Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
OCTOBER 3-9
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 1-6
“Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose”
Shandira Kuva Noukama naJehovha
“SWEDERAI pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 4:8) Uye munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya.” (Pisarema 25:14) Zviri pachena kuti Jehovha Mwari anoda kuti tive noukama hwepedyo naye. Asi, haasi munhu wose anonamata Mwari nokuteerera mitemo yake anonzwa hake ari pedyo naye.
Zvakadini newe? Une ukama hwepedyo naMwari hwomunhu oga here? Pasina mubvunzo, unoda kuswedera pedyo naye. Tingashandira sei kuva noukama naMwari? Izvi zvingarevei kwatiri? Chitsauko chechitatu chebhuku reBhaibheri raZvirevo chinopa mhinduro dzacho.
Ratidza Mutsa Worudo Nechokwadi
Mambo Soromoni womuIsraeri yekare anotanga chitsauko chechitatu chaZvirevo nemashoko anoti: “Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; asi mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu; nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, namakore oupenyu, norugare.” (Zvirevo 3:1, 2) Sezvo Soromoni akanyora achifuridzirwa naMwari, zano iri rakaita serababa chaizvoizvo riri kubva kuna Jehovha Mwari uye riri kupiwa kwatiri. Pano tiri kupiwa zano rokuchengeta zviyeuchidzo zvaMwari—mutemo wake, kana kuti dzidziso yake, nemirayiridzo yake—zvakanyorwa muBhaibheri. Kana tikaita izvi, ‘mazuva mazhinji, nemakore oupenyu, norugare zvichawedzerwa’ kwatiri. Hungu, kunyange zvino tinogona kuva noupenyu hune rugare uye tingadzivisa zvinhu zvingatiita kuti tife nokukurumidza zviri kuwanzowira vaiti vezvakaipa. Uyezve, tingava netariro youpenyu husingaperi munyika itsva ine rugare.—Zvirevo 1:24-31; 2:21, 22.
Achipfuurira, Soromoni anoti: “[“Mutsa worudo,” NW] nezvokwadi ngazvirege kukusiya; uzvisungire pamutsipa wako; uzvinyore pahwendefa romwoyo wako; nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka pamberi paMwari navanhu.”—Zvirevo 3:3, 4.
Shoko romumutauro wapakutanga rokuti “mutsa worudo” neimwe nzira rinoshandurwa kuti “rudo rwokuvimbika” uye rinobatanidza kutendeseka, kubatana, uye kuvimbika. Takatsunga kuramba tiri kuna Jehovha kunyange zvodini here? Tinoratidzira mutsa worudo here muukama hwedu nevatinotenda navo? Tinoshandira kuramba tiri pedyo navo here? Muzvinhu zvatinoita navo zuva nezuva, tinochengeta ‘mutemo wemutsa worudo parurimi rwedu’ kunyange mumamiriro ezvinhu anoedza here?—Zvirevo 31:26.
Zvaane mutsa worudo kwazvo, Jehovha a“nofarira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Kana takapfidza zvivi zvedu zvekare ndokuitira tsoka dzedu nzira dzakarurama zvino, tinovimbiswa kuti “mwaka yokusimbaradzwa” ichauya ichibva kuna Jehovha. (Mabasa 3:19) Hatifaniri kutevedzera Mwari wedu nokukanganwira vamwe kudarika kwavo here?—Mateu 6:14, 15.
Jehovha ndi“Mwari wechokwadi,” uye anoda “chokwadi” kune vaya vari kutsvaka ukama hwepedyo naye. (Pisarema 31:5) Tingatarisira kuti Jehovha ave Shamwari yedu chaizvoizvo here kana tichirarama upenyu huviri—neimwe nzira pane vatinonamata navo vechiKristu uye neimwe nzira pavanenge vasingationi—kungofanana ne“vanhu venhema” vanovanza zvavari? (Pisarema 26:4) Hwaizova ufuza hwakadini, sezvo “zvinhu zvose zvakafukuka uye zviri pachena mumaziso” aJehovha!—VaHebheru 4:13.
Mutsa worudo nechokwadi zvinofanira kukosheswa senekiresi inokosha ‘yakasungirirwa muhuro medu,’ nokuti zvinotibatsira ‘kuwana nyasha pamberi paMwari nevanhu.’ Hatifaniri kungoratidzira unhu uhwu zvinooneka asiwo kuhunyora ‘pahwendefa remwoyo yedu,’ tichihuita rutivi rwunokosha rweunhu hwedu.
Shandira Kuvimba Chose naJehovha
Mambo akachenjera anopfuurira kuti: “Vimba naJehovha nemwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.
Zvechokwadi Jehovha akafanirwa kuvimbwa nesu zvakakwana. SoMusiki, ndiye “mukuru pakusimba kwake” uye ndiye Anopa “simba.” (Isaya 40:26, 29) Anogona kuita zvose zvaakapikira. Zvechokwadi, zita rake chairo rinoreva “Anokonzera Kuvapo,” uye rinovaka chivimbo chedu mumano ake okuzadzika zvaakapikira! Chokwadi chokuti hazv“ingabviriri Mwari kuti areve nhema” chinomuita ave muenzaniso mukuru wechokwadi. (VaHebheru 6:18) Unhu hwake hunotonga kupfuura hwose rudo. (1 Johani 4:8) “Akarurama panzira dzake dzose, ane nyasha pazvose zvaanoita.” (Pisarema 145:17) Kana tisingavimbi naMwari, ndiani watingavimba? Chokwadika, kushandira kuvimba naye, tinoda ‘kuravira ndokuona kuti Jehovha wakanaka’ nokushandisa zvatinodzidza muBhaibheri muupenyu hwedu somunhu oga nokufunga nezvezvakanaka zvinovapo nemhaka yeizvi.—Pisarema 34:8.
Tinga‘teerera sei Jehovha pane zvose zvatinoita’? Munyori wepisarema akafuridzirwa anoti: “Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita.” (Pisarema 77:12) Sezvo Mwari asingaoneki, kufungisisa mabasa ake makuru nezvaanoita nevanhu vake zvinokosha kutanga pakushandira ukama hwepedyo naye.
Munyengetero ndeimwe nzira inokoshawo yokuteerera Jehovha. Mambo Dhavhidhi akaramba achidana kuna Jehovha “zuva rose.” (Pisarema 86:3) Dhavhidhi aiwanzonyengetera munguva yousiku, sepaye paaiva mupoteri murenje. (Pisarema 63:6, 7) “Muchiramba muchinyengetera mumudzimu nguva dzose,” akakurudzira kudaro muapostora Pauro. (VaEfeso 6:18) Tinowanzonyengetera kangani? Tinofadzwa nokukurukurirana kwomunhu oga kunobva pamwoyo naMwari here? Patinosangana nemamiriro ezvinhu anoedza, tinomuteterera kuti atibatsire here? Tinotsvaka nhungamiro yake tichinyengetera here tisati taita zvisarudzo zvinokosha? Minyengetero yedu yechokwadi kuna Jehovha inoita kuti tidiwe naye. Uye tine vimbiso yokuti achateerera munyengetero wedu ndo‘kururamisa makwara edu.’
Ufuza hwakadini ‘kusendama panjere dzedu’ kana pane dzevanhu vaye vakakurumbira vari munyika nepo tichigona kuisa chivimbo chedu chakakwana muna Jehovha! “Usazviti wakachenjera,” anodaro Soromoni. Mukupesana, anorayira kuti: “Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; zvichava mushonga womuviri wako, nomwongo wamapfupa ako.” (Zvirevo 3:7, 8) Kutya kunovaka kwokuda kusafadza Mwari kunofanira kutungamirira zviito zvedu zvose, pfungwa, nemanzwiro edu. Kutya kwakadaro kwokuremekedza kunotidzivisa kuita zvakaipa uye kunorapa nokuzorodza mumudzimu.
Ipa Jehovha Zvakanakisisa Zvako
Munzira imwe ipi matinogona kuswedera pedyo naMwari? “Kudza Jehovha nezvaunazvo [“zvinokosha, NW”], uye nezvitsva zvazvose zvawakawana,” anorayiridza kudaro mambo wacho. (Zvirevo 3:9) Kukudza Jehovha kunoreva kumuratidzira rukudzo rukuru zvikuru uye kumurumbidza pachena nokugoverana uye kutsigira kuziviswa kwezita rake kuvanhu. Zvinhu zvinokosha zvatinokudza Jehovha nazvo inguva yedu, zvipo zvedu, simba redu, uye zvinhu zvedu. Ndizvo zvinofanira kuva zvibereko zvitsva—zvakanakisisa zvedu. Mashandisire atinoita pfuma yedu yomunhu oga haafaniri kuratidzira kutsunga kwedu ‘kwokutanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari’ here?—Mateu 6:33.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvirevo
Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:
1:7; 9:10—Kutya Jehovha ndiko “kutanga kwezivo” uye “kutanga kwouchenjeri” pakudini? Pasina kutya Jehovha, hapangavi nezivo, nokuti ndiye Musiki wezvinhu zvose uye Munyori weMagwaro. (VaRoma 1:20; 2 Timoti 3:16, 17) Zivo yose yechokwadi inobva kwaari. Saka, zivo inotanga nokutya Jehovha kwokumuremekedza. Kutya Mwari ndiko kutangawo kwouchenjeri nokuti uchenjeri hahugoni kuvapo kana pasina zivo. Uyezve, munhu asingatyi Jehovha haangashandisi zivo chero ipi zvayo yaainayo kuti akudze Musiki.
it-2-E 180
Zivo
Tsime reZivo. Jehovha ndiye Tsime rezivo. Ndiye zvakare tsime reupenyu, uye kuti munhu akwanise kuwana zivo, anofanira kunge ari mupenyu. (Pis 36:9; Mab 17:25, 28) Uyezve, Mwari ndiye akasika zvinhu zvese, saka ruzivo rwune vanhu rwunobva pakudzidza zvinhu zvaakasika. (Zva 4:11; Pis 19:1, 2) Mwari ndiyezve akaita kuti Shoko rake rinyorwe, uye kuti vanhu vazive zvaanoda uye zvinangwa zvake, vanofanira kuriverenga. (2Ti 3:16, 17) Saka zivo yechokwadi inobva kuna Jehovha, uye munhu anotsvaga zivo iyoyo anofanira kutya Mwari, kureva kuti haafaniri kuita zvinhu zvisingafadzi Jehovha. Kutya ikoko ndiko kutanga kwezivo. (Zvi 1:7) Ndikozve kunoita kuti munhu awane zivo yechokwadi, asi vaya vasingazivi Mwari vanopedzisira vava nemafungiro asina kunaka pavanoona mabasa aMwari.
Chengetedza Zita Rako
MURUME anogadzira mapurani ezvivako zvakaisvonaka anozviitira zita senyanzvi yokugadzira mapurani. Mhandara inogona muchikoro inosvika pakuzivikanwa somudzidzi akangwara. Kunyange munhu asingashandi angazviitira zita rokuti simbe. Richisimbisa kukosha kwokuzviitira zita rakanaka, Bhaibheri rinoti: “Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma yakawanda, mukurumbira wakanaka unodiwa kupfuura sirivha nendarama.”—Zvirevo 22:1, An American Translation.
Zita rakanaka rinokudziridzwa nezviito zviduku zvakawanda zvinoitwa munguva yakati. Zvisinei, chiito chimwe choupenzi chinogona kuriipisa. Somuenzaniso, kuita zvounzenza kamwe, kungaipisa mukurumbira wakanaka. Muchitsauko 6 chebhuku reBhaibheri raZvirevo, Mambo Soromoni weIsraeri yekare anopa nyevero pamafungiro uye zviito zvinogona kuipisa mukurumbira wedu wakanaka uyewo zvinokuvadza ukama hwedu naJehovha Mwari. Pazvimwe zvacho ivimbiso dzisina hanya navamwe, usimbe, kunyengera, unzenza—zviri zvinhu zvikuru zvinovengwa naJehovha. Kuteerera zano iri kuchatibatsira kuchengeta zita redu rakanaka.
Zvibvise Muvimbiso Dzoupenzi
Chitsauko 6 chaZvirevo chinotanga namashoko anoti: “Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako [chikwereti], wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako, wazviteya namashoko omuromo wako, wabatwa namashoko omuromo wako, zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, zvawabatwa noruoko rwowokwako: Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kune wokwako.”—Zvirevo 6:1-3.
Chirevo ichi chinopa zano rokubatanidzwa mumabhizimisi avamwe, kunyanya vausingazivi. Hungu, vaIsraeri vaifanira ‘kubatsira hama yavo inotambura uye isina mari.’ (Revhitiko 25:35-38) Asi vamwe vaIsraeri vasingaiti zvokunonozeka vakabatanidzwa muzvirongwa zvebhizimisi zvinovimbisa pundutso uye vakawana tsigiro yemari nokukumbira vamwe vanhu kuti vavatorere ‘chikwereti,’ saka vachivaita kuti vave nomutoro wechikwereti. Mamiriro ezvinhu akafanana naiwayo angaitika nhasi. Somuenzaniso, masangano anokweretesa mari angada mumwe munhu anosaina vimbiso asati apa chikwereti chaanoona kuti chine ngozi. Kusachenjera kwakadini kuita chibvumirano chakadaro chechimbi chimbi nokuda kwavamwe! Chokwadi, zvingatotiisa mumusungo wemari, kunyange kutoita kuti tive nezita rakaipa namabhangi uye vamwe vakweretesi!
Zvakadini tikawana kuti tava mumamiriro ezvinhu akaoma nemhaka yokuti takaita chaioneka sokuchenjera pakutanga asi nokunyatsoongorora chava kuoneka huri upenzi? Zano riripo nderokurega kudada uye “[kukumbira] zvikuru kune wokwako”—uye kuramba uchikumbira. Tinofanira kuita zvose zvatinokwanisa kugadzirisa zvinhu. Rimwe duramashoko rinoti: “Edza zvose zvaunokwanisa kusvikira wabvumirana nomumwe wako wogadzirisa nyaya yacho, kuitira kuti chikwereti chenyu chirege kukuwira iwe nemhuri yako.” Uye izvi zvinofanira kuitwa nokukurumidza, nokuti mambo anowedzera kuti: “Usatendera meso ako hope, kana mafungiro ameso ako kutsimwaira; uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, seshiri paruoko rwomuteyi.” (Zvirevo 6:4, 5) Zvakanaka kubuda muchibvumirano chisiri chokuchenjera pazvinokwanisika pane kuti chikubate mumusungo.
Shanda Nesimba Sesvosve
“Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro, ugova wakachenjera,” anorayira kudaro Soromoni. Uchenjeri hworudzii hwatingawana munzira dzesvosve duku? Mambo wacho anopindura kuti: “Kunyange iro risina mutongi, kana mutariri kana mubati, rinogadzira zvokudya zvaro muzhizha, nokuunganidza zvokudya zvaro mukukohwa.”—Zvirevo 6:6-8, NW.
Masvosve akarongeka zvinoshamisa uye anozivikanwa nokubatana. Nomuzvarirwo, anounganidza zvokudya zvawo zvenguva yemberi. Haana “mutongi, kana mutariri kana mubati.” Chokwadi, masvosve ane zimai asi ndimai chete mukuti rinoita mazai uye kuti ndiro zimai renzvimbo yacho. Haripi mirayiridzo. Kunyange pasina foromani anoatungamirira kana mutarisiri anoatarisira, masvosve anoramba achishanda pabasa rawo asinganeti.
Sesvosve, hatifaniri here kushandawo nesimba? Kushanda nesimba uye kuedza kuvandudza basa redu kwakatinakira pasinei nokuti tiri kuteverwa mumashure here kana kwete. Hungu, kuchikoro, kubasa kwedu, uye paya patinenge tichiita mabasa omudzimu, tinofanira kuita zvakanakisisa. Sezvo svosve richibatsirika nokushanda kwaro nesimba, saka Mwari anoda kuti isu ‘tiwane zvakanaka pakubata kwedu kwose.’ (Muparidzi 3:13, 22; 5:18) Hana yakachena nokugutsikana somunhu mibayiro yokushanda nesimba.—Muparidzi 5:12.
Achishandisa mibvunzo miviri isina mhinduro, Soromoni anoedza kumutsa simbe pausimbe hwayo nokuti: “Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira riniko? Uchamuka riniko pahope dzako?” Achitevedzera matauriro ayo, mambo anowedzera kuti: “Kumbovata zvishomanana, kumbotsimwaira zvishomanana, kumbofungatira maoko zvishomanana, ndizorore; saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, nokushayiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa.” (Zvirevo 6:9-11) Nepo simbe ine nungo, urombo hunoiwira nokukurumidza segororo, uye kushaya kunoirwisa somunhu akashonga nhumbi dzokurwa. Nokukurumidza minda yesimbe inozara sora neminzwa. (Zvirevo 24:30, 31) Nenguva isipi bhizimisi rayo rinorasikirwa. Ko mushandirwi angashivirira simbe kwenguva yakareba sei? Uye mudzidzi ane usimbe chaizvo angatarisira kubudirira muchikoro here?
Tendeseka
Achitaurazve humwe unhu hunoparadza mukurumbira wakanaka womunhu munzanga noukama hwake naMwari, Soromoni anopfuurira kuti: “Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, ndiye anofamba nomuromo une nhema; anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, anodudzira neminwe yake; ane zvisakarurama pamwoyo pake, anosifungira vamwe zvakaipa, anokusha kupesana.”—Zvirevo 6:12-14.
Rondedzero iyi ndeyomunyengeri. Murevi wenhema anowanzoedza kuvanza nhema dzake. Sei? Kwete “nomuromo une nhema” chete asiwo namajangariko. Imwe nyanzvi inoti: “Majangariko, chimiro chenzwi, uyewo chitarisiko chechiso zvingashandiswa senzira dzokunyengera, seri kwechiso chinoita sechechokwadi kune pfungwa dzounyengeri uye mafungiro asingawirirani.” Munhu asina maturo akadaro anoronga zvirongwa zvakaipa uye anokonzera kupesana nguva yose. Zvinhu zvinozomugumira nepi?
OCTOBER 10-16
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 7-11
“Mwoyo Wako Ngaurege Kutsauka”
“Chengeta Mirayiro Yangu, Urarame”
“Isungire [mirayiro yangu] paminwe yako,” anoenderera mberi Soromoni, “inyore pahwendefa romwoyo wako.” (Zvirevo 7:3) Sezvo tichigara tichiona minwe uye ichikosha pakuita zvinangwa zvedu, zvidzidzo zvinodzidzwa pakurovedzwa neMagwaro kana kuwanikwa kwezivo yeBhaibheri zvinofanira kuva chiyeuchidzo chenguva dzose nenhungamiro mune zvose zvatinoita. Tinofanira kuinyora pahwendefa remwoyo wedu, tichiiita humwe hweunhu hwedu.
Asingakanganwi kukosha kwouchenjeri nokunzwisisa, mambo wacho anokurudzira kuti: “Uti kuuchenjeri: Ndiwe hanzvadzi yangu; utumidze [“kunzwisisa,” NW] shamwari yako.” (Zvirevo 7:4) Kuchenjera kukwanisa kushandisa zvakanaka zivo inopiwa naMwari. Tinofanira kuda uchenjeri sezvatinoita hanzvadzi yatinoda zvikuru. Kunzwisisa chii? Kukwanisa kuona zvakaita nyaya ndokuinzwisisa nokuziva kubatana kwakaita mativi ayo nenyaya yacho yose. Kunzwisisa kunofanira kuva pedyo nesu sezvinoita shamwari yepedyo.
Nei tichifanira kuomerera kukurovedza kweMagwaro ndokukudziridza ushamwari nouchenjeri uye kunzwisisa? Kuitira “kuti [tizvi]chengete pamukadzi wokumwe, pamutorwa unobata kumeso namashoko ake.” (Zvirevo 7:5) Hungu, kuita kudaro kuchatidzivirira panzira dzinobata kumeso uye dzokunyengetedza dzowokumwe, kana kuti dzomutorwa—munhu ane unzenza.
Jaya Rinosangana No‘mukadzi Anonyengera’
Mambo weIsraeri anobva arondedzera chiitiko chaakaona iye pachake: “Ndakatarira pawindo reimba yangu, parutanda rwewindo rangu; ndikatarira pakati pavasina mano, ndikaona pakati pamajaya rimwe jaya rakashayiwa njere; richipfuura nenzira yomumusha pedyo nekona yeimba yomukadzi uyo, richifamba nenzira kuimba yomukadzi; nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, pakati pousiku kwasviba.”—Zvirevo 7:6-9.
Windo iro Soromoni anotarira nepariri rine rutanda—zvimwe furemu ine tutanda uye zvichida zvinhu zvakavezwa pairi zvinoshamisira. Sezvo rubvunzavaeni rwunonopera, rima rousiku rinofukidza migwagwa. Anoona rimwe jaya rinonyengerwa nyore nyore. Risina nzwisiso, kana kuti kungwara, rinoshayiwa njere. Zvingadaro kuti, riri kuziva rudzi rwenharaunda yarapinda uye zvingaitika kwariri imomo. Jaya racho rinosvika pedyo “nekona yeimba yomukadzi uyo,” iri munzira inoenda kumba kwake. Mukadzi uyu ndiani? Ari kumirirei ipapa?
Mambo ari kucherechedza anoenderera mberi achiti: “Zvino tarira, mukadzi akasongana naye, wakanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamwoyo. Anopupira, achiita sezvaanoda; tsoka dzake hadzigari mumba make; imwe nguva uri munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; unorindira pamakona ose.”—Zvirevo 7:10-12.
Mapfekero omukadzi uyu anotaura zvakawanda nezvake. (Genesi 38:14, 15) Akapfeka zvisina mwero, sepfambi. Uyezve, anonyengedzera pamwoyo—pfungwa dzake dzino“nyengera,” vavariro yake ndeye“manomano.” (An American Translation; New International Version) Anopupira achiita sezvaanoda, achitaurisa uye haadzoreki, ane ruzha uye anoita zvaanofunga, ane hasha uye haateereri. Pane kuti agare pamba, anosarudza kufamba-famba munzvimbo dzine vanhu vakawanda, achimira mumakona emigwagwa kuti abate munhu waanoda kunyengera. Ari kumirira mumwe munhu akaita sejaya iri.
‘Kutaura Kuzhinji Kwakanaka’
Saka jaya rinosangana nomukadzi ane unzenza ane zano remanomano. Izvi zvinofanira kuva zvakabata sei pfungwa dzaSoromoni! Anorondedzera kuti: “Iye akamubata, akamusveta; akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari: Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, nhasi ndaripa mhiko dzangu. Saka ndabuda kuzokuchingamidza, nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana.”—Zvirevo 7:13-15.
Miromo yomukadzi uyu inotsvedzerera. Nechiso chisinganyari, anotaura mashoko ake nechivimbo. Chinhu chose chaanotaura chakanyatsorongwa kuti anyengedze jaya racho. Nokutaura kuti akanga aita zvibayiro zvake zvokuyananisa zuva iroro chairo ndokuripa mhiko dzake, anoratidza kururama, achipa pfungwa yokuti anonamatawo. Zvibayiro zvokuyananisa patemberi muJerusarema zvaisanganisira nyama, furawa, mafuta, newaini. (Revhitiko 19:5, 6; 22:21; Numeri 15:8-10) Sezvo aipa wacho aigona kutora zvimwe zvechibayiro chokuyananisa nokuda kwake nemhuri yake, saka anotaura kuti kumba kwake kune zvokudya nezvokunwa zvakawanda. Zviri kurehwa zvakajeka: Jaya racho raizova nenguva yakanaka ikoko. Abuda mumba make zvikurukuru kuti aritsvake. Zvinonzwisa urombo sei—kana mumwe munhu angadavira nyaya yakadaro. “Ichokwadi kuti akanga auya kuzotsvaka mumwe munhu,” inodaro imwe nyanzvi yeBhaibheri, “asi akauya chaizvoizvo kuzotsvaka munhu iyeyu zvikurukuru chaiye here? Fuza chete—zvimwe irori—ndiro raizomutenda.”
Azviita kuti ayemurike nemapfekero ake, nokunzwika kwemashoko ake anonyengera, nemambundikire ake anofadza, uye nokupfavirira kwemiromo yake, munyengerikadzi anokwezva nokushandisa zvinonhuwirira. Anoti: “Ndakawarira machira anoukomba pamubhedha wangu, nemicheka ine mavara inobva Ijipiti. Ndakasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, mura, negavakava, nekinamoni.” (Zvirevo 7:16, 17) Agadzira mubhedha wake zvakaisvonaka nemachira ane mavara akanaka anobva Ijipiti ndokuuita kuti unhuwirire nezvinonhuwirira zvakanaka zvemura, gavakava, nekinamoni.
“Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani,” anoenderera mberi, “ngatizvifadze nokudana kukuru.” Zviri kukokerwa zvinopfuura zvokudya zvinonaka zvevanhu vaviri. Ari kuvimbisa kuti vachanakidzwa nokurara vose. Kujaya racho, zviri kukumbirwa zvacho zvinhu zvarisingazivi uye zvinonakidza! Achinyengetedzazve, anowedzera kuti: “Nokuti murume haapo pamusha; wakafamba rwendo rukuru; wakaenda nehombodo ine mari; uchadzoka pajena guru.” (Zvirevo 7:18-20) Anorivimbisa kuti, vachave vakachengeteka zvakakwana, nokuti murume akaenda rwendo rwebhizimisi uye haasi kutarisirwa kudzoka kwenguva yakati. Chipo chakadini chaanacho chokunyengedza jaya! “Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka anomutsausa, anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake.” (Zvirevo 7:21) Zvaizoda murume ane ungwaru saJosefa kuti adzivise chikumbiro chinonyengera chakadai. (Genesi 39:9, 12) Jaya iri rinozvikwanisa here?

“Senzombe Inoenda Kwainondobayiwa”
“Anomutevera pakarepo,” anotaura kudaro Soromoni, “senzombe inoenda kwainondobayiwa, kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa; kusvikira museve wabaya chiropa chake; seshiri inokurumidzira kurugombe, asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.—Zvirevo 7:22, 23.
Kujaya racho chikumbiro chacho hachibviri kuramba. Richitadza zvachose kunyatsofunga, rinomutevera “senzombe inoenda kwainondobayiwa.” Sezvo murume akasungwa asingagoni kunzvenga chirango chake, saka jaya racho rinokweverwa muchivi. Haritombooni ngozi yacho kusvikira “museve wabaya chiropa cha[ro],” kureva kuti, kusvikira rava nechironda chingakonzera kufa kwaro. Rufu rwacho rwungava rwokunyama mukuti rinozviisa pangozi yokutapura zvirwere zvinouraya zvinopfuudzwa nokusangana pabonde kwomurume nomukadzi. Chironda chacho chingakonzerawo kufa kwaro mumudzimu; ‘chinovinga upenyu hwaro.’ Iro pacharo noupenyu hwaro zvinochinjwa zvikuru, uye ratadzira Mwari kwazvo. Nokudaro rinomhanyira mumusungo worufu seshiri inomhanyira kurugombe!
“Usafamba-famba Mumakwara Ake”
Achiratidza chidzidzo pane zvaaona, mambo akachenjera anokurudzira kuti: “Zvino vanakomana vangu, nditeererei, inzwai mashoko omuromo wangu. Mwoyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; usafamba-famba mumakwara ake. Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo. Imba yake inzira dzinoenda Sheori, dzinoburukira kudzimba dzorufu.—Zvirevo 7:24-27.
Zviri pachena kuti zano raSoromoni nderokubva panzira dzinouraya dzomunhu ane unzenza kuti “urarame.” (Zvirevo 7:2) Zano iri rinoenderana nenguva sei muzuva redu! Chokwadi tinofanira kudzivisa nzvimbo dzinowanzoendwa nevaya vanovandira kuti vabate vamwe. Unodirei kubatwa nenzira dzavo nokuenda kunzvimbo dzakadaro? Chokwadi, unodirei kuva munhu ano“shayiwa njere” ndokufamba-famba mumakwara omunhu “wokumwe”?
“Mukadzi wokumwe” akaonekwa namambo akanyengedza jaya nechikumbiro chokuti va“zvifadze nokudana kukuru.” Pwere dzakawanda—kunyanya vasikana—hadzina kushandiswa zvisina kunaka munzira yakadarowo here? Asi funga izvi: Apo mumwe munhu anoedza kukukwezvera mumufambiro usina kunaka wokurara naye, rudo rwechokwadi here kana kuti ruchiva rwoudyire? Nei murume anoda mukadzi zvechokwadi angamumanikidza kuti aite zvisingawirirani nokurovedzwa kwaakaitwa somuKristu uye hana yake? “Mwoyo wako ngaurege kutsaukira” kunzira dzakadaro, Soromoni anopa zano achidaro.
Mashoko omunyengeri kazhinji anobata kumeso uye akanyatsorongwa. Kuramba tiine uchenjeri nokunzwisisa kuchatibatsira kunzwisisa zvaakaita. Kusambokanganwa zvakarayirwa naJehovha kuchatidzivirira. Naizvozvo, nguva dzose ngatiedze ku‘chengeta mirayiro yaMwari kuti tirarame,’ kunyange nokusingaperi.—1 Johani 2:17.
“Chengeta Mirayiro Yangu, Urarame”
“Isungire [mirayiro yangu] paminwe yako,” anoenderera mberi Soromoni, “inyore pahwendefa romwoyo wako.” (Zvirevo 7:3) Sezvo tichigara tichiona minwe uye ichikosha pakuita zvinangwa zvedu, zvidzidzo zvinodzidzwa pakurovedzwa neMagwaro kana kuwanikwa kwezivo yeBhaibheri zvinofanira kuva chiyeuchidzo chenguva dzose nenhungamiro mune zvose zvatinoita. Tinofanira kuinyora pahwendefa remwoyo wedu, tichiiita humwe hweunhu hwedu.
Asingakanganwi kukosha kwouchenjeri nokunzwisisa, mambo wacho anokurudzira kuti: “Uti kuuchenjeri: Ndiwe hanzvadzi yangu; utumidze [“kunzwisisa,” NW] shamwari yako.” (Zvirevo 7:4) Kuchenjera kukwanisa kushandisa zvakanaka zivo inopiwa naMwari. Tinofanira kuda uchenjeri sezvatinoita hanzvadzi yatinoda zvikuru. Kunzwisisa chii? Kukwanisa kuona zvakaita nyaya ndokuinzwisisa nokuziva kubatana kwakaita mativi ayo nenyaya yacho yose. Kunzwisisa kunofanira kuva pedyo nesu sezvinoita shamwari yepedyo.
Nei tichifanira kuomerera kukurovedza kweMagwaro ndokukudziridza ushamwari nouchenjeri uye kunzwisisa? Kuitira “kuti [tizvi]chengete pamukadzi wokumwe, pamutorwa unobata kumeso namashoko ake.” (Zvirevo 7:5) Hungu, kuita kudaro kuchatidzivirira panzira dzinobata kumeso uye dzokunyengetedza dzowokumwe, kana kuti dzomutorwa—munhu ane unzenza.
Jaya Rinosangana No‘mukadzi Anonyengera’
Mambo weIsraeri anobva arondedzera chiitiko chaakaona iye pachake: “Ndakatarira pawindo reimba yangu, parutanda rwewindo rangu; ndikatarira pakati pavasina mano, ndikaona pakati pamajaya rimwe jaya rakashayiwa njere; richipfuura nenzira yomumusha pedyo nekona yeimba yomukadzi uyo, richifamba nenzira kuimba yomukadzi; nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, pakati pousiku kwasviba.”—Zvirevo 7:6-9.
Windo iro Soromoni anotarira nepariri rine rutanda—zvimwe furemu ine tutanda uye zvichida zvinhu zvakavezwa pairi zvinoshamisira. Sezvo rubvunzavaeni rwunonopera, rima rousiku rinofukidza migwagwa. Anoona rimwe jaya rinonyengerwa nyore nyore. Risina nzwisiso, kana kuti kungwara, rinoshayiwa njere. Zvingadaro kuti, riri kuziva rudzi rwenharaunda yarapinda uye zvingaitika kwariri imomo. Jaya racho rinosvika pedyo “nekona yeimba yomukadzi uyo,” iri munzira inoenda kumba kwake. Mukadzi uyu ndiani? Ari kumirirei ipapa?
“Chengeta Mirayiro Yangu, Urarame”
“Senzombe Inoenda Kwainondobayiwa”
“Anomutevera pakarepo,” anotaura kudaro Soromoni, “senzombe inoenda kwainondobayiwa, kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa; kusvikira museve wabaya chiropa chake; seshiri inokurumidzira kurugombe, asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.—Zvirevo 7:22, 23.
Kujaya racho chikumbiro chacho hachibviri kuramba. Richitadza zvachose kunyatsofunga, rinomutevera “senzombe inoenda kwainondobayiwa.” Sezvo murume akasungwa asingagoni kunzvenga chirango chake, saka jaya racho rinokweverwa muchivi. Haritombooni ngozi yacho kusvikira “museve wabaya chiropa cha[ro],” kureva kuti, kusvikira rava nechironda chingakonzera kufa kwaro. Rufu rwacho rwungava rwokunyama mukuti rinozviisa pangozi yokutapura zvirwere zvinouraya zvinopfuudzwa nokusangana pabonde kwomurume nomukadzi. Chironda chacho chingakonzerawo kufa kwaro mumudzimu; ‘chinovinga upenyu hwaro.’ Iro pacharo noupenyu hwaro zvinochinjwa zvikuru, uye ratadzira Mwari kwazvo. Nokudaro rinomhanyira mumusungo worufu seshiri inomhanyira kurugombe!
“Usafamba-famba Mumakwara Ake”
Achiratidza chidzidzo pane zvaaona, mambo akachenjera anokurudzira kuti: “Zvino vanakomana vangu, nditeererei, inzwai mashoko omuromo wangu. Mwoyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; usafamba-famba mumakwara ake. Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo. Imba yake inzira dzinoenda Sheori, dzinoburukira kudzimba dzorufu.—Zvirevo 7:24-27.
Zviri pachena kuti zano raSoromoni nderokubva panzira dzinouraya dzomunhu ane unzenza kuti “urarame.” (Zvirevo 7:2) Zano iri rinoenderana nenguva sei muzuva redu! Chokwadi tinofanira kudzivisa nzvimbo dzinowanzoendwa nevaya vanovandira kuti vabate vamwe. Unodirei kubatwa nenzira dzavo nokuenda kunzvimbo dzakadaro? Chokwadi, unodirei kuva munhu ano“shayiwa njere” ndokufamba-famba mumakwara omunhu “wokumwe”?
“Mukadzi wokumwe” akaonekwa namambo akanyengedza jaya nechikumbiro chokuti va“zvifadze nokudana kukuru.” Pwere dzakawanda—kunyanya vasikana—hadzina kushandiswa zvisina kunaka munzira yakadarowo here? Asi funga izvi: Apo mumwe munhu anoedza kukukwezvera mumufambiro usina kunaka wokurara naye, rudo rwechokwadi here kana kuti ruchiva rwoudyire? Nei murume anoda mukadzi zvechokwadi angamumanikidza kuti aite zvisingawirirani nokurovedzwa kwaakaitwa somuKristu uye hana yake? “Mwoyo wako ngaurege kutsaukira” kunzira dzakadaro, Soromoni anopa zano achidaro.
Mashoko omunyengeri kazhinji anobata kumeso uye akanyatsorongwa. Kuramba tiine uchenjeri nokunzwisisa kuchatibatsira kunzwisisa zvaakaita. Kusambokanganwa zvakarayirwa naJehovha kuchatidzivirira. Naizvozvo, nguva dzose ngatiedze ku‘chengeta mirayiro yaMwari kuti tirarame,’ kunyange nokusingaperi.—1 Johani 2:17.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
‘Nouchenjeri Mazuva Edu Achava Mazhinji’
VaKristu vanofanira kugamuchira nokuzvininipisa kurayirira kwouchenjeri. Zvikurukuru vaduku nevaya vachangotanga kudzidza nezvaJehovha vanofanira kuita izvi. Nemhaka yoruzivo rushoma munzira dzaMwari, vangava “vasina mano.” Hazvirevi kuti zvavanoda kuita zvose zvakaipa, asi zvinotora nguva nesimba kuita kuti mwoyo usvike panonyatsofadza Jehovha Mwari chaizvoizvo. Izvi zvinoda kuita kuti mafungiro, zvido, manzwiro, vavariro zviwirirane nezvinotenderwa naMwari. Saka zvinokosha kuti va‘pange mukaka usina kushatiswa weshoko.’—1 Petro 2:2.
Kutaura zvazviri, tose zvedu hatifaniri here kupfuura “dzidziso yokutanga”? Chokwadi tinoda kutanga kufarira “zvinhu zvakadzika zvaMwari” ndokuvakwa nezvokudya zvikukutu zvevanhu vakuru. (VaHebheru 5:12–6:1; 1 VaKorinde 2:10) “Muranda akatendeka, akangwara” anodzorwa zvakananga naJesu Kristu, anoshingaira kugovera vose zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira. (Mateu 24:45-47) Ngatidye patafura youchenjeri nokushingaira kudzidza Shoko raMwari nemabhuku eBhaibheri anogoverwa neboka romuranda.
“Usarayira Mudadiri”
Dzidziso dzouchenjeri dzinosanganisirawo kururamisa uye kutsiura. Zvinoitwa nouchenjeri izvi hazvidiwi nevanhu vakawanda. Saka, kunoperera chikamu chokutanga chebhuku raZvirevo kune yambiro inoti: “Munhu, unorayira mudadiri, unozvitsvakira kunyadziswa; unotuka munhu wakaipa uchasvibiswa. Usarayira mudadiri, kuti arege kukuvenga.”—Zvirevo 9:7, 8a.
Mudadiri anotsamwira uye anovenga munhu anenge achiedza kumubatsira kururamisa nzira yake. Munhu akaipa haaoni kukosha kwokutsiurwa. Zvechokwadi, kunenge kuri kusachenjera kuedza kudzidzisa chokwadi cheShoko raMwari kune mumwe munhu anovenga chokwadi kana kuti anenge achingoda kuchidadira! Muapostora Pauro paakanga achiparidza muAndiyoki, akasangana neboka revaJudha vakanga vasingadi chokwadi. Vakaedza kumubatanidza mugakava nokumupikisa vachimhura, asi Pauro akangoti: “Sezvo muri [kusundira kure Shoko raMwari] uye musingazvirangariri semakafanirwa noupenyu husingaperi, tarirai! tave kutendeukira kumamwe marudzi.”—Mabasa 13:45, 46.
Patinenge tichiedza kusvika vane mwoyo yakatendeseka nemashoko akanaka oUmambo, ngatingwarirei kusabatanidzwa nevadadi mumakakava nenharo. Kristu Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Pamunenge muchipinda mumba, kwazisai imba yacho; uye kana imba ichifanira, rugare rwamunoishuvira ngaruuye pairi; asi kana isingafaniri, rugare runobva kwamuri ngarudzokere pamuri. Kwose kusina munhu anokupinzai mukati kana kuteerera mashoko enyu, pakubuda mumba iyoyo kana guta iroro zunzai guruva riri patsoka dzenyu.”—Mateu 10:12-14.
Zvinoita munhu akachenjera kana atsiurwa zvakasiyana nezvinoita mudadi. Soromoni anoti: “Rayira munhu wakachenjera, iye uchakuda. Ipa wakachenjera dzidzo, ipapo iye uchawedzera uchenjeri.” (Zvirevo 9:8b, 9b) Munhu akachenjera anoziva kuti “hapana chirango chinoita sechinofadza panguva ino, asi chinoshungurudza; asi gare gare chinoberekera vakarovedzwa nacho chibereko chine rugare, iko kururama.” (VaHebheru 12:11) Kunyange zvazvo zano racho ringaita serinorwadza, chatingadira kudzorera kana kuzvidzivirira chii kana kurigamuchira kuchizotiita vakachenjera?
“Dzidzisa wakarurama, ipapo iye uchawedzera zivo,” anopfuurira achidaro mambo akachenjera. (Zvirevo 9:9b) Hapana munhu akurisa kana kuita muduku zvokuti angatadza kuramba achidzidza. Zvechokwadi zvinofadza kwazvo kuona kunyange vaya vakwegura vachibvuma chokwadi ndokuzvitsaurira kuna Jehovha! Isuwo ngatiedzei kuramba tine chido chokudzidza ndokuita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzakachangamuka.
“Makore Oupenyu Hwako Achawedzerwa”
Achisimbisa pfungwa huru yenyaya iri kukurukurwa, Soromoni anosanganisira chinhu chinokosha chinofanira kuvapo chouchenjeri. Anonyora kuti: “Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha; kuziva mutsvene ndidzo njere.” (Zvirevo 9:10) Hapangavi nouchenjeri hunobva kuna Mwari pasina kutya kwokuremekedza Mwari wechokwadi kwakadzama. Munhu angava nepfungwa dzakazara nezivo, asi kana asingatyi Jehovha, achakundikana kushandisa zivo iyoyo munzira inokudza Musiki. Angatogumisa zvisiri izvo kubva muchokwadi chinozivikanwa, achizviita kuti aoneke sebenzi. Uyezve, kuziva Jehovha, Mutsvene tsvene, kunokosha pakuwana nzwisiso, chinhu chinokosha chinoratidza uchenjeri.
Uchenjeri hunobereka zvibereko zvipi? (Zvirevo 8:12-21, 35) Mambo waIsraeri anoti: “Neni mazuva ako achaitwa mazhinji, makore oupenyu hwako achawedzerwa.” (Zvirevo 9:11) Kureba kwemazuva nemakore oupenyu zvinovapo nemhaka yokushamwaridzana nouchenjeri. Hungu, “uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.”—Muparidzi 7:12.
Kuzvishandisa kuti tiwane uchenjeri mutoro wedu toga. Achisimbisa pfungwa iyi, Soromoni anoti: “Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako; kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo.” (Zvirevo 9:12) Akachenjera akazvichenjerera kuti zvimufambire zvakanaka, uye anodada anofanira kupiwa mhaka yokutambura kwake. Chokwadi, tinokohwa chatinodyara. Naizvozvo, ngati“teerere uchenjeri.”—Zvirevo 2:2.
“Mukadzi Benzi Unopupira”
Achisiyanisa, Soromoni anozoti: “Mukadzi benzi unopupira; haana mano, haazivi chinhu. Unogara pamukova weimba yake, pachigaro pamitunhu yeguta. Kuti adanidzire kune vanopfuura napo, ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti: ani naani usina mano, ngaatsaukire muno.”—Zvirevo 9:13-16a.
Upenzi hunofananidzwa nomukadzi asina mwero, asina kurayirwa uye asina ruzivo. Iyewo akavaka imba. Uye akazvipa basa rokudanidza wose asina ruzivo. Nokudaro vapfuuri vane chisarudzo. Vachabvuma kukokwa nouchenjeri kana kuti noupenzi?
“Mvura Yabiwa Inozipa”
Zvose uchenjeri noupenzi zvinokoka vateereri kuti va“tsaukire muno.” Zvisinei, kukumbira kwacho kwakasiyana. Uchenjeri hunokokera vanhu kunodya nyama, chingwa newaini. Kukwezva kunoita upenzi kunotiyeuchidza nezvenzira dzomukadzi nzenza. Soromoni anoti: “Usina njere, mukadzi unoti kwaari: Mvura yabiwa inozipa, chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka.”—Zvirevo 9:16b, 17.
Mufaro Wokufamba Nokuvimbika
3 “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho,” inodaro Zvirevo 10:22. Kubudirira mune zvokunamata kwevashumiri vaJehovha vemazuva ano hachisi chikomborero chatinofanira kufara nacho here? Ngatikurukurei kumwe kubudirira kwatakaita mune zvokunamata toona kuti kunorevei kwatiri isu pachedu. Kuva nenguva yokufunga zvikomborero izvo Jehovha akadururira “munhu akarurama anofamba akavimbika” zvechokwadi kuchasimbisa kutsunga kwedu kuramba tichishumira Baba vedu vokudenga tichifara.—Zvirevo 20:7.
‘Zvikomborero Zvinotipfumisa’ Iye Zvino
4 Zivo yakarurama yedzidziso dzeBhaibheri. Zvitendero zvechiKristudhomu zvinowanzoti zvinodavira Bhaibheri. Asi zvinokundikana kubvuma zvarinodzidzisa. Kunyange nhengo dzeboka rechitendero chimwe chete kazhinji kacho dzinoona nenzira yakasiyana zvinonyatsodzidziswa neMagwaro. Mamiriro avo ezvinhu akasiyana chaizvo neevashumiri vaJehovha! Pasinei norudzi, tsika, kana kuti dzinza redu, tinonamata Mwari watinoziva nezita. Haasi utatu husinganzwisisiki. (Dheuteronomio 6:4; Pisarema 83:18; Mako 12:29) Tinozivawo kuti nyaya huru youchangamire hwaMwari pazvinhu zvose zvakasikwa yava kuda kuzogadziriswa uye kuti kana tikaramba takavimbika kwaari, mumwe nomumwe wedu anobatanidzwa munyaya iyoyo. Tinoziva chokwadi nezvevakafa uye hatityi kuti kuna Mwari anonzi anopisa vanhu mumoto wehero kana kuti anovaendesa kupurigatori.—Muparidzi 9:5, 10.
5 Uyezve, zvinofadza chaizvo kuziva kuti hatina kuvapo nokushanduka-shanduka! Asi takasikwa naMwari, takaitwa nomufananidzo wake. (Genesisi 1:26; Maraki 2:10) “Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa,” munyori wepisarema akaimbira Mwari achidaro. “Mabasa enyu anoshamisa, mweya wangu unonyatsozviziva.”—Pisarema 139:14.
6 Kusununguka patsika nemiitiro inokuvadza. Kunyevera nezvengozi dzokusvuta fodya, kunyanya kunwa doro, uye unzenza kwakazara mune zvinobudisa nhau. Kazhinji, nyevero idzi hadziteererwi. Zvisinei, chii chinoitika kana munhu anoda chokwadi akaziva kuti Mwari wechokwadi anoshora zvinhu zvakadaro uye anorwadziswa nevaya vanozviita? Chokwadi, munhu wacho anonzwa achida kurega kuita miitiro yakadaro! (Isaya 63:10; 1 VaKorinde 6:9, 10; 2 VaKorinde 7:1; VaEfeso 4:30) Kunyange zvazvo achinyanya kuita izvi kuti afadze Jehovha Mwari, anogamuchirawo zvimwe zvikomborero—utano huri nani uye rugare rwomupfungwa.
7 Kusiya tsika dzakaipa kwakaomera zvikuru vanhu vakawanda. Kunyange zvakadaro, gore roga roga makumi ezviuru ari kudzisiya. Vanozvitsaurira kuna Jehovha vobhabhatidzwa mumvura, nokudaro zvova pachena kuti vakabvisa muupenyu hwavo tsika dzisingafadzi Mwari. Chokwadi izvozvo zvinotikurudzira tose! Kutsunga kwedu kuramba takasununguka pauranda hwechivi uye pamufambiro unokuvadza kunosimbiswa.
8 Upenyu hwemhuri hunofadza. Munyika dzinoverengeka upenyu hwemhuri huri kuderera. Vakawanda vari kurambana, kazhinji vachisiya vana vachishungurudzika zvikuru. Mune dzimwe nyika dzokuEurope, mhuri dzine mubereki mumwe dzinoumba inoda kusvika 20 muzana yemhuri dzose. Jehovha akatibatsira sei kuti tifambe takavimbika mune izvi? Tapota verenga VaEfeso 5:22–6:4, woona zano rakanaka rinopiwa neShoko raMwari kuvarume, madzimai, nevana. Kushandisa zvakanyorwa ipapo uye pane dzimwe ndima muMagwaro zvechokwadi kunosimbisa muchato, kunobatsira vabereki kuti varere vana zvakanaka, uye kunobatsira kuva noupenyu hwemhuri hunofadza. Ichocho hachisi chikomborero chatinofanira kufarira here?
9 Vimbiso yokuti matambudziko enyika achakurumidza kugadziriswa. Pasinei noruzivo rwesayenzi nerwokugadzira zvinhu uye zvinoedza kuitwa nomwoyo wose nevamwe vatungamiriri, matambudziko akakomba oupenyu hwemazuva ano anoramba asina kugadziriswa. Klaus Schwab, muvambi weWorld Economic Forum, munguva ichangopfuura akati “matambudziko ari kutarisana nenyika ari kuramba achiwedzera uye nguva yokuagadzirisa iri kuramba ichiita shoma.” Akataura nezve“ngozi dzinosangana nemarudzi ose dzakadai sougandanga, kuparara kwemhoteredzo uye kusagadzikana kwezvemari.” Schwab akagumisa achiti: “Iye zvino, kupfuura nakare kose, vanhu vanofanira kubatana uye kukurumidza kusarudza pavari kuti vagadzirise zvinetso zviri kusangana nenyika.” Sezvo zana remakore rechi21 riri kufambira mberi, vanhu vakawanda havana tariro yakajeka yeramangwana.
10 Zvinofadza zvikuru kuziva kuti Jehovha akaita urongwa hunokwanisa kugadzirisa matambudziko ose evanhu—Umambo hwaMesiya waMwari! Achishandisa Umambo ihwohwo, Mwari wechokwadi acha“gumisa hondo” ounza “rugare rukuru.” (Pisarema 46:9; 72:7) Mambo akazodzwa, Jesu Kristu, ‘achanunura murombo, munhu anotambudzika, uye munhu akaderera pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba.’ (Pisarema 72:12-14) Mukutonga kwoUmambo, zvokudya hazvichazoperevedzi. (Pisarema 72:16) Jehovha “achapukuta misodzi yose pamaziso [edu], rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4) Umambo hwacho hwakatogadzwa mudenga uye munguva pfupi iri kutevera huchaita zvose zvinodiwa kuti hugadzirise matambudziko ose pasi pano.—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 11:15.
11 Kuziva zvinounza mufaro wechokwadi. Chii chinounza mufaro wechokwadi? Imwe nyanzvi yezvepfungwa yakataura kuti mufaro unoumbwa nezvinhu zvitatu—mafaro, kubatikana (muzvinhu zvakadai sebasa uye mhuri), uye kugutsikana (kushandira chinangwa kana kuti kuita kuti vamwe vabatsirwe). Pazvitatu izvi, akati mafaro ndiwo asinganyanyi kukosha achibva ati: “Izvi zvinoshamisa nokuti vanhu vakawanda chaizvo vanovakira upenyu hwavo pakutsvaka mafaro.” Bhaibheri rinoona sei izvi?
12 Mambo Soromoni weIsraeri yekare akati: “Ini, iyeni, ndakati mumwoyo mangu: ‘Chiuya zvino, ndikuedze nokufara. Uyewo, fadzwa nezvinhu zvakanaka.’ Asi, tarirai! izvozvowo zvakanga zvisina zvazvaibatsira. Ndakaudza kuseka kuti: ‘Kupenga!’ uye ndakaudza kufara kuti: ‘Kuri kuiteiko?’” (Muparidzi 2:1, 2) Maererano neMagwaro, mufaro unobva mumafaro unongova wenguva duku. Zvakadini nokubatikana nebasa? Tine basa rinokosha zvikuru ratinofanira kuita—basa rokuparidza Umambo nerokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Patinoudza vamwe shoko roruponeso rinotaurwa muBhaibheri, tinenge tichiita basa rinogona kuguma nokuponeswa kwedu uye kwevaya vanotiteerera. (1 Timoti 4:16) Zvatiri “vashandi pamwe chete naMwari,” tinoziva kuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (1 VaKorinde 3:9; Mabasa 20:35) Basa iri rinowedzera zvinoreva upenyu hwedu uye rinoita kuti Musiki apindure uyo anomushora, Satani Dhiyabhorosi. (Zvirevo 27:11) Zvechokwadi, Jehovha akatiratidza kuti kuzvipira kuna Mwari kunounza mufaro wechokwadi uye usingaperi.—1 Timoti 4:8.
13 Purogiramu yokudzidzisa inokosha uye inobudirira. Gerhard anoshumira somukuru mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. Achiyeuka uduku hwake, anoti: “Pandaiva jaya, ndaitambudzika zvikuru nokutaura. Pandaiva nezvakawanda zvokutaura, ndaitadza kunyatsotaura zvakajeka uye ndaitanga kundandama. Ndainzwa sendisingakoshi uye ndakaora mwoyo. Vabereki vangu vakaronga kuti ndiite kosi yokudzidzira kutaura asi zvakashaya basa. Dambudziko rangu raiva romupfungwa, kwete mumuviri. Zvisinei, paiva nohumwe urongwa hunoshamisa kubva kuna Jehovha—Chikoro chaMwari Choushumiri. Kunyoresa muchikoro ichi kwakaita kuti ndishinge. Ndakaedza nepandaigona napo kushandisa zvandaidzidza. Zvakashanda! Ndakanga ndava kugona kutaura zviri nani, ndisisina kuora mwoyo, uye ndakashinga chaizvo muushumiri. Iye zvino ndinotopa hurukuro dzavose. Ndinoonga Jehovha chaizvo, uyo akaita kuti upenyu hwangu huve nani kuburikidza nechikoro ichi.” Nzira yatinodzidziswa nayo naJehovha kuti tiite basa rake haisi chikonzero chokuti tifare here?
14 Ukama naJehovha uye kutsigirwa nehama dzakabatana dzomunyika yose. Katrin, anogara kuGermany, akanetseka zvikuru paakanzwa mishumo yokudengenyeka kwepasi kwakaipisisa zvichiguma netsunami kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAsia. Mwanasikana wake aienda kuThailand pakaitika njodzi iyi. Kwemaawa 32 amai ava vakanga vasingazivi kana mwanasikana wavo akanga ari mupenyu kana kuti kana aiva mumwe wevanhu vaikuvara kana kufa awa imwe neimwe. Katrin akazozorodzwa chaizvo paakatambira runhare rwaimuzivisa nezvokuti mwanasikana wake aiva asina kukuvara!
15 Chii chakabatsira Katrin munguva iyoyo yaaishungurudzika? Anonyora kuti: “Munenge munguva iyi yose zvayo ndainyengetera kuna Jehovha. Ndakaramba ndichiona kuti kunyengetera uku kwaindisimbisa zvikuru uye kwaindipa rugare mupfungwa. Uyezve, hama dzechiKristu dzine rudo dzaindishanyira uye dzainditsigira.” (VaFiripi 4:6, 7) Mamiriro ake ezvinhu angadai akaoma zvikuru kudai akapedza nguva iyoyo yaimutambudza pasina kubatsirwa nokunyengetera kuna Jehovha uye kunyaradzwa nehama dzine rudo! Ukama hwedu hwepedyo naJehovha uye noMwanakomana wake pamwe chete nokushamwaridzana nehama dzedu dzechiKristu, chikomborero chisina chimwe chinoenzana nacho, chinokosha zvikuru zvokuti hachifaniri kurerutswa.
16 Tariro yokuonazve vadiwa vakafa. (Johani 5:28, 29) Mumwe murume wechiduku anonzi Matthias akarerwa seChapupu chaJehovha. Zvisinei, asingaongi zvikomborero zvake, akasiya ungano yechiKristu paaiva achiri kuyaruka. Iye zvino anonyora kuti: “Handina kumbonyatsokurukura zvinhu zvakadzama nababa vangu. Kwemakore, taikakavadzana kakawanda. Zvisinei, nguva dzose baba vangu vaida kuti ndive noupenyu hwakanaka. Vaindida chaizvo, chiri chimwe chinhu chandakatadza kuona panguva iyoyo. Muna 1996, pandaiva ndakagara padivi pomubhedha wavo, ndakabata ruoko rwavo ndichichema zvikuru, ndakavaudza kuti ndaiva nourombo chaizvo nezvose zvandakanga ndaita uye kuti ndaivada chaizvo. Asi vakanga vasingandinzwi. Pashure pokurwara kwenguva pfupi, vakashayika. Kana ndichizorarama kuti ndione baba vangu pachamutswa vakafa, tichagadzirisa zvakaitika kare. Uye zvechokwadi vachafara kunzwa kuti iye zvino ndiri kushumira somukuru uye kuti ini nomudzimai wangu tiri kushumira semapiyona.” Tariro yorumuko chikomborero chakazokura kwatiri!
OCTOBER 17-23
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 12-16
“Uchenjeri Huri Nani Kupfuura Ndarama”
“Uchenjeri Hunodzivirira”
ZVIREVO 16:16 inoti: “Haiwa kuwana uchenjeri kuri nani sei pane kuwana ndarama! Uye kuwana kunzwisisa kunofanira kusarudzwa pane kuwana sirivha.” Nei uchenjeri huchikosha? Nokuti “uchenjeri hunodzivirira kufanana nemari inodzivirira; asi zvakanakira zivo ndezvokuti uchenjeri hunochengetedza varidzi vahwo vari vapenyu.” (Muparidzi 7:12) Zvisinei, uchenjeri hunochengetedza sei varidzi vahwo?
Kuwana uchenjeri hwaMwari, kureva kuti, kuwana zivo yakarurama yeShoko raMwari, Bhaibheri, nokuita maererano nezvarinotaura, kunotibatsira kufamba maererano nenzira inodiwa naJehovha. (Zvirevo 2:10-12) Mambo Soromoni weIsraeri yekare anoti: “Mugwagwa mukuru wevakarurama ndiko kubva pane zvakaipa. Munhu anochengetedza nzira yake anochengeta mweya wake.” (Zvirevo 16:17) Chokwadi, uchenjeri hunonunura vanahwo panzira dzakaipa uye hunovachengetedza vari vapenyu! Mashoko akananga, ouchenjeri ari pana Zvirevo 16:16-33 anoratidza kubatsira kunoita uchenjeri hwaMwari paunhu hwedu, matauriro edu, nepazviito zvedu.
“Kuzvininipisa”
Zvinonzi uchenjeri hunotaurwa somunhu hunoti: “Ndinovenga kuzvikwidziridza nokudada.” (Zvirevo 8:13) Kudada nouchenjeri hazvidyidzani. Tinofanira kuita zvinhu nouchenjeri tongwarira kusava nounhu hwokuzvikudza, kana kuti hwokudada. Tinofanira kunyanya kungwarira kana tikabudirira muzvimwe zvinhu zvatinoita muupenyu kana kuti tikapiwa nzvimbo youtariri muungano yechiKristu.
Zvirevo 16:18 inonyevera kuti: “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.” Chimbofunga nezvokuwa kukuru kwakaita mumwe wevanakomana vaMwari vomudzimu mudenga akanga akakwana uyo akazviita Satani Dhiyabhorosi. (Genesisi 3:1-5; Zvakazarurwa 12:9) Asati awa akanga asina kuzvirova dundundu here? Bhaibheri rinotaura izvi parinoti murume anenge achangotendeuka haafaniri kupiwa nzvimbo youtariri muungano yechiKristu “kuti arege kuzvitutumadza nokudada, akawira mukutongwa kwaDhiyabhorosi.” (1 Timoti 3:1, 2, 6) Zvinokosha chaizvo kuti tisakurudzire vamwe kuti vadade uyewo kuti isu tisadade!

Zvirevo 16:19 inoti: “Zviri nani kuzvininipisa pamwe chete nevanyoro pane kugovana zvakapambwa nevanozvikwidziridza.” Zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi rekare zvinoita kuti tione kunaka kwezano iri. Achidada akagadzira chifananidzo chikuru zvichida chaimirira iye mubani reDhura. Chifananidzo chacho chingave chakanga chakareba mamita 27 kuenda mudenga. (Dhanieri 3:1) Chifananidzo chirefu ichi chairatidza kukura kwoumambo hwaNebhukadhinezari. Kunyange zvazvo zvinhu zvakakwirira zvakadai semifananidzo, makomo, zvivako zvakareba zvingaita kuti vanhu vaome mate mukanwa, kuna Mwari hazvirevi chinhu. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Jehovha akakwirira, uye anoona munhu anozvininipisa; asi munhu anozvikudza anongomuziva ari kure.” (Pisarema 138:6) Kutaura zvazviri, “chinhu chakakwirira pakati pevanhu chinhu chinonyangadza pamberi paMwari.” (Ruka 16:15) Saka zvakanaka kuti ‘titungamirirwe nezvinhu zvakaderera’ pane kuti ‘tifunge zvinhu zvakakwirira.’—VaRoma 12:16.
Taura ‘Nenjere’ uye ‘Nokunyengetedza’
Kuwana uchenjeri kunobatsira sei pakutaura kwatinoita? Mambo akachenjera anotiudza kuti: “Munhu anoratidza kuti ane njere panyaya achawana zvakanaka, uye munhu anovimba naJehovha anofara. Munhu ane mwoyo wakachenjera achanzi anonzwisisa, uye ane miromo inotapira anowedzera kunyengetedza. Njere itsime roupenyu kuvaridzi vadzo; asi kurangwa kwemapenzi upenzi. Mwoyo womunhu akachenjera unoita kuti muromo wake uratidze njere, uye unowedzera kunyengetedza pamiromo yake.”—Zvirevo 16:20-23.
Uchenjeri hunotibatsira kuti titaure nenjere uye nokunyengetedza. Nei? Nokuti munhu ane mwoyo wakachenjera anoedza ‘kuwana zvakanaka’ panyaya uye ‘anovimba naJehovha.’ Patinoedza kuwana zvakanaka mune vamwe, tingatonyanya kutaura zvakanaka nezvavo. Pane kuvaitira hasha kana kupopotedzana navo, kutaura kwedu ngakutapire uye ngakunyengetedze. Njere dzinotibatsira kunzwisisa mamiriro ezvinhu evamwe akaoma avangave vachisangana nawo uye kuti vari kurarama sei mumamiriro acho ezvinhu.
Kutaura nouchenjeri kunokoshawo patinenge tichiita basa rokuparidza Umambo uye rokuita vadzidzi. Patinodzidzisa vamwe Shoko raMwari, chinangwa chedu hachisi chokungotaura mashoko ari muMagwaro. Asi ndechokusvika pamwoyo yevanhu. Izvi zvinoda kuti titaure tichinyengetedza. Muapostora Pauro akakurudzira shamwari yake Timoti kuti arambire pazvinhu zvaakanga ‘aitwa kuti ave nechokwadi nazvo kana kuti anyengetedzwa.’—2 Timoti 3:14, 15.

Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘nyengetedza’ rinoreva “kuita kuti munhu achinje mafungiro nokuti anenge audzwa zvikonzero kana kuti aitwa kuti afunge nezvetsika,” rinodaro duramazwi rinonzi An Expository Dictionary of New Testament Words, rakanyorwa naW. E. Vine. Zvinoda njere kuti tizive mafungiro omuteereri wedu, zvaanofarira, mamiriro ake ezvinhu, uye marererwo aakaitwa kuti titaure zvikonzero zvinomugutsa kuti asvike pakuchinja pfungwa dzake. Tingawana sei njere dzakadaro? Mudzidzi Jakobho anopindura achiti: ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura.’ (Jakobho 1:19) Nokuita kuti muteereri ataure tonyatsoteerera zvaanotaura, tinogona kuziva zvaanofunga.
Muapostora Pauro aiva nemano akanaka chaizvo pakunyengetedza vamwe. (Mabasa 18:4) Kunyange mumwe wevanhu vaimushora, Dhemetriyo, mupfuri wesirivha, akabvuma kuti: “Pauro uyu akanyengetedza . . . boka guru revanhu, akaita kuti vave nedzimwe pfungwa, kwete muEfeso chete asi munenge mumaruwa ose eEzhiya.” (Mabasa 19:26) Pauro akazvirova dundundu here nokuti ainge abudirira mubasa rokuparidza? Aiwa. Aiona kuparidza kwaaiita kuti ‘kwairatidza mudzimu nesimba’ zvaMwari. (1 VaKorinde 2:4, 5) Isuwo tinobatsirwa nomudzimu mutsvene waJehovha. Nokuti tinovimba naJehovha, tine chokwadi chokuti anotibatsira patinoedza kutaura nenjere uye patinotaura tichinyengetedza muushumiri hwedu.
Hazvishamisi kuti “munhu ane mwoyo wakachenjera” anonzi “akangwara” kana kuti “anonzwisisa”! (Zvirevo 16:21, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona; New International Version) Chokwadi, njere “itsime roupenyu” kune vaya vanadzo. Asi zvakadini nemapenzi? ‘Anozvidza uchenjeri nokurangwa.’ (Zvirevo 1:7) Anokohwa chii nokuramba kurangwa naJehovha? Sezvataona pamusoro apa, Soromoni ati: “Kurangwa kwemapenzi upenzi.” (Zvirevo 16:22) Anopiwazve chimwe chirango, kazhinji kacho chakakomba. Mapenzi anozvipinza oga munyatwa, anozvinyadzisa, anobatwa nezvirwere, uye anokurumidza kufa.
Achitaurazve zvakanakira kushandisa uchenjeri patinenge tichitaura, mambo weIsraeri anoti: “Mashoko anofadza izinga rouchi, anotapira kumweya uye anoporesa mapfupa.” (Zvirevo 16:24) Mashoko akanaka anokurudzira uye anozorodza kungofanana nouchi hunotapira uye hunowanisa simba munhu anenge ava kuziya nenzara. Uchi hunoitawo kuti munhu ave noutano hwakanaka uye hune zvahunorapa. Ndizvo zvinoitawo mashoko akanaka; anovaka mune zvokunamata.—Zvirevo 24:13, 14.
Ngwarira ‘Nzira Inoita Seyakarurama’
Soromoni anoti: “Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.” (Zvirevo 16:25) Izvi zvinotinyevera kuti tisafunga zvinhu zvisina kunaka uye tisaita zvinhu zvinopesana nomutemo waMwari. Imwe nzira ingaita seyakarurama mukuona kwevanhu asi ingave isingaenderani nezvinodiwa neShoko raMwari zvakarurama. Uyezve, Satani angasimudzira unyengeri hwakadaro kuitira kuti munhu aite zvaanofunga kuti zvakarurama asi chaizvoizvo zvichiita kuti azofa.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
g 11/13 16
Unoita “Mutambo Nguva Dzose” Here?
“Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa; asi munhu ane mwoyo unofara anoita mutambo nguva dzose.”—Zvirevo 15:15.
Mashoko aya anorevei? Anotaura nezvemafungiro emunhu. “Munhu anotambudzika” anogara achifunga nhamo dzake uye izvi ndizvo zvinoita kuti mazuva ake ave “akaipa.” Asi munhu “ane mwoyo unofara” anoedza kuisa pfungwa dzake pazvinhu zvakanaka, uye izvi zvinoita kuti asazvidya mwoyo, zvoita kuti ave nemufaro sekunge anoita “mutambo nguva dzose.”
Tose tine matambudziko anogona kutishayisa mufaro. Asi tine zvatinogona kuita kuti tivezve vanhu vanofanira kunyange patinenge tiri panguva yakaoma. Chimbooona zvinotaurwa neBhaibheri.
• Usanetseka kuti mangwana upenyu huchange huchizokufambira sei. Jesu Kristu akati: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro.”—Mt 6:34.
• Edza kuisa pfungwa dzako pazvinhu zvakanaka zvakaitika kwauri. Paunenge uchinzwa kusurukirwa, wadii kunyora pasi zvinhu zvakanaka izvozvo wombozvipa nguva yekufunga nezvazvo? Uyewo, usabva waramba uchifunga zvinhu zvakashata kana kuti kukanganisa kwawakamboita kare. Dzidza pazvikanganiso izvozvo, woenderera mberi neupenyu. Ita sezvinoitwa nemutyairi anombopota achitarira pagirazi rinomuratidza zviri shure, asi haazorambi akaisa maziso ake ipapo. Uye yeukawo kuti Jehovha ndiMwari ‘anokanganwira zvechokwadi.’—Pisarema 130:4.
• Paunenge uchizvidya mwoyo, edza kuudza munhu waunovimba naye anogona kukunyaradza. Zvirevo 12:25 “Kuzvidya mwoyo” ndiko kunoita kuti mwoyo uremerwe, “asi shoko rakanaka ndiro rinoita kuti ufare.” ‘Shoko rakanaka’ tinogona kuriudzwa nemumwe wemumhuri medu kana kuti shamwari yatinovimba nayo, munhu asingarasi tariro asi ‘ane rudo nguva dzose.’—Zvirevo 17:17.
Mashoko ari muBhaibheri akabatsira vakawanda kuti vanyatsofara muupenyu, kunyange pavanenge vari panguva yakaoma. Bhaibheri ngarikubatsirewo saizvozvo.
Zvirongwa Zvako Zvichasimbiswa Kwazvo
Kuzvida kungaita kuti tizvipembedze pane zvatinokanganisa, tivanze unhu husina kunaka, uye titadze kuona zvakaipa zvatinoita. Asi Jehovha haagoni kunyengedzwa. Anoona zvakaita mafungiro edu. Mafungiro omunhu ndiwo maonero aanoita uye anobva mumwoyo. Kazhinji mafungiro edu anobva pane zvinoitwa nomwoyo wedu wokufananidzira, uyo unosanganisira zvinhu zvakadai sepfungwa dzedu, manzwiro edu uye zvatinovavarira kuita. “Muongorori wemwoyo” anoongorora mafungiro edu uye haaiti zvechizivano kana kuti kusarura pakutonga kwake. Kuchenjera kungwarira mafungiro edu.
“Isa Mabasa Ako Kuna Jehovha”
Kuronga kunosanganisa kufunga kwatinoita mumwoyo medu. Tinowanzotanga taronga tozoita mabasa. Tichabudirira here pane zvatinoronga? Soromoni anoti: “Isa mabasa ako kuna Jehovha uye zvirongwa zvako zvichasimbiswa kwazvo.” (Zvirevo 16:3) Kuisa mabasa edu kuna Jehovha kunoreva kuvimba naye, kubvuma kutongwa naye, kuita setiri kubvisa zvinotiremera tozviisa paari. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Isa nzira yako pana Jehovha, uvimbe naye, uye iye achazviita.”—Pisarema 37:5.
Zvisinei, kuti zvirongwa zvedu zvisimbiswe kwazvo, zvinofanira kuenderana neShoko raMwari, uye tinofanira kuzviita nevavariro yakanaka. Uyezve, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire uye atitsigire toedza nomwoyo wose kuita zvinotaurwa neBhaibheri. Zvinokosha zvikuru kuti ‘tikande mutoro wedu pana Jehovha’ patinenge tiine miedzo kana kuti matambudziko, nokuti ‘achatitsigira.’ Chokwadi, “haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.”—Pisarema 55:22.
“Jehovha Akaita Zvinhu Zvose Nokuda Kwechinangwa Chake”
Chiizve chichaitika kana tikaisa mabasa edu pana Jehovha? Mambo akachenjera anoti: “Jehovha akaita zvinhu zvose nokuda kwechinangwa chake.” (Zvirevo 16:4a) Musiki wezvinhu zvose ndiMwari ane chinangwa. Patinoisa mabasa edu paari, upenyu hwedu hunova nechinangwa uye hunova nezvahunoreva, hahuzovi hwenhando kana kuti husina maturo. Chinangwa chaJehovha nokuda kwenyika nevanhu vanogara mairi hachigumi. (VaEfeso 3:11) Akaumba nyika uye akaisika “kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Uyezve, chinangwa chake chepakutanga nokuda kwevanhu pasi pano zvechokwadi chava kuda kuzadzika. (Genesisi 1:28) Upenyu hwokuzvipira kuna Mwari wechokwadi hahuzoperi uye huchava nezvahunoreva nokusingagumi.
Jehovha akaita “kunyange munhu akaipa nokuda kwezuva rakaipa.” (Zvirevo 16:4b) Haana kusika vakaipa, nokuti “basa rake rakakwana.” (Dheuteronomio 32:4) Zvisinei, akavabvumira kuti vavepo voramba vachirarama kusvikira zvakodzera kuti avatonge. Somuenzaniso, Jehovha akati kuna Farao weIjipiti: “Ndaita kuti urambe uchirarama nokuda kwechikonzero ichi, kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe munyika yose.” (Eksodho 9:16) Matambudziko Gumi nokuparadzwa kwakaitwa Farao uye mauto ake muGungwa Dzvuku zvechokwadi zvaiva kuratidzwa kusingakanganwiki kwesimba raMwari risingaenzaniswi.
Jehovha anogonawo kuronga nenzira yokuti vakaipa vaite chinangwa chake vasingazivi. Munyori wepisarema akati: “[Jehovha], hasha dzomunhu dzichakurumbidzai; muchazvisunga nehasha dzakasara.” (Pisarema 76:10) Jehovha angabvumira kuti vavengi vake vaitire hasha vashumiri vake, asi anongozviita pamwero wakafanira kuti arange vanhu vake achivarovedza. Mwari anopindira kana zvikapfuura apa.
Kunyange zvazvo Jehovha achitsigira vashumiri vake vanozvininipisa, zvakadini nevanozvikudza uye vanodada? Mambo waIsraeri anoti: “Munhu wose ane mwoyo unozvikudza anosemesa Jehovha. Maoko angabatana, asi munhu haazoregi kurangwa.” (Zvirevo 16:5) Vaya va“ne mwoyo unozvikudza” vachatsigirana, asi vacharangwa chete. Saka tinenge takachenjera kana tikazvininipisa pasinei nokuti tine ruzivo rwakadini, tine unyanzvi hwakadini kana kuti tingava neropafadzo dzebasa dzakadini.
“Kutya Jehovha”
Zvatakaberekerwa muchivi, tinototadza. (VaRoma 3:23; 5:12) Chii chichatibatsira kuti tisaita zvirongwa zvingaita kuti tive nomufambiro wakaipa? Zvirevo 16:6 inoti: “Kukanganisa kunoyananisirwa nomutsa worudo nechokwadi, uye munhu anobva pane zvakaipa nokuda kwokutya Jehovha.” Kunyange zvazvo Jehovha achiyananisa zvivi zvedu nomutsa wake worudo nechokwadi, kutya Jehovha ndiko kunoita kuti tisaita zvivi. Zvinokosha chaizvo kuti titye kugumbura Mwari kuwedzera pakumuda uye kuonga mutsa wake worudo!
Tinotya Mwari zvinobva mumwoyo patinomuremekedza nokuda kwesimba rake rinoshamisa. Chimbofunga nezvesimba rake ratinoona mune zvaakasika! Kuyeuchidzwa nezvokuratidzwa kwesimba mumabasa aMwari okusika kwakabatsira musoro wemhuri Jobho kuti agadzirise mafungiro ake. (Jobho 42:1-6) Hatibatsirwiwo here kugadzirisa mafungiro edu patinoverenga tofungisisa nhoroondo dzakanyorwa muBhaibheri dzemabatiro aiita Jehovha nevanhu vake? Munyori wepisarema akaimba kuti: “Uyai muone mabasa aMwari. Zvaanoitira vanakomana vevanhu zvinotyisa.” (Pisarema 66:5) Hatifaniri kurerutsa mutsa waJehovha worudo. VaIsraeri ‘pavakapanduka, vakarwadzisa mudzimu mutsvene waMwari, Jehovha akachinja akava muvengi wavo; uye iye akavarwisa.’ (Isaya 63:10) Asiwo, “Jehovha paanofarira nzira dzomunhu, anoita kuti kunyange vavengi vake vave norugare naye.” (Zvirevo 16:7) Chokwadi kutya Jehovha kunodzivirira zvikuru!
Mambo akachenjera anoti: “Zviri nani kuva nezvishoma paine kururama pane kuva nezvibereko zvizhinji pasina kururamisira.” (Zvirevo 16:8) Zvirevo 15:16 inoti: “Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha pane kuva nezvizhinji iwe uchivhiringidzwa nazvo.” Kuremekedza Mwari zvechokwadi kunokosha kuti tirambe tiri munzira yakarurama.
“Mwoyo Womunhu Wepanyika Ungafunga Nzira Yake”
Munhu akasikwa akasununguka kuita zvaanoda, achikwanisa kusarudza zvakarurama nezvisina kururama. (Dheuteronomio 30:19, 20) Mwoyo wedu wokufananidzira unokwanisa kusarudza zvakasiyana-siyana woomerera pane chimwe chete kana kuti pane zvakawanda. Achiratidza kuti tinofanira kuzvisarudzira, Soromoni anoti: “Mwoyo womunhu wepanyika ungafunga nzira yake.” Kana aita izvi, “Jehovha ndiye anotungamirira nhanho dzake.” (Zvirevo 16:9) Sezvo Jehovha achigona kutungamirira nhanho dzedu, tinenge takachenjera kana tikabatsirwa naye kuti ‘zvirongwa zvedu zvisimbe kwazvo.’
OCTOBER 24-30
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 17-21
“Ita Zvinhu Zvinoita Kuti Muve Nerugare”
“Njere Dzomunhu Dzinodzora Kutsamwa Kwake”
Mumwe murayiridzi webhora wekukoreji anodzingwa basa nekuti haagoni kudzora hasha dzake.
Kamwe kamwana kanoita hasha nekuti hakana kuitirwa zvakanoda.
Vamwe amai vanotanga kupopotedzana nemwanakomana wavo nekuti haana kurongedza mumba make.
TOSE zvedu takamboona vanhu vachitsamwa, uye hapana mubvunzo kuti isuwo takambogumbuka. Kunyange zvazvo tingafunga kuti hatitombofaniri kutsamwa, tinowanzoona sekuti hazvina kuipa kuti titsamwe, kunyanya paye patingaona sekuti mumwe munhu atitadzira. Imwe nyaya yakanyorwa nesangano rinoongorora nezvepfungwa rinonzi American Psychological Association inoti, “zviri muropa uye zvakanaka kuti munhu atsamwe.”
Pfungwa iyi ingaita seine musoro kana tikafunga mashoko akanyorwa nemuapostora Pauro afemerwa naMwari. Achiziva kuti dzimwe nguva vanhu vanombotsamwa, akati: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Izvi zvinoreva here kuti tinofanira kuviruka nehasha, kana kuti tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tizvidzore?
UNOFANIRA KUTSAMWA HERE?
Pauro paakapa zano iri panyaya yekutsamwa, anofanira kunge aifunga mashoko emunyori wepisarema uyo akati: “Dederai, asi musatadza.” (Pisarema 4:4) Asi Pauro airevei nezano raakafemerwa kunyora? Anoenderera mberi achiti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.” (VaEfeso 4:31) Pauro akanga achikurudzira vaKristu kuti vadzore hasha dzavo. Pfungwa yezvaaireva inoenderana nenyaya yakanyorwa neAmerican Psychological Association iyo inoenderera mberi ichiti: “Tsvakurudzo yakaitwa inoratidza kuti kuviruka nehasha kunowanzoita kuti munhu awedzere kutsamwa uye hakuna zvakunobatsira pakugadzirisa zvinenge zvanetsa.”
Saka ‘tingabvisa’ sei kutsamwa uye zvakaipa zvakunozokonzera? Mambo akachenjera Soromoni wemuIsraeri akanyora kuti: “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake, uye zvakamunakira kuti aregerere kudarika.” (Zvirevo 19:11) “Njere dzomunhu” dzinomubatsira sei kana hasha dzava kuda kumukurira?
NJERE DZEMUNHU DZINODZORA SEI KUTSAMWA?
Munhu ane njere anokwanisa kunzwisisa mamiriro ezvinhu. Izvi zvinobatsira sei kana munhu atsamwiswa?
Kana tikaona zvakaipa zvichiitika, ichokwadi kuti tingagumbuka. Zvisinei, kana tikarega hasha dzichitikurira, tingaguma tazvikuvadza kana kuti takuvadza mumwe munhu. Kana imba ikatanga kutsva poshaya anodzima, yose inoparara. Saizvozvowo, kana tikatadza kuzvidzora tingaguma tisisazivikanwi sevanhu kwavo, tisisawirirani nevamwe, uye tisisiri shamwari dzaMwari. Saka kana tikanzwa kuti hasha dzava kuda kutikurira, tinofanira kuongorora mamiriro ezvinhu. Zvechokwadi kana tikanzwisisa zvese zviri kuitika zvinogona kutibatsira kuti tizvidzore.
Baba vaSoromoni, Mambo Dhavhidhi, vakapotsa vaita mhosva yeropa pane zvakaitika pakati pavo naNabhari, asi pane akapindira akabatsira Dhavhidhi kunzwisisa mamiriro acho ezvinhu. Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakadzivirira makwai aNabhari murenje reJudhiya. Nabhari paakanga ava kuveura makwai ake, Dhavhidhi akamukumbira zvokudya. Nabhari akapindura kuti: “Zvino nditore chingwa changu nemvura yangu nenyama yangu yandaurayira vaveuri vangu ndopa varume vandisingatombozivi kwavanobva here?” Uku kwaiva kutsvinya chaiko! Dhavhidhi paakazvinzwa, iye nevamwe varume vangasvika 400, vakaenda kuti vanoparadza Nabhari nevanhurume vose vemumhuri make.—1 Samueri 25:4-13.
Mudzimai waNabhari, Abhigairi, akaudzwa zvainge zvaitika, ndokuenda kunoona Dhavhidhi. Paakaonana naDhavhidhi nevarume vaaiva navo, akapfugama pamberi paDhavhidhi ndokuti: “Murandasikana wenyu ngaataure muchinzwa, uye teererai mashoko omurandasikana wenyu.” Akabva atsanangurira Dhavhidhi kuti Nabhari aiva benzi, akataurawo kuti Dhavhidhi aizozvidemba kana akatsiva uye akadeura ropa.—1 Samueri 25:24-31.
Dhavhidhi akanzwisisa chii pamashoko akataurwa naAbhigairi zvakamubatsira kuti adzore hasha? Chokutanga, akaona kuti Nabhari akanga agara aine upenzi, uye chechipiri, Dhavhidhi akaona kuti kutsiva kwaizoita kuti ave nemhosva yeropa. Dzimwe nguva pane zvingakutsamwisa sezvakaitika kuna Dhavhidhi. Unofanira kuitei? Imwe nyaya inotaura nezvekuzvidzora yakanyorwa neMayo Clinic inokurudzira kuti, “Chimbotura befu, woverenga kubva pa1 kusvika ku10.” Izvi zvinoratidza kuti unofanira kumbomira, woona kuti chii chakonzera dambudziko uye wofunga kuti zvauri kuda kuita zvingaguma nei. Njere ngadziite kuti udzore kutsamwa kwako kana kuti ngadzitoite kuti kupere.—1 Samueri 25:32-35.
Izvi zvakabatsirawo vakawanda mazuva ano kuti vazvidzore kana vatsamwa. Sebastian, uyo aiva nemakore 23 paakapinda mujeri kuPoland, akatsanangura kuti akabatsirwa sei nekudzidza Bhaibheri kuti akwanise kuzvidzora kana atsamwa. Anoti: “Ndinotanga ndafunga kuti dambudziko riri papi. Zvadaro ndoedza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri. Ndakaona kuti Bhaibheri rine mazano akanaka kupfuura mamwe mabhuku ose.”
Izvi ndizvo zvakaitwawo naSetsuo. Anoti: “Ndaimbopopotera vamwe kana vanditsamwisa kubasa. Iye zvino ndava kuziva zvinotaura Bhaibheri, saka ndisati ndapopota ndinozvibvunza kuti: ‘Ndiani ane mhosva? Kuti handisirini here ndiri kukonzera dambudziko?’” Kufunga mibvunzo yakaita seiyi kwakamubatsira kuzvidzora kana atsamwa, uye zvakamubatsira kudzora hasha kana dzava kuda kumukurira.
Zvinogona kuoma kuti udzore kutsamwa, asi mazano ari muShoko raMwari ane simba rokukubatsira. Kana ukashandisa mazano euchenjeri ari muBhaibheri uye ukanyengetera kuti ubatsirwe naMwari, njere dzako dzichakudzorawo paunenge watsamwa.
Vavarira Kuva Norugare
Kana Takumbirwa Kuti Tibatsire
11 Zvakadini kana mumwe muKristu achida kutaura nemukuru nezvekusawirirana kwaari kuita nemunhu wemumhuri kana kuti muungano? Zvirevo 21:13 inoti: “Munhu anovhara nzeve yake kuti arege kunzwa kuchema kwokunyunyuta kweakaderera, iye achashevedzerawo asi haazopindurwi.” Zvechokwadi mukuru akatadza kuteerera, anenge ‘achivhara nzeve yake.’ Asi chimwe chirevo chinonyevera kuti: “Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.” (Zvir. 18:17, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Mukuru anofanira kuteerera nomutsa, asi anofanira kungwarira kuti asaenda divi reari kumhan’ara. Anzwa nyaya yacho, zvimwe achabvunza kana nyakutadzirwa akataura neakamugumbura. Mukuru wacho angadzokororawo matanho emuMagwaro ayo munhu wacho angatora kuti avavarire kuva norugare nomumwe wake.
12 Pane mienzaniso mitatu yomuBhaibheri inoratidza zvakaipira kumhanyira kutonga nyaya pasina kunzwa vari kupomerwa vacho. Potifari akabvuma zvakataurwa nomudzimai wake kuti Josefa aida kumubata chibharo. Potifari akabva akundwa nehasha akaita kuti Josefa akandwe mujeri. (Gen. 39:19, 20) Mambo Dhavhidhi akabvuma mashoko aZibha okuti tenzi wake Mefibhosheti akanga apandukira Dhavhidhi. Akamhanyira kuti: “Tarira! Zvinhu zvose zvaMefibhosheti zvava zvako.” (2 Sam. 16:4; 19:25-27) Mambo Atashasta akaudzwa kuti vaJudha vakanga vachivakazve masvingo eJerusarema uye vakanga vava kuda kupandukira Umambo hwePezhiya. Akabva atenda mashoko acho enhema akarayira kuti basa rokuvakazve Jerusarema rimire. Saka vaJudha vakabva vamira basa ravaiita patemberi yaMwari. (Ezra 4:11-13, 23, 24) Vakuru vechiKristu vanoratidza kuchenjera nokutevedzera zano raPauro kuna Timoti rokusamhanyira kutonga.—Verenga 1 Timoti 5:21.
Kunyange pazvinoita sokuti wanzwisisa vanhu vacho vose, zvinokosha kuyeuka kuti “kana paine munhu anofunga kuti awana zivo pamusoro pechimwe chinhu, iye haasati achiziva sokuchiziva kwaanofanira kuita.” (1 VaK. 8:2) Tinonyatsoziva zvose zvakaita kuti vasawirirana here? Tinogona kunyatsonzwisisa mamiriro ezvinhu evanhu vacho vasiri kuwirirana here? Vakuru pavanonzi vatonge nyaya, zvinokosha chaizvo kuti vasabvuma kunyengedzwa nenhema, kana kuti mashoko okungonzwa! Mutongi akasarudzwa naMwari, Jesu Kristu, anotonga zvakarurama. Haatongi “nokungoona chete nemaziso ake, kana kungotsiura maererano nezvaanenge anzwa nenzeve dzake.” (Isa. 11:3, 4) Asi anotungamirirwa nomudzimu waJehovha. Vakuru vechiKristu vanogona kutungamirirwawo nomudzimu mutsvene waMwari.
14 Vasati vapa mutongo panyaya inenge iripo, vakuru vanofanira kunyengetera kuti vabatsirwe nomudzimu waJehovha uye voita zvaunoda nokutsvakurudza muShoko raMwari nemabhuku omuranda akatendeka, akangwara.—Mat. 24:45.
Vavarira Kuva Norugare
17 Kakawanda panokanganisirana hama, nyaya dzacho dzinenge dzisina kukura zvokuti dzingada kutogarirwa dare. Saka, zvakanaka kungofukidza kukanganisa kwevamwe nokuratidza rudo. Shoko raMwari rinoti: “Munhu anofukidza kudarika anotsvaka rudo, uye uya anoramba achitaura nezvenyaya yacho anoparadzanisa vaya vanoshamwaridzana.” (Zvir. 17:9) Kuita zvinoenderana nemashoko iwayo kuchatibatsira tose kuchengetedza rugare muungano uye kuramba tiine ukama hwakanaka naJehovha.—Mat. 6:14, 15.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Vechiduku—Tungamirirwai Neshoko raMwari
17 Kuti urambe wakavimbika kuna Mwari uri woga, unofanira kuwedzera ‘simba rako rokunzwisisa kuti usiyanise zvakanaka nezvakaipa’ worovedza simba iroro “nokurishandisa” uchiita zvaunoziva kuti ndizvo zvakarurama. (VaH. 5:14) Somuenzaniso, pakusarudza nziyo dzokuteerera, mafirimu okuona, zvinhu zvokuvhura paIndaneti, mibvunzo inotevera ichakubatsira kusarudza zvakanaka uye kusiyana nezvakaipa. Zvibvunze kuti: ‘Zvinhu izvi zvichandikurudzira kuti ndive munhu ane tsitsi here kana kuti zvichaita kuti ndifarire “njodzi yomumwe”?’ (Zvir. 17:5) “Zvichandibatsira kuti ‘ndide zvakanaka’ here kana kuti zvichaita kuti zvindiomere ‘kuvenga zvakaipa’?” (Amo. 5:15) Zvaunoita uri woga zvinobudisa pachena zvaunonyatsokoshesa.—Ruka 6:45.
Tichafamba Nokuperera Kwedu!
15 Murume akarurama Jobho akanga asingati kana munhu aimuvenga akawirwa nedambudziko oti zvaiwana ngwarati. Chimwe chirevo chakazonyevera kuti: “Muvengi wako paanowa, rega kufara; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara, kuti Jehovha arege kuzviona zvikava zvakaipa mumaziso ake, akarega kumutsamwira.” (Zvir. 24:17, 18) Sezvo Jehovha achigona kuona zvakaita mwoyo, anoziva kana tiri kufarira nechomumwoyo kutambura kwevamwe uye zvechokwadi haafadzwi nemaitiro akadaro. (Zvir. 17:5) Mwari anogona kupedzerana nevaya vanotivenga, nokuti anoti: “Kutsiva ndokwangu, nokudzorera.”—Dheut. 32:35.
Vechiduku—Kufambira Mberi Kwenyu Ngakuonekwe
Kugadzirira Kuva Nemba Inobudirira
12 Vamwe vechiduku vakamhanyira dzimba vachifunga kuti ndiwo mushonga wokuti vafare, vasasurukirwa, vasafinhwa uye kuti vatize zvinetso zvepamba. Zvisinei, kuita mhiko dzemuchato haisi nyaya yokutamba nayo. Panguva inotaurwa muBhaibheri vamwe vaingomhanyira kuita mhiko vasati vanyatsofunga zvazvaireva. (Verenga Zvirevo 20:25.) Pane dzimwe nguva vechiduku havanyatsofungi zvazvinoreva kuva nemba. Pava paya vanozoona kuti pane zvakawanda zvinotodiwa kudarika zvavaifunga.
13 Saka usati watanga kudanana nemunhu, zvibvunze kuti: ‘Nemhaka yei ndichida kuva nemba? Zvii zvandiri kutarisira kuzowana? Munhu uyu anoita kuti ndiroorane naye here? Ndanyatsogadzirira kuva baba kana kuti amai vemba here?’ “Muranda akatendeka, akangwara,” akabudisa nyaya dzingakubatsira kuti unyatsozviongorora. (Mat. 24:45-47) Ona nyaya idzodzo semazano auri kupiwa naJehovha. Nyatsoongorora zviri madziri wozviita. Usambofa wakaita “sebhiza kana senyurusi zvisinganzwisisi.” (Pis. 32:8, 9) Nyatsokura pakunzwisisa kwako zvinhu zvinodiwa pakuva nemba. Kana uchifunga kuti wakura zvokutanga kudanana nomumwe munhu, gara uchiyeuka ‘kuva nomuenzaniso pakuchena.’—1 Tim. 4:12.
OCTOBER 31–NOVEMBER 6
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 22-26
“Rovedza Mwana Nzira Yaanofanira Kufamba Nayo”
Kurera Vana Munyika Inobvumira Madiro
Kunangisa Museve
Cherechedza kuti Pisarema 127:4, 5 rinofananidza mubereki no“murume ane simba.” Izvi zvinoreva here kuti baba chete ndivo vanokwanisa kuumba unhu hwomwana? Handizvo. Kutaura zvazviri, mufananidzo uyu unoshanda kune vose baba naamai, kusanganisira mubereki anenge ari mumwe chete. (Zvirevo 1:8) Mashoko okuti “murume ane simba” anoratidza kuti paidiwa simba rokuti museve uregedzerwe kubva pauta. Munguva dzeBhaibheri, dzimwe nguva uta hwaiiswa mhangura uye musoja ainzi ‘aikunga uta,’ zvichida achishandisa gumbo rake kuhukombamisa kuti aise tambo. (Jeremiya 50:14, 29) Hapana mubvunzo kuti raiva basa chairo kudhadhamura tambo iyoyo uchiregedzera museve wakananga kune chauri kuda kubaya!
Ndozvazvinoitawo pakurera vana—ibasa guru. Havazvireri, sezvinongoitawo museve kuti haudauki woga pauta. Zvinosuwisa kuti mazuva ano vabereki vakawanda vanoita sevasingadi kuisa simba iroro rinodiwa pakurera vana zvakanaka. Vanosarudza nzira isinganetsi. Vanosiya vana vavo vachidzidziswa neTV, zvikoro, uye neshamwari, zvinhu zvepabonde, kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa uyewo tsika. Vanorega vana vavo vachiva nezvose zvavanoda. Kana vakaona zvakaoma kuti varambe, vanobvuma uye nguva zhinji vachihwanda nokuti havadi kugumbura vana vavo. Kutaura chokwadi, kusiya vana vachiita madiro ndiko kunovakanganisa kwoupenyu hwose.
Kurera vana ibasa chairo. Kuita basa iroro nomwoyo wose uchitungamirirwa neShoko raMwari kunoda kusunga dzisimbe, asi mibayiro yacho mikuru. Magazini inonzi Parents yakati: “Ongororo . . . dzakaratidza kuti vana vanorerwa nevabereki vane rudo asi vachiratidza simba ravo, kureva vabereki vanoratidza vana vavo kuti vanovada asi vachivapa mitemo yakasimba, vanobudirira kuchikoro, vanokwanisa kugarisana nevamwe zvakanaka, vanogutsikana nezvavari uye vanofara kusiyana nevana vanorerwa nevabereki vanovajaidza kana kuti vane hasha dzakanyanyisa.”
Panotova nomumwe mubayiro uri nani. Tambokurukura chikamu chokutanga chaZvirevo 22:6 chinoti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera.” Ndima iyoyo inoenderera mberi nemashoko aya anonyevenutsa: “Kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.” Chirevo ichi chakafuridzirwa chinovimbisa kuti uchabudirira here? Kwete hazvo. Mwana wako ane kodzero yokusarudza zvaanoda uye achaishandisa kana akura. Asi ndima iyi ine vimbiso inosimbisa vabereki. Ivimbiso yei?
Kana ukarera vana vako maererano nemazano ari muBhaibheri, unenge uchiita zvinhu zvinoguma zvaita kuti uzofara kuona vana vako vachikura kuva vanhu vanofara, vari kugutsikana, uye vanozvishandira. (Zvirevo 23:24) Saka ita zvose zvaunogona kugadzirira “miseve” iyi inokosha, uichengetedze, uye ushande nesimba paunoinangisa. Hauzofi wakazvidemba.
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Zvirevo 22:6 inovimbisa here kuti kana vana vevaKristu vakarovedzwa zvakanaka, havazotsauki panzira yaJehovha?
Ndima iyi inoti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.” Sezvo kubhenda kwebazi romuti kuchiita kuti rikure rakadaro, vana vanorovedzwa zvakanaka vanowanzoramba vachishumira Jehovha kana vakura. Sezvinozivikanwa nomubereki wose, kurovedza kwakadaro kunotora nguva uye kunoda kushanda nesimba. Kuti vaite kuti vana vavo vave vadzidzi vaKristu, vabereki vanofanira kunyatsovarayiridza, kuvarayira, kuvakurudzira uye kuvaranga pamwe chete nokuvaratidza muenzaniso wakanaka. Vanofanira kugara vachiita izvi norudo kwemakore akawanda.
Zvisinei, izvi zvinoreva here kuti kana mwana akatsauka pakushumira Jehovha, vabereki vanenge vasina kumurovedza zvakanaka? Dzimwe nguva, vabereki vanenge vasina kuita zvose zvavaifanira kuita pakurera vana vavo mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha. (VaEfeso 6:4) Asiwo, chirevo chacho hachisi kuvimbisa kuti kurovedza zvakanaka kuchaita kuti vana vave vakatendeka kuna Mwari. Vabereki havagoni kuumba vana vavo kuti vave chero zvavanoda. Kungofanana nevanhu vakuru, vana vakasununguka kusarudza uye pakupedzisira vanofanira kusarudza zvavanoda kuita muupenyu. (Dheuteronomio 30:15, 16, 19) Pasinei nezvingaitwa nevabereki nomwoyo wose, vamwe vana vanova vasina kutendeka, sezvakaita Soromoni, akanyora ndima yatiri kukurukura. Kunyange Jehovha akava nevana vasina kutendeka.
Saka rugwaro runo harusi kureva kuti muzvinoitika zvose mwana “haazotsauki pairi” asi kuti kazhinji izvi ndizvo zvinoitika. Izvi zvinokurudzira vabereki chaizvo! Vabereki vanofanira kukurudzirwa nokuziva kuti kurovedza kwavanoita vana vavo nomwoyo wose munzira yaJehovha kuchaunza migumisiro yakanaka. Sezvo basa ravo richikosha uye vana vavo vachinyatsotevedzera zvavanoita, vabereki vanokurudzirwa kuti vakoshese basa ravo.—Dheuteronomio 6:6, 7.
Kunyange kana vana vakatsauka pakushumira Jehovha, vabereki vakanyatsorovedza vana vavo vanogona kuva netariro yokuti vachapengenuka. Chokwadi cheBhaibheri chine simba, uye vana havakurumidzi kukanganwa kurovedzwa kwavakaitwa nevabereki.—Pisarema 19:7.
Kurera Vana Vane Tsika—Kuchiri Kubvira Here?
“ZVINO tiri kurarama munzanga yakaoma zvikuru, vanhu vasiyana zvikuru mutsika, musina tsika,” anodaro Robert Glossop weVanier Institute for the Family muOttawa, Canada. Nemugumisiro upi? Mumwe mushumo wepepanhau reThe Toronto Star unoti: “Pamuviri pevechiduku, masimba masimba epwere uye kuzviuraya kwevechiduku zvose zviri kuwedzera.”
Chinetso chacho chinopfuura kuNorth America. Bill Damon, mutungamiriri weCenter for Human Development paBrown University muRhode Island, U.S.A., akafunda zvinetso izvozvi muBritain nedzimwe nyika dzeEurope, pamwe chete nomuAustralia, Israel, uye Japan. Anotaura nezvekuderera kwamachechi, zvikoro, uye mamwe masangano mukutungamirira vaduku. Tsika yedu, anodavira kudaro, “haichazivi zvinoda vana kuti vagova netsika nemano.” Achinokora mashoko enyanzvi dzokurera vana dzinodzidzisa kuti “chirango chinokanganisa utano hwavana negarikano,” Damon anotaura kuti izvozvi “zvinokonzera kurerwa kwavana vane misikanzwa, vasingateereri.”
Pwere dzanhasi dzinodei? Dzinoda kurovedzwa kune rudo kwenguva dzose uko kunoruramisa ndangariro nomwoyo. Pwere dzakasiyana-siyana dzinoda chirango chakasiyana. Pachinokuchidzirwa norudo, chirango chinowanzopiwa nokurangarira. Ndicho chikonzero nei tichiudzwa pana Zvirevo 8:33 ku“nzwa . . . kurayirira.” Vamwe, kunyange zvakadaro, hava“rayirirwi namashoko bedzi.” Kwavari, chirango chakakodzera nokuda kwokusateerera, chinoitwa kusvikira kumwero wakati, chingadikanwa. (Zvirevo 17:10; 23:13, 14; 29:19) Mukuita iyi rumbidzo, Bhaibheri harisi kubvumira kuzvambaradza kwokutsamwa kana kuti kuzvindikita, uko kungakuvadza mwana. (Zvirevo 16:32) Panzvimbo pezvo, mwana anofanira kunzwisisa chikonzero nei ari kururamiswa ndokunzwisisa kuti imhaka yokuti mubereki anaye, kurutivi rwake.—Enzanisa naVaHebheru 12:6, 11.
Zano rakadaro rinoshanda uye rakanaka reBhaibheri rinosimbiswa mubhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa weMhuri.
it-2-E 818 ¶4
Shamhu, Mudonzvo
Simba revabereki. Shoko rekuti “shamhu” rinoshandiswawo kureva simba rine vabereki pavana vavo. Bhuku raZvirevo rinotaura nezvesimba iri kakawanda, richishandisa shoko rekuti “shamhu” richireva nzira dzose dzekuranga nadzo mwana, kusanganisira kumurova neshamhu chaiyo. Mwari akapa mubereki basa rekushandisa shamhu pakuranga mwana. Kana mubereki akatadza kuita basa iri, zvichaita kuti mwana wacho ave benzi uye afe. Mubereki wacho achanyara nazvo uye zvichaita kuti asafarirwa naMwari. (Zvi 10:1; 15:20; 17:25; 19:13) “Upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womukomana; shamhu yokuranga ndiyo ichahubvisira kure naye.” “Usarega kuranga mukomana. Kana ukamurova neshamhu, iye haangafi. Umurove neshamhu, kuti ununure mweya wake paSheori.” (Zvi 22:15; 23:13, 14) “Munhu anorega shamhu yake anovenga mwanakomana wake, asi anomuda ndiye anotsvaka kumuranga.”—Zvi 13:24; 19:18; 29:15; 1Sa 2:27-36.
Koshesa Chipo Chako Choupenyu Zvakakodzera
KUDAI waizobvunzwa kuti upenyu hwako hunokosha zvakadini, waizoti chii? Tinokoshesa upenyu zvikuru—hwedu nohwevamwe. Kuratidza izvozvo, tingaenda kuna chiremba kunorapwa patinenge tichirwara kana kuti kunoongororwa nguva nenguva. Tinoda kuramba tiri vapenyu uye takagwinya. Kunyange vakawanda vakwegura kana kuti vakaremara havadi kufa; vanoda kuramba vari vapenyu.
2 Kukoshesa kwaunoita upenyu kune zvakunoita paukama hwako nevamwe. Somuenzaniso, Shoko raMwari rinorayira kuti: “Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.” (Zvirevo 23:22) Ku“teerera” kunoreva zvinopfuura kungonzwa mashoko; chirevo ichi chinoreva kunzwa kwava kuteerera. (Eksodho 15:26; Dheuteronomio 7:12; 13:18; 15:5; Joshua 22:2; Pisarema 81:13) Shoko raMwari rinopa chikonzero chipi chokuteerera? Hakusi kungoti baba naamai vako vakura kudarika iwe kana kuti vane ruzivo rwakakura. Chikonzero chinopiwa ndechokuti “vakakubereka.” Dzimwe shanduro dzinoshandura ndima iyi dzichiti: “Teerera baba vako vakakupa upenyu.” Zvinonzwisisika kuti kana uchikoshesa upenyu hwako, unonzwa uine zvaunofanira kuitira akakupa upenyu ihwohwo.
3 Chokwadi, kana uri muKristu wechokwadi, unoziva kuti Jehovha ndiye chaiyeiye Akakupa upenyu. Naye ‘une upenyu’; unogona ku“famba,” kuita sechisikwa chipenyu; uye zvino ‘uripo’ uye unogona kufunga kana kuti kuronga remangwana, kusanganisira upenyu husingaperi. (Mabasa 17:28; Pisarema 36:9; Muparidzi 3:11) Maererano naZvirevo 23:22, zvakanaka ku“teerera” Mwari nokutendeseka, uchida kunzwisisa uye kuita maererano nemaonero aanoita upenyu pane kusarudza kukoshesa upenyu neimwe nzira..
“Imi Mose Muri Hama”
13 Kukudza nhengo dzemhuri hakugumiri pakukudza mukadzi navana. “Kana wakura, teerera vana vako,” chinodaro chimwe chirevo chokuJapan. Pfungwa yechirevo ichocho ndeyokuti vabereki vakura havafaniri kupfuura simba ravo rokuva vabereki uye vanofanira kufunga zvinotaurwa navana vavo vakura. Nepo zviri muMagwaro kuti vabereki vakudze vana vavo nokuvapa nzeve inoteerera, vana havafaniri kuratidza kusaremekedza nhengo dzemhuri dzakura. “Usazvidza mai vako kana vachembera,” inodaro Zvirevo 23:22. Mambo Soromoni akaita zvinotaurwa nechirevo ichi ndokukudza amai vake pavakauya kwaari kuzokumbira. Soromoni akaita kuti chigaro choumambo chigadzirwe kurudyi rwake uye akateerera izvo amai vake vakanga vakura, Bhatishebha, vaifanira kumuudza.—1 Madzimambo 2:19, 20.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Vaya Vanoda Jehovha ‘Havana Chinovagumbura’
KANA UKAGUMBURWA, RAMBA UCHIMHANYA
5 Zvichida wakamboshandisa shoko rokuti ‘kugumburwa’ kana rokuti ‘kuwa’ uchitsanangura mamiriro ezvinhu emunhu panyaya yokunamata. Mashoko aya emuBhaibheri anogona kureva chinhu chimwe chete, asi pamwe pacho anosiyana. Somuenzaniso, ona zvinotaurwa naZvirevo 24:16: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka; asi vakaipa vachagumburwa nedambudziko.”
6 Jehovha haazoregi vaya vanovimba naye vachigumburwa kana kuti vachiwa, izvo zvinoreva kuwirwa nedambudziko kana chipingamupinyi pakunamata kwavo, zvokuti havagoni kusimuka. Tine chivimbo chokuti Jehovha achatibatsira ‘kusimuka’ kuitira kuti tirambe tichizvipira kwaari maererano nezvatinokwanisa. Izvozvo zvinonyaradza chaizvo kune vaya vanoda Jehovha zvichinyatsobva pamwoyo! Vakaipa havana chido chakadaro chokusimuka. Havatsvaki kubatsirwa nemudzimu mutsvene waMwari uye nevanhu vake, kana kuti vanoramba rubatsiro rwacho. Asi kune vaya ‘vanoda mutemo waJehovha,’ hapana chinogona kuvagumbura zvokuvatadzisa zvachose kuramba vari munhangemutange youpenyu.—Verenga Pisarema 119:165.
7 Vamwe vanoita chivi chisina kunyanya kukura, zvimwe kanoverengeka, pamusana pokukundwa nemiedzo. Asi Jehovha anoramba achivaona sevakarurama kana ‘vakasimuka,’ kureva kuti vakapfidza nemwoyo wose, voedza kutangazve kumushumira vakatendeka. Izvozvo tinogona kuzviona pane zvaiitirwa vaIsraeri naMwari. (Isa. 41:9, 10) Zvirevo 24:16, ine mashoko ambotaurwa, inosimbisa nyaya ‘yokusimuka’ tichibatsirwa naMwari wedu ane ngoni panzvimbo pokusimbisa nyaya ‘yokuwa.’ (Verenga Isaya 55:7.) Jehovha Mwari naJesu Kristu vanoratidza kuvimba kwavanoita nesu nokutikurudzira ‘kusimuka.’—Pis. 86:5; Joh. 5:19.
8 Kunyange kana mumhanyi akagumburwa kana kuti akawa munhangemutange yedaro refu, angava nenguva yokusimuka opedzisa kumhanya kana akakurumidza kuzviita. Munhangemutange yedu youpenyu husingaperi, hatizivi ‘zuva neawa’ pachaguma nhangemutange yacho. (Mat. 24:36) Asi kana tikagumburwa kashoma, tichavawo nemukana wakakura wokuramba tichimhanya zvakadzikama kusvika tapedza. Saka tingaitei kuti tisagumburwa?
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Munyori waZvirevo anopa majaya zano rokuti: “Gadzirira basa rako kunze, urigadzirire mumunda. Pashure uvakewo imba yako.” Chirevo ichi chakafuridzirwa chiri kutaura nezvei? Chiri kureva kuti murume anofanira kunyatsogadzirira asati aroora uye asati ava nemhuri, achiziva kuti imba inoda kuzvipira uye ibasa chairo.