibvire kuti vaya vanotenda chipo chorudzikinuro chaJesu Kristu vapone pachivi norufu. (Mako 10:45; VaH. 2:9) Izvi zvinovavhurira nzira yokuwana upenyu husingaperi vava vanhu vakakwana. (Joh. 3:16, 36) Izvi hazvibviri neimwe nzira. (Mab. 4:12) Iwe somudzidzisi, nyatsojekesa zvinhu izvi, mungava muungano kana kuti muri moga nomumwe munhu. Ita kuti vateereri vako vaonge basa raKristu soMudzikinuri wedu, uchidaro nomutsa nokushivirira. Kuonga chipo ichi kunogona kuchinja zvikuru maonero omunhu, tsika dzake uye zvaanovavarira muupenyu.—2 VaK. 5:14, 15.
Ichokwadi kuti Jesu akapa upenyu hwake kuti huve chibayiro kamwe chete. (VaH. 9:28) Zvisinei, zvino ari kutoshanda soMupristi Mukuru. Batsira vamwe kuti vanzwisise kuti izvozvo zvinorevei. Vari kushushikana mupfungwa here, vakaora mwoyo here, vari kutambura here, kana kuti vane matambudziko pamusana pevanhu vasina mutsa vavanogara navo here? Jesu paaiva munhu, akaitirwa zvinhu izvi zvose. Anoziva manzwiro atinoita. Tinonzwa kudiwa kwetsitsi dzaMwari here, pamusana pokusakwana kwatiinako? Kana tikanyengetera kuna Mwari kuti tikanganwirwe muchibayiro chaJesu, Jesu achaita so“mubatsiri ari kuna Baba.” Iye “anotikumbirirawo” nomutsa. (1 Joh. 2:1, 2; VaR. 8:34) Nemhaka yechibayiro chaJesu uye nebasa rake soMupristi Mukuru, tinokwanisa kuswedera “kuchigaro choumambo chomutsa usina kufanirwa” chaJehovha kuti tibatsirwe panguva yakakodzera. (VaH. 4:15, 16) Kunyange zvazvo tisina kukwana, rubatsiro runopiwa naJesu soMupristi Mukuru runotiita kuti tikwanise kushumira Mwari nehana yakachena.—VaH. 9:13, 14.
Uyewo Jesu ane simba guru nokuti ndiye akagadzwa naMwari kuva Musoro weungano yechiKristu. (Mat. 28:18; VaEf. 1:22, 23) Zvazvakadaro, anopa utungamiriri hunodiwa hunopindirana nezvinodiwa naMwari. Paunodzidzisa vamwe, vabatsire kunzwisisa kuti Jesu Kristu, ndiye Musoro weungano, kwete mumwe munhuwo zvake. (Mat. 23:10) Kubvira paunotanga kuonana nevanofarira, vakoke kumisangano yeungano munzvimbo imomo, kwatinodzidza Bhaibheri tichibatsirwa nezvatinopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” Vatsanangurire kuti “muranda” ndiani, uye kuti Tenzi ndiani, kuti vazive kuva musoro kwaJesu. (Mat. 24:45-47) Vasume kuvakuru, uye tsanangura zvinodiwa zviri muMagwaro zvakaita kuti vazova vakuru. (1 Tim. 3:1-7; Tito 1:5-9) Vaudze kuti ungano haisi yevakuru asi kuti vanotibatsira kufamba mumakwara aJesu Kristu. (Mab. 20:28; VaEf. 4:16; 1 Pet. 5:2, 3) Batsira vanofarira ava kuti vaone kuti pane sangano rakarongeka riri kushanda munyika yose richitungamirirwa naKristu.
Mumabhuku eEvhangeri, tinodzidza kuti Jesu paakapinda muJerusarema nguva pfupi asati afa, vadzidzi vake vakamurumbidza vachiti “Iye anouya saMambo muzita raJehovha!” (Ruka 19:38) Vanhu zvavanodzidza Bhaibheri zvakadzama, vanodzidza kuti Jehovha zvino akapa Jesu simba rokutonga iro vanhu vose vanofanira kubvuma. (Dhan. 7:13, 14) Paunopa hurukuro muungano kana kuitisa zvidzidzo, batsira vanhu kuti vanzwisise zvinofanira kurehwa noutongi hwaJesu kwatiri tose.
Ratidza kuti mararamiro edu anoratidza kana tichinyatsotenda chaizvoizvo kuti Jesu Kristu ndiMambo uye kana tichizviisa pasi pokutonga kwake nokuzvidira. Taura nezvebasa iro Jesu akapa vateveri vake kuti vaite pashure pokunge azodzwa kuva Mambo. (Mat. 24:14; 28:18-20) Kurukura izvo Jesu, Mupi Wezano Anoshamisa, akataura nezvezvinofanira kuuya pokutanga muupenyu. (Isa. 9:6, 7; Mat. 6:19-34) Taura nezvepfungwa iyo Muchinda Worugare akataura kuti vateveri vake vaizoratidza. (Mat. 20:25-27; Joh. 13:35) Chenjerera kuti iwe hauzozviiti mutongi wokuona kuti vamwe vari kuita zvakawanda sezvavanofanira here, asi vakurudzire kufungisisa kana zvavari kuita zvichiratidza kuzviisa kwavo pasi poumambo hwaKristu. Sezvaunodaro, bvumawo kuti newewo unoda kuita izvozvo.
Kuisa Kristu Senheyo. Bhaibheri rinofananidza basa rokuita mudzidzi wechiKristu nokuvaka chivako nheyo yacho ari Jesu Kristu. (1 VaK. 3:10-15) Kuti uite izvi, batsira vanhu kuti vazive Jesu sokutsanangurwa kwaanoitwa muBhaibheri. Chenjerera kuti havaoni sokuti vari kutevera iwewe. (1 VaK. 3:4-7) Ita kuti vafunge nezvaJesu Kristu.
Kana nheyo yacho yakaitwa zvakanaka, vadzidzi vachanzwisisa kuti Kristu akatisiyira muenzaniso wokuti ti“nyatsotevera tsoka dzake.” (1 Pet. 2:21) Kuti uvakire ipapo kurudzira vadzidzi kuverenga Evhangeri somuenzaniso unofanira kutevedzerwa kwete senhauwo zvayo yechokwadi. Vabatsire kufungisisa nezvemafungiro aJesu nounhu hwake. Vakurudzire kufungisisa nezvemanzwiro aJesu pamusoro paBaba vake, kuti akaita sei paaiedzwa, kuzviisa pasi paMwari kwaakaita, uye kubata kwaakaita nevanhu mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Simbisa raiva basa guru muupenyu hwaJesu. Zvadaro, paanofanira kusarudza kana kuti paanotarisana nemiedzo muupenyu, mudzidzi achazvibvunza kuti: ‘Jesu aizoitei mumamiriro aya ezvinhu? Zvandichaita zvicharatidza kunzwisisa zvaakandiitira here?’
Paunotaura pamberi peungano, usagumisa kuti sezvo hama dzako dzichitotenda muna Jesu, hapana chikonzero chokunyatsotaura nezvake. Zvaunotaura zvinenge zviine uremu kana ukavakira pakutenda ikoko. Paunotaura nezvemisangano, batanidza izvi nebasa raJesu soMusoro weungano. Paunotaura nezvoushumiri hwomumunda, taura nezvemaitiro aiita Jesu ushumiri hwake, uye taura nezvoushumiri uchinzwisisa izvo Kristu saMambo ari kuita kuunganidza vanhu kuti vazoponeswa munyika itsva.
Zviri pachena kuti zvakawanda zvinodiwa pane kungodzidza zvinhu zvishomanana nezvaJesu. Kuti vanhu vave vaKristu chaivo, vanofanira kuva nokutenda maari uye vomuda zvechokwadi. Rudo irworwo runoita kuti vateerere nokuvimbika. (Joh. 14:15, 21) Runoita kuti vanhu vamire vakatsiga mukutenda munguva dzenhamo, varambe vachifamba mumakwara aKristu mumazuva ose oupenyu hwavo, varatidze kuti vava vaKristu vave nezivo, ‘vakadzika midzi uye vakasimbiswa panheyo.’ (VaEf. 3:17) Nzira yakadaro inounza mbiri kuna Jehovha, Mwari naBaba vaJesu Kristu.
“AYA MASHOKO AKANAKA OUMAMBO”
PAAIPA mashoko echiratidzo chokuvapo kwake nechokuguma kwenyika ino, Jesu akafanotaura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.”—Mat. 24:14.
Chaizvoizvo aya mashoko anofanira kuziviswa kwose kwose kudai chii? NdeoUmambo hwatakadzidziswa naJesu kunyengeterera kuna Mwari tichiti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mat. 6:10) Zvakazarurwa 11:15 inohurondedzera so“umambo hwaShe wedu [Jehovha] nehwaKristu wake” nokuti simba rokutonga rinobva kuna Jehovha ropiwa Kristu saMambo. Zvisinei, ona kuti shoko rakanzi naJesu richaziviswa muzuva redu rinopfuura zvakaziviswa nevateveri vake muzana remakore rokutanga. Vakaudza vanhu kuti: “Umambo hwaMwari hwasvika pedyo nemi.” (Ruka 10:9.) Jesu, uyo akazodzwa kuva Mambo, aiva pakati pavo panguva iyoyo. Asi sezvakanyorwa pana Mateu 24:14, Jesu akafanotaura kuziviswa kwomunyika yose kwechimwe chiitiko mukuzadzika kwezvinangwa zvaMwari.
Muprofita Dhanieri akaratidzwa chiitiko ichochi. Akaona “mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu,” Jesu Kristu, achipiwa no“wakakwegura pamazuva,” Jehovha Mwari, “simba, nokubwinya noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire.” (Dhan. 7:13, 14) Chiitiko ichocho chinokosha muchisiko chose chakaitika mudenga mugore ra1914. Zvadaro, Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vakabva vakandirwa pasi panyika pano. (Zvak. 12:7-10) Nyika yekare yakanga yapinda mumazuva ayo okupedzisira. Asi isati yabviswa zvachose, kuziviswa kwokuti Mesiya, Mambo akagadzwa naJehovha zvino ava kutonga ari pachigaro chake chokudenga kuri kuitwa. Kwose kwose vanhu vari kuziviswa izvozvo. Zvavachaita zvinoratidza pavamire pamaonero avo Wokumusoro-soro soMutongi “pakati pevanhu.”—Dhan. 4:32.
Hapana mubvunzo kuti zvakawanda zvichauya—zvakatowanda! Tichiri kunyengetera tichiti, “Umambo hwenyu ngahuuye,” asi izvi hazvisi nepfungwa yokuti kugadzwa kwoUmambo hwaMwari kuchiri munguva yemberi. Asi, nepfungwa yokuti Umambo hwokudenga huchaita chimwe chinhu nenzira inooneka kuzadzisa uprofita hwakadai saDhanieri 2:44 naZvakazarurwa 21:2-4. Huchachinja pasi kuva paradhiso yakazara nevanhu vanodanana uye vanoda Mwari. Sezvatinoparidza “aya mashoko akanaka oumambo,” tinotaura izvozvo zvatinotarisira munguva yemberi. Asi tinozivisawo nechivimbo kuti Jehovha akatopa Mwanakomana wake simba rokutonga rakakwana. Uri kusimbisa aya mashoko akanaka paunopupura nezvoUmambo here?
Kutsanangura Umambo. Tingaita sei basa redu rokuzivisa Umambo hwaMwari? Tingaita kuti vanhu vafarire nokutanga kukurukura nyaya dzakasiyana-siyana, asi zvinofanira kukurumidza kujeka kuti shoko redu nderoUmambo hwaMwari.
Chimwe chinhu chinokosha pabasa iri kuverenga kana kuti kutaura zviri mumagwaro anoreva nezvoUmambo. Paunotaura nezvoUmambo, iva nechokwadi chokuti vaya vaunotaura navo vanonzwisisa zvahuri. Zvakawanda zvingadiwa kupfuura kungotaura kuti Umambo hwaMwari ihurumende. Zvingaomera vamwe vanhu kufunga nezvechinhu chisingaoneki kuva hurumende. Ungakurukura navo nenzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, mhepo inovhuvhudza haioneki, asi ine simba rinooneka paupenyu hwedu. Hatigoni kuona Iye anodzora mhepo, asi zviri pachena kuti ane simba guru. Bhaibheri rinomuti “Mambo asingagumi.” (1 Tim. 1:17) Kana kuti ungataura kuti munyika yakakura vanhu vakawanda havasati vambosvika kuguta guru kana kuona mutongi wavo chiso nechiso. Vanoziva nezvezvinhu izvi nokunzwa nhau. Saizvozvowo, Bhaibheri, iro rakabudiswa mumitauro inopfuura 2 200, rinotiudza nezvoUmambo hwaMwari; rinotiudza nezveakapiwa simba iroro uye chiri kuitwa noUmambo hwacho. Nharireyomurindi, magazini inobudiswa mumitauro inopfuura mimwe yose, inobuda nguva nenguva, ndeyo“Kuzivisa Umambo hwaJehovha” chete chete, sezvakanyorwa pamusoro pepeji yokutanga.
Kuti ubatsire vanhu kunzwisisa kuti Umambo chii, ungataura zvimwe zvezvinhu zvavanoda kuti hurumende dzigadzirise: kuchengeteka mune zvoupfumi, rugare, kusununguka pakuparwa kwemhosva, kubatwa zvakaenzana kwevanhu vemadzinza ose, dzidzo, uye utano hwakanaka. Ratidza kuti zvinhu izvi uye zvimwe zvose zvinodiwa nevanhu zvakanaka zvichazadziswa noUmambo hwaMwari chete.—Pis. 145:16.
Edza kuvaita kuti vanzwe vachida kutongwa noUmambo ihwohwo, hunotongwa naJesu Kristu ari Mambo. Ratidza zvishamiso zvaakaita kufanoratidza zvaachaita ava Mambo wokudenga. Gara uchitaura nezvounhu hwakanaka hwaakaratidza. (Mat. 8:2, 3; 11:28-30) Tsanangura kuti akatifira, zvadaro Mwari akamumutsira kuupenyu hwokusafa mumatenga. Anotonga ari ikoko saMambo.—Mabasa 2:29-35.
Simbisa kuti Umambo hwaMwari zvino huri kutonga huri kumatenga. Zvisinei, ziva kuti vanhu vakawanda havaoni zvinhu zvavanofunga kuti zvaizoratidza kutonga ikoko. Ratidza kuti izvozvo unozviziva, asi vabvunze kana vachiziva zvakataurwa naJesu Kristu kuti zvaizova chiratidzo chacho. Taura zvimwe zvezvinhu zvizhinji zvinoumba chiratidzo chiri muna Mateu chitsauko 24, Mako chitsauko 13, kana kuti Ruka chitsauko 21. Zvadaro wobvunza kuti nei kugadzwa kwaKristu kudenga kwaizoita kuti zvinhu zvidaro panyika. Muratidze Zvakazarurwa 12:7-10, 12.
Souchapupu hunooneka hwezviri kuitwa noUmambo hwaMwari, verenga Mateu 24:14, worondedzera purogiramu yedzidzo yeBhaibheri yomunyika yose iri kuitwa iye zvino. (Isa. 54:13) Udza vanhu nezvezvikoro zvakasiyana-siyana zvinobatsira Zvapupu zvaJehovha—dzidziso yose iri yomuBhaibheri, uye zvisingabhadharwi. Tsanangura kuti kuwedzera paushumiri hwedu hwepasuo nesuo, tinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha pachena nevanhu vari voga kana kuti mhuri munyika dzinopfuura 230. Ihurumende ipi yevanhu inogona kupa dzidzo yakakura kudaro kwete vainotonga chete asi pasi pose? Koka vanhu kuti vauye kuImba yoUmambo, kuti vapinde magungano nekokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha, kuti vaone uchapupu hwokuti dzidzo yakadaro iri kuchinja sei upenyu hwevanhu.—Isa. 2:2-4; 32:1, 17; Joh. 13:35.
Asi saimba achaziva here kuti upenyu hwake hunobatanidzwawo sei? Ungamuudza nokuchenjerera kuti wauya kuti ukurukure naye mukana uripo kune vanhu vose wokusarudza upenyu sevanhu vanotongwa noUmambo hwaMwari. Sei? Nokudzidza zvinodiwa naMwari ndokurarama maererano nazvo iye zvino.—Dheut. 30:19, 20; Zvak. 22:17.
Kubatsira Vamwe Kuisa Umambo Pakutanga. Kunyange pashure pokunge munhu agamuchira shoko roUmambo, pane zvaanofanira kusarudza. Umambo hwaMwari achahuisa pachinzvimbo chipi muupenyu hwake? Jesu akakurudzira vadzidzi vake ‘kuramba . . . vachitanga kutsvaka umambo.’ (Mat. 6:33) Tingabatsira sei vaKristu vatinonamata navo kuita izvozvo? Isu pachedu tinofanira kuva nomuenzaniso wakanaka uye nokukurukura mikana iripo. Padzimwe nguva nokubvunza kana munhu akambofunga nezvezvimwe zvaangaita uye kutaurirana zvakaitika zvinoratidza zviri kuitwa nevamwe. Nokukurukura nyaya dzeBhaibheri nenzira inoita kuti kuda kwaanoita Jehovha kudzame. Nokusimbisa kuti Umambo chinhu chechokwadi. Nokusimbisa kukosha chaiko kwebasa rokuzivisa Umambo. Zvakanakisisa hazviwanzoitwi nokungoudza vanhu zvinofanira kuitwa, asi nokuita kuti vanzwe vachida kuzviita.
Hapana mubvunzo kuti shoko rinokosha ratinofanira kuzivisa tose rinotaura zvikurukuru nezvaJehovha Mwari, Jesu Kristu, uye Umambo. Chokwadi chinokosha pamusoro pazvo chinofanira kusimbiswa mukupupurira kwedu kuvanhu vose, muungano dzedu, uye muupenyu hwedu. Patinoita izvozvo tinoratidza kuti tiri kubatsirwa zvechokwadi nedzidzo yeChikoro chaMwari Choushumiri.