RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs p. 168-p. 172
  • Kutama-tama Kwemweya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutama-tama Kwemweya
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Mumwe Munhu Akati—
  • Shoko raMwari Rinodzidzisa Kuberekwazve Here?
    Mukai!—1994
  • Bhaibheri Rinodzidzisa Kuti Kana Munhu Afa Anozoberekwazve Nemumwe Muviri Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuberekwazve Chinhu Chinokosha Kuzvakavanzika Zvoupenyu Here?
    Mukai!—1994
  • Zvinoitika Zvokuberekwazve Zvinorondedzerwa
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs p. 168-p. 172

Kutama-tama Kwemweya

Tsanangudzo: Dzidziso yokuti munhu anoberekwazve kamwe chete kana kuti anoramba achiberekwazve kakawanda, ari munhu kana kuti ari mhuka. Kazhinji “mweya” usingabatiki ndiwo unonzi unoberekwazve mune mumwe muviri. Bhaibheri haridzidzisi izvozvo.

Munhu paanonzwa akajairana nevanhu vatsva nenzvimbo itsva zvinoratidza here kuti akaberekwazve?

Wakambofananidza mumwe murume kana kuti mukadzi nomumwewo munhu here ari kuraramawo parizvino? Vakawanda vakadaro. Nei? Nokuti vamwe vanhu vane unhu hwakafanana kana kuti vangatoratidzika zvakafanana. Saka kunzwa sokuti unoziva munhu kunyange zvazvo usati wamboonana naye zvechokwadi hakuratidzi kuti waimbozivana naye mune humwe upenyu, handiti?

Chii chingaita kuti uite seunoziva imwe imba kana kuti rimwe taundi kana usati wambosvikako? Pamusana pokuti wakambogarako here pawairarama humwe upenyu? Dzimba dzakawanda dzinovakwa zvakafanana. Fenicha inoshandiswa mumaguta ari kure nokure inogona kunge yakagadzirwa zvakafanana. Handizvo here kuti zvinhu zviri kune dzimwe nzvimbo dzakatosiyana zvinenge zvakafanana? Saka manzwiro ako okujairana nechimwe chinhu anonzwisisika, usati watombofunga nezvokutama-tama kwemweya.

Kuyeuka nezvoupenyu pane imwe nguva mune imwe nzvimbo, sezvinoitika munhu paanoita sokunge kuti akarara asi achikwanisa kuona uye kunzwa, uchapupu hwokuti mweya unotama-tama here?

Munhu paanenge achiita seakarara asi achikwanisa kuona uye kunzwa, anogona kuitwa kuti ataure zvinhu zvakawanda zvakachengetwa mupfungwa. Vanoita izvi vanozviita papfungwa dzinenge dzichiri kuyeuka. Asi zvinenge zvichiyeukwa zvinenge zvakambopinda sei imomo? Pamwe wakaverenga bhuku, wakaona firimu, kana kuti wakadzidza nezvevamwe vanhu paterevhizheni. Kana ukazviisa panzvimbo yevanhu vawaidzidza nezvavo, zvingava zvakaita sokuti iwe waivapowo pane zvaiitika zvacho. Izvi zvingadai zvakaitika kare zvokuti wakazvikanganwa, asi kana uchiita sokunge kuti warariswa hope zvinhu zvakadaro zvingadzoka mupfungwa sokunge kuti uri kuyeuka “humwe upenyu.” Asi kudai ichocho chiri chokwadi, munhu wose aisazoyeuka zvinhu zvakadaro here? Asi haasi munhu wose anodaro. Zvinokosha kuona kuti matare epamusoro akawanda muUnited States haagamuchiri uchapupu hunowanikwa kubva kumunhu aitwa sokunge kuti arariswa hope. Muna 1980 Dare repamusoro reMinnesota rakazivisa kuti “uchapupu hwakanakisisa hwenyanzvi hunoratidza kuti hapana nyanzvi inogona kuziva kana mashoko anowanikwa kuburikidza nokurarisa munhu ari echokwadi kana kuti kwete. Maererano nesayenzi, mashoko akadaro haagoni kuvimbwa nawo seakarurama.” (State v. Mack, 292 N.W.2d 764) Mashoko anenge achibvunzwa munhu anenge arariswa nemunhu anorarisa wacho ndiwo anoita kuti izvi zvisavimbwa nazvo.

Bhaibheri rine uchapupu hwokudavira dzidziso yokutama-tama kwemweya here?

Mateu 17:12, 13 inoratidza kudavira dzidziso yokutama-tama kwemweya here?

Mat. 17:12, 13: “[Jesu akati:] ‘Eriya akatouya uye havana kumuziva asi vakamuitira zvinhu zvavakanga vachida. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu anofanira kutambura pamaoko avo.’ Vadzidzi vakanzwisisa kuti akanga achitaura kwavari pamusoro paJohani Mubhabhatidzi.”

Izvi zvaireva here kuti Johani Mubhabhatidzi akanga ari Eriya akanga aberekwazve? Vapristi vechiJudha pavakabvunza Johani kuti, “Ndiwe Eriya here?” iye akati: “Handisi.” (Joh. 1:21) Saka Jesu airevei? Sezvakafanotaurwa nengirozi yaJehovha, Johani akaenda pamberi paMesiya waJehovha aine “mudzimu nesimba zvaEriya, kuti adzorere mwoyo yavanababa kuvana nevasingateereri kuuchenjeri hunobatsira hwevakarurama, kuti agadzirire Jehovha vanhu vakagadzirirwa.” (Ruka 1:17) Nokudaro Johani Mubhabhatidzi aizadzisa uprofita nokuita basa rakanga rakafanana neromuprofita Eriya.—Mar. 4:5, 6.

Nyaya iri pana Johani 9:1, 2 inoratidza kuti mweya unotama-tama here?

Joh. 9:1, 2: “Zvino [Jesu] zvaakanga achipfuura akaona munhu akanga ari bofu kubvira pakuberekwa. Vadzidzi vake vakamubvunza kuti: ‘Rabhi, ndiani akatadza, munhu uyu kana vabereki vake, zvokuti akaberekwa ari bofu?’”

Kungava here kuti vadzidzi ava vakanga vakanganiswa nezvaidzidziswa nevaFarisi vechiJudha, avo vaiti “mweya yevanhu vakanaka chete ndiyo inozova mune mimwe miviri”? (Wars of the Jews, Josephus, Book II, chitsauko VIII, ndima 14) Kwete, nokuti mubvunzo wavo hauratidzi kuti vaifunga kuti aiva ‘munhu akanaka.’ Vadzidzi vaJesu vanofanira kunge vaidavira zvinotaurwa neMagwaro uye vaiziva kuti mweya unofa. Asi sezvo kunyange mwana ari mudumbu aine upenyu uye akanambwa muchivi, vangangodaro vakanetseka kuti mwana akadaro angave akaita chivi, zvichizoita kuti ave bofu. Chero zvavangave vakafunga, mhinduro yakapiwa naJesu haitsigiri pfungwa yokuti mwana ari mudumbu raamai vake anoita chivi asati azvarwa. Jesu akapindura kuti: “Munhu uyu haasi iye akatadza kana kuti vabereki vake.” (Joh. 9:3) Jesu aizviziva, nokuti tiri vana vaAdhamu, tinoberekwa tiine urema uye tisina kukwana. Achishandisa mamiriro acho ezvinhu kukudza Mwari, Jesu akaporesa bofu racho.

Zvinodzidziswa neBhaibheri nezvemweya uye rufu zvinoratidza kuti mweya unotama-tama here?

Genesisi 2:7 inoti: “Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva revhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu, munhu akava mweya mupenyu.” Onai kuti munhu pachake ndiye aiva mweya; mweya wakanga usiri chinhu chisingabatiki, chakaparadzana nomuviri. “Mweya unotadza—ndiwo uchafa.” (Ezek. 18:4, 20) Munhu akafa anonzi ‘mweya wakafa.’ (Num. 6:6) Paanofa, “simba rake roupenyu rinobuda, iye odzokera kuivhu rake; nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.” (Pis. 146:4) Naizvozvo munhu paanofa; hapana chinosara chinogona kuzoenda mune mumwe muviri. (Kuti uwane mamwe mashoko, ona musoro mukuru unoti “Mweya” uye unoti “Rufu.”)

Mup. 3:19: “Vanakomana vevanhu vanowirwa nomugumo uye mhuka dzinowirwa nomugumo, uye zvose zvinowirwa nomugumo wakafanana. Mafiro anoita chimwe, ndiwo mafiro anoitawo chimwe chacho.” (Sezvinongoitikawo kuvanhu, hapana chinopukunyuka panofa mhuka. Hapana chinogona kuzoberekwazve mune mumwe muviri.)

Mup. 9:10: “Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose, nokuti muSheori, iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.” (Vakafa havaendi kune mumwe muviri asi vanoenda kuSheori, guva revanhu vose.)

Kutama-tama kwemweya kwakasiyana sei netariro yatinowana muBhaibheri?

Kutama-tama kwemweya: Maererano nedzidziso iyi, munhu paanofa, mweya, “munhu wacho chaiye,” unotamira pamwe pari nani kana munhu wacho anga achirarama upenyu hwakanaka, asi kana anga achirarama upenyu hwakaipa, unotamira kumhuka. Zvinodavirwa kuti pose paanenge achiberekwazve anenge achingodzoka mumamiriro ano ezvinhu maachatamburazve ozofa. Zvinonzi kuberekwazve kwacho hakuperi. Ndizvo chaizvo zvakaita remangwana rako here? Vamwe vanodavira kuti kudzivisa chido chose chezvinhu zvinofadza ndiyo chete nzira yokupukunyuka. Vanopukunyuka chii? Zvinonzi nevamwe upenyu hwokusaziva.

Bhaibheri: Maererano neBhaibheri, mweya ndiye munhu wose sezvaari. Kunyange zvazvo munhu akaita zvinhu zvakaipa munguva yakapfuura, kana akapfidza ochinja mararamiro ake, Jehovha Mwari achamukanganwira. (Pis. 103:12, 13) Munhu paanofa, hapana chinopukunyuka. Rufu rwakaita sokurara hope huru, usingaroti. Vakafa vachamutswa. Uku hakusi kutama-tama kwemweya asi kuti munhu mumwe chete iyeye anodzorerwa kuupenyu. (Mab. 24:15) Vanhu vakawanda vachamutsirwa kuupenyu hwepanyika. Izvi zvichaitika pashure pokunge Mwari agumisa mamiriro ezvinhu akaipa aripo. Kurwara, kutambura, kunyange rufu zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura. (Dhan. 2:44; Zvak. 21:3, 4) Tariro yakadaro inoita sechimwe chinhu chaungada kudzidza zvakawanda nezvacho here, kuti uongorore zvikonzero zvokuvimba nayo?

Kana Mumwe Munhu Akati—

‘Ndinodavira mukutama-tama kwemweya’

Ungapindura kuti: ‘Munotarisira kuti zvichaita kuti upenyu hwenyu huve nani, ndizvo here? . . . Asi mungada here kuzorarama munyika seinotsanangurwa pano pana Zvakazarurwa 21:1-5?’

Kana kuti ungati: ‘Maita basa nokundiudza izvozvo. Asi, makangogara muchidavira izvozvo here? . . . Chii chakaita kuti musiye zvamaimbodavira kare?’ (Zvichida shandisa pfungwa dziri pasi pemusoro uri papeji 171.)

Zvimwe zvaungataura ndezvokuti: ‘Ndakanakidzwa nokukurukurirana nevamwe vanotenda zvamunotenda. Asi ndimbobvunzawo, Nei muchifunga kuti mweya unofanira kutama-tama?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Munoyeuka here zvose nezvoupenyu hwamunodavira kuti makamborarama? . . . Asi izvozvo zvaizodiwa kana munhu achizogadzirisa zvikanganiso zvake zvekare, handiti?’ (2) Kana munhu wacho akati kukanganwa kwatinoita kuratidzirwa mutsa, ungabvunza kuti: ‘Asi munoona ndangariro dzisingafadzi sedzinobatsira munhu here pakurarama kwake kwezuva nezuva? Saka, tingabatsirwa kuti tinatsiridze upenyu hwedu here nokukanganwa zvatakadzidza mumakore anenge 70 oga oga?’ (3) Kana munhu wacho akati vanhu vari nani chete ndivo vanoberekwazve sevanhu, ungabvunza kuti: ‘Saka nei zvinoitika munyika zviri kuramba zvichiwedzera kuipa? . . . Bhaibheri rinoratidza kuti zvinhu zvichanyatsonatsiridzwa sei munguva yedu. (Dhan. 2:44)’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe