Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
OCTOBER 1-7
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 9-10
“Jesu Anoda Makwai Ake”
nwtsty mapikicha nemavhidhiyo
Danga Remakwai
Danga remakwai rainge rakavakirirwa kuitira kuti makwai asabiwa uye asadyiwa nedzimwe mhuka. Kana huri usiku, vafudzi vaivharira makwai avo mudanga. Munguva dzeBhaibheri, matanga emakwai aigadzirwa zvakasiyana-siyana uye aiva asina denga. Kakawanda kacho aivakwa nematombo uye aine dhoo rimwe chete. (Nu 32:16; 1Sa 24:3; Zef 2:6) Johani anotaura nezvekupinda mudanga “nepasuo,” iro raichengetedzwa ‘nemuchengeti wesuo.’ (Joh 10:1, 3) Mudanga raishandiswa nevanhu vakawanda, maigona kurara makwai evanhu vakasiyana-siyana uye muchengeti wesuo aiachengetedza. Kana kwaedza, muchengeti wesuo aivhura dhoo. Mufudzi mumwe nemumwe aishevedza makwai ake uye makwai acho aiziva inzwi remufudzi wao oenda kwaari. (Joh 10:3-5) Jesu akashandisa mufananidzo uyu kuti aratidze kuda kwaaiita vadzidzi vake.—Joh 10:7-14.
Mhuri dzechiKristu—‘Rambai Makamuka’
5 Ushamwari hwemufudzi nemakwai hunobva pakuti iye anonyatsoaziva uye iwo anomuziva uye anovimba naye. Makwai anoziva uye anoteerera inzwi rake. Jesu akati, “Ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva.” Jesu anonyatsoziva ungano. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “ziva” rinoreva “kuziva chinhu zvakadzama.” Chokwadi uyu Mufudzi Akanaka anoziva gwai rimwe nerimwe. Anoziva zvinoda gwai roga roga, zvarisingagoni, uye zvarinogona. Anoziva zvose zvinoitika kumakwai ake. Makwai acho anonyatsozivawo mufudzi wawo uye anovimba noutungamiriri hwake.
cf 124-125 ¶17
“Aisataura Navo Asingashandisi Mufananidzo”
17 Achitaura zvaakazvionera oga, George A. Smith akanyora mubhuku rake rinonzi The Historical Geography of the Holy Land, kuti: “Dzimwe nguva taizorora hedu masikati pedyo nerimwe rematsime iwayo omuJudhiya, uye kwaigona kuuya vafudzi vatatu kana vana nemakwai avo. Makwai acho aivhengana, uye taishaya kuti zvino vafudzi ava vaizoaparadzanisa sei. Asi pashure pokunge apedza kunwa nokutamba, mumwe nomumwe wevafudzi vacho aienda kune rimwe divi rebani racho, uye mumwe nomumwe aiva nemadaidziro aaiita; uye makwai omumwe nomumwe aibuda muboka achienda kune mufudzi wao, uye makwai acho aienda zvakarongeka sokuuya kwaainge aita.” Jesu akanga asarudza mufananidzo wakanakisisa kuti abudise pachena zvaaida kutaura, kureva kuti, kana tichiziva uye tichiteerera dzidziso dzake uye kana tichitevera kutungamirira kwake, ipapo tinogona kutarisirwa ‘nomufudzi akanaka kwazvo.’
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 10:16
kuuya nawo: Kana kuti “kuatungamirira.” Shoko rechiGiriki rakashandiswa muvhesi iyi rekuti aʹgo rinogona kureva “kuunza” kana kuti “kutungamirira,” zvichienderana nezviri kutaurwa. Chimwe chinyorwa chechiGiriki chekuma200 C.E. chinoshandisa shoko rekuti sy·naʹgo rinowanzoshandurwa kuti “kuunganidza.” SeMufudzi Akanaka, Jesu anounganidza, anotungamirira, anochengetedza, uye anodyisa makwai edanga rino (ayo anonziwo “boka duku” pana Ru 12:32) uyewo nemamwe makwai ake. Anobva ava boka rimwe chete pasi pemufudzi mumwe chete. Mashoko aya anoratidza kubatana kwaizoita vateveri vaJesu.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 9:38
akamupfugamira: Kana kuti “akagwadama; akazvambarara; akamuremekedza.” Shoko rechiGiriki rekuti pro·sky·neʹo parinoshandiswa kureva kunamata mwari, rinoshandurwa kuti “kunamata.” (Mt 4:10; Ru 4:8) Muvhesi iyi, murume uyu wekuporeswa, akaziva kuti Jesu akanga atumwa waMwari uye akamuremekedza. Akamuona ‘seMwanakomana wemunhu’ akanga ataurwa nezvake uye Mesiya, kwete saMwari. (Joh 9:35) Paakapfugamira Jesu, akaita zvaingoitwawo nevanhu vanotaurwa muMagwaro echiHebheru. Vaipfugama pavaionana nevaprofita, madzimambo kana kuti vamwe vamiririri vaMwari. (1Sa 25:23, 24; 2Sa 14:4-7; 1Mad 1:16; 2Mad 4:36, 37) Kakawanda kacho Jesu paakapfugamirwa, zvairatidza kuti vanhu vari kufara kuti Mwari avajekesera chimwe chinhu kana kuti vari kubvuma kuti Jesu aishandiswa naMwari.—Mt 2:2; 8:2; 14:33; 15:25.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 10:22
Mutambo Wokutsaurira: MuchiHebheru, mutambo uyu unonzi Hanukkah (chanuk·kahʹ), izvo zvinoreva kuti “Kutsaurira.” Waiitwa kwemazuva 8, kutanga musi wa25 wemwedzi waKisrevhi, musi waikurumidza kunyura zuva wava kuda kusvika. (Ona Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari chikamu 19) Mutambo uyu waiitirwa kuyeuka kutsaurirwazve kwetemberi yemuJerusarema kwakaitika muna 165 B.C.E. Mambo weSiriya ainzi Antiochus IV Epiphanes akaratidza kusaremekedza Jehovha, Mwari wevaJudha nekupaza temberi yake. Semuenzaniso, akavaka atari pamusoro peatari huru yaipisirwa zvibayiro zvezuva nezuva. Musi wa25 wemwedzi waKisrevhi muna 168 B.C.E., akasvibisa temberi yaJehovha nekubayira nguruve paatari achibva asasa muto wacho mutemberi yese. Akapisa magedhi etemberi, akaputsa dzimba dzevapristi, uye akatora atari yegoridhe, tafura yechingwa chekuratidzira, uye chigadziko chemarambi chegoridhe. Akabva atsaurira temberi yaJehovha kuna mwari wenhema ainzi Zeusi. Papera makore maviri, Judas Maccabaeus akatora guta netemberi yaro. Temberi yakacheneswa ndokuzotsaurirwa musi wa25 wemwedzi waKisrevhi muna 165 B.C.E., pashure pemakore matatu Antiochus abayira Zeusi chibayiro chaisemesa paatari. Zvibayiro zvaipisirwa kuna Jehovha zuva nezuva zvakatangazve kupisirwa. Bhaibheri haritauri kuti Jehovha ndiye akaita kuti Judas Maccabaeus akunde ndokuita kuti temberi idzorerwezve. Asi Jehovha akanga amboshandisa varume vemamwe marudzi vakadai saKoreshi wePezhiya, kuti adzorere kunamata kwakachena. (Isa 45:1) Saka zvaigona kuita kuti Jehovha ashandise munhu werudzi rwevaJudha kuti aite kuda kwake. Magwaro anoratidza kuti temberi yaifanira kunge iripo uye ichishandiswa kuitira kuti uprofita hwaiva nechekuita naMesiya, ushumiri hwake uye chibayiro chake, huzadzike. Uyewo, zvibayiro zvaipiwa nevaRevhi zvaifanira kupiwa kusvikira Mesiya azopa chibayiro chinonyanya kukosha cheupenyu hwake kuti aponese vanhu. (Dha 9:27; Joh 2:17; VaH 9:11-14) Vateveri vaKristu havana kurayirwa kuti vachengete Mutambo Wokutsaurira. (VaK 2:16, 17) Asi hapana panotaura kuti Jesu kana kuti vadzidzi vake vakarambidza kuchengetwa kwemutambo uyu.
OCTOBER 8-14
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 11-12
“Tevedzera Tsitsi Dzaiva naJesu”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 11:24, 25
Ndinoziva kuti achamuka: Marita aifunga kuti Jesu aitaura nezvekumutswa kuchaitwa vanhu mune ramangwana. (Joh 6:39) Kutenda kwake kwaishamisa. Vamwe vatungamiriri vechitendero vepanguva iyoyo vainzi vaSadhusi, vakanga vasingabvumi kuti kune kumuka kwevakafa kunyange zvazvo zviri izvo zvinodzidziswa neBhaibheri. (Dha 12:13; Mk 12:18) Kana vari vaFarisi vaiti mweya haufi. Asi Marita aiziva kuti Jesu aidzidzisa nezvekumutswa kwevakafa uye akanga atombomutsa vanhu vakafa kunyange zvazvo pavanhu vaakanga amutsa pasina akanga ava nemazuva akawanda afa saRazaro.
Ndini kumuka noupenyu: Kufa kwaJesu nekumutswa kwake kwakaita kuti vanhu vanenge vafa vagone kuzomutswawo. Pashure pekunge Jesu amutswa, Jehovha akamupa simba rekuti amutse vakafa uye rekupa upenyu husingaperi. (Joh 5:26) Pana Zva 1:18, Jesu anozviti ‘mupenyu,’ uye ane “kiyi dzorufu nedzeHadhesi.” Saka Jesu ndiye anopa tariro kuvapenyu nevakafa. Akavimbisa kuti achamutsa vakafa ovapa upenyu kudenga vachitonga pamwe chete naye kana kuti upenyu panyika vachitongwa nehurumende yake yekudenga.—Joh 5:28, 29; 2Pe 3:13.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 11:33-35
achichema: Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kuchema” rinowanzoreva kuchema zvinonzwika. Shoko iroro ndiro rakashandiswa Jesu paaitaura nezvekuparadzwa kwaizoitwa Jerusarema.—Ru 19:41.
akagomera neshungu, akanetseka: Kutaurwa kwemashoko aya pamwe chete kunoratidza kuti Jesu akashungurudzika chaizvo. Muvhesi iyi, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “akagomera” (em·bri·maʹo·mai) rinoratidza kuti Jesu akarwadziwa chaizvo zvaitooneka. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “akanetseka” (ta·rasʹso) rinoreva kuvhiringidzika. Imwe nyanzvi inoti, muvhesi iyi rinoreva “kuvhiringidzika mupfungwa; kurwadziwa chaizvo kana kuti kusuwa.” Shoko iroro rinoshandiswa zvekare pana Joh 13:21 kutsanangura manzwiro akaita Jesu paaifunga nezvekutengeswa kwaaizoitwa naJudhasi.—Ona tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 11:35.
akasvimha misodzi: Shoko rechiGiriki rakashandiswa muvhesi iyi rekuti (da·kryʹo) rinoratidza chiito ‘chekuchema’, rinoshandiswawo mumavhesi akadai saRu 7:38; Mab 20:19, 31; VaH 5:7; Zva 7:17; 21:4. Chinenge chichinyanyotaurwa nezvacho misodzi inobuda pane inzwi rekuchema. MuMagwaro echiKristu echiGiriki, shoko iri rinoshandiswa muvhesi iyi chete uye rakasiyana nerinoshandiswa pana Joh 11:33 (ona tsanangudzo dzemamwe mashoko pakanzi achichema) kutsanangura kuchema kwakaita Mariya nevaJudha. Jesu aiziva kuti achamutsa Razaro, asi akarwadziwa chaizvo kuona shamwari dzake dzichichema. Kuda kwaaiita shamwari dzake uye kudzinzwira tsitsi zvakaita kuti acheme. Nyaya iyi inoratidza kuti Jesu anorwadziwawo patinofirwa.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 11:49
mupristi mukuru: VaIsraeri pavaizvitonga, mupristi mukuru aiita basa rake iri kweupenyu hwake hwese. (Nu 35:25) Asi pavaitongwa nevaRoma, vatongi vakagadzwa neRoma vaiva nesimba rekugadza kana kubvisa mupristi mukuru. Kayafasi, uyo akagadzwa nevaRoma, aiva neunyanzvi pabasa rake uye akashanda kwenguva refu kupfuura vamwe vakanga vambogadzwa. Akagadzwa munenge muna 18 C.E. uye akashanda pachinzvimbo ichocho kusvikira muna 36 C.E. Johani paakataura kuti Kayafasi aiva mupristi mukuru gore iroro, muna 33 C.E., aireva kuti mugore iroro rakaurayiwa Jesu, Kayafasi akanga achiri mupristi mukuru.—Ona Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari chikamu 16 peji 36 kuti uone paigona kunge paine imba yaKayafasi.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 12:42
vatongi: Muvhesi iyi, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vatongi” rinoreva vanhu vemudare repamusoro rechiJudha reSanihedrini. Ndirozve shoko rinoshandiswa pana Joh 3:1 richireva Nikodhimo, uyo aivawo mudare iroro.—Joh 3:1.
kudzingwa musinagogi: Kana kuti “kurambidzwa kupinda musinagogi.” Shoko rechiGiriki rekuti a·po·sy·naʹgo·gos rinoshandiswa pana Joh 9:22; 12:42 uye 16:2 chete. Vanhu vaisataura nemunhu ainge adzingwa uye aionekwa sechituko chenyika. Kutadza kushamwaridzana nevamwe vaJudha kwakadaro kwaiita kuti mhuri yacho inetseke nekuwana chekurarama nacho. Masinagogi aishandiswa kudzidzisa, asi aishandiswawo senzvimbo yekutongera mhosva uye matare acho aiva nesimba rekupa mutongo wekuti munhu arohwe kana kuti adzingwe.—Mt 10:17.
OCTOBER 15-21
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 13-14
“Ndakuitirai Muenzaniso”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 13:5
kugeza tsoka dzevadzidzi: Kare, kuIsrael vanhu vaipfeka hwashu. Dzaiva netambo dzekusungirira nechepachiziso chegumbo, saka tsoka dzaitozara guruva kana kuti madhaka. Saka yaiva tsika yavo kuti munhu abvise hwashu dzake paaisvika pamba, uye kuratidza kuti muenzi agamuchirwa zvakanaka aifanira kugezwa tsoka. MuBhaibheri mune mavhesi akati kuti anotaura nezvetsika iyi. (Ge 18:4, 5; 24:32; 1Sa 25:41; Ru 7:37, 38, 44) Jesu akatevedzera tsika iyi paakageza tsoka dzevadzidzi kuti avadzidzise kuzvininipisa uye kushumira vamwe.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 13:12-14
munofanira: Kana kuti “munosungirwa.” Shoko rechiGiriki rakashandiswa muvhesi iyi, rinowanzoshandiswa pazvinhu zvine chekuita nemari kureva “kuva nechikwereti chemumwe munhu.” (Mt 18:28, 30, 34; Ru 16:5, 7) Muvhesi iyi nemamwewo, rinoshandiswa kureva chinhu chaunosungirwa kuita.—1Jo 3:16; 4:11; 3Jo 8
Munhu Mukurusa Anoita Basa Rinoda Kuzvininipisa
Nokugeza tsoka dzevadzidzi vake, Jesu akaratidzira chidzidzo chine simba mukuzvininipisa. Chokwadika, vaKristu havafaniri kufunga kuti vanokosha zvikuru zvokuti vamwe vanofanira kuvashandira nguva dzose, kana kuda kutsvaka nzvimbo dzinokudzwa nedzepamusoro. Asi vanofanira kutevedzera muenzaniso wakagadzwa naJesu, uyo “usina kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” (Mateu 20:28) Hungu, vateveri vose vaJesu vanofanira kuda kuitirana mabasa okuzvininipisa.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 14:6
Ndini nzira nechokwadi noupenyu: Jesu ndiye nzira nekuti vanhu vanokwanisa kunyengetera kuna Mwari nekuna iye chete. Ndiyewo “nzira” pakuti anoita kuti vanhu vayanane naMwari. (Joh 16:23; VaR 5:8) Jesu ndiye chokwadi pakuti aitaura chokwadi uye airarama zvinoenderana nechokwadi. Akazadzisawo uprofita hwakawanda hunoratidza kuti ane basa rinokosha muchinangwa chaMwari. (Joh 1:14; Zva 19:10) Uprofita ihwohwo hwakava “‘hungu’ [kana kuti hwakazadzika] pachishandiswa iye.” (2VaK 1:20) Jesu ndiye upenyu nekuti kufa kwaakaita kwakaita kuti vanhu vakwanise kuwana “upenyu chaihwo,” kureva, “upenyu husingaperi.” (1Ti 6:12, 19; VaE 1:7; 1Jo 1:7) Achavawo “upenyu” kune mamiriyoni evanhu achamutswa kuti azorarama muParadhiso nekusingaperi.—Joh 5:28, 29.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 14:12
mabasa makuru kune aya: Jesu akanga asiri kuti zvishamiso zvaizoitwa nevadzidzi vake zvaizopfuura zvaakaita iye. Asi aibvuma kuti basa rekuparidza nekudzidzisa ravaizoita raizenge rakakura kupfuura raakaita. Vateveri vake vaizoparidza ndima yakakura, vachiparidzira vanhu vakawanda uye vaizoparidza kwenguva yakareba kupfuura yaakaita. Zvakataurwa naJesu zvinoratidza kuti aitarisira kuti vateveri vake vapfuurire nebasa.
OCTOBER 22-28
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 15-17
“Hamusi Venyika”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 15:19
nyika: Muvhesi iyi, shoko rechiGiriki rekuti koʹsmos rinoreva vanhu vasina kururama, vasiri vashumiri vaMwari. Johani ndiye ega munyori weEvhangeri anotaura mashoko aJesu ekuti vateveri vake havasi venyika. Jesu anotaura mashoko iwayo zvekare kaviri mumunyengetero wake wekupedzisira aine vaapostora vake vakatendeka.—Joh 17:14, 16.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 15:21
nokuda kwezita rangu: MuBhaibheri, dzimwe nguva shoko rekuti “zita” rinoshandiswa kureva muridzi wezita, mukurumbira wake, uye zvese zvine chekuita naye. (Mt 6:9) Kana riri zita raJesu, rinorevawo simba uye nzvimbo yakaapiwa naBaba vake. (Mt 28:18; VaF 2:9, 10; VaH 1:3, 4) Muvhesi iyi Jesu anotaura chaizoita kuti vanhu vari munyika vaitire vateveri vake zvinhu zvakaipa: nokuti havazivi iye akamutuma. Kuziva Mwari kwaizovabatsira kunzwisisa uye kubvuma zvinorehwa nezita raJesu. (Mab 4:12) Kuziva zvinorehwa nezita raJesu kunosanganisira kuziva nzvimbo yake saMambo akagadzwa naMwari, kuziva kuti ndiye Mambo wemadzimambo, uye kuti vanhu vese vanofanira kumuremekedza kana vachida kuwana upenyu.—Joh 17:3; Zva 19:11-16; enzanisa naPis 2:7-12.
it-1-E 516
Ushingi
MuKristu anofanira kuva neushingi kuti asasvibiswa nezvinoitwa nevanhu vasingadi Jehovha uye kuti arambe akatendeka kwaari pasinei nekuvengwa nenyika. Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake kuti: “Munyika munotambudzika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.” (Joh 16:33) Mwanakomana waMwari haana kumbobvira afurirwa nenyika, asi akaikunda nekusatombofanana nayo. Zvakaitwa naJesu Kristu zvinotipawo ushingi hwekuti timutevedzere pakuramba tisiri venyika.—Joh 17:16.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 17:21-23
vamwe: Kana kuti “vakabatana.” Jesu akanyengetera kuti vateveri vake vechokwadi vave “vamwe,” vachishanda vakabatana pachinangwa chimwe chete, sekuva “pamwe” kwaakaita naBaba vake, vachiratidza kuti vakabatana pachinhu chimwe chete. (Joh 17:22) Pana 1VaK 3:6-9, Pauro anotsanangura kubatana kwakaita vashumiri vechiKristu pavari kushanda pamwe chete uye naMwari.—Ona 1VaK 3:8.
vakwaniswe kuva mumwe: Kana kuti “vanyatsobatana.” Muvhesi iyi, Jesu anoratidza kuti kubatana kunoita kuti tidiwe naBaba. Izvi zvinoenderana naVaK 3:14, iyo inoti: “Rudo . . . chisungo chakakwana chokubatana.” Kunyatsobatana uku hakurevi hako kuti hapasisina kusiyana paunhu hwevanhu, maitiro, mafungiro uye zvavanokwanisa kuita. Zvinoreva kuti vateveri vaJesu vanoita zvakafanana, vanotenda zvakafanana uye vanodzidzisa zvakafanana.—VaR 15:5, 6; 1VaK 1:10; VaE 4:3; VaF 1:27.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 17:24
kuvambwa kwenyika: Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kuvambwa” rakashandurwa kuti “kubata pamuviri” pana VaH 11:11, parinoshandiswa richitaura “mwana.” Muna Joh 17:24 riri kureva kubereka vana kwakaita Adhamu naEvha. Jesu paanenge achitaura ‘nezvekuvambwa kwenyika’ anenge achitaura nezvaAbheri, uyo akanga ari wekutanga “kunyorwa mumupumburu woupenyu kubvira pakuvambwa kwenyika.” (Ru 11:50, 51; Zva 17:8) Zvakataurwa naJesu paainyengetera zvinoratidzawo kuti Adhamu naEvha vasati vatombova nevana, Mwari aida Mwanakomana wake akaberekwa ari ega.
OCTOBER 29–NOVEMBER 4
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOHANI 18-19
“Jesu Akapupurira Chokwadi”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 18:37
ndipupurire: Paanoshandiswa muMagwaro echiKristu echiGiriki, mashoko echiGiriki anoshandurwa kuti “kupupurira” (mar·ty·reʹo) uye “chapupu” (mar·ty·riʹa; marʹtys) anoreva zvakawanda. Mashoko acho anowanzoshandiswa kureva kupupura zvinhu zvaunoziva, asi anogona kurevawo “kuzivisa; kusimbisira; kutaura zvakanaka nezvechimwe chinhu.” Jesu haana kungogumira pakupupura uye kuzivisa chokwadi chaaitenda asi mararamiro ake akaratidza kuti aitsigira chokwadi nezveuprofita hwakataurwa naBaba vake uye zvavakavimbisa. (2VaK 1:20) Chinangwa chaMwari chine chekuita neUmambo uye Mesiya chakanga chasotaurwa. Mararamiro akaita Jesu panyika nekufa kwaakazoita, zvakazadzika uprofita hwaitaura nezvake kusanganisira zvinhu zvaiva musungano yeMutemo. (VaK 2:16, 17; VaH 10:1) Saka Jesu ‘akapupurira chokwadi’ nezvaakataura uye zvaakaita.
chokwadi: Chokwadi chairehwa naJesu chakanga chisingori chokwadiwo zvacho asi chaiva chokwadi nezvezvinangwa zvaMwari. Chinhu chinokosha pachinangwa chaMwari ndechekuti Jesu, “mwanakomana waDhavhidhi,” ashande seMupristi Mukuru uye seMutongi weUmambo hwaMwari. (Mt 1:1) Jesu akataura kuti chimwe chikonzero chikuru chakaita kuti auye panyika uye aite ushumiri hwake ndechekuti azivise chokwadi nezveUmambo. Ngirozi dzakataurawo izvi Jesu asati azvarwa uye paakazvarwa muBhetrehema reJudhiya, guta rakazvarirwa Dhavhidhi.—Ru 1:32, 33; 2:10-14.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 18:38a
Chokwadi chii?: Pirato aibvunza nezvechokwadiwo zvacho kwete “chokwadi” chakanga chataurwa naJesu. (Joh 18:37) Dai Pirato aibvunza nemwoyo wese, Jesu angadai akamupindura. Asi Pirato aitobvunza zvekuda kutsvinya achiti, “Chokwadi? Ndicho chii ichocho? Hakuna chinonzi chokwadi!” Akabva abuda panze paiva nevaJudha, asingatombomiriri mhinduro.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 19:30
akabudisa simba rake roupenyu: Kana kuti “akafa; akamira kufema.” Muvhesi iyi, mashoko ekuti “simba reupenyu” (muchiGiriki, pneuʹma) anogona kureva “kufema.” Izvi zvinotsigirwa nekushandiswa kunoitwa shoko rechiGiriki rekuti ek·pneʹo (rinoreva “kufema”) munyaya dziri pana Mk 15:37 naRu 23:46 (parakashandurwa kuti “kufa”). Vamwe vanoti kushandiswa kweshoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “akabudisa” kunoreva kuti Jesu akarega kurwisa kuti arambe ari mupenyu sezvo basa rese raakanga avinga rakanga razadzika. Chero zvazvingava, Jesu achizvidira, “akadurura mweya wake kusvikira parufu chaipo.”—Isa 53:12; Joh 10:11.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 19:31
zuva reSabata iroro rakanga riri guru: Musi waNisani 15, pashure pekunge Paseka yapera, raiva Sabata pasinei nekuti izuva ripi revhiki. (Re 23:5-7) Sabata iri rinokosha paraiitika musi wagara uri weSabata (zuva rechi7 pavhiki rechiJudha, iro rinotanga pakuvira kwemusi weChishanu richipera pakuvira kwemusi weMugovera), raibva rava Sabata “guru.” Sabata rakadaro ndiro rakaitika mangwana acho pashure pekunge Jesu afa musi weChishanu. Kubva muna 29 kusvika muna 35 C.E., gore rekuti musi waNisani 14 wainge uri Chishanu rakanga riri gore ra33 C.E. Saka izvi zvinotsigira kuti Jesu anofanira kunge akafa musi waNisani 14, 33 C.E.