RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs p. 50-p. 62
  • Chitendero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chitendero
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Mumwe Munhu Akati—
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Wakawana Rudzidziso Rwakarurama Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kushandisa Rudzidziso Rwakachena Nokuda Kwokupukunyuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kunamata Mwari Nenzira Yaanoda
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs p. 50-p. 62

Chitendero

Tsanangudzo: Manamatiro. Anosanganisira zvinoitwa pakunamata, dzidziso, uye tsika; izvi zvingava zvinhu zvinongoitwa nemunhu ari oga kana kuti zvinotsigirwa nesangano. Kakawanda, chitendero chinoreva kudavira muna Mwari kana vanamwari vakawanda; kana kuti kunamata vanhu, zvinhu, zvinodiwa nevanhu, kana kuti masimba. Zvitendero zvakawanda zvinobva pakudzidza kunoita vanhu zvinhu zvakasikwa; kunewo vamwe vezvitendero vanoti vanooneswa zvinhu naMwari. Kune chitendero chechokwadi nechenhema.

Nei kuine zvitendero zvakawanda kudai?

Maererano nokuongorora kwakaitwa mazuva achangopfuura, kune zvitendero zvikuru 19 uye mapoka ezvitendero 37 000.

Zvinhu zvakawanda zvakaita kuti mapoka matsva ezvitendero atangwe. Vamwe vakati zvitendero zvakasiyana-siyana zvose zvinomiririra nzira dzakasiyana-siyana dzokudzidzisa chokwadi. Asi tikaenzanisa zvavanodzidzisa uye tsika dzavo nezvinodzidziswa neBhaibheri, zvinoratidza kuti kune zvitendero zvakasiyana-siyana nemhaka yokuti vanhu vava kutevera vanhu panzvimbo pokuteerera Mwari. Zvinokosha kuti tizive kuti zvakawanda zvavanowirirana pakudzidzisa asi zvichipesana neBhaibheri, zvakabva kuBhabhironi rekare. (Ona mapeji 33-35, pasi pomusoro unoti “Bhabhironi Guru.”)

Ndiani anokonzera nyonganyonga iyoyo yezvitendero? Bhaibheri rinoti Satani Dhiyabhorosi ndi“mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (2 VaK. 4:4) Rinotiyambira kuti “zvinhu zvinobayirwa nemarudzi, anozvibayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari.” (1 VaK. 10:20) Saka, zvinokosha zvikuru kuti tive nechokwadi chokuti tiri kunyatsonamata Mwari wechokwadi, Musiki wedenga nenyika, uye kuti anofadzwa nokunamata kwedu!

Mwari anofarira zvitendero zvose here?

Vat. 10:6, 7: “Vanakomana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, vakatanga kushumira vanaBhaari nemifananidzo yaAshtoreti navanamwari veSiriya navanamwari veSidhoni navanamwari veMoabhi navanamwari vevanakomana vaAmoni navanamwari vevaFiristiya. Naizvozvo vakasiya Jehovha uye havana kumushumira. Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo.” (Kana munhu achinamata chero chimwe chinhu kana munhu asiri Mwari wechokwadi, Musiki wedenga nenyika, zvinoratidza kuti manamatiro ake haafarirwi naJehovha.)

Mako 7:6, 7: “Iye [Jesu] akati kwavari [vanyori nevaFarisi vechiJudha]: ‘Isaya akaprofita zvakakodzera pamusoro penyu imi vanyengeri, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti, “Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.”’” (Hazvinei kuti boka racho rinoti rinonamata ani, kana vachitevedzera zvinodzidziswa nevanhu panzvimbo pezviri muShoko raMwari rakafuridzirwa, kunamata kwavo hakubatsiri.)

VaR. 10:2, 3: “Ndinovapupurira kuti vanoshingairira kushumira Mwari; asi havazviiti maererano nezivo yakarurama; nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari, asi vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo.” (Vanhu vanogona kuva neShoko raMwari rakanyorwa asi vasina zivo yakarurama yezvarinotaura, nokuti vanenge vasina kunyatsodzidziswa. Vangafunga kuti vari kushingairira Mwari, asi vanogona kunge vasiri kuita zvaanoda. Kunamata kwavo hakuzofadzi Mwari, handiti?)

Ichokwadi here kuti muzvitendero zvose mune zvakanaka?

Zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti munhu haafaniri kuba kana kureva nhema, zvichingodaro. Asi izvozvo chete zvakakwana here? Ungada here kunwa mvura ine muchetura nokuti mumwe munhu akuvimbisa kuti yakawanda yacho imvura?

2 VaK. 11:14, 15: “Satani anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza. Saka hachisi chinhu chikuru kana vashumiri vake vachiramba vachizvichinjawo kuva vashumiri vokururama.” (Pano tinonyeverwa kuti hazvisi zvose zvinoitwa naSatani zvinooneka kuti zvakaipa. Imwe nzira yaanonyanyoshandisa pakunyengera vanhu ndeyezvitendero zvenhema zvakasiyana-siyana, zvimwe zvacho anozviita kuti zviite sezvakarurama.)

2 Tim. 3:2, 5: “Vanhu vachava . . . vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo; usiyane naivava.” (Kana vaya vaunonamata navo vasingashandisi nemwoyo wose zvinotaurwa neShoko raMwari, Bhaibheri rinokukurudzira kuti usashamwaridzane navo, pasinei nokuti vanoratidzika sevanoda Mwari.)

Zvakanaka here kuti munhu asiye chitendero chevabereki vake?

Kana zvatakadzidziswa nevabereki vedu zvichinyatsobva muBhaibheri, tinofanira kuramba tichizviita. Tinongofanira kuremekedza vabereki vedu kunyange tikaziva kuti tsika dzechitendero chavo uye zvavanodavira hazvienderani neShoko raMwari. Asi, ko ukaziva kuti imwe tsika inoitwa nevabereki vako inokuvadza utano uye inogona kudimbura upenyu hwemunhu? Ungavatevedzera here wokurudzira vana vako kuitawo saizvozvo, kana kuti ungatovaudzawo noruremekedzo zvauri kudzidza? Saizvozvowo, kana taziva chokwadi cheBhaibheri tinofanira kuita chimwe chinhu. Kana zvichiita, tinofanira kuudza vanhu vomumhuri yedu zvatinenge tichidzidza. Tinofanira kusarudza: Tinonyatsoda Mwari here? Tinonyatsoda kuteerera Mwanakomana waMwari here? Kuti tidaro zvingatoda kuti tisiye chitendero chevabereki vedu tonamata zvechokwadi. Chokwadi zvaisazova zvakanaka kubvumira kuti kuzvipira kwedu kuvabereki vedu kupfuure kuda kwatinoita Mwari naKristu, handiti? Jesu akati: “Uya anoda baba kana amai kwazvo kupfuura ini, haana kukodzera ini; uye anoda mwanakomana kana mwanasikana kwazvo kupfuura ini, haana kukodzera ini.”—Mat. 10:37.

Josh. 24:14: “Zvino ityai Jehovha mumushumire musina mhosva uye muchokwadi, bvisai vanamwari vakashumirwa nemadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi nomuIjipiti, mushumire Jehovha.” (Izvi zvaireva kuchinja kubva kuchitendero chemadzitateguru avo, handiti? Kuti vashumire Jehovha nenzira yaanofarira, vaifanira kuparadza zvifananidzo zvaishandiswa muzvitendero zvakadaro vorega kutomboda zvinhu zvakadaro mumwoyo yavo.)

1 Pet. 1:18, 19: “Munoziva kuti hamuna kununurwa nezvinhu zvinoora, nesirivha kana ndarama, pamufambiro wenyu usina zvibereko wamakagamuchira netsika yakabva kumadzitateguru enyu. Asi neropa rinokosha, rakafanana neregwayana risina gwapa uye risina ruvara, iro raKristu.” (Saka, vaKristu vokutanga vakasiyana netsika idzodzo dzemadzitateguru avo, idzo dzaisatombogona kuvapa upenyu husingaperi. Kutenda chibayiro chaKristu kwakaita kuti vade chaizvo kusiyana nechero chinhu chaiita kuti upenyu hwavo huve husina maturo, husina chahunonyatsoreva nokuti vakanga vasingakudzi Mwari. Hatifaniri kuva nemafungiro akadarowo here?)

Bhaibheri rinotii nezvekubatana mukutenda nezvimwe zvitendero?

Jesu aiona sei vatungamiriri vezvitendero vainyepedzera kuva vakarurama asi vasingaremekedzi Mwari? “Jesu akati kwavari: ‘Kudai Mwari aiva Baba venyu, maizondida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye ndiri pano. Uyewo handina kungozviuyira ndoga, asi Iyeye akandituma. . . . Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi, uye munoda kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari muurayi paakatanga, uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti iye murevi wenhema nababa venhema. Asi ini, zvandinotaura chokwadi, hamunditendi. . . . Ndokusaka musingateereri, nokuti hamubvi kuna Mwari.’”—Joh. 8:42-47.

Kwaizova kuvimbika here kuna Mwari uye kune zvaanoda zvakarurama kana vashumiri vake vaizobvuma kushamwaridzana nevanhu vanoita zvinovengwa naMwari kana kuti vanozvibvumira? “Murege kufambidzana nomunhu wose anonzi hama iye ari chifeve kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa kana gororo, musambodya nomunhu akadaro . . . Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa kuita zvinhu zvisiri zvomusikirwo, kana varume vanorara nevarume, kana mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (1 VaK. 5:11; 6:9, 10) “Munhu wose anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari.” (Jak. 4:4) “Haiwa imi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa. Iye anorinda mweya yevakavimbika vake.”—Pis. 97:10.

2 VaK. 6:14-17: “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi. Nokuti kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima? Uyezve, Kristu naBheriari vanotsinhirana pachii? Kana kuti munhu akatendeka ane mugove wei nomunhu asingatendi? Temberi yaMwari inobvumirana nezvidhori pachii? . . . ‘“Naizvozvo ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,” anodaro Jehovha, “musabata chinhu chisina kuchena”’; ‘“uye ini ndichakugamuchirai.”’”

Zvak. 18:4, 5: “Ndakanzwa rimwe inzwi richibva kudenga richiti: ‘Budai mariri, vanhu vangu, kana musingadi kugovana naro zvivi zvaro, uye kana musingadi kuwana mamwe matambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvatutirana kusvika kudenga, uye Mwari ayeuka mabasa aro okusaruramisira.’” (Kuti uwane mamwe mashoko, ona musoro mukuru unoti, “Bhabhironi Guru.”)

Zvine basa here kuti munhu ave wesangano rechitendero chinozivikanwa?

Masangano ezvitendero akawanda anozivikanwa nokuita zvakaipa. Kuva kwawo masangano hakusi iko kwakaipa. Asi akawanda acho ari kutsigira manamatiro anotorerwa padzidziso dzenhema uye kunyanya kuomerera patsika panzvimbo pokupa mirayiridzo yechokwadi; ave achishandiswa zvisirizvo kudzora upenyu hwevanhu pamusana poudyire; anonyanyova nehanya nokuunganidza mari uye kuva nedzimba dzokunamatira dzinoshamisira panzvimbo pokuva nehanya nezvinhu zvokunamata; kakawanda vanopinda zvitendero zvacho vane unyengeri. Zviri pachena kuti hapana munhu anoda kururama angada kuva musangano rakadaro. Asi chitendero chechokwadi chakasiyana zvachose neizvi. Zvisinei, chinofanira kuva chakarongeka kuti chizadzise zvinodiwa neBhaibheri.

VaH. 10:24, 25: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (Kuti tiite izvi zvinorayirwa neMagwaro, panofanira kuva nemisangano yechiKristu yatinogona kupinda nguva dzose. Urongwa hwakadaro hunotikurudzira kuda vamwe, kwete kungozvifunga.)

1 VaK. 1:10: “Zvino ndinokurayirai, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu kuti imi mose mutaure muchibvumirana, uye kuti hapafaniri kuva nokupesana pakati penyu, asi kuti munyatsobatanidzwa mupfungwa imwe chete nomukufunga kumwe chete.” (Vanhu havangambobatani zvakadaro kana vasingaungani pamwe chete, vasingadzidzi zvakafanana, uye vasingaremekedzi vaya vanoshandiswa kuti vavarayiridze. Onawo Johani 17:20, 21.)

1 Pet. 2:17: “Idai sangano rose rehama.” (Izvozvo zvinongoreva here vaya chete vanoungana pamwe chete kuti vanamate pamba pomumwe munhu? Kwete; zvinoreva hama dzomunyika yose sezvinoratidzwa pana VaGaratiya 2:8, 9 uye 1 VaKorinde 16:19.)

Mat. 24:14: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Kuti marudzi ose awane mukana wokunzwa mashoko iwayo akanaka, kuparidza kwacho kunofanira kuitwa zvakarongeka, kuchitungamirirwa zvakakodzera. Kuda Mwari nevamwe vanhu kuri kuita kuti vanhu munyika yose vabatane pakuita basa iri.)

Onawo musoro mukuru unoti, “Sangano.”

Kuda vamwe vanhu ndiko kunonyanya kukosha here?

Hapana mubvunzo kuti rudo rwakadaro runokosha. (VaR. 13:8-10) Asi kuva muKristu kunoreva zvinopfuura kungova nomutsa kumuvakidzani wedu. Jesu akati vadzidzi vake vechokwadi vaizonyatsozivikanwa nokudanana kwavo nevavanonamata navo. (Joh. 13:35) Bhaibheri rinotaura kakawanda kuti izvi zvinokosha. (VaG. 6:10; 1 Pet. 4:8; 1 Joh. 3:14, 16, 17) Zvisinei, Jesu akaratidza kuti kuda kwedu Mwari ndiko kunotonyanya kukosha, uye tinokuratidza nokuteerera mirayiro yake. (Mat. 22:35-38; 1 Joh. 5:3) Kuti tiratidze rudo rwakadaro, tinofanira kudzidza nokuita zvinotaurwa neShoko raMwari uye kuungana nevatinonamata navo.

Kuva noukama naMwari ndiko kunonyanya kukosha here?

Kunokosha zvechokwadi. Kungoenda kuchechi zvegundamusaira hakusi iko kunotsiva ukama hwakadaro. Asi tinofanira kuchenjerera. Nei? Muzana remakore rokutanga, vamwe vanhu vaifunga kuti vaiva noukama hwakanaka naMwari asi Jesu akaratidza kuti vakanga vakarasika. (Joh. 8:41-44) Muapostora Pauro akanyora nezvevamwe vaizivikanwa kuti vaishingairira kutenda kwavo uye vaitofunga kuti vaiva noukama hwakanaka naMwari asi vaisanzwisisa zvainyatsodiwa kuti vafarirwe naMwari.—VaR. 10:2-4.

Tingava here noukama hwakanaka naMwari kana tisingakoshesi mirayiro yake? Mumwe wacho ndewokuti tiungane nguva dzose nevatinonamata navo.—VaH. 10:24, 25.

Zvakakwana here kuti munhu angoverenga Bhaibheri ari oga?

Chokwadi vanhu vakawanda vanodzidza zvakawanda nokuverenga Bhaibheri vari voga. Vanhu vakadaro vari kuita zvakanaka chaizvo kana chinangwa chavo chiri chokudzidza nezvaMwari uye zvinangwa zvake. (Mab. 17:11) Asi tichanyatsonzwisisa here kana pasina anotibatsira? Bhaibheri rinotaura nezvomumwe murume aiva nechinzvimbo asi nokuzvininipisa akabvuma kubatsirwa kunzwisisa uprofita hweBhaibheri. Akabatsirwa nomunhu aiva muungano yechiKristu.—Mab. 8:26-38; enzanisa nezvimwe zvinotaurwa nezvaFiripi pana Mabasa 6:1-6; 8:5-17.

Chokwadi, munhu haabatsirwi kana achingoverenga Bhaibheri asi asingaiti zvarinotaura. Kana achitenda zvarinotaura ozviita, achaungana nevashumiri vaMwari pamisangano yavo nguva dzose. (VaH. 10:24, 25) Achabatanawo navo, pakuudza vamwe “mashoko akanaka.”—1 VaK. 9:16; Mako 13:10; Mat. 28:19, 20.

Munhu angaziva sei chitendero chakanaka?

(1) Zvachinodzidzisa zvinobva kupi? Zvinobva kuna Mwari here, kana kuti zvinonyanya kubva kuvanhu? (2 Tim. 3:16; Mako 7:7) Somuenzaniso, bvunza kuti: Ndepapi muBhaibheri panodzidzisa kuti Mwari Utatu? Ndepapi parinotaura kuti mweya womunhu haufi?

(2) Funga kana chichidzidzisa zita raMwari. Jesu akanyengetera kuna Mwari achiti: “Ndakaratidza vanhu vamakandipa panyika zita renyu.” (Joh. 17:6) Akazivisa kuti: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Mat. 4:10) Chitendero chako chinodzidzisa here kuti, ‘Jehovha ndiye waunofanira kunamata’? Wava kuziva Munhu ane zita iroro here—zvinangwa zvake, mabasa ake, unhu hwake—zvokuti unonzwa kuti unogona kuswedera pedyo naye uine chivimbo?

(3) Vanhu varimo vari kuratidza kutenda kwechokwadi here muna Jesu Kristu? Izvi zvinosanganisira kuonga kukosha kunoita chibayiro choupenyu hwaJesu uye zvaari izvozvi saMambo wokudenga. (Joh. 3:36; Pis. 2:6-8) Kuonga kwakadaro kunoratidzwa nokuteerera Jesu—kuita nokushingaira basa raakapa vateveri vake. Chitendero chechokwadi chine kutenda kwakadaro kune mabasa.—Jak. 2:26.

(4) Chinongova chetsika here, chokungoendawo, kana kuti ndiwo mararamiro? Mwari haafariri zvachose kungonamata zvetsika. (Isa. 1:15-17) Chitendero chechokwadi chinotsigira mirayiro yeBhaibheri yetsika uye kutaura kwakachena pane kungotevera zvinoitwa neruzhinji. (1 VaK. 5:9-13; VaEf. 5:3-5) Vari muchitendero chacho vanoratidza zvibereko zvomudzimu waMwari muupenyu hwavo. (VaG. 5:22, 23) Saka vaya vanoomerera pakunamata kwechokwadi vanozivikanwa nokuti vanoedza nemwoyo wose kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwavo, kwete pamisangano yavo chete, asi muupenyu hwemhuri dzavo, kubasa, kuchikoro, uye pavanenge vachitandara.

(5) Vari muchiten dero chacho vanodanana zvechokwadi here? Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:35) Rudo irworwo runobatanidza vanhu muukama hwechokwadi, pasinei nemadzinza kana kuti marudzi avo. Rudo urwu rwakasimba zvokuti runoita kuti vanyatsova vakasiyana nevamwe. Nyika padzinorwisana, ndivanaani vanoda hama dzavo dzechiKristu dziri kune dzimwe nyika zvokuti vanoramba kutora zvombo nokuvauraya? Izvi ndizvo zvaiitwa nevaKristu vepakutanga.

(6) Chakasiyana nenyika zvechokwadi here? Jesu akati vateveri vake vechokwadi ‘vaisazova venyika.’ (Joh. 15:19) Kuti tinamate Mwari nenzira yaanofarira zvinoda kuti tirambe “tisina ruvara rwenyika.” (Jak. 1:27) Vafundisi uye vamwe vari muzvitendero vanoita zvematongerwo enyika, kana kuti vanonyanya kuda zvinhu zvenyika nezvenyama muupenyu hwavo vanganzi ndizvo zvavakaita here?—1 Joh. 2:15-17.

(7) Vanhu vari muchitendero chacho vanoshingaira kuparidza nezvoUmambo hwaMwari here? Jesu akafanotaura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mat. 24:14) Chitendero chipi chiri kuzivisa zvechokwadi Umambo hwaMwari setariro yevanhu pane kuvakurudzira kuti vatarisire kuti hurumende dzevanhu dzipedze zvinetso zvavo? Chitendero chenyu chakakudzidzisai kuti muite basa iri here, uye kuriita paimba nemba sokudzidzisa kwakaita Jesu vaapostora vake?—Mat. 10:7, 11-13; Mab. 5:42; 20:20.

Zvapupu zvaJehovha zvinodavira here kuti chitendero chavo chete ndicho chakarurama?

Ona peji 417, pasi pomusoro unoti, “Zvapupu zvaJehovha.”

Nei vamwe vanhu vaine kutenda nepo vamwe vasina?

Ona musoro mukuru unoti, “Kutenda.”

Kana Mumwe Munhu Akati—

‘Handifariri zvechitendero’

Ungapindura kuti: ‘Izvozvo hazvindishamisi. Vanhu vakawanda vane mafungiro seenyu. Ndingabvunzawo, Ndiwo agara ari mafungiro enyu here?’ Ungawedzerawo kuti: ‘Chimwe chinhu chakandinakidza ndechokuti dzidziso dzakawanda dzinodzidziswa mumachechi mazuva ano hadziwaniki muBhaibheri. (Unogona kushandisa mashoko ari papeji 417, pasi pomusoro unoti, “Zvapupu zvaJehovha,” uchinyanya kutaura nezvoUmambo. Kuti usiyanise, taura zvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha, sezvinotaurwa pamapeji 413, 414.)’

Onawo mapeji 16, 17.

‘Muzvitendero mune unyengeri hwakanyanyisa’

Ungapindura kuti: ‘Hungu, ndinobvumirana nemi. Vakawanda vanoparidzira zvakasiyana nemararamiro avanoita. Asi ndiudzei, Munofungei nezveBhaibheri? (Pis. 19:7-10)’

‘Ndinoita zvakanaka muupenyu hwangu. Ndinobata vavakidzani vangu zvakanaka. Hapana kunamata kunopfuura ikoko’

Ungapindura kuti: ‘Sezvo muchiti munoita zvakanaka muupenyu, zviri pachena kuti munonakidzwa noupenyu, handiti? . . . Mungada here kurarama upenyu hunotsanangurwa pano pana Zvakazarurwa 21:4? . . . Onai kuti pana Johani 17:3 panotaura kuti chii chinodiwa kuti munhu azorarama upenyu hwakadaro.’

Onawo peji 56.

‘Handidi zvokuenda kuchechi. Ndinodavira kuti kuva noukama naMwari ndiko kunokosha’

Ungapindura kuti: ‘Ndafara kuzviziva. Makangogara muchifunga saizvozvo here? . . . Makambopinda imwe chechi here kare? . . . (Zvimwe ungashandisa mashoko ari pamapeji 55-57.)’

‘Handibvumirani nezvose zvinodzidziswa nechechi yangu, asi handioni sezvine basa kuti ndichinje. Ndingatosva hangu ndanatsiridza chechi yangu’

Ungapindura kuti: ‘Maita basa nokundiudza izvozvo. Ndinovimba kuti munobvumirana neni kuti chinokosha kwatiri tose ndechokufarirwa naMwari, handiti?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Mwari anotiudza tose chimwe chinhu chinokosha chokufunga nezvacho pano pana Zvakazarurwa 18:4, 5. . . . Kunyange kana isu pachedu tisingaiti zvakaipa, Bhaibheri rinoti nesuwo tine mhosva kana tichitsigira masangano iwayo. (Onawo musoro mukuru unoti, “Bhabhironi Guru.”)’ (2) (Zvimwe ungashandisa mashoko ari pamapeji 57-59.) (3) ‘Mwari ari kutsvaka vanhu vanoda chokwadi, uye ari kuvaunganidza kuti vanamate vakabatana. (Joh. 4:23, 24)’

‘Zvitendero zvose zvakanaka; imi mune chenyu, uye ini ndine changu’

Ungapindura kuti: ‘Zviri pachena kuti imi munoremekedza zvinofungwa nevamwe. Asi munozivawo kuti tose tinoda kutungamirirwa neShoko raMwari, uye ndosaka muine chitendero chenyu, handiti?’ Ungawedzerawo kuti: ‘Pana Mateu 7:13, 14, Bhaibheri rinotipa mashoko aJesu anokosha zvikuru. (Averenge.) . . . Nei zvakadaro?’

Onawo mapeji 51, 52.

‘Hazvina basa kuti unopinda chechi ipi, chero bedzi uchitenda muna Jesu’

Ungapindura kuti: ‘Hapana mubvunzo kuti kutenda muna Jesu kunokosha. Uye ndinofunga kuti munoreva kuti munobvuma zvose zvaakadzidzisa. Ichokwadi kuti makaonawo sezvandakaita kuti vakawanda vanozviti vaKristu havararami maererano nezvinorehwa nezita iroro.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Onai zvakataurwa naJesu pano pana Mateu 7:21-23.’ (2) ‘Vaya vanoda kuziva zvinodiwa naMwari vobva vazviita vane remangwana rakanaka kwazvo. (Pis. 37:10, 11; Zvak. 21:4)’

‘Chii chinoita kuti mufunge kuti kunongova nechitendero chimwe chete chakarurama?’

Ungapindura kuti: ‘Hapana mubvunzo kuti muzvitendero zvakawanda mune vanhu vane mwoyo yakatendeseka. Asi zvinotaurwa neShoko raMwari ndizvo zvinonyanya kukosha. Rinotaura nezvekutenda kwechokwadi kungani? Onai zvinotaurwa pano pana VaEfeso 4:4, 5.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Izvozvo zvinoenderana nezvinotaurwa nemamwe magwaro. (Mat. 7:13, 14, 21; Joh. 10:16; 17:20, 21)’ (2) Saka dambudziko ratinofanira kutarisana naro nderokuziva chitendero ichocho. Tingazviita sei? (Ungashandisa mashoko ari pamapeji 57-59.)’ (3) (Onawo zviri pamapeji 413, 414, pasi pomusoro unoti “Zvapupu zvaJehovha.”)

‘Ndinongoverenga Bhaibheri rangu ndiri kumba uye ndinonyengetera kuti Mwari andibatsire kunzwisisa’

Ungapindura kuti: Mati mamboverenga Bhaibheri rose here? Ungawedzerawo kuti: ‘Pamuchaverenga, muchawana chimwe chinhu chinofadza zvikuru pana Mateu 28:19, 20 . . . Izvi zvinokosha nokuti zvinoratidza kuti Kristu anoshandisa vamwe vanhu kuti vatibatsire kunzwisisa zvinoita kuti tive vaKristu vechokwadi. Ndosaka Zvapupu zvaJehovha zvichida kushanyira vanhu mudzimba dzavo kuti vakurukure navo Bhaibheri kweinenge awa vhiki yoga yoga vasingabhadhari. Ndingakuratidzai here mumaminitsi mashomanana kuti tinozviita sei?

Onawo peji 57.

‘Nyaya yechitendero inyaya yomunhu oga’

Ungapindura kuti: ‘Ndizvo zvinofungwa nevanhu vakawanda mazuva ano, uye kana vanhu vasingafariri mashoko emuBhaibheri, tinoenda pane dzimwe dzimba. Asi manga muchizviziva here kuti ndakushanyirai kuti ndizokuratidzai zvakarayira Jesu vateveri vake kuti vaite?’ . . . (Mat. 24:14; 28:19, 20; 10:40)’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe