RWIYO 31
Famba naMwari!
Rakaprindwa
(Mika 6:8)
1.Famba naMwari nemwero;
Nerudo rwakasimba.
Iva pedyo naye, umuvimbe,
Kuti akusimbise.
Ubatisise Shoko rake;
Hauzokukurwi.
Mwari akutungamire,
Uchimuteerera.
2.Famba naye muutsvene;
Ufunge zvakachena.
Nyange miedzo ikakurisa,
Naye uchairwisa.
Zvinhu zvese zvinorumbidzwa,
Zvese zvechokwadi.
Fungisisa zvinhu izvi,
Mwari achava newe.
3.Famba naye uchifara,
Ndiye Shamwari yako.
Tenda nezvipo zvaanokupa,
Zvikomborero zvake.
Famba naMwari nemufaro,
Uimbe nem’faro.
Vese vachaziva kuti
Uri wake, Jehovha.
(Onawo Gen. 5:24; 6:9; VaF. 4:8; 1 Tim. 6:6-8.)