CHIDZIDZO 46
Mifananidzo Inobva Muzvinhu Zvinozivikanwa
ZVECHOKWADI zvinokosha kuti chero mifananidzo yaunoshandisa ikodzere mashoko auri kukurukura. Zvisinei, kuti inyatsobatsira, zvinokoshawo kuti ikodzere vateereri vako.
Rudzi rwevateereri rungabatsira sei pakusarudza mifananidzo pakutaura neboka revanhu? Jesu Kristu akaita sei? Paaitaura nemapoka evanhu kana kuti kuvadzidzi vake, Jesu haana kutora mienzaniso yake mumararamiro okune dzimwe nzvimbo dzisiri dzomuIsraeri. Mienzaniso yakadaro ingadai yakava isingazivikanwi nevateereri vake. Somuenzaniso, Jesu haana kumbotaura nezvoupenyu hwomumba yemadzimambo okuIjipiti kana kuti zvitendero zvokuIndia. Kunyange zvakadaro, mifananidzo yake yakataura nezvezvinhu zvinozivikanwa nevanhu vomunyika dzose. Akataura nezvokuisa chigamba pambatya, kuita bhizimisi, kurasikirwa nechimwe chinhu chinokosha, uye kuenda kumuchato. Ainzwisisa kuti vanhu vanoita sei mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye akashandisa izvozvi. (Mako 2:21; Ruka 14:7-11; 15:8, 9; 19:15-23) Sezvo kuparidzira kwake vanhu vose kwakanga kwakanangidzirwa zvikurukuru kuvaIsraeri, mifananidzo yaJesu yaiwanzova nechokuita nezvinhu uye mabasa oupenyu hwavo hwezuva nezuva. Saka akataura nezvezvinhu zvakadai sokurima, kuteerera kunoita makwai muridzi wawo, uye kushandiswa kwematehwe kuchengetera waini. (Mako 2:22; 4:2-9; Joh. 10:1-5) Akataurawo nezvemienzaniso yezvakaitika kare zvaizivikanwa—kusikwa kwevanhu vaviri vokutanga, Mafashamo omuzuva raNoa, kuparadzwa kweSodhomu neGomora, kufa kwomudzimai waRoti, kungotaura mishomanana. (Mat. 10:15; 19:4-6; 24:37-39; Ruka 17:32) Iwewe unombonyatsofungisisa nezvemabasa anozivikanwa nevateereri vako uye tsika dzavo paunenge uchisarudza mifananidzo here?
Ngatimbotii hausi kutaura nevanhu vazhinji, asi nomunhu mumwe chete kana kuti vashomanana, woita sei? Edza kusarudza mufananidzo wakanyatsokodzera vateereri vashomanana ivavo. Jesu paakapupurira mukadzi muSamariya patsime raiva pedyo neSikari, akataura nezve“mvura mhenyu,” ‘kusazombovazve nenyota,’ uye “tsime remvura inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi”—zvose izvi zvakanga zviri zvirungamutauro zvine chokuita nebasa romukadzi iyeye. (Joh. 4:7-15) Uye paakataura nevarume vaigeza utava hwavo, chirungamutauro chaakasarudza chaiva nechokuita nebasa rokubata hove. (Ruka 5:2-11) Mune zvose, angadai akataura nezvokurima, sezvo vaigara munharaunda yairimwa, asi zvaibatsira zvikuru sei kutaura nezvemabasa avo pachavo sezvaaiita kuti vaone nemaziso epfungwa! Unoedza kudaro here?
Kunyange zvazvo Jesu akataura nezve“makwai akarasika eimba yaIsraeri,” muapostora Pauro haana kutumwa kuvaIsraeri bedzi asiwo kuMamwe Marudzi. (Mat. 15:24; Mab. 9:15) Izvi zvakaita kuti Pauro asiyanise matauriro ake here? Hungu. Paainyorera vaKristu vaiva muKorinde, akataura nezvomujaho wemakumbo, akataura nezvetsika yokudyira mutemberi dzezvidhori, uye akataurawo nezvomudungwe wevanhu vanenge vakunda, zvinhu zvaizozivikanwa neveMamwe Marudzi ivavo.—1 VaK. 8:1-10; 9:24, 25; 2 VaK. 2:14-16.
Unochenjerera sezvaiita Jesu naPauro pakusarudza mifananidzo nemienzaniso yokushandisa pakudzidzisa kwako here? Unofunga nezvenzvimbo inogara vateereri vako uye mabasa avo ezuva nezuva here? Ichokwadi kuti munyika zvinhu zvachinja kubva muzana remakore rokutanga. Vanhu vazhinji nhasi vave kukwanisa kuona nhau dzomunyika yose paterevhizheni. Zvinhu zvokune dzimwe nyika vanowanzozviziva. Kwazvinenge zvakadaro, hapana chakaipa kutora mifananidzo munhau dzakadaro. Kunyange zvakadaro, kazhinji zvinhu zvinonyanyosvika pamwoyo yevanhu zvinosanganisira upenyu hwavo—musha wavo, mhuri yavo, basa ravo, zvavanodya, uye mamiriro okunze omunharaunda yavo.
Kana mufananidzo wako uchida kutsanangura kwakawanda, ungangove uri kutaura chimwe chinhu chisingazivikanwi nevateereri vako. Zviri nyore kuti mufananidzo wakadaro uvhare pfungwa iri kuda kudzidziswa. Izvi zvingaguma nokuti vateereri vayeuke mufananidzo wako, kwete chokwadi chomuMagwaro chawanga uchiedza kutaura.
Pane kutaura mienzaniso yakaoma, Jesu akashandisa zvinhu zviri nyore zvezuva nezuva. Akashandisa zvinhu zviduku kutsanangura zvinhu zvikuru uye zvinhu zviri nyore kujekesa zvinhu zvakaoma. Nokufananidza zviitiko zvezuva nezuva nechokwadi chaMwari, Jesu akabatsira vanhu kukurumidza kunzwisisa chokwadi chaMwari chaaidzidzisa nokuchiyeuka. Uyu ndiwoka muenzaniso wokutevera!