RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 2 p. 5
  • Kuita Seuri Kutaurirana Nevateereri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Seuri Kutaurirana Nevateereri
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Kutaura Nechido
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kuva Akasununguka
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ratidza Kuti Une Chokwadi Nezvauri Kutaura
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kufarira Vanhu Uye Kuvanzwira Tsitsi
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 2 p. 5

CHIDZIDZO 2

Kuita Seuri Kutaurirana Nevateereri

Rugwaro

2 VaKorinde 2:17

PFUPISO YECHIDZIDZO: Taura sezvaunoita mazuva ese, uchinyatsoratidza kuti unonzwa sei nezvenyaya yacho uye nezvevateereri vako.

MAITIRWO AZVO:

  • Nyatsogadzirira uye nyengetera. Nyengeterera kuti uise pfungwa dzako pamashoko auri kuda kutaura, kwete pauri. Nyatsoziva pfungwa huru dzauri kuda kutaura. Shandisa mashoko ako; usangodzokorora mashoko akanyorwa sezvaari.

    Zano

    Kana uchizoverenga Bhaibheri kana kuti chimwe chinyorwa, gadzirira zvizere mashoko acho kusvika wava kuaziva kuti uzoverenga uchitsetsenura. Kana uchiverenga mashoko akataurwa nemumwe munhu, averenge zvine upenyu asi usazonyanyisa.

  • Taura zvichibva pamwoyo. Funga kuti nei vateereri vako vachifanira kunzwa zvauri kuda kutaura. Isa pfungwa dzako pavari. Kana ukadaro, mamiriro ako, zvaunoita nhengo dzemuviri uye chiso chako, zvichabva zvaratidza kuti une ushamwari uye uri kutaura zvichibva pamwoyo.

    Zano

    Kunyange zvazvo uchifanira kutaura sezvaunoita mazuva ese, usabva wazoita zvinoita kuti shoko rako risaremekedzwe. Ita kuti vanhu varambe vachiremekedza shoko rako kuburikidza nekutaura mashoko akajeka uchitevedzera mitemo yemutauro.

  • Tarisa vateereri vako. Ramba uchitarisa vateereri vako kana zvisingazovavhiringi. Kana uchipa hurukuro, tarisa muteereri mumwe chete wozoenda pane mumwe, pane kungovatarisa seboka kana kuti kungokanda maziso pavari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe