PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 18-19
Usazvigumbura Kana Kugumbura Vamwe
Jesu akashandisa mifananidzo kuti adzidzise kuti kugumburwa kana kugumbura vamwe inyaya yakakura.
‘Chinhu chinogumbura’ chinoreva zvinhu zvingaita kuti munhu aite zvinhu zvakaipa kana kuti kutoita chivi
Zviri nani kuti munhu anokonzera kuti mumwe agumburwe asungirirwe guyo mumutsipa okandirwa mugungwa
Guyo
Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vabvise kunyange chinhu chinokosha chakadai seruoko kana kuti ziso kana chichiita kuti vagumburwe
Zviri nani kurasikirwa nechinhu ichocho chinokosha wopinda muUmambo hwaMwari panzvimbo pekuti uzoparadzwa
Chii chinogona kundigumbura, uye ndingaitei kuti ndisazvigumbura kana kugumbura vamwe?