RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr19 January pp. 1-7
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2019)
  • Misoro Midiki
  • JANUARY 7-13
  • JANUARY 14-20
  • JANUARY 21-27
  • JANUARY 28–FEBRUARY 3
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2019)
mwbr19 January pp. 1-7

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

JANUARY 7-13

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 21-22

“Kuda kwaJehovha Ngakuitike”

bt 177-178 ¶15-16

“Kuda kwaJehovha Ngakuitike”

Pauro paaigara naFiripi, mumwe mueni airemekedzwa akasvika​—Agabhasi. Vakanga vakaungana pamba paFiripi vaiziva kuti Agabhasi aiva muprofita; akanga afanotaura nezvenzara huru paitonga Kraudhiyo. (Mab. 11:27, 28) Zvichida vakashamisika kuti: ‘Nei Agabhasi auya? Auya neshoko rei?’ Sezvavakaramba vakatarisa, akatora bhandi raPauro​—jira refu rakaita sebhandi raigona kuiswa mari nezvimwe zvinhu uye raipfekwa muchiuno. Agabhasi akazvisunga makumbo nemaoko ake naro. Akabva ataura. Shoko racho rakanga rakakomba rokuti: “Izvi ndizvo zvinotaura [mweya] mutsvene, ‘VaJudha vachasunga muridzi webhandi iri seizvi muJerusarema vomuisa mumaoko evanhu vemamwe marudzi.’”​—Mab. 21:11.

Uprofita hwacho hwakaratidza kuti Pauro aizoenda kuJerusarema. Hwakaratidzawo kuti kuparidzira kwaaizoita vaJudha ikoko kwaizoguma nokuiswa kwake “mumaoko evanhu vemamwe marudzi.” Uprofita hwacho hwakavhiringidza zvikuru vaya vaivapo. Ruka anoti: “Zvino patakanzwa izvi, isu nevaya vepanzvimbo iyoyo takatanga kumuteterera kuti arege kukwira kuJerusarema. Pauro akabva apindura kuti: ‘Muri kuitei muchisvimha misodzi uye muchindishayisa simba mumwoyo? Ivai nechokwadi chokuti handina kungogadzirira kusungwa, asi kutofirawo zita raShe Jesu kuJerusarema.’”​—Mab. 21:12, 13.

bt 178 ¶17

“Kuda kwaJehovha Ngakuitike”

Fungidzira zviri kuitika. Hama, kusanganisira Ruka, dziri kuteterera Pauro kuti asaende. Vamwe vari kusvimha misodzi. Achikurudzirwa nerudo rwavakamuratidza, Pauro anovaudza nomutsa kuti vari kuita kuti ‘ashaye simba mumwoyo,’ kana kuti sokushandura kunoita dzimwe shanduro chiGiriki chacho, vari “kurwadzisa mwoyo” wake. Kunyange zvakadaro, akatsunga uye sezvakaitika paakasangana nehama muTire, haasi kuzorega kuteterera kana kuti misodzi zvichiita kuti achinje mafungiro. Pane kudaro, anovatsanangurira kuti nei achifanira kuenderera mberi. Chokwadi akaratidza kushinga uye kutsunga! Kufanana naJesu akamutangira, Pauro akatsunga kuenda kuJerusarema. (VaH. 12:2) Pauro akanga asingatsvaki kufira zvaaitenda, asi dai izvozvo zvakaitika, aizozviona sorukudzo kufa somuteveri waKristu Jesu.

bt 178 ¶18

“Kuda kwaJehovha Ngakuitike”

Hama dzakaita sei? Dzakaremekedza. Tinoverenga kuti: “Patakatadza kumudzivisa, takabvuma nemashoko okuti: ‘Kuda kwaJehovha ngakuitike.’” (Mab. 21:14) Vaya vaiedza kuudza Pauro kuti asaende kuJerusarema havana kuomerera pakuti aite zvavaida. Vakateerera Pauro uye vakabvuma zvaakataura, vachiziva uye vachibvuma kuda kwaJehovha, kunyange zvazvo kuita izvozvo kwakanga kwakavaomera. Pauro akanga atanga zvinhu zvaizoita kuti afe. Zvaizoitira Pauro nyore kudai vaya vaimuda vasina kuedza kumudzivisa.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

bt 184-185 ¶10-12

“Chinzwai Kuzvidzivirira Kwangu”

Kunyange zvakadaro, Pauro akaratidza kunzwisisa vaya vainzwa vakasununguka kutevera dzimwe tsika dzechiJudha, dzakadai sokurega kuita basa paSabata kana kuti kurega zvimwe zvokudya. (VaR. 14:1-6) Uye haana kudzika mitemo pamusoro pokudzingiswa. Zvechokwadi, Pauro akadzingisa Timoti kuitira kuti vaJudha vasazonyumwira Timoti, aiva nababa muGiriki. (Mab. 16:3) Munhu aifanira kuzvisarudzira kuti odzingiswa here. Pauro akaudza vaGaratiya kuti: “Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvimbokoshi, asi kutenda kunoshanda norudo ndiko kunokosha.” (VaG. 5:6) Zvisinei, zvaisazova zvakarurama kuti munhu adzingiswe kuti angoteerera Mutemo kana kuti afunge kuti zvakanga zvakakodzera kuti adzingiswe kuitira kuti afarirwe naJehovha. Izvozvo zvaizoratidza kusava nokutenda.

Nokudaro, kunyange zvazvo runyerekupe rwacho rwakanga rusina kururama, vatendi vechiJudha vakanga vachakangovhiringidzwa narwo. Saka varume vakuru vakarayira Pauro vachiti: “Tine varume vana vakaita mhiko. Enda nevarume ava, uzvichenese sezvinodiwa netsika uinavo, uripe, kuti misoro yavo iveurwe. Naizvozvo vanhu vose vachaziva kuti hapana chiripo pamusoro porunyerekupe rwavakaudzwa nezvako, asi kuti uri kufamba zvakanaka, iwe uchichengetawo Mutemo.”​—Mab. 21:23, 24.

Pauro aigona kuramba kuti dambudziko chairo raisava runyerekupe pamusoro pake, asi kuomerera kwaiita vatendi vechiJudha paMutemo waMosesi. Asi aida kuchinja, chero bedzi akanga asingafaniri kuita zvinopesana nemirayiro yaMwari. Akanga ambonyora kuti: “Kune vaya vari pasi pomutemo ndakava somunhu ari pasi pomutemo, kunyange ini ndisiri pasi pomutemo, kuti ndiwane vaya vari pasi pomutemo.” (1 VaK. 9:20) Pachiitiko ichi, Pauro akashandira pamwe nevakuru vomuJerusarema uye akava “somunhu ari pasi pomutemo.” Pakuita izvozvo, akatisiyira muenzaniso wakanaka wokushandira pamwe nevakuru uye kuti tisaomerere kuita zvinhu sezvatinoda.​—VaH. 13:17.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mab 22:16

ubvise zvivi zvako nokudana zita rake: Kana kuti “ugeze zvivi zvako, udane pazita rake.” Kudana zita raJesu ndiko kunoita kuti zvivi zvemunhu zvibviswe, kwete kubhabhatidzwa. Izvi zvinosanganisira kutenda muna Jesu uye kuratidza kutenda ikoko nemabasa echiKristu.​—Mab 10:43; Jak 2:14, 18.

JANUARY 14-20

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 23-24

“Anopomerwa Kuti Anonetsa Uye Anoita Kuti Pave Nekumukira”

bt 191 ¶5-6

“Shinga Kwazvo!”

Pauro akakurudzirwa panguva yakakodzera. Mangwana acho, vaJudha vanodarika 40 “vakarangana, vakazvisunga nemhiko ine kutuka, vachiti vakanga vasingazodyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro.” Uku ‘kurangana kwavakaita vakazvisunga nemhiko’ kwakaratidza kuti vaJudha ivavo vakanga vakatsunga kwazvo kuuraya muapostora wacho. Kana vaizotadza kubudirira kuita zvavakanga varonga nokuda kwezvimwe zvikonzero, vaidavira kuti chimwe chinhu chakaipa chaizovawira. (Mab. 23:12-15) Urongwa hwavo hwakanga hwatenderwa nevapristi vakuru nevarume vakuru, hwaiva hwokuti Pauro adzorerwe kuSanihedrini kuti anobvunzwa zvimwe, sokunge kuti vainyatsoda kuva nechokwadi nezvinhu zvaiva nechokuita naye. Asi paaizoendako, vanhu ava vaizenge vakavandira Pauro kuti vamurwise vomuuraya.

Zvisinei, muzukuru waPauro akanzwa nezvazvo achibva audza Pauro. Pauro akabva aita kuti jaya racho riudze mutungamiriri weuto reRoma Kraudhiyo Risiyasi. (Mab. 23:16-22) Zvechokwadi, Jehovha anoda vechiduku vakafanana nomuzukuru waPauro uyu asina kutaurwa nezita, vanoshinga kuva nehanya nevanhu vaMwari kupfuura zvavanozviita uye vanoita zvose zvavanogona vakatendeka kuti vatsigire zvinhu zvine chokuita noUmambo.

bt 192 ¶10

“Shinga Kwazvo!”

KuKesariya, Pauro ‘akaramba akachengetedzwa mumuzinda wamambo Herodhi’ achimirira kuti vaimupomera vasvike vachibva kuJerusarema. (Mab. 23:35) Kwapera mazuva mashanu, vakasvika​—Mupristi Mukuru Ananiyasi, gweta rainzi Teturo uye boka revarume vakuru. Teturo akatanga arumbidza Ferikisi pamusana pezvaakanga ari kuitira vaJudha, sezviri pachena kuti amubate kumeso uye afarirwe naye. Zvadaro, achipinda munyaya yaiva mudariro, Teturo akati Pauro “munhu anonetsa kwazvo uye anoita kuti pave nokumukira pakati pevaJudha vose munyika yose inogarwa uye ari mutungamiriri wekapoka kevokuNazareta, uye uyo akaedzawo kusvibisa temberi, tikamubata.” Vamwe vaJudha “vakapindirawo mukudenha kwacho, vachitaura kuti zvinhu izvi zvakanga zviri izvo.” (Mab. 24:5, 6, 9) Kukonzera kumukira, kutungamirira kapoka kechitendero kane ngozi, uye kusvibisa temberi​—uku kwaiva kupomera kwakakomba kwaigona kuguma nokutongerwa rufu.

bt 193-194 ¶13-14

“Shinga Kwazvo!”

Pauro akatisiyira muenzaniso wakanaka wokuti titevedzere patinenge tamiswa pamberi pevane masimba venyika pamusana pokunamata kwedu uye tichipomerwa zvenhema zvinhu zvakadai sokuti tinoita kuti vanhu vaite chisimba, vamukire hurumende, kana kuti patinonzi tiri nhengo dze“kapoka kechitendero kane ngozi.” Pauro haana kutsvetera gavhuna, achitaura mashoko okubata kumeso sezvakaitwa naTeturo. Pauro akaramba akadzikama uye achiremekedza. Nounyanzvi, akapa uchapupu hwakajeka uye hwechokwadi. Pauro akataura kuti “vaJudha vaibva muruwa rweEzhiya” vakanga vamupomera kuti aisvibisa temberi vakanga vasipo uye kuti maererano nomutemo, aifanira kuvaona onzwa zvavaimupomera.—Mab. 24:18, 19.

Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti Pauro haana kurega kutaura uchapupu hwezvaaitenda. Muapostora wacho akataurazve noushingi kuti aitenda murumuko, nyaya yakanga yamutsa nyonganyonga yakadaro paakanga ari pamberi peSanihedrini. (Mab. 23:6-10) Paaizvidzivirira, Pauro akasimbisa tariro yorumuko. Nei? Nokuti Pauro akanga achipupurira nezvaJesu uye kumuka kwake kubva kuvakafa​—chinhu chaisazobvumwa nevapikisi ivavo. (Mab. 26:6-8, 22, 23) Chokwadi, nyaya yorumuko​—uye kutaura zvazviri, kutenda muna Jesu uye murumuko rwake—​ndiyo yakamutsa kukakavadzana kwacho.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mab 23:6

ini ndiri muFarisi: Vamwe vanhu vakanga varipo vaiziva Pauro. (Mab 22:5) Vanofanira kunge vakaziva kuti Pauro paakazviti mwanakomana wevaFarisi, akanga achibvuma kuti aimbova netsika dzakafanana nedzavo. Vaiziva kuti Pauro akanga asiri kunyepa, nekuti vaFarisi vaiva muSanihedrini vaiziva kuti iye zvino akanga ava muKristu aishingaira. Asi Pauro paakati aiva muFarisi ane zvimwe zvaaireva. Aizviti muFarisi kwete muSadhusi nekuti aitenda kuti vakafa vachamutswa sezvaiitwa nevaFarisi. Zvaakaita izvi zvakaita kuti iye nevaFarisi vaivapo vave nechimwe chinhu chavanowirirana. Anogona kunge akataura nyaya iyi yaaiziva kuti vaFarisi nevaSadhusi havabvumirani achiitira kuti vamwe vemudare reSanihedrini vamutsigire uye zano rake rakashanda. (Mab 23:7-9) Zvakataurwa naPauro pano pana Mab 23:6 zvinoenderana nezvaakazotaura paaizvidzivirira pamberi paMambo Agripa. (Mab 26:5) Uye paaiva kuRoma achinyorera tsamba vaKristu vekuFiripi, akataurazve kuti aiva muFarisi. (VaF 3:5) Vamwe vaKristu vaimbova vaFarisi ndiwo madaidzirwo avaiitwa.—Mab 15:5.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mab 24:24

Drusira: Ndiye akanga ari mudiki pavanasikana vatatu vaHerodhi Agripa I uyo anotaurwa pana Mab 12:1. Akaberekwa munenge muna 38 C.E. uye aiva nehanzvadzi yainzi Agripa II nasisi vainzi Bhenisi. Gavhuna Ferikisi aiva murume wake wechipiri. Akambotanga kuroorwa naMambo wekuSiriya ainzi Azizus wekuEmesa asi vakazorambana achibva anoroorwa naFerikisi munenge mugore ra54 C.E., paakanga aine makore anenge 16. Anofanira kunge akanga aripo Pauro paaitaura naFerikisi “pamusoro pokururama nokuzvidzora uye kutongwa kwaizouya.” (Mab 24:25) Ferikisi paakatsiviwa naFesto, akasiya Pauro achakasungwa nekuti “aida kunzi akanaka nevaJudha,” uye vamwe vanoti akazviitira kuti afadze mudzimai wake wechidiki uyo aiva muJudha.​—Mab 24:27.

JANUARY 21-27

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 25-26

“Pauro Anokwidza Nyaya Yake Kuna Kesari Uye Anoparidzira Mambo Herodhi Agripa”

bt 198 ¶6

“Ndinokwidza Mhosva Yacho Kuna Kesari!”

Kuda kwaiita Festo kufarirwa nevaJudha kungadai kwakaita kuti Pauro aurayiwe. Saka Pauro akashandisa kodzero yaaiva nayo somugari weRoma. Akaudza Festo kuti: “Ndakamira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa. Handina kuitira vaJudha chinhu chakaipa, sezvamuri kunyatsoonawo. . . . Ndinokwidza mhosva yacho kuna Kesari!” Kana munhu akangokwidza nyaya yake zvaisawanzoita kuti adzokere shure. Festo akasimbisa izvi achiti: “Wakwidza mhosva yacho kuna Kesari; saka uchaenda kuna Kesari.” (Mab. 25:10-12) Nokukwidza mhosva yake kudare rakakwirira, Pauro akasiyira muenzaniso vaKristu vechokwadi nhasi. Vanopikisa pavanoedza kukonzera ‘dambudziko vachishandisa murau,’ Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa mutemo kuti zvidzivirire mashoko akanaka.​—Pis. 94:20.

bt 198-201 ¶10-16

“Ndinokwidza Mhosva Yacho Kuna Kesari!”

Noruremekedzo, Pauro akatenda Mambo Agripa nokumupa mukana wokuti azvidzivirire, achibvuma kuti mambo akanga ari nyanzvi patsika dzose uyewo nharo dzaiva pakati pevaJudha. Pauro akabva atsanangura upenyu hwake hwekare: “Ndaiva muFarisi maererano neboka risingatsaudziri remanamatiro edu.” (Mab. 26:5) SomuFarisi, Pauro aitarisira kuuya kwaMesiya. Zvaakanga ava muKristu, akaratidza noushingi kuti Jesu Kristu ndiye wacho akanga akamirirwa kwenguva refu. Zvaaitenda iye nevaimupomera izvo zvaiva zvakafanana​—kureva kuti vaitarisira kuzadzika kwezvakavimbiswa madzitateguru avo naMwari—​ndizvo zvaakanga achitongerwa musi iwoyo. Izvi zvakaita kuti Agripa atonyanya kufarira kunzwa zvakanga zvoda kutaurwa naPauro.

Achiyeuka utsinye hwaaimboitira vaKristu, Pauro akati: “Kana ndiri ini, chokwadi ndakafunga mumwoyo mangu kuti ndinofanira kuita mabasa mazhinji anopesana nezita raJesu wokuNazareta . . . Zvandaivapengera kwazvo [vateveri vaKristu], ndakatosvika pakuvatambudza kunyange mune mamwe maguta.” (Mab. 26:9-11) Pauro akanga asiri kuwedzeredza. Vanhu vakawanda vaiziva kutambudza kwaakanga amboita vaKristu nechisimba. (VaG. 1:13, 23) Agripa angadaro akazvibvunza kuti, ‘Chii chingave chakachinja murume akadaro?’

Mhinduro yacho inowanika mumashoko aPauro anotevera anoti: “Zvandakanga . . . ndichienda kuDhamasiko ndapiwa simba uye ndarayirwa nevapristi vakuru, haiwa imi mambo, masikati makuru ndiri mumugwagwa, ndakaona chiedza chaibva kudenga chinopfuura kupenya kwezuva chichipenya kumativi angu ose neevaya vandaifamba navo. Tose patakanga tawira pasi, ini ndakanzwa inzwi richiti kwandiri mumutauro wechiHebheru, ‘Sauro, Sauro, uri kunditambudzirei? Kuramba uchikava zvibayiso kunoita kuti zvikuomere.’ Asi ndakati, ‘Ndimi ani, Ishe?’ Ishe akati, ‘Ndini Jesu, wauri kutambudza.’”​—Mab. 26:12-15.

Asati aratidzwa zvinoshamisa izvi, Pauro nenzira yokufananidzira, aimbo“kava zvibayiso.” Sokuzvikuvadza kungaita mhuka inotakuriswa zvinhu nokukava kumucheto kwakatesvera kwechibayiso, Pauro akanga achizvitadzisa kuva noukama hwakanaka naMwari nokuita zvaipesana nokuda kwaMwari. Kuzviratidza kwakaita Jesu akanga amutswa kuna Pauro mumugwagwa waienda kuDhamasiko kwakaita kuti murume uyu aiita zvinhu nomwoyo wose asi aiva akarasika achinje mafungiro ake.​—Joh. 16:1, 2.

Zvechokwadi Pauro akachinja zvikuru muupenyu hwake. Achitaura kuna Agripa akati: “Handina kurega kuteerera zvandakaona zvokudenga, asi kutanga kune vari muDhamasiko nokune vaya vari muJerusarema, nenyika yose yeJudhiya, nokune mamwe marudzi ndakavaendesera mashoko okuti vaifanira kupfidza votendeukira kuna Mwari nokuita mabasa anokodzera rupfidzo.” (Mab. 26:19, 20) Kwemakore akawanda, Pauro akaita basa raakapiwa naJesu Kristu pane izvozvo zvaakaratidzwa masikati makuru. Zvakaguma nei? Vaya vakateerera mashoko akanaka akaparidzwa naPauro vakapfidza mararamiro avo ounzenza uye okusavimbika ndokutendeukira kuna Mwari. Vanhu vakadaro vakava vagari vomunyika vakanaka, zvikaita kuti pave nokuremekedzwa kwomutemo nokugadzikana kwezvinhu.

Zvisinei, izvi hazvina zvazvakareva kuvaJudha vaipikisa Pauro. Akati: “VaJudha vakandibata mutemberi pamusoro pezvinhu izvozvi vakaedza kundiuraya. Zvisinei, ndinoramba ndichipupurira vose vakuru nevaduku kusvikira nhasi, nokuti ndakawana rubatsiro runobva kuna Mwari.”​—Mab. 26:21, 22.

SevaKristu vechokwadi, tinofanira ‘kugara takagadzirira kudzivirira’ kutenda kwedu. (1 Pet. 3:15) Patinotaura pamusoro pezvatinotenda kumatare uye madzimambo, tingaona zvichibatsira kutevedzera nzira yakashandiswa naPauro paaitaura naAgripa naFesto. Kana tikavataurira noruremekedzo kuti chokwadi cheBhaibheri chakachinja sei upenyu hwedu uyewo hwevamwe vakateerera shoko redu huchiva nani, tingabaya mwoyo yevanhu ava vane chiremera.

bt 202 ¶18

“Ndinokwidza Mhosva Yacho Kuna Kesari!”

Asi Pauro akapindura gavhuna achiti: “Handisi kupenga, Haiwa Changamire Festo, asi ndiri kutaura mashoko echokwadi uye epfungwa dzakanaka. Chokwadi, mambo wandiri kutaura naye norusununguko rwokutaura anonyatsoziva zvinhu izvi . . . Imi, Mambo Agripa, munotenda Zvakanyorwa nevaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.” Agripa akapindura kuti: “Nenguva pfupi ungatondinyengetedza kuva muKristu.” (Mab. 26:25-28) Mashoko aya, angave aibva pamwoyo kana kuti kwete, anoratidza kuti zvakataurwa naPauro zvakanyatsosvika pamwoyo pamambo wacho.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mab 26:14

kuramba uchikava zvibayiso: Chibayiso chimuti chinoshandiswa kudzora mhuka chinenge chiine kasimbi kanobaya nechekumberi kwacho. (Vat 3:31) Mashoko ekuti “kukava zvibayiso” idimikira rinowanika muzvinyorwa zvechiGiriki. Dimikira iri rakabva pane zvinoitwa nemombe isingadi kudzorwa nechibayiso, yotanga kuchikava zvekuti inopedzisira yakuvara. Izvi ndizvo zvaiitwa naSauro asati ava muKristu. Paairwisa vateveri vaJesu, avo vaitsigirwa naJehovha Mwari, Pauro aigona kuzvikuvadzisa. (Enzanisa naMab 5:38, 39; 1Ti 1:13, 14.) Pana Mup 12:11, ‘zvekubayisa mombe’ zvinofananidzira mashoko euchenjeri ayo anoita kuti munhu anoanzwa aateerere.

w03 11/15 16-17 ¶14

Batsira Vamwe Kugamuchira Shoko roUmambo

Pauro aiziva kuti Agiripa aiva muJudha wezita chete. Kuti afadze Agiripa uyo aiziva zvechiJudha, Pauro akataura kuti kuparidza kwake chaizvoizvo kwaisanganisira ‘kusataura chinhu kunze kwezvinhu zvakataurwa neVaprofita naMosesi kuti zvaizoitika’ maererano nokufa nokumutswa kwaMesiya. (Mabasa 26:22, 23) Achitaura naAgiripa zvakananga, Pauro akabvunza kuti: “Imi, Mambo Agiripa, munotenda Vaprofita here?” Agiripa akanga ava pakati nepakati. Kana aizoti akanga asingatendi vaprofita, zvaizokanganisa mukurumbira wake somunhu aidavira chiJudha. Asi kana aizobvumirana nezvaitaurwa naPauro, aizova achitora chinzvimbo chokubvumirana pachena nomuapostora wacho uye aigona kuzoguma anzi muKristu. Pauro akazvipindurira mubvunzo wake nokuchenjera, achiti “Ndinoziva kuti munotenda.” Mwoyo waAgiripa wakamuita kuti apindure sei? Akati: “Ungandinyengetedza kuva muKristu nenguva pfupi.” (Mabasa 26:27, 28) Kunyange zvazvo Agiripa asina kuva muKristu, zviri pachena kuti neimwe nzira Pauro akabaya mwoyo wake neshoko rake.​—VaHebheru 4:12.

JANUARY 28–FEBRUARY 3

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 27-28

“Pauro Anoenda kuRoma Nechikepe”

bt 208 ¶15

“Hapana Kana Mweya Mumwe Chete Wenyu Ucharasika”

Pauro angangodaro aipupurira vakawanda vaiva mungarava nezve“tariro yechipikirwa chakaitwa naMwari.” (Mab. 26:6; VaK. 1:5) Panguva ino, sezvo vaitarisira kuti ngarava yaizoputsika, Pauro aigona kupa chikonzero chakasimba chetariro yaiva pedyo. Akati: “Usiku huno ngirozi . . . , yamira pedyo neni, ichiti, ‘Pauro, usatya. Unofanira kumira pamberi paKesari, uye, tarira! Mwari akupa kwazvo vaya vose vari kufamba newe nechikepe.’” Pauro akavakurudzira achiti: “Naizvozvo varume, farai; nokuti ndinotenda muna Mwari kuti zvichava chaizvoizvo sokuudzwa kwandaitwa. Zvisinei, tinofanira kukandwa panyika yakaoma pane chimwe chitsuwa.”—Mab. 27:23-26.

bt 209 ¶18

“Hapana Kana Mweya Mumwe Chete Wenyu Ucharasika”

Zvakaitika kuti vakanga vapukunyuka vakanga vari pachitsuwa cheMarita, kumaodzanyemba kweSisiri. (Ona bhokisi rakanzi “Marita​—Kupi?”) Vanhu vaitaura mutauro wokumwe vaiva pachitsuwa chacho vakavaitira “mutsa unoshamisa.” (Mab. 28:2) Vakabatidzira moto vaeni ava vakanga vasvika pamahombekombe avo vakati chakwata uye vachidedera. Moto wacho wakabatsira kuti vadziyirwe pasinei nokuti kwaitonhora uye kuchinaya. Wakaitawo kuti pave nechishamiso.

bt 210 ¶21

“Hapana Kana Mweya Mumwe Chete Wenyu Ucharasika”

Mumwe mupfumi aiva neminda ainzi Pabriyo aigara munharaunda yacho. Angangodaro aiva mukuru mukuru weRoma aitungamirira paMarita. Ruka akamurondedzera ‘somurume mukuru wechitsuwa ichocho,’ achishandisa zita rokuremekedza rakawanikwa pazvinyorwa zviviri zveMarita. Akagamuchira nomutsa Pauro neshamwari dzake akagara navo kwemazuva matatu. Zvisinei, baba vaPabriyo vairwara. Zvakare Ruka akarondedzera zvakarurama nezvokurwara kwacho. Achinyatsorondedzera zvakaita chirwere chacho, akanyora kuti murume wacho ‘akanga arere achitambudzika nefivha nemanyoka.’ Pauro akanyengetera ndokuisa maoko ake pamurume wacho, uye akabva apora. Vabayiwa mwoyo kwazvo nechishamiso ichi, vanhu vomunharaunda yacho vakauya nevamwe varwere kuti vazoporeswa, uye vakavigira Pauro neshamwari dzake zvipo zvavaizoshandisa.​—Mab. 28:7-10.

bt 213 ¶10

“Kupupurira Kwazvo”

Boka revafambi vacho parakazopinda muRoma, “Pauro akabvumirwa kugara oga aine murwi aimurinda.” (Mab. 28:16) Kuti vasungwa vaichengetwa vari mumba vasatiza kazhinji musungwa aisungirirwa kumurindi wake necheni. Kunyange zvakadaro, Pauro aiva muzivisi woUmambo, uye cheni yaisamutadzisa kuparidza. Nokudaro, pashure pokunge azvipa mazuva matatu chete okuzorora, akaunganidza varume vakuru vevaJudha muRoma kuti azvisume uye ape uchapupu.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mab 27:9

kutsanya kwezuva rokuyananisa: Kana kuti “nguva yekuzvinyima zvekudya.” Shoko rechiGiriki rinoreva kuti “kutsanya” rinenge richitaura nezvekutsanya kwaifanira kuitwa nevanhu vaiva pasi peMutemo waMosesi. Kutsanya uku kwaiitwa gore rega rega paZuva Rokuyananisa iro rinonziwo Yom Kippur (muchiHebheru, yohm hak·kip·pu·rimʹ, ‘zuva rekufukidza zvivi’). (Re 16:29-31; 23:26-32; Nu 29:7) Mashoko ekuti “kutambudza mweya yenyu,” ayo anotaura zvaiitwa paZuva Rokuyananisa anoreva kuita zvinhu zvakasiyana-siyana zvekuzvinyima zvimwe zvinhu kusanganisira zvekudya. (Re 16:29) “Kutsanya” kunotaurwa pana Mab 27:9 kunotsigira pfungwa yekuti kuzvinyima zvimwe zvinhu kwaiitwa paZuva Rokuyananisa kwaisanganisira kuzvinyima zvekudya. Kutsanya paZuva Rokuyananisa kwaiwanzoitwa September ava kunopera kana kuti kutanga kwaOctober.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mab 28:11

Vanakomana vaZeusi: Maererano nedzidziso dzechiGiriki uye dzechiRoma, “Vanakomana vaZeusi” (muchiGiriki, Di·oʹskou·roi) vainzi Castor naPollux uye vaiva mapatya. Baba vacho ndimwari ainzi Zeusi (Jupiter) uye amai vacho ndimwarikadzi Leda. Vanakomana ava vainzi vaichengetedza vanhu vaifamba nezvikepe mugungwa. Mashoko aya ane chekuita nemufananidzo waiva pachikepe anoratidza kuti nyaya iyi yakanyorwa nemunhu aiita zvekuzvionera ega.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe