RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 4/1 pp. 13-16
  • Kurera Vana Munyika Inobvumira Madiro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurera Vana Munyika Inobvumira Madiro
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Semiseve Iri Muruoko”
  • Kunyatsogadzirira Museve
  • Kuchengetedza Museve
  • Kunangisa Museve
  • Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kudzidzira Kurega Vachienda
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 4/1 pp. 13-16

Kurera Vana Munyika Inobvumira Madiro

WAKAMBOONA here mwana achichemera kutengerwa chinhu chokutambisa asi mubereki wake asingadi? Kana kuti mwana anenge achida kutamba asi mubereki amuudza kuti, “Gara pasi”? Pakadaro, unogona kuona kuti mubereki anenge achida kuti zvifambire zvakanaka mwana wacho. Asi kakawanda kacho unozongoona mubereki ava kubvuma zvinenge zvichidiwa nomwana. Azhambirwa, mubereki anobva ati hungu pane zvaanga achiti kwete.

Vabereki vakawanda vanofunga kuti kuva mubereki akanaka zvinoreva kuita zvose zvinenge zvichidiwa nevana. Somuenzaniso, muUnited States vana 750 vaibvira pamakore 12 kusvika ku17 vakabvunzwa zvavanoita kana vabereki vavo vakavarambira zvavanenge vachida. Vanoda kusvika 60 muzana vevana ivavo vakati vanoramba vachingokumbira. Vanenge 55 muzana vakaona kuti izvozvo zvinobudirira. Vabereki vavo vangafunga kuti kuvarega vachiita madiro kuratidza kuti vanovada, asi ichokwadi here?

Funga nezvemashoko aya ane udzamu ari muBhaibheri: “Kana munhu achitunhira mushandi wake kubvira achiri muduku, iye achazova munhu asingaongi muupenyu hwake hwapashure.” (Zvirevo 29:21) Ichokwadi kuti mwana haasi hake mushandi. Asi haubvumi kuti izvi zvingashandawo pakurera vana here? Kutunhira vana, kuvapa zvose zvavanoda, kungaita kuti vazova vanhu vakuru ‘vasingaongi’ kureva kuti vakaregererwa, vanongoita zvavanoda.

Kusiyana neizvi, Bhaibheri rinobayira zanhi vabereki richiti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.” (Zvirevo 22:6) Vabereki vakachenjera vanoteerera zano iri, vachipa vana vavo mitemo yakajeka, isingachinje-chinje, ine musoro uye vachiona kuti yatevedzerwa. Havasiyi vana vachiita madiro vachiti ndokuvada uye havapi mwana chinhu nokuti anetsa kana kuti achema achiumburuka. Pane kudaro, vanoita zvakataurwa naJesu zvokuti: “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.” (Mateu 5:37) Saka zvii zvinodiwa pakurera vana? Funga nezvomuenzaniso wakanyatsokodzera unotevera.

“Semiseve Iri Muruoko”

Bhaibheri rinopa muenzaniso unoratidza kuti mwana anoda kutungamirirwa nevabereki. Pisarema 127:4, 5 rinoti: “Semiseve iri muruoko rwomurume ane simba, ndizvo zvakaita vanakomana vouduku. Anofara murume akazadza goba rake navo.” Saka vana vanofananidzwa nemiseve, uye mubereki, nomurwi akasimba. Munhu anopfura nemiseve zvaanoziva kuti miseve yake haingobayi chaari kuda nemasanga, vabereki vanoda vana vavo vanozivawo kuti kurera vana hakusi kwokuti chero zvazvaita. Vanoda kuti vana vavo “vabaye” pavari kuda, kureva kuti vazova vanhu vakuru vanofara uye vanoziva zvavanoita. Vanoda kuti vana vavo vagone kusarudza, vachenjere, vasiyane nokungokoromora matambudziko, uye vaite zvine pundutso. Asi hazvipereri pakungoda zvinhu izvi.

Chii chinodiwa kuti museve usvikobaya panenge pachidiwa? Unofanira kunge wakanyatsogadzirirwa, wakachengetedzwa, wozonyatsokungwa nokuregedzerwa zvine simba wakananga panenge pachidiwa. Zvakangodarowo nevana. Vanoda kugadzirirwa, kuchengetedzwa uye kutungamirirwa kuti vabudirire murwendo rwokuva vanhu vakuru. Ngatikurukurei zvinhu zvitatu izvi zvinofanira kuitwa pakurera vana, chimwe chete panguva.

Kunyatsogadzirira Museve

Miseve yaishandiswa munguva dzeBhaibheri yainyatsogadzirirwa. Rutanda rwacho, zvichida rwaigadzirwa nomuti wakareruka, rwaifanira kuvezwa rwonyatsoti twasu. Muromo wacho waifanira kuva wakapinza. Kwaiperera museve kwaisungirirwa minhenga kuitira kuti unyatsonanga kwauri kunobaya.

Vabereki vanoda kuti vana vavo vaite semiseve iyoyo yakanyatsoti twasu—vaite zvakanaka, vasingatsauki. Nokudaro, kana vakachenjera, havapi gotsi kune zvinenge zvichikanganiswa nevana vavo asi vachavabatsira murudo kuti vagadzirise maitiro avo. Pachava nebasa rakawanda zvakadaro rokuita pamwana wose, nokuti “upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womukomana.” (Zvirevo 22:15) Ndosaka Bhaibheri richirayira vabereki kuti varange vana vavo. (VaEfeso 6:4) Kutaura chokwadi, kuranga kunoita kuti pfungwa dzomwana nounhu hwake zviite zvakanaka.

Ndosaka zvisingashamisi kuti Zvirevo 13:24 inoti: “Munhu anorega shamhu yake anovenga mwanakomana wake, asi anomuda ndiye anotsvaka kumuranga.” Pane zviri kutaurwa pano, shamhu inoreva chero nzira inenge yashandiswa kugadzirisa mwana kuti apinde mugwara. Kana mubereki akaranga mwana murudo, anenge achigadzirisa maitiro okuti kana akadzika midzi, anozonetsa mwana kana akura. Kutaura zvazviri, kurega kuranga mwana kumuvenga; kumuranga kumuda.

Mubereki anoda mwana wake achamubatsira kuti anzwisise zvinenge zvaita kuti mitemo idzikwe. Nokudaro, kuranga hakungorevi kupa mitemo nokurova kana akanganisa, asi chinokosha ndechokuti mwana abatsirwe kunzwisisa. Bhaibheri rinototi: “Mwanakomana anonzwisisa anochengeta mutemo.”—Zvirevo 28:7.

Minhenga inosungirirwa pamuseve inobatsira kuti uende wakati twasu paunenge waregedzerwa. Saizvozvowo, vana vanogona kuramba vaine dzidziso dziri muBhaibheri dzakabva kuMuvambi wemhuri, dzigovabatsira kwoupenyu hwose kunyange kana vabva pamba. (VaEfeso 3:14, 15) Zvisinei, chii chingaita kuti vabereki vavimbe kuti dzidziso dzakadaro “dzakasungirirwa” zvechokwadi pavana vavo?

Cherechedza zvakataurwa naMwari kuvabereki vechiIsraeri munguva yaMosesi kuti: “Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kuaroverera mumwanakomana wako.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Saka vabereki vanofanira kuita zvinhu zviviri. Chokutanga, ivo pachezvavo vanofanira kudzidza uye kuita zvinotaurwa neShoko raMwari, kunyatsoda mitemo yaMwari. (Pisarema 119:97) Kana vadaro vanenge vava kukwanisa kuita zvinotaurwa nechikamu chechipiri chorugwaro rwacho—“kuaroverera” muvana vavo. Izvi zvinoreva kuita kuti vana vanzwisise mumwoyo yavo kukosha kunoita mitemo yakadaro vachivakomekedza.

Saka zviri pachena kuti hachisi chinyakare kana kuti hazvina kubuda mufashoni kudzidzisa zvinotaurwa neBhaibheri kana kuti kuranga mwana paanenge atadza. Idzi inzira dzinokosha dzokugadzirira nadzo “miseve” iyi inokosha kuti iende yakati twasu uye yakananga kunova vanhu vakuru.

Kuchengetedza Museve

Ngatidzokerei kumuenzaniso wakanyorwa paPisarema 127:4, 5. Yeuka kuti munhu anopfura akanzi “akazadza goba rake” nemiseve. Yangopera kugadzirwa, miseve yaifanira kuchengetedzwa. Saka munhu anopfura aiichengeta mugoba, umo yaigara zvakanaka uye yaisatyoka zviri nyore. Sezvineiwo, Bhaibheri rinoprofita nezvaMesiya richimuti museve wakabwinyiswa uyo Baba vake ‘vakavanza mugoba ravo.’ (Isaya 49:2) Jehovha Mwari, Baba anopfuura vanababa vose pakuda vana, chokwadi akachengetedza Mwanakomana wake waanoda Jesu, kuti asakuvadzwa nechero chii zvacho kusvikira nguva yakatarwa yasvika yokuti Mesiya auraiwe sezvakanga zvakafanotaurwa. Kunyange ipapo, Mwari akachengetedza Mwanakomana wake kuti asaparadzwa norufu, achimudzosa kudenga kuti ararame nokusingaperi.

Saizvozvowo, vabereki vakanaka vanoda kudzivirira vana vavo kungozi dzenyika ino isisina chakanaka. Zvichida vangarambidza zvimwe zvinhu zvingaita kuti vana vavo vafuririke vozopinda munjodzi. Somuenzaniso, vabereki vakachenjera vanobatisisa mashoko aya: “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaKorinde 15:33) Kuchengetedza vana nokuvaita kuti vasatamba nevanhu vasingaremekedzi tsika dzinodzidziswa muBhaibheri kuchaita kuti vasapinda muna taisireva.

Dzimwe nguva vana vangasanzwisisa kuchengetedzwa kwavanenge vachiitwa nevabereki. Chokwadi, dzimwe nguva vangatogumbuka nokuti kazhinji kacho kudzivirira vana vako kunoreva kuvarambidza zvavanenge vachida. Mumwe munyori wemabhuku okurera vana anoremekedzwa akati: “Kunyange zvazvo nguva zhinji vana vasingazviratidzi uye vasingatendi panguva iyoyo, zvechokwadi vanoda kuti vabereki vavape mitemo inovachengetedza uye yavanonzwisisa. Tinogona kuzviita nokuva vabereki vanovapa miganhu pane zvavanoita.”

Kuchengetedza vana venyu kuzvinhu zvose zvingavashayisa mufaro, zvingavadzidzisa zvinhu zvisiri zvezera ravo, kana kuti zvingavhiringidza ukama hwavo naMwari, inzira inokosha yokuratidza kuti munovada. Sezvavanokura, vachasvika pakunzwisisa zvamaizviitira, uye vachaonga kudzivirira kwamaivaita.

Kunangisa Museve

Cherechedza kuti Pisarema 127:4, 5 rinofananidza mubereki no“murume ane simba.” Izvi zvinoreva here kuti baba chete ndivo vanokwanisa kuumba unhu hwomwana? Handizvo. Kutaura zvazviri, mufananidzo uyu unoshanda kune vose baba naamai, kusanganisira mubereki anenge ari mumwe chete. (Zvirevo 1:8) Mashoko okuti “murume ane simba” anoratidza kuti paidiwa simba rokuti museve uregedzerwe kubva pauta. Munguva dzeBhaibheri, dzimwe nguva uta hwaiiswa mhangura uye musoja ainzi ‘aikunga uta,’ zvichida achishandisa gumbo rake kuhukombamisa kuti aise tambo. (Jeremiya 50:14, 29) Hapana mubvunzo kuti raiva basa chairo kudhadhamura tambo iyoyo uchiregedzera museve wakananga kune chauri kuda kubaya!

Ndozvazvinoitawo pakurera vana—ibasa guru. Havazvireri, sezvinongoitawo museve kuti haudauki woga pauta. Zvinosuwisa kuti mazuva ano vabereki vakawanda vanoita sevasingadi kuisa simba iroro rinodiwa pakurera vana zvakanaka. Vanosarudza nzira isinganetsi. Vanosiya vana vavo vachidzidziswa neTV, zvikoro, uye neshamwari, zvinhu zvepabonde, kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa uyewo tsika. Vanorega vana vavo vachiva nezvose zvavanoda. Kana vakaona zvakaoma kuti varambe, vanobvuma uye nguva zhinji vachihwanda nokuti havadi kugumbura vana vavo. Kutaura chokwadi, kusiya vana vachiita madiro ndiko kunovakanganisa kwoupenyu hwose.

Kurera vana ibasa chairo. Kuita basa iroro nomwoyo wose uchitungamirirwa neShoko raMwari kunoda kusunga dzisimbe, asi mibayiro yacho mikuru. Magazini inonzi Parents yakati: “Ongororo . . . dzakaratidza kuti vana vanorerwa nevabereki vane rudo asi vachiratidza simba ravo, kureva vabereki vanoratidza vana vavo kuti vanovada asi vachivapa mitemo yakasimba, vanobudirira kuchikoro, vanokwanisa kugarisana nevamwe zvakanaka, vanogutsikana nezvavari uye vanofara kusiyana nevana vanorerwa nevabereki vanovajaidza kana kuti vane hasha dzakanyanyisa.”

Panotova nomumwe mubayiro uri nani. Tambokurukura chikamu chokutanga chaZvirevo 22:6 chinoti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera.” Ndima iyoyo inoenderera mberi nemashoko aya anonyevenutsa: “Kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.” Chirevo ichi chakafuridzirwa chinovimbisa kuti uchabudirira here? Kwete hazvo. Mwana wako ane kodzero yokusarudza zvaanoda uye achaishandisa kana akura. Asi ndima iyi ine vimbiso inosimbisa vabereki. Ivimbiso yei?

Kana ukarera vana vako maererano nemazano ari muBhaibheri, unenge uchiita zvinhu zvinoguma zvaita kuti uzofara kuona vana vako vachikura kuva vanhu vanofara, vari kugutsikana, uye vanozvishandira. (Zvirevo 23:24) Saka ita zvose zvaunogona kugadzirira “miseve” iyi inokosha, uichengetedze, uye ushande nesimba paunoinangisa. Hauzofi wakazvidemba.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kuda vana here kana vabereki vachingobvumira zvose zvavanenge vakumbira?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mubereki anoda mwana wake achamubatsira kuti anzwisise zvinenge zvaita kuti mitemo idzikwe

Vabereki vakanaka vanodzivirira vana vavo kungozi dzenyika ino isisina chakanaka

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kurera vana ibasa chairo, asi mibayiro yacho mikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe