Nei Tichifanira Kushuma Zvakaipa?
“ANOFUMURA chinhu anova mhandu yavanhu,” vamwe vanodaro muWest Africa. Ndizvo zvakaitika kuna Olu paakapomera mukoma wake kuita makunakuna nehanzvadzi yake. “Unonyepa!” akashevedzera kudaro mukoma wacho. Ipapo akarova Olu zvinotyisa, akamudzinga pamusha, uye akapisa mbatya dzose dzaOlu. Vanhu vomumusha macho vakatsigira mukoma wacho. Sezvo akanga asisadiwe pamusha, Olu aifanira kuenda. Vanhu vakatozoziva kuti Olu aitaura chokwadi pavakaona musikana wacho ava napamuviri. Mukoma wacho akabvuma mhosva, uye Olu akatanga kufarirwa zvakare. Zvinhu zvaigona kunge zvakaitika nepamwe. Olu aigona kunge akatourawa.
Nenzira yakajeka, vasingadi Jehovha vangasafarira kuti mhosho dzavo dziziviswe. Munhu anotadza anoda kuramba kutsiurwa uye anovenga munhu anomutsiura. (Enzanisa naJohane 7:7.) Hazvishamisi kuti vamwe vanonyarara sematombo kana toreva nezvekuzivisa zvakaipa zvavamwe kune vane chiremera chokuvaruramisa.
Kunzwisisa Kukosha Kwokutsiura
Vanhu vaJehovha, zvisinei, vanoona tsiuro nenzira yakasiyana. Varume navakadzi vanotya Mwari vanonzwisisa zvikuru gadziriro yakaitwa naJehovha yokubatsira vanotadza vari muungano yechiKristu. Vanoziva kuti chirango chakadaro kuratidzwa kwemutsa wake une rudo.—VaHebheru 12:6-11.
Izvozvi zvingaenzaniswa nezvakaitika muupenyu hwaMambo Dhavhidhi. Kunyange zvazvo akanga ari murume akarurama kubvira paupwere hwake zvichienda mberi, pakasvika nguva yaakaita zvakaipa zvakomba. Pakutanga, akaita upombwe. Tevere, achiedza kuvanza chakaipa chake, akaronga kuti murume womukadzi wacho aurawe. Asi Jehovha akazivisa chivi chaDhavhidhi kuna Natani muporofita, uyo akandoona Dhavhidhi noushingi pamusoro penhau yacho. Achishandisa muenzaniso une simba, Natani akabvunza Dhavhidhi chaifanira kuitirwa mupfumi aiva namakwai akawanda asi akatora ndokuuraya gwayana rimwe, raidiwa zvikuru, romurombo kuti afadze shamwari yake. Dhavhidhi, uyo aimbova mufudzi, akatsamwa ndokuvira nehasha. Akati: “Munhu wakaita kudai, anofanira kufa.” Ipapo Natani akataura kuti muenzaniso wacho waireva Dhavhidhi, achiti: “Ndiwe munhu uyo!”—2 Samueri 12:1-7.
Dhavhidhi haana kutsamwira Natani; uyewo haana kuedza kuzvidzivirira kana kuti kudzorera aimutsiura. Panzvimbo pezvo, kutuka kwaNatani kwakasunda hana yake. Abayiwa mwoyo, Dhavhidhi akabvuma kuti: “Ndatadzira Jehovha.”—2 Samueri 12:13.
Kufumura kwaNatani chivi chaDhavhidhi, kuchiteverwa nokutsiura kwoumwari, zvakava nemigumisiro yakanaka. Kunyange zvazvo Dhavhidhi asina kudzivirirwa pamigumisiro yechakaipa chake, akapfidza ndokuyananiswa naJehovha. Dhavhidhi akanzwa sei nokutsiurwa kwakadaro? Akanyora kuti: “Wakarurama ngaandirove netsitsi; ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; musoro wangu haungaarambi; nokuti ndicharamba ndichinyengetera pamusoro pokuipa kwavo.”—Pisarema 141:5.
Muzuva reduwo, vabatiri vaJehovha vanogona kubatanidzwa muchakaipa chakakomba, kunyange vaya vakanga vakatendeka kwemakore akawanda. Vachiziva kuti vakuru vanogona kubatsira, vakawanda vanotanga kuvasvika kuti vabatsirwe. (Jakobho 5:13-16) Asi nedzimwe nguva muiti wechakaipa angaedza kuvanza chivi chake, sezvakaita Mambo Dhavhidhi. Tinofanira kuitei kana tikaziva chakaipa chakakomba chakaitwa muungano?
Ibasa Raani?
Vakuru pavanoziva nezvechakaipa chakakomba, vanosvika munhu akaita izvozvo kuti vape rubatsiro rwunodiwa nokururamisa. Ibasa ravakuru kutonga vakadaro mukati meungano yechiKristu. Vachingwarira umudzimu hwayo, vanobatsira nokukurudzira munhu upi noupi ari kuita nokusachenjera kana kuti zvakaipa.—1 VaKorinte 5:12, 13; 2 Timotio 4:2; 1 Petro 5:1, 2.
Asi zvakadini kana usiri mukuru uye ukaziva nezvechakaipa chakakomba chakaitwa nomumwe muKristu? Nhungamiro dzinowanwa muMutemo wakapiwa naJehovha kurudzi rwaIsraeri. Mutemo wacho waitaura kuti kana munhu akaona mabasa okuramba kutenda, kukurudzira kupanduka, kuponda, kana kuti dzimwe mhosva dzakakomba, raiva basa rake kuzvishuma uye kupupurira zvaaiziva. Revhitiko 5:1 inoti: “Kana munhu akatadza, ari chapupu akapikirwa kupupura chinhu chaakaona, kana chaanoziva, akasadudza, achava nemhosva yake.”—Enzanisa naDheuteronomio 13:6-8; Estere 6:2; Zvirevo 29:24.
Kunyange zvazvo vasiri pasi poMutemo waMosesi, vaKristu nhasi vanogona kutungamirirwa nenheyo dzawo. (Pisarema 19:7, 8) Naizvozvo kana ukaziva chakaipa chakakomba chomumwe muKristu, unofanira kuitei?
Kubata Nenhau Yacho
Kutanga, zvinokosha kuti pave nechikonzero chaicho chokudavira kuti chakaipa chakakomba chakanyatsoitika. “Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva,” akadaro murume akachenjera. “Usanyengedzera nemiromo yako.”—Zvirevo 24:28.
Ungasarudza kuenda kuvakuru pachako. Hazvina kushata kuita kudaro. Zvisinei, nzira inowanzova yorudo kusvika munhu wacho. Zvichida zvinhu hazvina kuita sezvaunofunga kuti ndizvo zvazviri. Kana kuti pamwe nhau yacho iri kutobatwa nevakuru. Kurukura nhau yacho nomunhu wacho zvakaterama. Kana uchine chikonzero chokudavira kuti chakaipa chakakomba chakaitwa, mukurudzire kusvika vakuru kuti vabatsire, uye tsanangura uchenjeri hwokuita kudaro. Usataurire vamwe pamusoro penhau yacho, nokuti kuita kudaro makuhwa.
Kana munhu wacho asingashumi kuvakuru mukati menhambo ine mufungo, ipapo unofanira kuzviita. Mukuru mumwe kana kuti vaviri panguva iyoyo vachakurukura nhau yacho neari kupomerwa. Vakuru vanofanira ku“ferefeta, nokutsvakisisa, nokubvunzisisa kwazvo” kuti vaone kana chakaipa chakaitwa. Kana chakaitwa, vachabata nhau yacho maererano nenhungamiro dzaMagwaro.—Dheuteronomio 13:12-14.
Zvapupu zviviri zvinodiwa kuti zvitsigire pomero yechakaipa. (Johane 8:17; VaHebheru 10:28) Kana munhu wacho akaramba pomero uye chipupuriro chako chiricho choga, nhau yacho ichasiyiwa mumaoko aJehovha. (1 Timotio 5:19, 24, 25) Izvozvi zvinoitwa tichiziva kuti zvinhu zvose zvaka“zarurwa” kuna Jehovha kuti kana munhu wacho aine mhaka, pakupedzisira zvivi zvake “zvicha[m]uwana.”—VaHebheru 4:13; Numeri 32:23.
Asi ngatitii munhu wacho anoramba zvaari kupomerwa uye ndiwe bedzi chapupu chiri kumupomera. Panguva ino unganzi wachera here? Aiwa, kutoti waita makuhwa nevasingabatanidzwi munhau yacho. Hakusi kuchera kushuma mamiriro ezvinhu anotapura ungano kune avo vane chiremera nomutoro wokutarira nokururamisa zvinhu. Kutaura idi, zviri maererano nechishuvo chedu chokuita zvakarurama uye zvakavimbika nguva dzose.—Enzanisa naRuka 1:74, 75.
Chengeta Utsvene Muungano
Chimwe chikonzero chokushuma zvakashata ndechokuti zvinochengetedza ungano yakachena. Jehovha ndiMwari akachena, Mwari mutsvene. Anoda kuti vose vanomunamata vave vakachena mumudzimu nomutsika. Shoko rake rakafuridzirwa rinokurudzira kuti: “Muve savana vanoteerera, musingaenzanisi mufambire wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu; asi saiye mutsvene wakakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambire wenyu wose; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” (1 Petro 1:14-16) Vanhu vanoita zvinhu zvisina kuchena kana kuti zvakaipa vanogona kusvibisa ungano yose ndokusafadza Jehovha kutoti chiito chokururamisa kana kuti kuvabvisa chikaitwa.—Enzanisa naJoshua, ganhuro 7.
Tsamba dzomuapostora Pauro kuungano yechiKristu yaiva paKorinte dzinoratidza kuti kushuma zvakaipa kwakachenesa sei vanhu vaMwari vaiva ikoko. Mutsamba yake yokutanga, Pauro akanyora kuti: “Vanhu vose vanoti upombwe huripo pakati penyu, upombwe hwakadaro husingazikanwi kunyange pakati pavahedheni, hwokuti mumwe unogara nomukadzi wababa vake.”—1 VaKorinte 5:1.
Bhaibheri haritiudzi kuti muapostora akanzwa mushumo uyu kunaani. Zvingava kuti Pauro akaziva nezvemumiriro wacho wezvinhu kuna Stefana, Fortunato, naAkaiako, avo vakanga vafamba kubva kuKorinte kusvikira kuEfeso kwakanga kuchigara Pauro. Pauro akanga agamuchirawo tsamba yaibvunza yaibva kuungano yechiKristu yaiva muKorinte. Kupi nokupi kwayakabva, nhau yacho payakangoshumwa chete kuna Pauro nezvapupu zvaivimbika, ipapo akakwanisa kupa nhungamiro pamusoro penhau yacho. “Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa,” akanyora kudaro. Munhu wacho akadzingwa muungano.—1 VaKorinte 5:13; 16:17, 18.
Murayiridzo waPauro wakaunza migumisiro yakanaka here? Zvirokwazvo wakadaro! Sezviri pachena, muiti wezvakaipa akapfidza. Mutsamba yake yechipiri kuvaKorinte, Pauro akakurudzira kuti ungano i“kanganwire nokunyaradza” munhu akanga apfidza. (2 VaKorinte 2:6-8) Nokudaro kushuma chakaipa kwakaita kuti paitwe chiito chakaguma nokucheneswa kweungano uye kudzorerwa kunyasha dzaMwari kwemunhu akanga akuvadza ushamwari hwake naMwari.
Tinowana mumwe muenzaniso mutsamba yaPauro yokutanga kuungano yechiKristu yaiva muKorinte. Panguva ino muapostora anodudza zvapupu zvakashuma nhau yacho. Akanyora kuti: “Ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navari vokwaKroe, kuti kune gakava pakati penyu.” (1 VaKorinte 1:11) Pauro aiziva kuti gakava irori, pamwechete nokurumbidza vanhu zvisina kufanira, rakanga rakonzera kuita mapoka-mapoka aizotyisidzira kuparadza chinzwano cheungano. Nokudaro, achirangarira zvikuru garikano yomudzimu yavatendi biyake vaiva ikoko, Pauro akaita chiito nokukurumidza ndokunyora zano rokururamisa ungano yacho.
Nhasi, ruzhinji rwehama dzakawanda nehanzvadzi dziri muungano kupota pasi rose dzinoshanda nesimba kuti dzichengetedze kuchena mumudzimu kweungano kupfurikidza nokuchengeta ukama hunotenderwa naMwari somunhu oga. Vamwe vanotambura kuti vaite kudaro; vamwe vakatofa kuitira kuti varambe vakatendeseka. Zvechokwadi kufuratira kana kuti kuvhara chakaipa kungaratidzira kusaonga nhamburiko idzi.
Kubatsira Vanotadza
Nei vamwe vakaita chivi chakakomba vasingadi kuudza vakuru veungano? Kazhinji kazhinji imhaka yokuti havazivi betsero dzokuenda kuvakuru. Vamwe vanodavira zvisina kururama kuti kana vakareurura, chivi chavo chichafumurwa kuungano yose. Vamwe havadi kuona kukomba kwomuitiro wavo. Vamwewo vanofunga kuti vanogona kuzvigadzirisa vasingadi rubatsiro rwavakuru.
Asi vaiti vezvakaipa vakadaro vanoda rubatsiro rune rudo rwevakuru veungano. Jakobho akanyora kuti: “Kune mumwe unorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raShe. Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa unorwara, Ishe uchamumutsa; kana akaita zvivi, uchazvikanganwirwa.”—Jakobho 5:14, 15.
Igadziriro yakaisvonaka zvakadini yokubatsira vanotadza kudzorera umudzimu hwavo! Kupfurikidza nokushandisa zano rinozorodza reShoko raMwari uye kupfurikidza nokuvanyengeterera, vakuru vanogona kubatsira vanorwara mumudzimu kunaya panzira dzavo dzokutadza. Nokudaro, panzvimbo pokunzwa vaine mhosva, vanopfidza vanowanzozorodzwa ndokunyevenutswa pavanoonana navakuru vane rudo. Rimwe jaya rokuWest Africa rakaita ufeve ndokuvanza chivi charo kwemwedzi yakati. Pashure pokunge chivi chake chaoneka, akati kuvakuru: “Ndinoshuva kuti dai paine munhu akandibvunza nezvekufambidzana kwangu nomusikana iyeye! Zvinozorodza zvikuru kureurura chivi changu.”—Enzanisa nePisarema 32:3-5.
Chiito Chorudo
Vabatiri vaMwari vakabhabhatidzwa “[va]kabva murufu [vaka]pinda muupenyu.” (1 Johane 3:14) Asi kana vakaita chivi chakakomba, vadzokera kunzira yorufu. Kana vasingabatsirwi, vangatozonyanyisa kuita zvakaipa, vasingashuvi kupfidza ndokunamata zvakare Mwari wechokwadi.—VaHebheru 10:26-29.
Kushumwa kwezvakaipa chiito chokuitira hanya kwechokwadi kwomuiti wechakaipa. Jakobho akanyora kuti: “Hama dzangu, kana kune munhu pakati penyu wakatsauka pazvokwadi, mumwe akamudzora, ngaazive kuti unodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya parufu nokufukidza zvivi zvizhinji.”—Jakobho 5:19, 20.
Naizvozvo, ipapo, nei tichifanira kushuma zvakaipa? Nemhaka yokuti zvinobatsira. Chaizvoizvo, kushuma zvakaipa chiito chorudo rwechiKristu rwunoratidzwa kuna Mwari, kuungano, uye kumuiti wezvakaipa. Sezvo mutezo mumwe nomumwe weungano unotsigira nokuvimbika mipimo yaMwari yakarurama, Jehovha achakomborera zvikuru ungano yose zvayo. Muapostora Pauro akanyora kuti: “[Jehovha] uchakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi pazuva raShe Jesu Kristu.”—1 VaKorinte 1:8.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Zvinoratidza rudo kukurudzira Chapupu chinotadza kutaura navakuru
[Mufananidzo uri papeji 28]
Vakuru vanobatsira kuti anotadza ave nenyasha dzaMwari zvakare