RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 44 p. 236-p. 239 ndim. 5
  • Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kukudziridza Unyanzvi Hwokudzidzisa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kubvunza Mibvunzo
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Tevedzera Mudzidzisi Mukuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 44 p. 236-p. 239 ndim. 5

CHIDZIDZO 44

Kushandisa Mibvunzo Zvinobudirira

Unofanira kuitei?

Shandisa mibvunzo nenzira yokuti zvauri kuda zvichabuda. Chinangwa chako chingava chokuwana mhinduro yomuromo; chingava chokuti munhu apindure nepfungwa dzake. Zvaunobvunza uye mabvunziro aunoita ndizvo zvichatema kubudirira kwauchaita mukushandisa mibvunzo.

Nei zvichikosha?

Mibvunzo inobudirira inobatsira vateereri kubatanidzwa. Mhinduro dzemibvunzo yakanyatsosarudzwa dzingapawo mashoko anokosha kumudzidzisi.

PAMUSANA pokuti mibvunzo inoda mhinduro—nomuromo kana kuti nepfungwa—inobatsira kuita kuti vateereri vako vabatanidzwe. Mibvunzo ingakubatsira kutanga kukurukurirana uye kuva nekurukurirano yakanaka. Somukurukuri uye mudzidzisi, ungashandisa mibvunzo kuita kuti vanhu vafarire, kubatsira mumwe munhu kufunga panyaya, kana kuti kuwedzera kusimbisa zvaunotaura. Kana ukashandisa mibvunzo zvakanaka, unokurudzira vamwe kufunga zvakawedzerwa pane kungoteerera chinyararire. Iva nechinangwa mupfungwa dzako, wobvunza mibvunzo yako nenzira ichabatsira kubudisa chinangwa ichocho.

Kukurudzira Kukurukurirana. Paunenge uri muushumiri hwomumunda, chenjerera mikana yokukumbira vanhu kutaura zvavanofunga kana vachida kudaro.

Zvapupu zvakawanda zvinotanga kukurukurirana kunonakidza nokungobvunza kuti, “Makambofunga here kuti . . . ?” Kana vakasarudza mubvunzo uri mupfungwa dzevanhu vakawanda, pasina mubvunzo vachava nenguva yakanaka muushumiri hwomumunda. Kunyange kana munhu wacho asina kumbofunga nezvomubvunzo wacho, zvingaita kuti ade kuziva. Nyaya dzakasiyana-siyana dzinogona kusumwa nokutaura kwakadai sokuti “Munofungei . . ?,” “Munonzwa sei . . . ?,” uye “Munotenda here kuti . . . ?”

Muparidzi Firipi paakasvika kune mukuru mukuru wedare reEtiopiya akanga achiverenga zvinonzwika uprofita hwaIsaya, Firipi akangoti: ‘Unonyatsoziva [kana kuti, unonzwisisa] zvauri kuverenga here?’ (Mab. 8:30) Mubvunzo uyu wakazarurira Firipi mukana wokuti atsanangure chokwadi nezvaJesu Kristu. Zvichishandisa mubvunzo iwoyo, zvimwe Zvapupu zvomuzuva ranhasi zvakawana vanhu vainyatsoda kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri.

Kana vangopiwa mukana wokutaura maonero avo, vanhu vazhinji vachanzwa vachida kukuteerera. Kana wabvunza mubvunzo, nyatsoteerera. Iva nomutsa pane kutsoropodza paunenge wopindura zvataurwa nomunhu wacho. Murumbidze paunenge uchigona kudaro nomwoyo wose. Pane imwe nguva mumwe munyori “apindura noungwaru,” Jesu akamurumbidza achiti: “Hausi kure noumambo hwaMwari.” (Mako 12:34) Kunyange kana usingabvumirani nezvaanofunga, unogona kumutenda pamusana pokutaura zvaanofunga. Zvaataura zvingakuita kuti uzive maonero ake aunofanira kufunga nezvawo pakumuudza chokwadi cheBhaibheri.

Kusuma Pfungwa Dzinokosha. Paunotaura neboka kana kuti kukurukura nomunhu mumwe chete, edza kushandisa mibvunzo kuti ikusvitse papfungwa dzinokosha. Iva nechokwadi kuti mibvunzo yako inosanganisira nyaya dzinofarirwa zvechokwadi nevateereri vako. Ungabvunza mibvunzo inomutsa kufarira nokuti mhinduro yacho haisi pachena. Kana ukambomira zvishomanana wabvunza mubvunzo, vateereri vako vangangoteerera vachinyatsotarisira zvinotevera.

Pane imwe nguva muprofita Mika akabvunza mibvunzo inoverengeka. Abvunza zvinotarisirwa naMwari kuna vaya vanomunamata, muprofita wacho akabvunzazve mimwe mibvunzo mina, mumwe nomumwe uine ingangove mhinduro. Mibvunzo yose iyoyo yakabatsira kugadzirira vaverengi mhinduro inojekesa yaakagumisa nayo chikamu ichocho chekurukurirano yake. (Mika 6:6-8) Ungagona kuita saizvozvo paunenge uchidzidzisa here? Zviedze.

Chikonzero Chiri Panyaya Yacho. Mibvunzo inogona kushandiswa kubatsira vamwe kuti vaone zvikonzero zvezviri kukurukurwa. Paaitaura chirevo chinokosha kuna Israeri, Jehovha akaita izvi, sezviri pana Maraki 1:2-10. Kutanga akavaudza kuti: “Ndakakudai.” Vakakundikana kunzwisisa rudo irworwo, saka akabvunza kuti: “Esau wakanga asi mukoma waJakobho here?” Zvadaro, Jehovha akavaudza nezvokuparadzwa kweEdhomi souchapupu hwokuti pamusana pokuipa kwavo, Mwari haana kuda rudzi irworwo. Akatevera izvi nemifananidzo yaiteverwa mumwe nomumwe nemibvunzo kusimbisa kukundikana kwaIsraeri kubvuma zvakanaka rudo rwaJehovha. Mimwe mibvunzo yacho yakataurwa sokunge kuti vapristi vasina kutendeka ndivo vaiibvunza. Mimwe mibvunzo Jehovha aibvunza vapristi vacho. Kurukurirano yacho inomutsa mwoyo uye inobata pfungwa dzedu; matauriro acho haarambiki; shoko racho harikanganwiki.

Vamwe vakurukuri vanoshandisa mibvunzo zvinobudirira saizvozvo. Kunyange pasina mhinduro inotarisirwa, vateereri vanobatanidzwa mupfungwa, sokunge kuti vari kukurukurirana.

Patinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri, tinoshandisa nzira inoita kuti mudzidzi ataurewo. Ichokwadi kuti zvinobatsira zvikuru kana mudzidzi akasapindura achingodzokorora zvakanyorwa. Nenzwi rine mutsa, bvunza mibvunzo yokuwedzera kuti ukurukure nomudzidzi. Papfungwa dzinokosha, mukurudzire kushandisa Bhaibheri kutsigira mhinduro yake. Ungabvunzawo kuti: “Zvatiri kukurukura zvinopindirana sei nezvimwe izvi zvatadzidza? Nei zvichikosha? Zvinofanira kuchinja sei upenyu hwedu?” Nzira yakadaro inobudirira kupfuura kungotaura zvaunofunga kana kuti kupa tsanangudzo yakareba iwe pachako. Ukadai, uchabatsira mudzidzi kushandisa “simba r[ake] rokufunga” kunamata Mwari.—VaR. 12:1.

Kana mudzidzi akasanzwisisa pfungwa yakati, shivirira. Angave ari kuedza kuenzanisa zvauri kutaura nezvaave achitenda kwemakore akawanda. Kutaura nyaya yacho nemamwe maonero kungabatsira. Zvisinei, pane dzimwe nguva kutaura zviri nyore ndiko kunodiwa. Shandisa Magwaro kwazvo. Shandisa mifananidzo. Pamwe chete neizvi, bvunza mibvunzo iri nyore inoita kuti munhu wacho afunge nezvouchapupu huripo.

Kubudisa Zviri Mukati. Vanhu pavanopindura mibvunzo, havawanzotauri zvavanofunga chaizvo. Vangapindura zvavanofunga kuti ndizvo zvaunoda kunzwa. Kunzwisisa kunodikanwa. (Zvir. 20:5) Sezvakaita Jesu, ungabvunza kuti “Unotenda izvi here?”—Joh. 11:26.

Vadzidzi vaJesu vakawanda pavakagumburwa nezvaakataura ndokumusiya, Jesu akakumbira vaapostora vake kuti vataure zvavaifunga. Akabvunza kuti; “Hamudi kuendawo, munoda here?” Petro akataura zvavaifunga, achiti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Mune mashoko oupenyu husingaperi; uye takatenda tikasvika pakuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” (Joh. 6:67-69) Pane imwe nguva, Jesu akabvunza vadzidzi kuti: “Vanhu vari kuti Mwanakomana womunhu ndiani?” Akawedzera mubvunzo uyu nomumwe waida kuti vataure zvaiva pamwoyo yavo ivo. “Asi imi, munoti ndini ani?” Petro akapindura akati: “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”—Mat. 16:13-16.

Paunenge uchiitisa chidzidzo cheBhaibheri, ungaona kuti zvinobatsira kuita saizvozvo pane dzimwe nyaya. Ungabvunza kuti: “Vaunodzidza navo (kana vaunoshanda navo) vanoona sei nyaya iyi?” Zvadaro ungabvunzazve kuti: “Iwewe unofunga sei nezvayo?” Kana ukaziva zvinonyatsofungwa nomunhu, zvinokubatsira iwe somudzidzisi kunyatsomubatsira.

Kuwedzera Kusimbisa. Mibvunzo inogona kushandiswa kuwedzera kusimbisa pfungwa. Muapostora Pauro akazviita, sezviri pana VaRoma 8:31, 32 panoti: “Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa? Iye asina kunyange kurega Mwanakomana wake asi akamupa nokuda kwedu tose, angaregerereiko kutipawo zvimwe zvinhu zvose naye?” Ona kuti apa, mubvunzo mumwe nomumwe unojekesa mashoko autangira.

Muprofita Isaya apedza kunyora mutongo waJehovha paBhabhironi, akaratidza kuti aiva nechokwadi nazvo nokuwedzera kuti: “Jehovha wehondo akatema chirevo, ndiani ungapindurazve? Ruoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani ungarudzosa?” (Isa. 14:27) Nezvairi, mibvunzo yakadaro inoratidza kuti pfungwa yataurwa haigoni kurambwa. Hapana mhinduro inotarisirwa.

Kufumura Kufunga Kusiri Iko. Mibvunzo yakanyatsofungwa inogonawo kushandiswa zvine simba kufumura kufunga kusiri iko. Asati arapa mumwe murume, Jesu akabvunza vaFarisi nedzimwe shasha dzoMutemo kuti: “Zvinobvumirwa here nomutemo kurapa pasabata kana kuti kwete?” Apedza kurapa, akabvunzazve achiti: “Ndiani wenyu, anoti kana mwanakomana wake kana nzombe ikawira mutsime, asingabvi amuburitsa nezuva resabata?” (Ruka 14:1-6) Hapana mhinduro yaitarisirwa uyewo hapana akapindura. Mibvunzo yacho yakafumura kufunga kwavo kusiri iko.

Padzimwe nguva kunyange vaKristu vechokwadi vangatanga kufunga zvisiri izvo. Vamwe vaiva muKorinde yomuzana remakore rokutanga vaiendesa hama dzavo kumatare kuti zvinetso zvavaifanira kunge vagadzirisa voga zvigadziriswe. Muapostora Pauro akatarisira sei nyaya yacho? Akabvunza mibvunzo inotevedzana yakananga kuti aruramise kufunga kwavo.—1 VaK. 6:1-8.

Nokudzidzira, unogona kushandisa mibvunzo zvinobudirira. Zvisinei, yeuka kuremekedza, kunyanya kana uchitaura nevakuru, vanhu vausingazivi, nevaya vane chiremera. Bvunza mibvunzo kuti utaure chokwadi cheBhaibheri zvinoyemurika.

MAITIRWO AZVO

  • Kuti ukurudzire kukurukurirana, bvunza mibvunzo ine chokuita nenyaya dzinokosha zvechokwadi kune munhu wacho.

  • Usati wataura pfungwa inokosha, edza kubvunza mubvunzo uchaita kuti vamwe vade kuinzwa.

  • Bvunza mibvunzo kubatsira vanhu kuona zvikonzero zvemashoko anotaurwa, kuva chokwadi kwezvataurwa, uye kunakira upenyu hwavo kwazvingaita.

  • Bvunza mibvunzo kukumbira mudzidzi kwete chete kudzokorora zvinhu sezvazviri asiwo kutaura zvaanofunga pane zvaari kudzidza.

BASA ROKUITA: (1) Uchifunga nezvenharaunda yaunopupurira, gadzirira mibvunzo yakati wandei yaungashandisa kutanga kukurukurirana zvine musoro nevanhu. (2) Verenga VaRoma chitsauko 3, uchinyatsoongorora mashandisiro aPauro mibvunzo kuti ataure nevanhu pamusoro pokumira pamberi paMwari kwevaJudha neVemamwe Marudzi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe