RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • dp chits. 18 pp. 306-319
  • Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo
  • Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “ENDA HAKO KUSVIKIRA KUGUMA KWAVAPO”
  • KUTSUNGIRIRA SOMUDZIDZI WESHOKO RAMWARI
  • DHANIERI AIRAMBA ACHINYENGETERA
  • KUTSUNGIRIRA SOMUDZIDZISI WESHOKO RAMWARI
  • “UCHAZORORA”
  • ‘UCHAMUKA’
  • MUGOVE WADHANIERI MUPARADHISO—NEWAKO!
  • Akasimbiswa noMutumwa Akabva Kuna Mwari
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhuku raDhanieri Newe
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mwari Ane Hanya Newe Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
dp chits. 18 pp. 306-319

Chitsauko 18

Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo

1, 2. (a) Ivara ripi rinokosha rinodiwa nemumhanyi kuti abudirire? (b) Muapostora Pauro akaenzanisa sei upenyu hwokutendeka mubasa raJehovha nenhangemutange?

MUMHANYI anozvitatamura kuti asvike pamutsetse wokupedzisira. Apera nokuneta, asi achiona kwaari kuvavarira kusvika, anoisa simba rake rose panhanho dzokupedzisira shomanene idzodzo. Achikoka simba retsandanyama dzose, anopfuura mutsetse pakupedzisira! Chiso chake chinoratidza kuti apedza uye akunda. Kutsungirira kusvika pakuguma kwabhadhara.

2 Pamugumo wechitsauko 12 chaDhanieri, tinowana muprofita anodiwa achisvika pedyo nomutsetse wokupedzisira we“nhangemutange” yake—upenyu hwake mubasa raJehovha. Ataura mienzaniso yakasiyana-siyana yokutenda pakati pevabatiri vaJehovha vakatangira chiKristu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.”—VaHebheru 12:1, 2.

3. (a) Chii chakakurudzira Dhanieri kuti a“mhanye nokutsungirira”? (b) Zvinhu zvipi zvitatu zvakasiyana izvo ngirozi yaJehovha yakaudza Dhanieri?

3 Pakati pe“gore rezvapupu rakakura” iroro pakanga pana Dhanieri. Zvechokwadi akanga ari mumwe aifanira ku“mhany[a] nokutsungirira,” kuda Mwari zvikuru ndiko kwakamuita kuti adaro. Jehovha akanga azivisa Dhanieri zvakawanda pamusoro penguva yemberi yehurumende dzenyika, asi zvino Akamutumira mashoko aya okumukurudzira iye pachake: “Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwavapo; nokuti iwe uchazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo.” (Dhanieri 12:13) Ngirozi yaJehovha yakanga ichiudza Dhanieri zvinhu zvitatu zvakasiyana: (1) kuti Dhanieri aifanira ku“enda hak[e] kusvikira kuguma kwavapo,” (2) kuti aizo“zorora,” uye (3) kuti aizo‘muka’zve munguva yemberi. Mashoko aya angakurudzira vaKristu sei nhasi kutsungirira kusvika kumutsetse wokupedzisira munhangemutange youpenyu?

“ENDA HAKO KUSVIKIRA KUGUMA KWAVAPO”

4. Ngirozi yaJehovha yairevei nokuti “enda hako kusvikira kuguma kwavapo,” uye nei izvozvo zvingave zvakanga zvakaoma kuna Dhanieri?

4 Ngirozi yairevei payakaudza Dhanieri kuti, “Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwavapo”? Kuguma kwei? Sezvo Dhanieri akanga ava nemakore anenge 100, sezviri pachena izvi zvaitaura nezvekuguma kweupenyu hwake pachake, uko sezvingabvira kwakanga kwava pedyo.a Ngirozi yakanga ichikurudzira Dhanieri kutsungirira nokutendeka kusvikira kurufu. Asi kuita kudaro kwaisazova nyore hako. Dhanieri akanga ararama akaona Bhabhironi richikundwa uye nhapwa dzechiJudha dzakasara dzichidzokera kunyika yeJudha neJerusarema. Izvi zvinofanira kuve zvakafadza zvikuru muprofita uyu akanga akwegura. Zvisinei, hapana chinyorwa chokuti akafamba navo. Angava akanga anyanya kukwegura uye asisina simba panguva iyoyo. Kana kuti zvimwe ndizvo zvaidiwa naJehovha kuti asare muBhabhironi. Pasinei nechikonzero chacho, munhu anongoshamisika kana Dhanieri akanzwa kunetseka apo vazhinji vokumusha kwake vakadzokera kunyika yeJudha.

5. Chii chinoratidza kuti Dhanieri akatsungirira kusvikira pakuguma?

5 Dhanieri pasina mubvunzo akawana simba rakawanda kubva mumashoko emutsa engirozi: “Enda hako kusvikira kuguma kwavapo.” Tingangoyeuchidzwa mashoko akataurwa naJesu Kristu mazana matanhatu emakore gare gare: “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.” (Mateo 24:13) Pasina mubvunzo izvozvo ndizvo zvakaita Dhanieri. Akatsungirira kusvikira pakuguma, achimhanya nhangemutange youpenyu nokutendeka kusvikira pakuguma kwayo chaipo. Ichocho ndicho chingava chimwe chikonzero nei achizotaurwa nezvake zvakanaka gare gare muShoko raMwari. (VaHebheru 11:32, 33) Chii chakagonesa Dhanieri kutsungirira kusvikira pakuguma? Chinyorwa choupenyu hwake chinotibetsera kupindura.

KUTSUNGIRIRA SOMUDZIDZI WESHOKO RAMWARI

6. Tinoziva sei kuti Dhanieri akanga ari mudzidzi anoshingaira weShoko raMwari?

6 Kuna Dhanieri, kutsungirira kusvikira pakuguma kwaibatanidza kuramba achifunda nokufungisisa zvipikirwa zvinofadza zvaMwari. Tinoziva kuti Dhanieri akanga ari mudzidzi akazvipira weShoko raMwari. Dai zvisina kudaro, angadai akaziva sei nezvechipikirwa chaJehovha kuna Jeremia kuti utapwa hwaizova hwemakore 70? Dhanieri pachake akanyora kuti: “Ini . . . ndakanzwisisa pabhuku kuti makore mangani.” (Dhanieri 9:2; Jeremia 25:11, 12) Pasina mubvunzo, Dhanieri akatsvaka mabhuku eShoko raMwari aivapo panguva iyoyo. Zvakanyorwa naMosesi, Dhavhidhi, Soromoni, Isaya, Jeremia, Ezekieri—zvipi nezvipi zvaaigona kuwana—zvechokwadi zvakagovera Dhanieri maawa mazhinji anofadza okurava nokufungisisa.

7. Patinoenzanisa nguva yedu nezuva raDhanieri, chii chatinacho chinobetsera mukufunda Shoko raMwari?

7 Kufunda Shoko raMwari, kunyura mariri, kunokosha kuitira kuti tiwedzere kutsungirira nhasi. (VaRoma 15:4-6; 1 Timotio 4:15) Uye tine Bhaibheri rakakwana, rinobatanidza chinyorwa chemazadzikire akaita humwe hwouprofita hwaDhanieri mazana amakore gare gare. Uyezve, takakomborerwa kurarama mu“nguva yokupedzisira,” yakafanotaurwa pana Dhanieri 12:4. Muzuva redu chairo, vakazodzwa vakakomborerwa nokunzwisisa kwomudzimu, vachipenya sezviratidzo zvechokwadi munyika ino yakasvibirwa. Somugumisiro, huzhinji hwouprofita hwakadzama huri mubhuku raDhanieri, humwe hwacho hwaipazanisa musoro, hunoreva zvinhu zvinokosha kwatiri nhasi. Naizvozvo, ngatirambe tichifunda Shoko raMwari zuva nezuva, tisingamborerutsi zvinhu izvi. Kuita kudaro kuchatibetsera kutsungirira.

DHANIERI AIRAMBA ACHINYENGETERA

8. Muenzanisoi uyo Dhanieri akagadza panhau yomunyengetero?

8 Munyengetero wakabetserawo Dhanieri kutsungirira kusvika pakuguma. Zuva nezuva aitarira kuna Jehovha Mwari otaura naye asingavanzi nemwoyo wakazara nokutenda nechivimbo. Aiziva kuti Jehovha ai“nzwa munyengetero.” (Pisarema 65:2; enzanisa naVaHebheru 11:6.) Apo mwoyo waDhanieri wakanga waremerwa nekushungurudzwa pamusoro pokupandukira kwevaIsraeri, akadururira zvaiva mumwoyo make kuna Jehovha. (Dhanieri 9:4-19) Kunyange apo Dhariusi akaisa mutemo wokuti iye oga ndiye aifanira kunamatwa kwemazuva 30, Dhanieri haana kurega izvozvo zvichimudzivisa kunyengetera kuna Jehovha Mwari. (Dhanieri 6:10) Mwoyo yedu hainzwi tsitsi here nokufungidzira tichiona murume akatendeka akwegura achishinga kuti asve hake aiswa mugomba rizere shumba panzvimbo pokurega ropafadzo inokosha yomunyengetero? Hapana mubvunzo kuti Dhanieri akasvika pakuguma kwake, achinyengetera nemwoyo wose kuna Jehovha mazuva ose.

9. Nei tisingafaniri kumbofa takarerutsa ropafadzo yomunyengetero?

9 Munyengetero chiito chiri nyore. Tinogona kunyengetera chero nguva zvayo, chero papi zvapo, zvinonzwika kana kuti chinyararire. Zvisinei, hatifaniri kumbofa takarerutsa ropafadzo iyi inokosha. Bhaibheri rinobatanidza munyengetero nokutsungirira, kushingirira, uye kuramba wakamuka mumudzimu. (Ruka 18:1; VaRoma 12:12; VaEfeso 6:18; VaKorose 4:2) Hazvishamisi here kuti tine mukana usina muganhu unogara uripo wokukurukura nomunhu mukurusa munyika yose? Uye anoteerera! Yeuka pakanyengetera Dhanieri, Jehovha ndokubva apindura nokutumira ngirozi. Ngirozi yacho yakasvika Dhanieri achiri kunyengetera! (Dhanieri 9:20, 21) Isu yedu ingasava nguva yokushanya kwengirozi kwakadaro, asi Jehovha haana kuchinja. (Maraki 3:6) Sezvo akanzwa munyengetero waDhanieri, achateerera weduwo. Uye sezvatinonyengetera, tichaswedera pedyo naJehovha, tichiumba ukama huchatibetsera kutsungirira kusvikira pakuguma, sezvakaita Dhanieri.

KUTSUNGIRIRA SOMUDZIDZISI WESHOKO RAMWARI

10. Nei kudzidzisa chokwadi cheShoko raMwari kwaikosha kuna Dhanieri?

10 Dhanieri aifanira ku“enda hak[e] kusvikira kuguma kwavapo” mune imwe pfungwa. Aifanira kutsungirira somudzidzisi wechokwadi. Haana kumbokanganwa kuti akanga ari mumwe wevanhu vakasarudzwa avo Magwaro akanga ati nezvavo: “Zvanzi naJehovha: Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura.” (Isaya 43:10) Dhanieri akaita zvose zvaaigona kuti aite basa iroro. Sezvingabvira basa rake raibatanidza kudzidzisa vanhu vekwake vakanga vakatapwa muBhabhironi. Tinoziva zvishomanene pamusoro pokubata kwake nevamwe vaJudha vekwake kunze kweushamwari nevatatu vanotaurwa nezvavo se“shamwari dzake”—Hanania, Mishaeri, naAzaria. (Dhanieri 1:7; 2:13, 17, 18) Ushamwari hwavo hwepedyo zvechokwadi hwakaita zvakawanda kubetsera mumwe nomumwe wavo kutsungirira. (Zvirevo 17:17) Dhanieri, zvaakanga akomborerwa naJehovha nenzwisiso inokosha, aive nezvakawanda zvokudzidzisa shamwari dzake. (Dhanieri 1:17) Asi akanga ane kumwe kudzidzisa kwaaifanira kuita zvakare.

11. (a) Chii chaishamisa pamusoro pebasa raDhanieri? (b) Dhanieri akabudirira sei mukuita mugove wake waisava wenguva dzose?

11 Kupfuura mumwe muprofita upi noupi, Dhanieri aiva nebasa rokupupura kuvanhu vanoremekedzwa Vemamwe Marudzi. Kunyange zvazvo kazhinji aifanira kupa mashoko asingafarirwi navanhu, haana kubata vatongi avo sokunge kuti vaisemesa kana kuti neimwe nzira yakaderera. Akataura navo nokuremekedza uye nounyanzvi. Kwakanga kune vamwe—vakadai semachinda aiva negodo aye aimurangana—aida kuparadza Dhanieri. Asi, vamwe vanoremekedzwa vakasvika pakumukudza. Nemhaka yokuti Jehovha akagonesa Dhanieri kutsanangura zvakavanzika zvaipazanisa misoro yemadzimambo nevarume vakachenjera, muprofita wacho akava nomukurumbira zvikuru. (Dhanieri 2:47, 48; 5:29) Chokwadi, sezvaaikwegura, aisagona kuva akachangamuka sepaupwere hwake. Asi zvechokwadi akanosvika pakuguma kwake achiri kutsvaka nokutendeka chero nzira yaaigona kubatira nayo sechapupu chaMwari wake anodiwa.

12. (a) Mabasa api okudzidzisa ayo isu tinoita sevaKristu nhasi? (b) Tinogona sei kutevera zano raPauro rokuti “fambai nokuchenjera kuna vari kunze”?

12 Muungano yechiKristu nhasi, tingawana shamwari dzakatendeka dzichatibetsera kutsungirira, sezvaingoita Dhanieri neshamwari dzake nhatu vaibetserana. Tinodzidzisanawo, tichi“kurudzirana.” (VaRoma 1:11, 12, NW) Kufanana naDhanieri, tine basa rokuparidza kuvasingatendi. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Naizvozvo tinofanira kurodza unyanzvi hwedu kuitira kuti ‘tinyatsobata shoko rechokwadi’ pakutaura nevanhu nezvaJehovha. (2 Timotio 2:15) Uye zvichabetsera kana tikateerera zano romuapostora Pauro rokuti: “Fambai nokuchenjera kuna vari kunze.” (VaKorose 4:5) Uchenjeri hwakadaro hunobatanidza kuona zvakanaka vasingatendi zvatinotenda. Hatitarisiri pasi vanhu vakadaro, tichizviona setakanaka kuvapfuura. (1 Petro 3:15) Asi, tinotsvaka kuvakwezva kuti vauye kuchokwadi, tichishandisa Shoko raMwari nokungwarira pakutaura uye nounyanzvi kuitira kuti tisvike mwoyo yavo. Patinobudirira kusvika mwoyo mumwe munhu, izvi zvinotifadza zvakadini! Mufaro iwoyo zvechokwadi unotibetsera kutsungirira kusvikira pakuguma, sezvakaita Dhanieri.

“UCHAZORORA”

13, 14. Nei kuziva nezvokuti vaizofa kwaityisa vaBhabhironi vazhinji, uye maonere aDhanieri akanga akasiyana sei?

13 Ngirozi yakatevera kuvimbisa Dhanieri kuti: “Uchazorora.” (Dhanieri 12:13) Mashoko iwayo airevei? Dhanieri aiziva kuti rufu rwaive rwakamumirira. Rufu rwave rwuri kuguma kusinganzvengeki kwevanhu vose, kubva muzuva raAdhama, kusvika kune redu. Bhaibheri rinodana rufu zvakarurama kuti “muvengi.” (1 VaKorinte 15:26) Kuna Dhanieri, zvisinei, kuziva kuti aizofa kwaireva chimwe chinhu chakasiyana zvikuru nezvakwaireva kuvaBhabhironi vose vakanga vakamupoteredza. Kwavari, vakanyura mukunamatwa kusinganzwisisiki kwevamwari venhema vanenge 4 000, rufu rwaireva marudzi ose ezvinotyisa. Vaidavira kuti pashure perufu, avo vakanga vararama vasingafari kana kuti vakanga vafa nechisimba vaizova midzimu inotsiva yaimuka ngozi yonetsa vapenyu. VaBhabhironi vaidavirawo kuti kune nyika yevakafa, inogara mazibukanana anoparadza akaita sevanhu nemhuka.

14 Kuna Dhanieri, rufu rwaisareva chero chimwe chezvinhu zvakadaro. Mazana emakore Dhanieri asati avepo, Mambo Soromoni akanga afuridzirwa naMwari kutaura kuti: “Vakafa hapana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Uye pamusoro pemunhu anofa, munyori wepisarema akanga aimba kuti: “[Mudzimu, NW] wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.” (Pisarema 146:4) Naizvozvo Dhanieri aiziva kuti mashoko engirozi kwaari aizova echokwadi. Rufu rwaireva kuzorora. Hakuna kufunga, hakuna kuzvidemba kunorwadza, hakuna kutambudzwa—uye zvechokwadi hakuna mazibukanana. Jesu Kristu akazvitsanangura zvakafanana Razaro paakafa. Akati: “Razaro hama yedu, wavata.”—Johane 11:11.

15. Zuva rokufa rinogona sei kupfuura zuva rokuzvarwa?

15 Rangarira chimwe chikonzero nei kuziva kuti aizofa kwaiva kusingatyisi Dhanieri. Shoko raMwari rinoti: “[Zita, NW] [r]akanaka [r]inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.” (Muparidzi 7:1) Zuva rokufa, zvechokwadi nguva yokuchema, raizopfuura sei zuva rinofadza rokuzvarwa? Chinokosha chiri mu“zita.” “Chizoro chakanaka” chaigona kudhura zvikuru. Hanzvadzi yaRazaro Maria yakambozora tsoka dzaJesu mafuta anonhuwira aikosha unenge muripo wegore rose! (Johane 12:1-7) Ko zitawo zvaro raizova rinokosha sei kudaro? Pana Muparidzi 7:1, Septuagint yechiGiriki inoti, “zita rakanaka.” Harisi zitawo zvaro asi zvarinomirira ndizvo zvinokosha kwazvo. Hakuna mukurumbira, hakuna chinyorwa chemabasa akanaka, hakuna zvinokosha zvokuyeuka zvounhu nezvakaita muridzi wezita paanozvarwa. Asi pakupera kweupenyu, zita rinoratidza zvinhu zvose izvi. Uye kana riri zita rakanaka mukuona kwaMwari, rinokosha zvikuru kupfuura zvingaita zvinhu zvokunyama zvipi nezvipi.

16. (a) Dhanieri akaedza sei kuita zita rakanaka naMwari? (b) Nei Dhanieri aigona kuenda kunozorora nechivimbo chakakwana chokuti akanga abudirira kuita zita rakanaka naJehovha?

16 Muupenyu hwake hwose, Dhanieri akaita zvose zvaaigona kuti aite zita rakanaka naMwari, uye Jehovha haana kurerutsa chero chimwe cheizvi. Akatarira Dhanieri ndokunzvera mwoyo wake. Mwari akanga aita zvimwezvo kuna Mambo Dhavhidhi, uyo akaimba kuti: “Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, munonzwisisa kufunga kwangu muri kure.” (Pisarema 139:1, 2) Sezvinobvumwa, Dhanieri akanga asina kukwana. Akanga ari muzukuru wemutadzi Adhama uye aibva murudzi rwaiva nezvivi. (VaRoma 3:23) Asi Dhanieri akapfidza zvivi zvake ndokuramba achiedza kufamba naMwari wake nenzira yakarurama. Naizvozvo uyu muprofita akatendeka aigona kuvimba kuti Jehovha aizomukanganwira zvivi zvake uye aisazomuitira pfunde-pfunde. (Pisarema 103:10-14; Isaya 1:18) Jehovha anosarudza kuyeuka mabasa akanaka evabatiri vake vakatendeka. (VaHebheru 6:10) Saka, ngirozi yaJehovha kaviri yakadana Dhanieri ichiti “murume unodikanwa kwazvo.” (Dhanieri 10:11, 19) Izvi zvaireva kuti Dhanieri aidiwa naMwari. Dhanieri aigona kuenda kunozorora agutsikana, achiziva kuti akanga aita zita rakanaka naJehovha.

17. Nei zviri zvokukurumidzira kuti tiite zita rakanaka naJehovha nhasi?

17 Mumwe nomumwe wedu angabvunza, ‘Ndakaita zita rakanaka naJehovha here?’ Tiri kurarama munguva dzinotambudza. Hakusi kutya asi kungotaura chokwadi kubvuma kuti rufu runogona kuwira chero mumwe wedu chero nguva ipi zvayo. (Muparidzi 9:11) Zvinokosha zvikuru sei zvino, kuti mumwe nomumwe wedu asarudze kuita zita rakanaka naMwari zvino, pasina kunonoka. Kana tikadaro, hatingafaniri kutya kufa. Kunongova kuzorora—sokurara. Uye sokurara, kunoteverwa nokumuka!

‘UCHAMUKA’

18, 19. (a) Ngirozi yairevei payakafanotaura kuti Dhanieri aizo‘muka’ munguva yemberi? (b) Nei Dhanieri angave akanga achiziva nezvetariro yokumuka?

18 Bhuku raDhanieri rinopedzisa nechimwe chezvipikirwa zvakanaka zvikurusa Mwari ati amboita kumunhu. Ngirozi yaJehovha yakaudza Dhanieri kuti: ucha“mukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo.” Ngirozi yacho yairevei? Sezvo ku“zorora” kwayakanga ichangobva kutaura nezvakwo kwaiva kufa, chipikirwa chokuti Dhanieri aizo“muk[a]” pane imwe nguva gare gare chaingogona kureva chinhu chimwe—kumuka!b Kutaura chokwadi, dzimwe nyanzvi dzakataura kuti muna Dhanieri chitsauko 12 ndimo munotanga kutaurwa zvakajeka nezvekumuka muMagwaro echiHebheru. (Dhanieri 12:2) Zvisinei, apa vakarasika. Dhanieri ainyatsoziva nezvetariro yekumuka.

19 Somuenzaniso, pasina mubvunzo Dhanieri aiziva mashoko aya ayo Isaya akanga anyora mazana maviri amakore akanga apfuura: “Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvangu zvichamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruva; nokuti . . . nyika ichabudisa vakafa.” (Isaya 26:19) Nguva refu izvozvo zvisati zvaitika, Eria naErisha vakanga vapiwa simba naJehovha rokumutsa vanhu chaiko. (1 Madzimambo 17:17-24; 2 Madzimambo 4:32-37) Kunyange izvi zvisati zvaitika, Hana, mai vemuprofita Samueri, vakabvuma kuti Jehovha anokwanisa kumutsa vanhu kubva muSheori, guva. (1 Samueri 2:6) Kunyange izvozvo zvisati zvataurwa, Jobho akatendeka akaratidza tariro yake nemashoko aya: “Kana munhu achinge afa ungararamazve here? Ndaimirira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika. Maizodana, ini ndikakupindurai; maishuva basa remaoko enyu.”—Jobho 14:14, 15.

20, 21. (a) Pasina mubvunzo Dhanieri achamuka pakumuka kupi? (b) Kumuka muParadhiso kungangoitika nenzira ipi?

20 Kufanana naJobho, Dhanieri aiva nechikonzero chokuva nechivimbo chokuti Jehovha aizoshuva zvechokwadi kumudzosa kuupenyu rimwe zuva munguva yemberi. Kunyange zvakadaro, zvinofanira kuve zvainyaradza zvikuru kunzwa chisikwa chine simba chomudzimu chichitsigira tariro iyoyo. Hungu, Dhanieri achamuka pa“kumuka kwavakarurama” kuchaitika munguva yoKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu. (Ruka 14:14) Izvozvo zvicharevei nokuda kwaDhanieri? Shoko raMwari rinotiudza zvakawanda nezvazvo.

21 Jehovha “haasi Mwari wenyonganiso, asi worugare.” (1 VaKorinte 14:33) Saka zviri pachena, kuti kumuka muparadhiso kuchaitika nenzira yakarongeka. Zvichida panenge papera nguva yakati Armagedhoni yaitika. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Zvisaririra zvipi nezvipi zvegadziriro yezvinhu yekare zvichave zvatsvairwa zvose, uye dzimwe gadziriro pasina mubvunzo dzichave dzaitwa dzokugamuchira vakafa. Pamusoro pokutevedzana kuchaita vakafa vachidzoka, Bhaibheri rinotipa iyi gadziriro: “Mumwe nomumwe padzoro rake.” (1 VaKorinte 15:23) Zvinoratidzika sezvingangoita kuti nezve‘kumuka kwevakarurama nevasina kururama,’ vakarurama vachatanga kumutswa. (Mabasa 24:15) Nenzira iyoyo, varume vekare vakatendeka, vakadai saDhanieri, vachakwanisa kubetsera mukutarisirwa kwezvinhu zvapano pasi, kubatanidza kudzidziswa kwemabhiriyoni e“vasakarurama” vanenge vadzoswa kuupenyu.—Pisarema 45:16.

22. Ndeipi mimwe mibvunzo iyo Dhanieri pasina mubvunzo achave achida kwazvo kuti ipindurwe?

22 Dhanieri asati agadzirira kuita mabasa akadaro, zvechokwadi achave nemibvunzo yakati kuti yokubvunza. Pamusoro paizvozvo, nezveuprofita hwakadzama hwaakapiwa, akati: “Ndakanzwa, asi handina kuzvinzwisisa.” (Dhanieri 12:8) Achafara sei kunzwisisa izvi zvakavanzika zvaMwari pakupedzisira! Pasina mubvunzo achada kunzwa zvose nezvaMesiya. Dhanieri achaziva nomufaro nezvekutevedzana kwemasimba enyika kubva muzuva rake kusvika kune redu, nezvekuti “vatsvene voWokumusorosoro” ndivanaani, vakatsungirira pasinei zvapo nokutambudzwa mu“nguva yokupedzisira” uye pamusoro pokuparadzwa kwokupedzisira kweumambo hwevanhu hwose noUmambo hwaMwari hwaMesiya.—Dhanieri 2:44; 7:22; 12:4.

MUGOVE WADHANIERI MUPARADHISO—NEWAKO!

23, 24. (a) Nyika iyo Dhanieri achamutsirwa mairi ichava yakasiyana sei neyaaiziva? (b) Dhanieri achave nenzvimbo here muparadhiso, uye tinoziva sei?

23 Dhanieri achada kuziva nezvenyika yaachazviwana ari panguva iyoyo—nyika yakasiyana kwazvo neyomuzuva rake. Chisaririra chose chehondo nokudzvinyirira kwaikanganisa nyika zvaaiziva zvinenge zvaenda. Kunenge kusisina kusuruvara, kusisina kurwara, kusisina rufu. (Isaya 25:8; 33:24) Asi kunenge kune mafashafasha ezvokudya, dzimba hobho, uye basa rinogutsa kuvanhu vose. (Pisarema 72:16; Isaya 65:21, 22) Vanhu vachave mhuri imwe yakabatana, inofara.

24 Pasina mubvunzo Dhanieri achave nezvimbo munyika iyoyo. Ucha“mukirazve mugove wako,” ngirozi yakamuudza kudaro. Shoko rechiHebheru rakashandurwa pano kuti “mugove” rakafanana neriya rinoshandisirwa puroti yeminda.c Dhanieri angave aiziva uprofita hwaEzekieri hwekugovewa kwenyika yakadzorerwa yavaIsraeri. (Ezekieri 47:13–48:35) Mukuzadzika kwahwo muParadhiso, uprofita hwaEzekieri hunoratidza chii? Kuti vanhu vaMwari vose vachave nenzvimbo muParadhiso, kunyange nyika chaiyo ichagovewa zvakarongeka uye zvakarurama. Chokwadi, mugove waDhanieri muParadhiso uchabatanidza zvinopfuura nyika bedzi. Uchabatanidza nzvimbo yake muchinangwa chaMwari imomo. Mugove waDhanieri ndewechokwadi.

25. (a) Ndezvipi zvimwe zvinotarisirwa muupenyu hwomuParadhiso zvinokufadza? (b) Nei zvichigona kutaurwa kuti vanhu ndevemuParadhiso?

25 Zvisinei, zvakadini nomugove wako iwe? Zvipikirwa izvozvi zvinogona kushanda kwauri. Jehovha anoda kuti vanhu vanoteerera va“mukir[e]” mugove wavo, kuti vave nenzvimbo muParadhiso. Fungidzira! Chokwadi, zvaizofadza kusangana naDhanieri pachake, pamwe nevamwe varume nevakadzi vakatendeka vomunguva dzeBhaibheri. Ipapo kuchavawo nevamwe vasingaverengeki vanenge vachidzoka kuvakafa, vanenge vachida mirayiridzo kuitira kuti vazive nokuda Jehovha Mwari. Zvifungidzire uchitarisira musha wedu wepasi uye uchibetsera kuushandura kuti uve paradhiso ine zvakasiyana-siyana zvisina mugumo norunako rusingaperi. Funga nezvokudzidziswa naJehovha, kudzidza mararamire aaida kuti vanhu vaite. (Isaya 11:9; Johane 6:45) Hungu, mune nzvimbo yako muParadhiso. Zvisinei, kune vamwe Paradhiso inganzwika sechinhu chisingabviri, yeuka kuti pakutanga Jehovha akasikira vanhu kurarama munzvimbo yakadaro. (Genesi 2:7-9) Mupfungwa iyoyo, Paradhiso ndiyo nzvimbo yakasikirwa mabhiriyoni epasi pano kuti agare. Ndiyo nzvimbo yavo. Kusvika mairi kuchaita sokuenda kumba.

26. Jehovha anoratidza sei kuti kumirira kuguma kwegadziriro ino hakusi nyore kwatiri?

26 Tinotsva nemwoyo patinofunga nezveizvi zvose, hatidaro here? Iwe pachako haushuvi kuvamo here? Ndosaka Zvapupu zvaJehovha zvichida kwazvo kuziva kuti kuguma kwegadziriro ino yezvinhu kuchauya rini! Kumirira hakusi nyore. Jehovha anozviziva izvozvo, nokuti anotikurudzira kuti ti“mirire” kuguma “kunyange zvikanonoka.” Anoreva kuti zvingaita sezviri kunonoka pakuona kwedu, nokuti murugwaro irworwo, tinovimbiswa kuti: “Hazvingaiti nguva huru.” (Habhakuki 2:3; enzanisa naZvirevo 13:12.) Hungu, kuguma kuchauya panguva chaiyo.

27. Chii chaunofanira kuita kuti umire pamberi paMwari nokusingagumi kwose?

27 Unofanira kuitei sezvo kuguma kunoswedera? Somuprofita waJehovha anodiwa Dhanieri, tsungirira nokutendeka. Funda Shoko raMwari nokushingaira. Nyengetera nemwoyo wose. Nenzira yorudo sangana nevamwe vako vaunotenda navo. Dzidzisa vamwe chokwadi nokushingaira. Nokuguma kwegadziriro ino yezvinhu yakaipa kuri kuswedera pedyo zuva rimwe nerimwe, ramba wakatsunga kuva mubatiri akavimbika weWokumusorosoro uye mutsigiri akasimba weShoko rake. Nepose paunogona napo fungisisa uprofita hwaDhanieri! Uye Changamire Ishe Jehovha ngaakupe ropafadzo yokumira pamberi pake nomufaro nokusingagumi kwose!

[Mashoko Omuzasi]

a Dhanieri akanga aendeswa kuutapwa muBhabhironi muna 617 B.C.E., pamwe achangoti pfuurei makore gumi nemaviri. Akagamuchira chiono ichi mugore rechitatu raKoreshi, kana kuti 536 B.C.E.—Dhanieri 10:1.

b Maererano neThe Brown-Driver-Briggs Hebrew and English Lexicon, shoko rechiHebheru rokuti ‘muka’ rakashandiswa pano rinoreva “kumukazve pashure pokufa.”

c Shoko racho rechiHebheru rakada kufanana neshoko re“dombo,” sezvo matombo maduku aishandiswa kukanda mijenya. Nyika pane dzimwe nguva yaigovewa nenzira iyi. (Numeri 26:55, 56) A Handbook on the Book of Daniel inotaura kuti pano shoko racho rinoreva “chakaisirwa munhu parutivi (naMwari).”

WANZWISISEI?

• Chii chakabetsera Dhanieri kutsungirira kusvikira pakuguma?

• Nei kuziva kuti aizofa kwakanga kusingatyisi Dhanieri?

• Chipikirwa chengirozi chokuti Dhanieri ‘aizomukira mugove wake’ chichazadzika sei?

• Iwe pachako wabetserwa sei nokufungisisa uprofita hwaDhanieri?

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 307]

[Mufananidzo uri papeji 318]

Kufanana naDhanieri, unofungisisa shoko raMwari rouprofita here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe