PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 3-5
Marwadzo Akakonzerwa Nenhema Dzekutanga
Satani ari kutsausa vanhu kubvira paakanyepera Evha. (Zva 12:9) Nhema dzinotevera dzinotaurwa naSatani dzinotadzisa sei vanhu kuti vaswedere pedyo naJehovha?
Hakuna Mwari
Mwari Utatu
Mwari haana zita
Mwari anoranga vanhu nekusingaperi mumoto
Zvinhu zvese zvinokonzerwa naMwari
Mwari haana hanya nevanhu
Nhema idzi dzinotaurwa naSatani nezvaJehovha dzinoita kuti unzwe sei?
Ungabatsira sei kuchenesa zita raJehovha?