RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 11 p. 14
  • Kutaura Nechido

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutaura Nechido
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Kutaura Zvinobaya Mwoyo
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Dzidzisa Nechido
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Kufarira Vanhu Uye Kuvanzwira Tsitsi
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Ita Kuti Vateereri Vadzidze Chimwe Chinhu
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 11 p. 14

CHIDZIDZO 11

Kutaura Nechido

Rugwaro

VaRoma 12:11

PFUPISO YECHIDZIDZO: Taura nechido kuti ukurudzire vateereri kuita zvauri kudzidzisa.

MAITIRWO AZVO:

  • Mashoko auchataura ngaanyure mumwoyo mako. Paunenge uchigadzirira zvauchataura, fungisisa kukosha kwemashoko acho. Gadzirira kusvika wava kunyatsoziva mashoko acho zvekuti unogona kuataura zvichibva pamwoyo.

  • Funga nezvevateereri vako. Fungisisa kuti zvauchaverenga kana zvauchataura zvichabatsira sei vamwe. Funga zvaungaita kuti utaure nenzira inoita kuti vateereri vanyatsokoshesa mashoko ako.

  • Taura zvine upenyu. Mashoko ako ngaave nesimba. Ratidza manzwiro auri kuita kuburikidza nezvaunoita chiso chako uyewo nekushandisa nhengo dzemuviri sezvaunongoita mazuva ese.

    Zano

    Kuti urege kuvhiringidza vateereri, usaite katsika kekungoshandisa nhengo imwe chete yemuviri. Zvaunoita zvinofanira kuenderana nezvauri kutaura. Paunenge uchitaura pfungwa huru kana kuti uchikurudzira vateereri vako kuita zvauri kutaura ndipo paunofanira kuwedzera kuva nechido. Asi kana ukazonyanyisa kuratidza chido kubva hurukuro ichitanga kusvika yapera, unonetesa vateereri vako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe