RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 7 p. 10
  • Mashoko Akarurama Uye Ane Umboo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Akarurama Uye Ane Umboo
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Kutaura Zvinhu Zvakarurama
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kusuma Magwaro Zvakanaka
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kubvunza Mibvunzo
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 7 p. 10

CHIDZIDZO 7

Mashoko Akarurama Uye Ane Umboo

Rugwaro

Ruka 1:3

PFUPISO YECHIDZIDZO: Taura zvinhu zvine umboo hwekuti ndezvechokwadi kuti ubatsire vateereri vako kuti vasare vaine pfungwa yakarurama.

MAITIRWO AZVO:

  • Tsvaga mashoko akarurama. Taura zviri muShoko raMwari, uchiriverenga pese pazvinoita. Kana uchizotaura zvakaongororwa nevesayenzi, kana zvakabuda munhau, kana zvimwe zvinhu zvakaitika, kana humwewo uchapupu, gara waongorora kuti mashoko acho akarurama here uye kuti haana kuzochinja here nekufamba kwenguva.

  • Usashandisa mashoko zvisiri izvo. Tsanangura magwaro zvisingapesani nenyaya inenge ichitaurwa, nedingindira reBhaibheri, uye nezvakabudiswa ‘nemuranda akatendeka, akangwara.’ (Mat. 24:45) Shandisa mashoko akanyorwa kana akataurwa nemumwe munhu usingapesani nepfungwa yaaitaura uye nechinangwa chake.

    Zano

    Usawedzeredza mashoko kana manhamba. Kana pakataurwa kuti “vamwe vanhu” iwe usazoti “vanhu vese,” kana pakanzi “dzimwe nguva” iwe usazoti “nguva dzese” uye kana pakanzi “zvichida zvakaitika” iwe usabva wati “zvakatoitika.”

  • Batsira vateereri kuti vafunge uchishandisa uchapupu huripo. Kana waverenga rugwaro kana kuti wataura mashoko evamwe vanhu, bvunza mibvunzo yakakodzera kana kuti ipa muenzaniso wekushanda kwazvo kuti vateereri vaone vega kuti vanofanira kuitei.

MUUSHUMIRI

Paunenge uchigadzirira kuenda muushumiri, funga nezvemibvunzo yaungangobvunzwa nevanhu, wotsvaga mhinduro dzacho. Kana munhu akakubvunza mubvunzo wausingazivi mhinduro, muudze kuti unoda kumbonotsvaga mhinduro yacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe