RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr16 September pp. 1-7
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2016)
  • Misoro Midiki
  • September 5-11
  • SEPTEMBER 12-18
  • SEPTEMBER 19-25
  • SEPTEMBER 26–OCTOBER 2
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2016)
mwbr16 September pp. 1-7

Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

September 5-11

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 119

“Famba Mumutemo waJehovha”

w05 4/15 10 ¶3-4

Vimba neShoko raJehovha

Teerera Shoko raMwari Ufare

3 Mufaro wechokwadi unobva pakufamba kwatinoita mumutemo waMwari. (Pisarema 119:1-8) Kana tikadaro, Jehovha achationa setinofamba ‘nenzira yakarurama.’ (Pisarema 119:1) Kuva vanhu vakarurama hazvirevi kuti takakwana, asi zvinoratidza kuti tinoedza nepatinogona napo kuita zvinodiwa naJehovha Mwari. Noa akanga ari munhu “asina mhosva mumarudzi ake” zvaaiva murume “akafamba naMwari” wechokwadi. Tateguru akatendeka iyeye nemhuri yake vakapona paMafashamo nokuti akatevera nzira yakataurwa naJehovha. (Genesisi 6:9; 1 Petro 3:20) Saizvozvowo, kupona kwedu panoguma nyika ino kunobva ‘pakuchengeta zvakanaka zvirevo zvaMwari,’ tichiita zvaanoda.​—Pisarema 119:4.

4 Jehovha haazombofi akatisiya kana ‘tichimuonga nomwoyo wakarurama uye tichiramba tichichengeta mitemo yake.’ (Pisarema 119:7, 8) Mwari haana kusiya Joshua mutungamiriri wevaIsraeri, uyo akashandisa zano ‘rokuverenga bhuku romutemo masikati nousiku kuitira kuti aite zvose zvakanga zvakanyorwamo.’ Izvozvo zvakaita kuti abudirire uye zvakaita kuti akwanise kuita nokuchenjera. (Joshua 1:8) Ava kuda kuzofa, Joshua akanga achiri kuonga Mwari uye aikwanisa kuyeuchidza vaIsraeri kuti: “Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.” (Joshua 23:14) Kufanana naJoshua nomunyori wePisarema 119, tinogona kuwana mufaro uye kubudirira kana tikarumbidza Jehovha uye tikavimba neshoko rake.

w05 4/15 12 ¶12

Vimba neShoko raJehovha

Shoko raMwari Rinopa Ushingi

12 Kutevera mirayiridzo yeshoko raMwari kunotipa ushingi hunodiwa kuti tibate nemiedzo youpenyu. (Pisarema 119:33-40) Nokuzvininipisa tinoda kurayiridzwa naJehovha kuitira kuti tigone kuchengeta mutemo wake ‘nomwoyo wose.’ (Pisarema 119:33, 34) Kufanana nomunyori wepisarema, tinokumbira Mwari kuti: “Itai kuti mwoyo wangu ude zviyeuchidzo zvenyu, kwete kuwana mubereko,” kureva mubereko usina kururama. (Pisarema 119:36, NW) Kufanana nomuapostora Pauro, tino“zvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Kana watinoshandira achida kuti tiite chimwe chinhu chokusatendeseka, tinoshinga kuramba takaomerera pamirayiridzo yaMwari—uye nguva dzose Jehovha anokomborera kuita kwakadaro. Kutaura zvazviri, anotibatsira kuti tidzore pfungwa dzose dzakaipa. Saka ngatinyengetere tichiti: “Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo.” (Pisarema 119:37) Hatingambodi kuona chinhu chipi nechipi chisina maturo chinovengwa naMwari sechinhu chinofadza. (Pisarema 97:10) Izvi zvinotikurudzira kuti tirege kuona zvinonyadzisira uye kuita zvemidzimu.​—1 VaKorinde 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:8.

w05 4/15 13 ¶13-14

Vimba neShoko raJehovha

13 Zivo yakarurama yeshoko raMwari inotipa chivimbo chokupupurira noushingi. (Pisarema 119:41-48) Uye tinoda ushingi kuti ‘tipindure anotishora.’ (Pisarema 119:42) Dzimwe nguva, tingaita sevadzidzi vaJesu vakanga vachitambudzwa, avo vakanyengetera kuti: “Jehovha, . . . mubvumire varanda venyu kuti varambe vachitaura shoko renyu vasingatyi.” Zvakaguma nei? “Vose mumwe nomumwe vakazadzwa nomudzimu mutsvene uye vakanga vachitaura shoko raMwari vasingatyi.” Changamire Ishe iyeye anotipa ushingi hwokutaura shoko rake tisingatyi.​—Mabasa 4:24-31.

14 Tichava noushingi hunodiwa kuti tipupurire tisingatyi kunyadziswa kana tikakoshesa “shoko rezvokwadi” uye ‘kuramba tichichengeta mutemo waMwari.’ (Pisarema 119:43, 44) Kushingaira kudzidza Shoko raMwari rakanyorwa kunoita kuti ‘titaurewo zviyeuchidzo zvake pamberi pemadzimambo.’ (Pisarema 119:46) Munyengetero nomudzimu waJehovha zvichatibatsirawo kutaura zvinhu zvakarurama nenzira yakakodzera. (Mateu 10:16-20; VaKorose 4:6) Pauro akataura noushingi nezvezviyeuchidzo zvaMwari kuvatongi vomuzana remakore rokutanga. Somuenzaniso, akapupurira kuna Gavhuna weRoma Ferikisi, uyo “akamunzwa nezvokutenda muna Kristu Jesu.” (Mabasa 24:24, 25) Pauro akapupurirawo pamberi paGavhuna Fesito uye Mambo Agiripa. (Mabasa 25:22–26:32) Tichitsigirwa naJehovha, nesuwo tinogona kuva zvapupu zvakashinga, tisingambo“nyari nemashoko akanaka.”​—VaRoma 1:16.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w06 9/1 14 ¶4

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChishanu reMapisarema

119:71—Kutambura kungabatsirei? Nhamo ingatidzidzisa kuvimba naJehovha zvizere, kunyengetera kwaari nomwoyo wose, uye kuwedzera kushingaira kudzidza Bhaibheri nokuita zvarinotaura. Uyezve, zvatinoita patinotambura zvingaratidza unhu husina kunaka hungada kugadziriswa. Kutambura hakuzotishatirisi kana tikakubvumira kuti kutibatsire kuva vanhu vari nani.

w06 9/1 14 ¶5

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChishanu reMapisarema

119:96—Mashoko okuti ‘kuguma kwokukwana kwose’ anorevei? Munyori wepisarema ari kutaura nezvokukwana maererano nemaonero evanhu. Angangodaro aifunga kuti maonero anoita vanhu kukwana ane paanogumira. Kusiyana naizvozvo, murayiro waMwari hauna paunogumira. Zano raunopa rinoshanda muzvinhu zvose zvoupenyu. “Ndakaona kuti zvinhu zvose zvine mugumo wazvo,” rinodaro Bhaibheri Rinoera, “asi murayiro wenyu hauna mugumo.”

SEPTEMBER 12-18

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 120-134

“Rubatsiro Rwangu Runobva Kuna Jehovha”

w04 12/15 12 ¶3

Jehovha Ndiye Mubatsiri Wedu

Haambokundikani Kubatsira

3 Munyori wepisarema akatanga nokuratidza kuti, sezvo Jehovha ari iye akasika zvose tine chikonzero chokuvimba naye chokuti: “Ndichasimudzira meso angu kumakomo; kubatsirwa kwangu kuchabvepiko? Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, wakaita kudenga napasi.” (Pisarema 121:1, 2) Munyori wepisarema haana kungosimudzira meso chero kugomowo zvaro. Pakanyorwa mashoko aya, temberi yaJehovha yaiva muJerusarema. Guta iroro raiva pamusoro pemakomo eJudha, ndiro raifananidzira nzvimbo yaigarwa naJehovha. (Pisarema 135:21) Munyori wepisarema angave akasimudzira meso ake kumakomo eJerusarema kwainge kwakavakirwa temberi yaJehovha, aine chivimbo chokubatsirwa. Neiko munyori wepisarema aivimba chaizvo nokuti Jehovha aigona kumubatsira? Nokuti Ndiye “Wakaita kudenga napasi.” Kutaura zvazviri, munyori wepisarema akanga achiti, ‘Chokwadi hapana chingambotadzisa Musiki ane masimba ose kundibatsira!’​—Isaya 40:26.

w04 12/15 12 ¶4

Jehovha Ndiye Mubatsiri Wedu

4 Munyori wepisarema akazotsanangura kuti Jehovha anogara akagadzirira kubatsira vashumiri vake, achiti: “Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; muchengeti wako haangakotsiri. Tarirai, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.” (Pisarema 121:3, 4) Mwari haangatenderi vaya vanovimba naye kuti va“tedzemuke” kana kuti vawe zvokuti havazomuki. (Zvirevo 24:16) Nei zvakadaro? Nokuti Jehovha akafanana nomufudzi akanyatsosvinura ari kurinda makwai ake. Izvozvo hazvinyaradzi here? Acharamba achingotarisira zvinodiwa nevanhu vake. Anoramba achingovarinda masikati nousiku.

w04 12/15 13 ¶5-7

Jehovha Ndiye Mubatsiri Wedu

5 Munyori wepisarema aine chivimbo chokuti Jehovha Mudziviriri wevanhu vake akavimbika, akanyora kuti: “Jehovha ndiye muchengeti wako; Jehovha ndiye mumvuri wako paruoko rwako rworudyi. Zuva haringakubayi masikati, nomwedzi usiku.” (Pisarema 121:5, 6) Kune munhu ainge ari parwendo netsoka muMiddle East, nzvimbo ine mumvuri yaizomudzivirira pakubanda kwezuva. Jehovha akaita somumvuri kuvanhu vake, achivadzivirira pakugocha kwokupisa kwenhamo. Ona kuti Jehovha anonzi ari ‘kuruoko rworudyi.’ Pakurwa kwaiitwa kare, ruoko rworudyi rwomurwi rwakanga rusina kunyatsodzivirirwa nenhoo, iyo yaibatwa noruoko rworuboshwe. Shamwari yakavimbika yaigona kuuya kuzorwa iri kurudyi rwomurwi ichimudzivirira. Jehovha anomira padivi revanamati vake akavimbika, sezvaiita shamwari yakadaro, akagadzirira kuvabatsira.

6 Jehovha achazomborega kubatsira vanhu vake here? Izvozvo hazvitombofungiki. Munyori wepisarema akapedzisa achiti: “Jehovha uchakuchengeta pazvakaipa zvose; uchachengeta mweya wako. Jehovha uchakuchengeta pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.” (Pisarema 121:7, 8) Ona kuti munyori haachatauri zvenguva ino asi yemberi. Mundima 5 munyori wepisarema amboti: “Jehovha ndiye muchengeti wako.” Asi mundima idzi, munyori wepisarema ava kuti “Jehovha uchakuchengeta.” Saka vanamati vechokwadi vanovimbiswa kuti rubatsiro rwaJehovha ruchasvika munguva yemberi. Hazvinei nokuti vanoenda kupi, hazvinei nokuti vanotarisana nematambudziko akaita sei, havazombovi kure zvokuti anotadza kuvabatsira.​—Zvirevo 12:21.

7 Zvechokwadi, munyori wePisarema 121 aiva nechivimbo chokuti Musiki ane simba rose anotarisira vashumiri vake nounyoro hwakafanana nehwomufudzi uye achiramba achidaro somurindi akasvinurira nguva dzose. Tine chikonzero chiri chose chokuonawo zvinhu sezvaiita munyori wepisarema, nokuti Jehovha haachinji. (Maraki 3:6) Izvi zvinoreva kuti ticharamba tichingodzivirirwa pakukuvadzwa chaikoiko here? Aiwa, asi chero bedzi tichiramba tichivimba naye kuti ndiye Mubatsiri wedu, achatidzivirira pane zvose zvingatikanganisa pakunamata kwedu. Zvinongouya zvoga kuti tibvunze kuti, ‘Jehovha anotibatsira sei?’ Ngationgororei nzira ina dzaanoita nadzo kudaro. Munyaya ino, tichakurukura kuti akabatsira sei vashumiri vake munguva dzekare. Munyaya inotevera, tichakurukura kuti anobatsira sei vanhu vake nhasi.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w06 9/1 15 ¶4

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChishanu reMapisarema

123:2—Mufananidzo une chokuita nemaziso evashumiri unorevei? Vashandi nevashandikadzi vanotarira ruoko rwatenzi kana kuti tenzikadzi wavo pamusana pezvikonzero zviviri: kuti vazive zvaanoda uye kuti vadzivirirwe nokuwana zvavanoda muupenyu. Saizvozvowo, tinotarira kuna Jehovha kuti tizive zvaanoda uye kuti atifarire.

w06 9/1 16 ¶3

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChishanu reMapisarema

133:1-3. Kubatana kwevanhu vaJehovha kunozorodza, uye kwakanaka. Hatifaniri kukuvhiringidza nokutsvakira vamwe mhosva, kupopotedzana, kana kuti kunyunyuta.

SEPTEMBER 19-25

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 135-141

“Takaitwa Nenzira Inoshamisa”

w07 6/15 21 ¶1-4

‘Takaitwa Nenzira Inoshamisa’

NYIKA yakazara nezvinhu zvakasikwa zvinoshamisa. Zvakavapo sei? Vamwe vanofunga kuti mhinduro tinoiwana tisina kumbotaura nezvoMusiki akachenjera. Vamwewo vanoti kuramba kuti Musiki ariko kunotitadzisa kunzwisisa zvakatipoteredza. Vanofunga kuti zvisikwa zvepasi zvakanyanyooma kunzwisisa, zvakasiyana-siyana chaizvo, uye zvinoshamisa zvikuru zvokuti hazvinganzi zvakangoerekana zvavapo. Kuvanhu vakawanda, kusanganisira vamwe vasayendisiti, uchapupu huripo hunoratidza kuti zvakasikwa zvose zvakaitwa noMuiti akangwara, ane simba, uye ane mutsa.

2 Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare aiva nechokwadi chokuti Musiki aifanira kurumbidzwa pamusana pezvinhu zvinoshamisa zvaakasika. Pasinei nokuti Dhavhidhi akararama kare sayenzi isati yava sezvairi mazuva ano, akanzwisisa kuti aiva akapoteredzwa nezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa naMwari. Dhavhidhi aingofanira hake kufunga nezvomuviri wake kuti aone kuti unyanzvi hwaMwari hwokusika hunoshamisa. Akanyora kuti: “Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa. Mabasa enyu anoshamisa, mweya wangu unonyatsozviziva.”​—Pisarema 139:14.

3 Dhavhidhi akanyatsova nechokwadi nezvaakataura nokuti aifungisisa. Mazuva ano, zvidzidzo zvokuchikoro uye nyaya dzinobuda muTV, redhiyo nemapepanhau zvinodzidzisa zvakawanda zvinoita kuti tisadavira kuti takasikwa. Kuti tive nokutenda kwakaita sokwaDhavhidhi, tinofanirawo kufungisisa. Hatingambofungirwi nevamwe, kunyanya panyaya dzinokosha dzakadai sokuvapo kwoMusiki nebasa rake.

4 Uyezve, kufungisisa mabasa aJehovha kunosimbisa kumuonga kwatinoita uye kunoita kuti tive nechivimbo muzvipikirwa zvake zveramangwana. Izvozvo zvinozoita kuti tisvike pakuziva Jehovha zviri nani uye kuti timushumire. Naizvozvo ngatikurukurei kuti sayenzi yemazuva ano inotsigira sei zvakataurwa naDhavhidhi zvokuti ta“kaitwa nenzira inoshamisa.”

w07 6/15 22-23 ¶7-11

‘Takaitwa Nenzira Inoshamisa’

7 “Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri pandakaitwa pakavanda, pandakarukwa ndiri mumativi akadzikira kwazvo enyika.” (Pisarema 139:15) Sero rokutanga rakapatsanuka kuva maviri, maviri kuva mana, zvichingoenda zvakadaro. Pasina nguva masero iwayo akatanga kusiyana, pachiva nemasero etsinga, masero etsandanyama, masero eganda, zvichingodaro. Masero akafanana akabatana kuti aumbe nhengo dzomuviri. Somuenzaniso, muvhiki yechitatu amai vako vabata pamuviri, mapfupa ako akatanga kuumbwa. Pawakazosvitsa vhiki nomwe wakanga watoreba masendimita anenge 2,5 mapfupa ako ose 206 akanga atovapo asi asati asimba kana kuomarara sezvaanoita kana munhu akura.

8 Kukura uku kunoshamisa kwakaitika mudumbu raamai vako, kusingaonekwi nevanhu sokunge kuti kwakanga kwakavigwa muvhu. Chokwadi, vanhu havasati vava kuziva zvakawanda nezvokukura kwedu. Somuenzaniso, chii chakaita kuti mamwe majini (genes) ari mumasero ako audze masero kuti achitanga kupatsanuka achiita mabasa akasiyana-siyana? Sayenzi ingangozozviziva zvayo, asi sezvakazotaurwa naDhavhidhi, Muiti wedu Jehovha, agara achizvinzwisisa zvakazara.

9 “Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu, kuti mazuva api adzakaumbwa uye pakanga pasati pava neimwe chete yadzo.” (Pisarema 139:16) Sero rako rokutanga raiva nourongwa hwakakwana hwomuviri wako wose. Urongwa uhwu hwakatungamirira kukura kwako mumwedzi mipfumbamwe uri mudumbu kusvikira wava nemakore anopfuura makumi maviri. Munguva iyi, muviri wako waichinja, zvose zvichitungamirirwa nezvakanga zvakarongwa musero riya rokutanga.

10 Dhavhidhi haana zvaaiziva nezvemasero nemajini, uye akanga asina kana maikorosikopu zvayo. Asi akanzwisisa zvakarurama kuti kukura kwomuviri wake kwairatidza kuti kwakanga kwakafanorongwa. Dhavhidhi angangodaro aiziva kuti mwana ari mudumbu anokura sei, ndokusaka aigona kutaura kuti danho rimwe nerimwe raifanira kuitika maererano nezvakanga zvakafanorongwa uye panguva yakakodzera. Achidetemba, akatsanangura kurongwa uku achiti kwakanga kwa“kanyorwa mubhuku” raMwari.

11 Mazuva ano, zvinozivikanwa kuti kutodza kwawakaita vabereki vako nemadzisekuru ako—kureba, chiso, maziso, bvudzi, nezvimwewo zvakawanda zvakabva mumajini ako. Rimwe nerimwe remasero ako rine zviuru zvemajini, uye jini rimwe nerimwe chikamu chezvinhu zvakawanda-wanda zvinoumbwa neDNA. Mirayiridzo yokuumbwa kwomuviri wako “yakanyorwa” muDNA yako. Pose panopatsanuka masero ako kuti agadzire masero matsva kana kutsiva masero achembera, majini ako anowana mirayiridzo iyoyo kubva kuDNA, zvichiita kuti urambe uri mupenyu uye uri sezvauri. Chokwadi izvi zvinoratidza simba nouchenjeri zvinoshamisa zvoMusiki wedu wokudenga!

w07 6/15 23 ¶12-13

‘Takaitwa Nenzira Inoshamisa’

Pfungwa Dzedu Dzinoshamisa

12 “Naizvozvo, pfungwa dzenyu dzinokosha sei kwandiri! Haiwa Mwari, dzose zvadzo izhinji sei! Kudai ndaizoedza kudziverenga, dzinopfuura kunyange jecha.” (Pisarema 139:17, 18a) Mhuka dzakasikwawo zvinoshamisa, uye dzimwe dzinotoona kana kutonhuhwidza kupfuura vanhu. Asi Mwari akapa vanhu pfungwa dzinopfuura dzemhuka nokure. Rimwe bhuku resayenzi rinoti: “Kunyange zvazvo isu vanhu takafanana nezvimwe zvinhu mune zvakawanda, takasiyana nezvimwe zvinhu zvipenyu nokuti tinokwanisa kutaura nokufunga. Takasiyanawo pakuti tinoda chaizvo kunzwisisa zvatiri: Muviri wedu wakabatanidzwa sei? Takaumbwa sei?” Dhavhidhi akafungawo nezvemibvunzo iyi.

13 Zvinonyanya kukosha ndezvokuti tinokwanisa kufunga sezvinodiwa naMwari, kusiyana nemhuka. Chipo ichi chinokosha ndeimwe yenzira dzatakaitwa nadzo “nomufananidzo waMwari.” (Genesisi 1:27) Dhavhidhi akashandisa zvakanaka chipo ichi. Akafungisisa zvairatidza kuti Mwari ariko uye unhu hwakanaka hwaioneka munyika yakanga yakamupoteredza. Dhavhidhi aivawo nemabhuku okutanga eMagwaro Matsvene, anozivisa nezvaMwari nemabasa ake. Manyoro matsvene aya akabatsira Dhavhidhi kunzwisisa zvaifungwa naMwari, unhu hwake uye chinangwa chake. Kufungisisa Magwaro, zvakasikwa, uye zvaaiitirwa naMwari kwakaita kuti Dhavhidhi arumbidze Muiti wake.

w06 9/1 16 ¶8

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reChishanu reMapisarema

139:17, 18. Kuziva Jehovha kunotifadza here? (Zvirevo 2:10) Kana zvakadaro, takawana mufaro usingaperi. Pfungwa dzaJehovha “dzinopfuura kunyange jecha.” Pachagara pachingova nezvakawanda zvokudzidza nezvake.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-1 783 ¶5

Kubuda muIjipiti

Saka nechishamiso ichi chikuru, Jehovha akaita kuti zita rake rikudzwe, achibva anunura vaIsraeri. Pavakanga vayambuka Gungwa Dzvuku, Mosesi akatungamirira vanakomana vaIsraeri pakuimba rwiyo. Hanzvadzi yake Miriyemu, muprofitakadzi, yakatora gandira ndokubva yatungamirira vakadzi vose vaiva nemakandira vachitamba, vachidavira rwiyo rwaiimbwa nevarume. (Eks 15:1, 20, 21) VaIsraeri vakanga vanyatsosunungurwa pavavengi vavo. Pavakabuda muIjipiti, havana kana kumbokuvadzwa nevanhu kana nemhuka; hapana imbwa yakambovahon’era kana kuvahukurira. (Eks 11:7) Bhuku raEksodho haritauri kuti Farao akapindawo here nevarwi vake mugungwa pavakaparadzwa, asi Pisarema 136:15 rinotaura kuti Jehovha “akazunzira Farao neuto rake rehondo muGungwa Dzvuku.”

w15 4/15 31 ¶1

Nei Kudzinga Mutadzi Kuri Kuratidza Rudo?

Patinorega zvachose kutaura kana kuti kushamwaridzana nemunhu akadzingwa, tinenge tichiratidza kuti tinomuda, uye izvozvo ndizvo zvichaita kuti apengenuke. Munyori wePisarema Dhavhidhi akati, “Kana munhu akarurama akandirova, waizova mutsa worudo; kana akanditsiura, aizova mafuta omusoro wangu, ayo musoro wangu waisazoda kuramba.” (Pis. 141:5) Ngatitii munhu ari kudya uye obva adzipwa nenyama. Anotadza kufema zvakanaka, otanga kupera simba uye otadza kutaura. Kana pakasava nemunhu anokurumidza kumubatsira, anofa. Shamwari yake inobva yauya yotanga kumurova kumusana kuitira kuti arutse nyama yacho. Kurohwa ikoko kunorwadza, asi kunogona kumuponesa. Saizvozvowo, Dhavhidhi aiziva kuti munhu akarurama aigona kumupa chirango chinorwadza asi chichimubatsira.

SEPTEMBER 26–OCTOBER 2

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 142-150

“Jehovha Mukuru Uye Anofanira Kurumbidzwa Kwazvo”

w04 1/15 10 ¶3-4

Ukuru hwaJehovha Hahunzvereki

‘Ndichakudza Mwari Mambo’

3 Kunyange zvazvo Dhavhidhi aiva mambo akagadzwa naMwari, aiona Jehovha saMambo chaiye weIsraeri. Dhavhidhi akati: “Ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.” (1 Makoronike 29:11) Uye Dhavhidhi aikoshesa kwazvo Mwari soMutongi! “Ndichakukudzai kwazvo, Mwari wangu, imi Mambo,” akaimba kudaro, “ndicharumbidza zita renyu nokusingaperiperi. Ndichakurumbidzai zuva rimwe nerimwe; ndichakudza zita renyu nokusingaperiperi.” (Pisarema 145:1, 2) Chaiva chido chaDhavhidhi kurumbidza Jehovha Mwari zuva rose uye nokusingaperi.

4 Pisarema 145 rinopindura zvine simba kutaura kwaSatani kwokuti Mwari mutongi ane udyire uyo anonyima zvisikwa zvake rusununguko. (Genesisi 3:1-5) Pisarema iri rinofumurawo nhema dzaSatani dzokuti vaya vanoteerera Mwari vanoita kudaro bedzi pamusana pezvavanogona kuwana, kwete nokuti vanoda Mwari. (Jobho 1:9-11; 2:4, 5) SaDhavhidhi, nhasi vaKristu vechokwadi vari kupindura nhema dzaDhiyabhorosi. Vanokoshesa tariro yavo youpenyu husingaperi mukutonga kwoUmambo, nokuti vanoda kurumbidza Jehovha nokusingaperi. Mamiriyoni akatotanga kuita kudaro nokutenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro uye nokushumira Jehovha nokuteerera nokuti, sevanamati vake vakazvitsaurira, vakabhabhatidzwa, vanomuda.​—VaRoma 5:8; 1 Johani 5:3.

w04 1/15 11 ¶7-8

Ukuru hwaJehovha Hahunzvereki

Mienzaniso Youkuru hwaMwari

7 Pisarema 145:3 rinopa chikonzero chikuru chokurumbidza Jehovha. Dhavhidhi anoimba kuti: “Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo; ukuru hwake hahunganzverwi.” Ukuru hwaJehovha hahugumi. Hahugoni kunzverwa zvizere, kunzwisiswa, kana kuti kuyerwa nevanhu. Asi tichanyatsobatsirwa kubva iye zvino nokukurukura mienzaniso youkuru hwaJehovha husinganzvereki.

8 Chimboedza kufunga pawakanga uri kure nemagetsi akajeka omuguta ndokutarira mudenga usiku kusina makore. Hauna kushamiswa here nokuwanda kwenyeredzi dzaioneka murima rakati ndoo romuchadenga? Hauna kunzwa uchida kurumbidza Jehovha nokuda kwoukuru hwake mukusika mitumbi yose iyoyo yomudenga here? Zvisinei, zvawakaona zvaingova chikamu chiduku-duku chenhamba yenyeredzi dziri muboka rimwe chete nepasi redu. Uyezve, zvinofungidzirwa kuti pane mapoka enyeredzi anopfuura mabhiriyoni zana, matatu chete ndiwo anoonekwa pasina teresikopu. Zvechokwadi, nyeredzi dzisingaverengeki uye mapoka enyeredzi anoumba uzhinji hwezvinhu zvose zvakasikwa, uchapupu hwesimba raJehovha rokusika uye ukuru hwake husinganzvereki.​—Isaya 40:26.

w04 1/15 14 ¶20-21

Ukuru hwaJehovha Hahunzvereki

Unhu hwaMwari Hunoratidza Ukuru Hwake!

20 Sezvataona, ndima nhanhatu dzokutanga dzePisarema 145 dzinotipa zvikonzero zvinokosha zvokurumbidza Jehovha nokuda kwezvinhu zvine chokuita noukuru hwake husinganzvereki. Ndima 7 kusvika ku9 dzinoratidza ukuru hwaMwari nokutaura nezvounhu hwake. Dhavhidhi anoimba kuti: “Vachareva vachiyeudzira kunaka kwenyu kukuru, nokuimbira kururama kwenyu. Jehovha une nyasha, uzere netsitsi, haachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji. Jehovha une mwoyo wakanaka kuna vose; ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.”

21 Pano Dhavhidhi anotanga kutaura nezvokunaka uye kururama kwaJehovha—unhu hwakadenhwa naSatani Dhiyabhorosi. Unhu uhwu hunoitei pane vose vanoda Mwari uye vanozviisa pasi pokutonga kwake? Chokwadi, kunaka kwaJehovha uye nzira yake yakarurama yokutonga zvinounza mufaro mukuru kuvanamati vake zvokuti havangaregi kuramba vachimurumbidza. Uyezve, kunaka kwaJehovha kunosvika “kuna vose.” Tinotarisira kuti izvi zvichabatsira vamwezve vakawanda kupfidza vova vanamati vaMwari wechokwadi kusati kwava kunyanya kunonoka.​—Mabasa 14:15-17.

w04 1/15 15 ¶2

Jehovha Ane Rudo Rwokuvimbika Kwazvo

2 Jehovha anoratidza rudo rwake kuvanamati vake vechokwadi munzira inokosha, isingaperi. Rudo rwakadaro runotaurwa neshoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “mutsa une rudo,” kana kuti “rudo rwokuvimbika.” Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare aikoshesa zvikuru mutsa une rudo waMwari. Nokuda kworuzivo rwake uye kufungisisa kwake mabatiro aMwari nevamwe, Dhavhidhi aigona kuimba nechivimbo kuti: “Jehovha . . . une ngoni zhinji [“mutsa une rudo kana kuti rudo rwokuvimbika,” NW].”​—Pisarema 145:8.

w04 1/15 16 ¶3-6

Jehovha Ane Rudo Rwokuvimbika Kwazvo

Kuziva Vakavimbika vaMwari

3 NezvaJehovha Mwari, amai vomuprofta Samueri, Hana, vakati: “Uchachengeta tsoka dzavatsvene [“vakavimbika,” NW] vake.” (1 Samueri 2:9) “Vakavimbika” ivavo ndivanaani? Mambo Dhavhidhi anopa mhinduro. Pashure pokurumbidza unhu hwaJehovha hunoshamisa, anoti: ‘Vakavimbika venyu vachakukomborerai.’ (Pisarema 145:10) Ungashamisika kuti vanhu vangakomborera Mwari sei. Vanodaro zvikurukuru nokumurumbidza kana kuti nokutaura zvakanaka nezvake.

4 Vakavimbika vaJehovha vangazivikanwa sevaya vanoshandisa miromo yavo kutaura zvakanaka nezvake. Pavanenge vachitandara zvavo uye pamisangano yechiKristu, vanowanzokurukura chii? Zviri pachena kuti Umambo hwaJehovha! Vashumiri vaMwari vakavimbika vanonzwa saDhavhidhi, uyo akaimba kuti: “Vachataura vachireva kubwinya kwoushe hwenyu [Jehovha], nokuparidza simba renyu.”​—Pisarema 145:11.

5 Jehovha anoteerera here apo vakavimbika vake vanomurumbidza? Hungu, anoteerera zvavanotaura. Muuprofita hune chokuita nokunamata kwechokwadi muzuva redu, Maraki akanyora kuti: “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” (Maraki 3:16) Jehovha anofara zvikuru vakavimbika vake pavanotaura zvakanaka nezvake, uye anovayeuka.

6 Vashumiri vaJehovha vakavimbika vanogona kuzivikanwawo nokushinga kwavo uye nokutanga kwavanoita kutaura nevanhu vasiri vanamati vaMwari wechokwadi. Zvechokwadi, vakavimbika vaMwari ‘vanozivisa vanakomana vavanhu mabasa ake ane simba nokubwinya kwoumambo hwoushe hwake.’ (Pisarema 145:12) Unotsvaka ndokushandisa zvizere mikana yokutaura nevausingazivi nezvoumambo hwaJehovha here? Kusiyana nehurumende dzevanhu, idzo dzichakurumidza kupfuura, umambo hwake ndehwokusingagumi. (1 Timoti 1:17) Ndezvokukurumidzira kuti vanhu vadzidze nezvoumambo husingaperi hwaJehovha uye vohutsigira. “Ushe hwenyu ndihwo ushe husingaperi,” akaimba kudaro Dhavhidhi, “noumambo hwenyu huchagara nokusingaperi.”​—Pisarema 145:13.

w04 1/15 17-18 ¶10-14

Jehovha Ane Rudo Rwokuvimbika Kwazvo

10 Zviri pachena kuti vamwe vatongi vevanhu vane hanya zvepachokwadi nezvokugara zvakanaka kwevanhu vavo. Asi kunyange vaya vane chido chakanakisisa pakati pavo havanyatsozivi vanhu vavo. Chokwadi, tingabvunza kuti: Pane mutongi ane hanya nevanhu vake vose here zvokuti anokurumidza kubatsira mumwe nomumwe munguva yenhamo? Hungu, aripo. Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha unotsigira vose vanowa, unosimudza vose vakakotamiswa pasi.”​—Pisarema 145:14.

11 Vanhu vaJehovha Mwari vakavimbika vanowirwa nemiedzo nenjodzi zvakawanda nokuti havana kukwana uye nokuti vanogara munyika iri musimba ro“wakaipa,” Satani. (1 Johani 5:19; Pisarema 34:19) VaKristu vanotambudzwa. Vamwe vanotambura nechirwere chisingaperi kana kuti nokufirwa. Dzimwe nguva, zvikanganiso zvevakavimbika vaJehovha zvingavaita kuti ‘vakotame pasi’ nokuora mwoyo. Zvisinei, chero ungava muedzo unovawira, nguva dzose Jehovha akagadzirira kunyaradza uye kupa simba romudzimu kune mumwe nomumwe wavo. Mambo Jesu Kristu anofarirawo saizvozvo vanhu vake vakavimbika.​—Pisarema 72:12-14.

Zvokudya Zvinogutsa Panguva Yakafanira

12 Nokuti ane mutsa une rudo mukuru, Jehovha anogovera zvose zvinodiwa nevashumiri vake. Izvi zvinosanganisira kuvagutsa nezvokudya zvinovaka muviri. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Meso avose anotarira kwamuri [Jehovha]; munovapa zvokudya zvavo panguva yakafanira. Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:15, 16) Kunyange munguva yenjodzi, Jehovha anogona kuita kuti vakavimbika vake vawane ‘chingwa chezuva.’​—Ruka 11:3; 12:29, 30.

13 Dhavhidhi akataura kuti “zvipenyu zvose” zvinogutiswa. Izvi zvinosanganisira mhuka. Kudai pasina zvinomera zvakawanda zvepanyika nezvomugungwa, zvisikwa zvomumvura, shiri, uye mhuka dzepanyika zvaizodai zvisina mhepo yokufema kana kuti zvokudya. (Pisarema 104:14) Zvisinei, Jehovha anoona kuti zvose zvawana zvazvinoda.

14 Kusiyana nemhuka, vanhu vane chinodiwa chomudzimu. (Mateu 5:3) Jehovha anogutsa zvinodiwa zvomudzimu zvevakavimbika vake nenzira inoshamisa! Asati afa, Jesu akavimbisa kuti “muranda akatendeka, akangwara” aizogovera vateveri vaJesu ‘zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira.’ (Mateu 24:45) Vasara vevakazodzwa 144 000 vanoumba boka iroro romuranda nhasi. Zvechokwadi Jehovha ave achigovera zvokudya zvomudzimu zvakawanda achivashandisa.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w10 1/15 21 ¶1-2

Kudza Mwari Zuva Rimwe Nerimwe Roupenyu Hwako

MUNYORI wepisarema Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Itai kuti ndinzwe mutsa wenyu worudo mangwanani. . . . Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo.” (Pis. 143:8) Mangwanani oga oga unotenda Jehovha kuti wamuka uri mupenyu, womuteterera kuti akutungamirire pane zvauchasarudza uye kuti ufambe munzira yakanaka, sezvakaitwa naDhavhidhi here? Hapana mubvunzo kuti ndizvo zvaunoita.

Zvatiri vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira, ‘tingave tiri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu chipi zvacho,’ tinoedza kuita “zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.” (1 VaK. 10:31) Tinoziva kuti mararamiro atinoita mazuva ose achaita kuti Jehovha akudzwe kana kuti azvidzwe. Tinoyeukawo kuti Shoko raMwari rinoti, “masikati nousiku” Satani ari kupomera hama dzaKristu, kana kuti tingatoti vashumiri vaMwari vose vari pasi pano. (Zvak. 12:10) Naizvozvo, takatsunga kupindura kupomerwa kwatinoitwa naSatani uye kuita kuti mwoyo waJehovha ufare nokuitira Baba vedu vokudenga basa dzvene “masikati nousiku.”​—Zvak. 7:15; Zvir. 27:11.

it-2 448

Muromo

Inhengo yemuviri yakasikwa naMwari inopinda nayo zvekudya, uyewo ndiwo unoshandiswa nevanhu pakutaura. Zvose zvatinotaura zvinofanira kunge zvichiita kuti Mwari arumbidzwe. (Pis 34:1; 51:15; 71:8; 145:21) Munyori wepisarema akataura kuti chinhu chose chinofema chicharumbidza Jehovha; saka vanhu vanofanira kushandisa miromo yavo kurumbidza Jehovha kana vachida kuponeswa. Muapostora Pauro akatsanangura kuti hazvina kukwana kungotenda nechemumwoyo kuti Mwari neMwanakomana wake variko. Kuti munhu aponeswe, zvinotoda kuti azivise pachena nemuromo.​—Pis 150:6; VaR 10:10.

Jehovha anogona kushandisa simba rake seMusiki kuisa mashoko mumuromo wemushumiri wake kuti azadzise chinangwa chake. Kana vari vaprofita, akaita zvekuvafuridzira. (Eks 4:11, 12, 15; Jer 1:9) Pane imwe nguva akatoshandisa mbongoro kuti itaure. (Nu 22:28, 30; 2Pe 2:15, 16) Mazuva ano, Mwari anoisa mashoko ake mumiromo yevashumiri vake, kwete achiita zvekuvafuridzira, asi achishandisa Shoko rake raakafuridzira, iro rinovashongedzera zvakakwana kuita mabasa ose akanaka. (2Ti 3:16, 17) Havachamiriri kuti Kristu auye kuzovapa mashoko akanaka, kana kutsvaga dzimwe nzira dzekuwana nadzo mashoko ekuparidza. Mashoko acho vanotova nawo, uye vakatogadzirira kuataura, sezvavanoudzwa kuti: “Shoko racho riri pedyo newe, mumuromo mako nomumwoyo mako.”​—VaR 10:6-9; Dhe 30:11-14.

Unogona Kuponesa Kana Kuurayisa. Zvakakosha chaizvo kuti munhu ashandise muromo zvakanaka, uye ndizvo zvinodiwa naJehovha. Shoko rake rinoti: “Muromo womunhu akarurama itsime roupenyu.” (Zvi 10:11) Saka muromo unotofanira kuchengetedzwa chaizvo (Pis 141:3; Zvi 13:3; 21:23), nekuti kutadza kuushandisa zvakanaka kunogona kukanganisa muridzi wawo. (Zvi 10:14; 18:7) Munhu anozvidavirira kuna Mwari pamashoko anenge abuda mumuromo make. (Mt 12:36, 37) Munhu anogona kutaura asina kufunga, omhanyira kuita mhiko. (Mup 5:4-6) Anogona kubata vamwe kumeso, zvokanganisa mukurumbira wavo, uye zvokanganisawo iye pachake. (Zvi 26:28) Zvakakosha kuti munhu abate muromo kana ari pane vanhu vakaipa, nokuti kungorasika zvishoma kunogona kuita kuti zita raMwari rizvidzwe kana kutomuurayisa pachake. (Pis 39:1) Jesu akaita zvakanaka nekuti akaita zvaidiwa naMwari asinganyunyuti uye haana kutuka vanhu vakaipa vaimushora.​—Isa 53:7; Mab 8:32; 1Pe 2:23.

Semunhu ane chivi, muKristu anofanira kugara achiongorora mwoyo wake. Jesu akati zvinopinda mumuromo handizvo zvinosvibisa munhu; asi zvinobuda mumuromo ndizvo zvinomusvibisa, nekuti “muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mt 12:34; 15:11) Saka munhu asati ataura, anofanira kutanga afunga kuti zvichaguma nei. Kuti aite izvi, anofanira kutanga afunga zvinhu zvakanaka zvaakadzidza muShoko raMwari.​—Zvi 13:3; 21:23.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe