Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
APRIL 2-8
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 26
“Kufanana Uye Kusiyana Kwakaita Paseka neChirangaridzo”
nwtsty mapikicha nemavhidhiyo
Paseka
PaPaseka paishandiswa: gwai rakagochwa (hapana kana pfupa raifanira kutyorwa) (1); chingwa chisina mbiriso (2); uye miriwo inovava (3). (Eks 12:5, 8; Nu 9:11) Chinyorwa chechiJudha chinonzi Mishnah chinoti miriwo iyi yaigona kunge yaiva lettuce, chicory, pepperwort, endive, kana kuti dandelion, uye yaiyeuchidza vaIsraeri kuti vaimbova varanda muIjipiti. Jesu akashandisa chingwa chisina mbiriso kumiririra muviri wake usina chivi. (Mt 26:26) Uye muapostora Pauro akati Jesu ‘igwai redu rePaseka.’ (1VaK 5:7) Pakatanga chiKristu, waini (4) yakanga yava kushandiswawo paPaseka. Jesu akaishandisa kumiririra ropa rake raizodururwa sechibayiro.—Mt 26:27, 28.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 26:26
chinomirira: Vaapostora vakanzwisisa zvairehwa neshoko iri. Sezvo muviri waJesu wakanga usina chivi waivapo uye chingwa chisina mbiriso chaivapowo, zvakanga zvisingaiti kuti vafunge kuti chingwa chavainzi vadye muviri wake chaiwo. Shoko rimwe chete iri rinoshandiswawo pana Mt 12:7, uye ndiro rinoshandiswawo mune mamwe maBhaibheri.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 26:28
ropa resungano: Chibayiro chaJesu chakaita kuti sungano itsva pakati paJehovha nevaKristu vakazodzwa itange kushanda. (VaH 8:10) Jesu akashandisawo mashoko aya sezvakaita Mosesi paaiva murevereri uye paakaita kuti sungano yeMutemo pakati paJehovha nevaIsraeri itange kushanda paGomo reSinai. (Eks 24:8; VaH 9:19-21) Ropa renzombe nerembudzi rakaita kuti sungano pakati paMwari nevaIsraeri ishande. Ropa raJesu rakaitawo kuti sungano itsva yaizoitwa pakati paJehovha nevakazodzwa ishande. Sungano itsva iyi yakatanga kushanda paPendekosti ya33 C.E.—VaH 9:14, 15.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 26:17
Pazuva rekutanga reMakeke Asina Kuviriswa: Mutambo Wemakeke Asina Kuviriswa waitanga musi waNisani 15, Paseka yaNisani 14 yapera, uye waiitwa kwemazuva 7. (Ona Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari, chikamu 19.) Asi panguva yakararama Jesu, Paseka yakanga yava kubatanidzwa nemutambo uyu zvekuti mazuva acho ese ari 8, kusanganisira Nisani 14, dzimwe nguva ainzi “Mutambo Wemakeke Asina Kuviriswa.” (Ru 22:1) Muvhesi iyi, mashoko ekuti “Pazuva rekutanga” anogona kureva “nezuro wacho,” mutambo wacho usati waitwa. Shoko rechiGiriki rekuti proʹtos rinoreva kuti “kutanga,” rinogona kuburitsawo pfungwa yekuti chimwe chinhu chisati chaitika. (Joh 1:15, 30) Saka zvinorehwa neshoko iri rechiGiriki uye zvaiitwa nevaJudha zvinoratidza sekuti vadzidzi vaJesu vakamubvunza musi waNisani 13. Musi waNisani 13, vadzidzi vakagadzirira Paseka yavakazochengeta “ava manheru” pakatanga Nisani 14.—Mk 14:16, 17.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 26:39
kapu iyi ngaipfuure: MuBhaibheri, shoko rekuti “kapu” rinowanzoshandiswa kureva zvinodiwa naMwari kana kuti basa rinopiwa munhu. Jesu aipiwa mhosva yekumhura uye yekupandukira hurumende, saka ainetseka kuti kufa kwake kwaizoita kuti Mwari ashorwe. Ndizvo zvakaita kuti anyengetere achitaura kuti “kapu” iyi ngaipfuure.
APRIL 9-15
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 27-28
“Endai Munoita Kuti Vave Vadzidzi—Chikonzero Nei, Kupi, Uye Sei?”
‘Endai Muite Vadzidzi’
4 Jesu ane simba paungano yake, uye kubvira muna 1914 ave aine simba paUmambo hwaMwari huchangogadzwa. (VaKorose 1:13; Zvakazarurwa 11:15) Ndiye ngirozi huru uye sezvaakadaro anorayira uto rokudenga remazana emamiriyoni engirozi. (1 VaTesaronika 4:16; 1 Petro 3:22; Zvakazarurwa 19:14-16) Akapiwa simba naBaba vake rokuti aparadze “hurumende dzose nechiremera chose nesimba” zvinoshora mirayiro yakarurama. (1 VaKorinde 15:24-26; VaEfeso 1:20-23) Simba raJesu harigumiri pavapenyu bedzi. Iyewo “mutongi wevapenyu nevakafa” uye ane simba raakapiwa naMwari rokumutsa vaya vakarara murufu. (Mabasa 10:42; Johani 5:26-28) Zvechokwadi murayiro wakapiwa noMunhu akapiwa simba guru rakadaro unofanira kuonekwa sounokosha kupfuura yose. Naizvozvo, tinoteerera nokuremekedza uye nokuzvidira murayiro waKristu wokuti ‘endai muite vadzidzi.’
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 28:19
muite kuti vanhu vave vadzidzi: Shoko rechiGiriki rekuti ma·the·teuʹo rinogona kunzi “dzidzisa” nechinangwa chekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Onawo Mt 13:52) Murayiro ‘wekuita kuti vanhu vave vadzidzi’ unosanganisira “kubhabhatidza” uye “kudzidzisa.”
vanhu vemarudzi ose: Mashoko aya anoreva vanhu vakasiyana-siyana vanowanika mumarudzi ese. Murayiro uyu wekuparidzira “vanhu vemarudzi ose” wakanga uri mutsva. Jesu asati auya panyika, Magwaro anoratidza kuti vanhu vakanga vasiri vaJudha vaigona kubatana nevaIsraeri pakushumira Jehovha. (1Mad 8:41-43) Asi muvhesi iyi, Jesu anorayira vadzidzi vake kuti vaparidzirewo vamwe vanhu vasiri vaJudha, zvichiratidza kuti basa iri rekuita kuti vanhu vave vadzidzi rinofanira kuitwa pasi rese.—Mt 10:1, 5-7; Zva 7:9.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 28:20
muchivadzidzisa: Shoko rechiGiriki rekuti “kudzidzisa” rinosanganisira kurayiridza, kutsanangura, kupa zvikonzero uye kupa uchapupu. (Ona tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 3:1; 4:23.) Kuvadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvakarayirwa naJesu hakuperi. Kunosanganisira kuvadzidzisa zvaakarayira, voshandisa zvaakadzidzisa uye vomutevedzera.—Joh 13:17; VaE 4:21; 1Pe 2:21.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 27:51
keteni: Iri ijira rainge rakagadzirwa zvakanaka raiganhura Nzvimbo Tsvenetsvene neNzvimbo tsvene mutemberi. Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti keteni iri rakanga rakareba mamita 18, rakafara mamita 9, uye rakakora masendimita 7,4. Jehovha paakaribvarura nepakati, airatidza kutsamwira kwaakanga aita vanhu vakauraya Mwana wake uye zvairatidzawo kuti vanhu vava kukwanisa kuenda kudenga.—VaH 10:19, 20.
nzvimbo tsvene: Shoko rechiGiriki rekuti na·osʹ rakashandiswa pano rinoreva chivako chaiva pakati chakanga chiine Nzvimbo tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 28:7
munoudza vadzidzi vake kuti iye akamutswa: Vakadzi ava ndivo vakatanga kuudzwa kuti Jesu amutswa uyezve ndivo vakanzi vanoudza vamwe vadzidzi. (Mt 28:2, 5, 7) Patsika dzechiJudha, dare rakanga risingabvumi umboo hwaipiwa nevakadzi uye zvavaiita izvi zvakanga zvisingabvumirwi neMutemo waMwari. Asi ngirozi yaJehovha yakaremekedza vakadzi nekuvapa basa iri.
APRIL 16-22
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAKO 1-2
“Zvivi Zvako Zvakanganwirwa”
“Zvivi Zvako Zvakanganwirwa”
Jesu paari kudzidzisa ari muimba iyi yakati maku nevanhu, vamwe varume vana vanouya vakatakura murume akaoma nhengo dzemuviri ari pakamubhedha. Vanoda kuti Jesu aporese shamwari yavo. Asi nekuwanda kwakaita vanhu, vanotadza kusvika ‘naye pana Jesu chaipo.’ (Mako 2:4) Chimbofungidzira kuti izvi zvinovarwadza zvakadini. Saka vanokwira padenga remba vovhura panokwana kamubhedha kake vomudzikisa nepaburi iroro vachimupinza mumba.
Jesu anotsamwa here kuti vari kumukanganisa zvaari kuita? Kana! Anotoshamiswa nekutenda kwevarume ava obva ati kumurume akaoma nhengo dzemuviri: “Zvivi zvako zvakanganwirwa.” (Mateu 9:2) Asi Jesu angakwanisa kuregerera zvivi here? Vanyori nevaFarisi vanotoiita nyaya vachiti: “Munhu uyu ari kutaurirei saizvozvi? Ari kumhura. Ndiani angakanganwira zvivi kunze kwomumwe chete, iye Mwari?”—Mako 2:7.
Achiziva kuti ndizvo zvavari kufunga, Jesu anoti kwavari: “Muri kufungirei zvinhu izvi mumwoyo menyu? Ndezvipi zviri nyore, kuti kumunhu akaoma rutivi rwomuviri, ‘Zvivi zvako zvakanganwirwa,’ kana kuti, ‘Simuka, utore kamubhedha kako, ufambe’?” (Mako 2:8, 9) Zvichibva pachibayiro chaachazopa, Jesu anogona kukanganwira zvivi zvemurume uyu.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 2:9
Ndezvipi zviri nyore: Zvaiva nyore kuti munhu ati aigona kuregerera zvivi nekuti hapana umboo hwaidiwa kuratidza izvozvo. Asi kutaura kuti Simuka . . . ufambe kwaitoda kuti paitwe chishamiso chaizoita kuti vanhu vese vaone kuti Jesu aiva nesimba rekuregerera zvivi. Nyaya iyi uye mashoko ari pana Isa 33:24 anoratidza kuti chivi ndicho chinoita kuti vanhu varware.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 1:11
inzwi rakabva kumatenga: Mumabhuku eEvhangeri, Jehovha anotaura nevanhu katatu uye muvhesi iyi ndimo matinotanga kuona achitaura.—Onawo Mk 9:7; Joh 12:28.
Ndiwe Mwanakomana wangu: Jesu aiva Mwanakomana waMwari sezvo aiva nemuviri wemweya. (Joh 3:16) Kubvira paakazvarwa panyika, Jesu aiva “mwanakomana waMwari” sezvakanga zvakangoita Adhamu paakanga asati atadza. (Ru 1:35; 3:38) Asi zvinoratidza sekuti Mwari paaitaura kuti mwanakomana wangu, ane zvimwe zvaaireva. Kutaura kwaakaita achibva adurura mweya mutsvene kwairatidza kuti Jesu aiva Mwanakomana wake ‘azvarwa patsva,’ ava netariro yekuzodzokera kudenga uye azodzwa nemweya kuti ave Mambo uye Mupristi Mukuru.—Onawo Joh 3:3-6; 6:51; Ru 1:31-33; VaH 2:17; 5:1, 4-10; 7:1-3.
ndakufarira: Mashoko aya anoshandiswawo pana Mt 12:18, uye akatorwa pana Isa 42:1 panotaura nezvaMesiya aizouya kana kuti Kristu. Kudururwa kwemweya mutsvene uye zvakataurwa naMwari, zvakaratidza kuti Jesu ndiye aiva Mesiya.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 2:28
Ishe . . . wesabata: Jesu anotaura kuti ndiye Ishe wesabata (Mt 12:8; Ru 6:5), achiratidza kuti aigona kuita basa rakarayirwa naBaba vake paSabata. (Onawo Joh 5:19; 10:37, 38.) Jesu akaita zvishamiso zvakakura musi weSabata kusanganisira kurapa vanorwara. (Ru 13:10-13; Joh 5:5-9; 9:1-14) Izvi zvakaratidza kuzorodza kwaachaita vanhu paanenge ava kutonga muUmambo, uye nguva iyi inofananidzwa nezororo resabata.—VaH 10:1.
APRIL 23-29
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAKO 3-4
“Kuporesa paSabata”
Zvii Zvinobvumirwa Nomutemo Pasabata?
Jesu anoenda kune rimwe sinagogi, zvichida muGarireya, uri musi weSabata zvekare. Anoona mumwe murume ane ruoko rwakakokonyara. (Ruka 6:6) Vanyori nevaFarisi vakanyatsotarisa Jesu. Vari kudei? Vanobudisa zviri mupfungwa dzavo pavanobvunza kuti: “Zvinobvumirwa nomutemo here kurapa pasabata?”—Mateu 12:10.
Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vanotenda kuti mutemo haubvumiri kurapa paSabata kunze kwekunge munhu ava kuda kufa. Somuenzaniso vanoti hazvisi pamutemo kuti munhu atwasanudze pfupa ratyoka kana kuti asunge panenge paminyuka paSabata, sezvo ikoko kusiri kukuvara kungauraya munhu. Zviri pachena kuti vanyori nevaFarisi havasi kubvunza nekuti vari kunzwira tsitsi murume uyu ari kutambura. Vari kuda kutsvaga pekuwanira Jesu mhosva.
Zvii Zvinobvumirwa Nomutemo Pasabata?
Asi Jesu ari kuziva kuti vakarasika. Anoziva kuti zvinhu zvavari kuti zvinorambidzwa paSabata hazvisiri izvo zvinotaurwa neMagwaro uye zviri kuita kuti vanhu vaomerwe nekurichengeta. (Eksodho 20:8-10) Vamwe vanhu vakatomboshora mabasa ake akanaka aari kuita paSabata. Jesu ava kuda kuvaratidza kuti maonero avo haana kururama. Anoudza murume ane ruoko rwakakokonyara kuti: “Simuka uuye pakati.”—Mako 3:3.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 3:5
akatsamwa, achishungurudzwa kwazvo: Mako ndiye ega anotaura nezvekurwadziwa kwakaita Jesu paakaona kuoma kwemwoyo yevatungamiriri vezvitendero. (Mt 12:13; Ru 6:10) Petro anogona kunge ari iye akaudza Mako nezvenyaya iyi.—Ona it-2-E 337
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 3:29
anomhura mweya mutsvene: Kumhura kunoreva kutuka kana kutaura nhema pamusoro paMwari kana kuti zvinhu zvitsvene. Sezvo mweya mutsvene uchibva kuna Mwari kuramba mabasa awo kana kuti kuita zvinopesana nawo kutomhura Mwari. Izvi tinozviona pana Mt 12:24, 28 uye Mk 3:22 vatungamiriri vechitendero chechiJudha pavakaona Jesu achishandisa mweya waMwari kuita zvishamiso vachibva vati raiva simba raSatani Dhiyabhorosi.
mhosva yechivi chisingaperi: Zvinoita sekuti ichi chivi chinoitwa nemunhu achitoziva zvake uye hapana chibayiro chinogona kuita kuti chivi chakadaro chiregererwe.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 4:9
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe: Asati ataura mufananidzo wemudyari, Jesu akati: “Teererai.” (Mk 4:3) Paanopedza kutaura mufananidzo wacho, Jesu anokurudzira vadzidzi vake kuti vabatisise zvaavaudza nekutaura kuti ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. Mashoko aya anowanikawo pana Mt 11:15; 13:9, 43; Mk 4:23; Ru 8:8; 14:35; Zva 2:7, 11, 17, 29; 3:6, 13, 22; 13:9.
‘Unonzwisisa Zvinorehwa’ neMagwaro Here?
6 Tinodzidzei mumufananidzo uyu? Chokutanga, tinofanira kuziva kuti handisu tinoita kuti mudzidzi weBhaibheri akurumidze kufambira mberi pakunamata. Kuziva izvi kuchaita kuti tisamumanikidza kuti abhabhatidzwe. Tinoita zvose zvatinogona kuti timubatsire, asi iye ndiye anofanira kuzvisarudzira oga kuzvitsaurira kuna Jehovha. Munhu anofanira kuzvitsaurira nemhaka yokuti ari kuda Mwari zvichibva pamwoyo. Mwari haagamuchiri kunamata kwemunhu kana kusingabvi pamwoyo.—Pis. 51:12; 54:6; 110:3.
7 Chechipiri, kunzwisisa mufananidzo uyu kunotibatsira kuti tisaodzwa mwoyo kana pakutanga zvichiita sokuti tiri kushandira pasina. Tinofanira kuva nemwoyo murefu. (Jak. 5:7, 8) Kana tikaita zvose zvatinogona kuti tibatsire mudzidzi weBhaibheri asi mbeu yechokwadi yotadza kukura mumwoyo make, tinoziva kuti haisi mhosva yedu. Jehovha anoita kuti mbeu yechokwadi ikure mumwoyo yevaya chete vanozvininipisa vanoda kuchinja. (Mat. 13:23) Saka hatifaniri kufunga kuti kuva nevanhu vakawanda vanobhabhatidzwa ndiko kunoratidza kuti tiri kubudirira muushumiri. Jehovha haayeri kubudirira kwedu neuwandu hwevanhu vatinobatsira. Asi chaanonyanya kuda ndechokuti tiite basa redu nemwoyo wose.—Verenga Ruka 10:17-20; 1 VaKorinde 3:8.
8 Chechitatu, dzimwe nguva tingasaziva kuchinja kuri kuita munhu mumwoyo make. Somuenzaniso, mumwe murume nomudzimai vakaenda kune mumwe mumishinari wavaidzidza naye Bhaibheri vachikumbira kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Mumishinari wacho akavayeuchidza kuti vaifanira kutanga varega kusvuta fodya. Akashamisika pavakataura kuti vakanga vatova nemwedzi yakawanda varega. Nei vakarega kusvuta? Vakanga vava kuziva kuti Jehovha anokwanisa kuvaona kunyange vachisvuta vari pakavanda uye kuti anovenga unyengeri. Saka vakaona kuti kana zvaisaita kuti vasvute vachionekwa nemumishinari wacho, zvaiva nani kubva varega zvachose. Kuda kwavakanga vava kuita Jehovha kwakavabatsira kusarudza zvakanaka. Vainge vakura pakunamata, asi mumishinari wacho akanga asingazvizivi.
APRIL 30–MAY 6
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAKO 5-6
“Jesu Ane Simba Rekumutsa Hama Dzedu Neshamwari”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 5:39
haana kufa, asi akarara: Bhaibheri rinowanzofananidza kufa nekurara. (Pis 13:3; Joh 11:11-14; Mab 7:60; 1VaK 7:39; 15:51; 1VaT 4:13) Jesu akanga ari kuzomutsa musikana uyu. Saka anogona kunge akataura mashoko aya nekuti akanga ari kuzoratidza kuti vanhu vakafa vanogona kumutswa sekumutswa kunoitwa munhu anenge akarara. Simba rakashandiswa naJesu kumutsa musikana uyu akaripiwa naBaba vake, avo ‘vanoita kuti vakafa vave vapenyu uye vanoshevedza zvinhu zvisipo sekunge kuti zviripo.’—VaR 4:17.
Musikana Wechidiki Anomutswa!
Jesu anoudza vabereki ava kuti vasaudze vanhu zvaavaitira, sezvaagara achiita kana aporesa vanhu. Zvisinei, vabereki ava vasiri kugona nemufaro, nevamwewo vanhu, vanoparadzira mashoko acho “munzvimbo iyoyo yose.” (Mateu 9:26) Ungatadze kutaura nezvazvo nemufaro here kana munhu waunoda akamutswa kuvakafa? Uku ndiko kumutswa kwechipiri kwakanyorwa kwakaitwa naJesu.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 5:19
udziudze: Apa Jesu akapa murayiro wakasiyana newaaimbopa wekuti vanhu vasataura nezvezvishamiso zvake. (Mk 1:44; 3:12; 7:36) Akaudza murume uyu kuti audze hama dzake zvakanga zvaitika. Zvimwe chakaita kuti adaro ndechekuti akanga asiri kuzokwanisa kuparidza munzvimbo iyoyo sezvo akanga anzi abude. Uye zvaizotaurwa nemurume uyu zvaizoita kuti vanhu vasataura zvisiri izvo nezvenguruve dzakanga dzafa.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 6:11
zunzai bukuta [guruva] riri pasi petsoka dzenyu: Kuita izvi kwairatidza kuti vadzidzi vaisazopiwa mhosva naMwari paaizounza mutongo wake. Mashoko aya anowanikawo pana Mt 10:14; Ru 9:5. Mako naRuka vanowedzera mashoko ekuti zvive uchapupu kwavari. Pauro naBhanabhasi vakaita izvi pavaiva muAndiyoki yekuPisidhiya (Mab 13:51), uye Pauro paakanga ava kuKorinde akazunza nguo dzake, akati: “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu. Ini ndakachena.” (Mab 18:6) Vadzidzi vanogona kunge vaitoziva nezvetsika iyi; vamwe vaJudha vaiti kana vakaenda kunyika isiri yevaJudha pavaizodzoka vaitanga vazunza guruva kubva patsoka dzavo vasati vapinda zvakare munharaunda yevaJudha. Asi Jesu paakapa murayiro uyu kuvadzidzi vake aisareva zvaiitwa nevaJudha ava.