PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 9-11
“Nyika Yese Yakanga Iine Mutauro Mumwe Chete”
Jehovha akaparadzira vanhu vaiva paBhabheri vakanga vasingateereri nekuvhiringidza mutauro wavo. Mazuva ano ari kuunganidza boka guru revanhu kubva kumarudzi ese nendimi uye ari kuvapa “mutauro wakachena” kuitira kuti ‘vadane zita raJehovha, uye kuti vamushumire vakabatana.’ (Zef 3:9; Zva 7:9) “Mutauro wakachena” uyu ichokwadi nezvaJehovha uye zvinangwa zvake zviri muBhaibheri.
Munhu paanodzidza mutauro mutsva haangodzidzi mashoko matsva chete asi anotodzidzawo kuva nemafungiro matsva. Patinodzidzawo mutauro wakachena wechokwadi, pfungwa dzedu dzinoshandurwa. (VaR 12:2) Tinoramba tichidzidza mutauro uyu uye izvi zvinoita kuti vanhu vaMwari vabatane.—1VaK 1:10.