Rwiyo 96
Tsvakai Vakakodzera
Rakaprindwa
1. Ishe akaratidza kuparidza
Kwatingaita, achiti:
‘Kwose kwamunoenda tsvakaiwo
Vaya vanoda kunamata.
Pamunoti ivai norugare,
Mucharupa vakakodzera.
Vamwe vakaramba, vokudzingai,
Zunzai guruva mutsoka.’
2. Mwari achavhura mwoyo yevaya
Vanokugamuchirai.
Kuda upenyu husina mugumo
Kuchavabatanidza nemi.
Musanetseka nechokutaura,
Mwari achakubatsirai.
Kana mukapindura zvakarungwa
Izvi zvichafadza vanyoro.
(Onawo Mab. 13:48; 16:14; VaK. 4:6.)