RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 9/1 pp. 12-15
  • Adhamu naEvha Vaiva Vanhu Chaivoivo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Adhamu naEvha Vaiva Vanhu Chaivoivo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhoroondo yaGenesisi Yakarurama Here Mune Zvesayenzi?
  • Uchapupu Huri muBhaibheri
  • Kana Adhamu naEvha Vasina Kumborarama, Dzimwe Dzidziso Dziri muBhaibheri Hadzingavi Dzechokwadi
  • Upenyu—Hune Chinangwa Here Kana Kuti Hauna?
  • Muvengi Wokupedzisira, Rufu, Achaparadzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Tinogona Kudzidza Kuvanhu Vaviri Vokutanga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Adhamu naEvha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 9/1 pp. 12-15

Adhamu naEvha Vaiva Vanhu Chaivoivo Here?

KUVANHU vakawanda, nhoroondo iri muna Genesisi yaAdhamu naEvha inongoita senganowo zvayo inonakidza. Imwe tsamba yakanyorerwa mupepeti wemagazini inonzi Time inoti, “Kubvira kare, vanhu vari muzvitendero zvikuru zvechiKristudhomu vave vachiona nyaya dziri muna Genesisi dzakadai seyaAdhamu naEvha sengano.” Vakawanda vanopinda chechi yeRoma, chechi dzakabva mune yeRoma, uye nyanzvi dzechiJudha vanobvumirana nazvo. Vanoti zvakawanda zviri muna Genesisi hazviwirirani nenhoroondo dzezvakaitika kare kana nesayenzi.

Unofungei? Unotenda here kuti Adhamu naEvha vaiva vanhu chaivoivo? Pane uchapupu here hunoratidza kuti vakamborarama? Ukuwo, chii chinoita kuti tisagumisa kuti nhoroondo yaGenesisi inongova nganowo zvayo?

Nhoroondo yaGenesisi Yakarurama Here Mune Zvesayenzi?

Chokutanga, ngatidzokororei zvinhu zvikuru zvakaitika zviri munhoroondo yokusikwa kwemunhu wokutanga. NezvaAdhamu, Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva revhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu, munhu akava mweya mupenyu.” (Genesisi 2:7) Mashoko aya akarurama here mune zvesayenzi?

Bhuku rinonzi Nanomedicine rinoti muviri womunhu une zvinhu 41 zvinoumba makemikari. Zvinhu izvi zvinoti kabhoni, iron, okisijeni, nezvimwe—zvose zviri ‘muvhu’ renyika. Saka, sokutaura kunoita Genesisi, chokwadi vanhu vakaumbwa “neguruva revhu.”

Zvinhu izvozvo zvisina upenyu zvakasvika sei pakubatana kuti pave nomunhu mupenyu? Kuti tinzwisise kuoma kwazvakaita, chimbofunga nezvechitundumuseremusere chakagadzirwa neNASA, mumwe wemichina wakaoma kunzwisisa wati wambogadzirwa. Muchina uyu unoshamisa une mapatsi 2,5 miriyoni. Wakatorera zvikwata zvemainjiniya makore akawanda kuugadzira. Zvino chifunga nezvomuviri womunhu. Une maatomu anenge 7 octillion, masero 100 tiririyoni, nhengo dzakawanda, uye zvinhu 9 zvikuru zvinoitwa nenhengo dzawo.a Muviri womunhu wakaoma kunzwisisa kudai uye wakanaka zvikuru wakavapo sei? Wakangoerekana wavapo woga here kana kuti wakagadzirwa nomumwe munhu akachenjera?

Uyezve, chii chinoita kuti vanhu vararame? Upenyu hunombobva kupi chaizvo? Masayendisiti anoti haazivi. Kutaura zvazviri, nezvokuti upenyu hwakabva kupi, havana kana tsanangudzo imwe chete yavanobvumirana. Kune vaya vanotenda kuti kune Musiki, mhinduro yacho ingori pachena. Zvechokwadi, hunobva kuna Mwari.b

Zvakadii nezverondedzero iri muna Genesisi inoti Evha akabva pambabvu yaAdhamu? (Genesisi 2:21-23) Usati waramba nhoroondo iyi sengano yokufungidzira, chimbofunga nezvemashoko aya anotevera: Muna January 2008, masayendisiti okuCalifornia, U.S.A., akagadzira vana vakafanana achibatanidza masero eganda romunhu akura nemazai aamai. Kutaura zvazviri, achishandisa nzira dzakadai, masayendisiti akaita izvi pamhuka dzinenge 20 dzakasiyana-siyana. Inonyanya kuzivikanwa ihwai inonzi Dolly, yakaumbwa muna 1996 pachishandiswa sero rakatorwa muzamu rehwai yakanga yakura.c

Hatisati taziva kuti zviri kumboitwa izvi zvichaguma nei. Asi pfungwa iri apa ndeyokuti: Kana vanhu vachikwanisa kubvisa masero pane chimwe chinhu chipenyu kuti vagadzire chimwe cherudzi rwakafanana, Musiki wemasimba ose aizotadza here kuumba munhu kubva pane mumwe munhu? Sezvineiwo, vanachiremba vanovhiya vanogara vachishandisa bvupa rembabvu pakutsiva bvupa rinenge rakuvara nokuti bvupa rembabvu rinokwanisa kukurazve uye kuzvitsiva.

Uchapupu Huri muBhaibheri

Vamwe vanhu vanoshamisika kuziva kuti Adhamu naEvha vanodzokororwa kakawanda muBhaibheri. Mashoko iwayo anoratidzei nezvenhoroondo iri muna Genesisi yezvakaitika kare?

Somuenzaniso, chimbofunga nezvemazita edzinza revaJudha ari mubhuku reBhaibheri reMakoronike Wokutanga, zvitsauko 1 kusvika ku9 uye ari muEvhangeri yaRuka chitsauko 3. Kudonongodzwa uku kunoshamisa kwedzinza revaJudha kunotaura zvizvarwa 48 uye 75. Ruka anoratidza dzinza raJesu Kristu, asi mashoko ari muna Makoronike anoratidza madzinza oumambo uye oupristi murudzi rwevaIsraeri. Mumabhuku ose aya mune mazita evanhu vanonyatsozivikanwa vakadai saSoromoni, Dhavhidhi, Jakobho, Isaka, Abrahamu, Noa, uye ozogumisa naAdhamu. Mazita ose ari mumabhuku aya maviri ndeevanhu chaivoivo, uye Adhamu aiva munhu chaiyeiye wokutanga akadudzwawo.

Uyewo, kakawanda Bhaibheri rinoratidza kuti Adhamu naEvha vaiva vanhu chaivoivo, kwete vanhu vengano. Iyi mimwe mienzaniso inoratidza izvi:

• “[Mwari] akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete.”—MABASA 17:26.

• “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete . . . rufu rwakava mambo kubvira kuna Adhamu kusvikira kuna Mosesi.”—VAROMA 5:12, 14.

• “Munhu wokutanga Adhamu akava mweya mupenyu.”—1 VAKORINDE 15:45.

• “Adhamu akatanga kuumbwa, kukazotevera Evha.”—1 TIMOTI 2:13.

• “Inoki, wechinomwe mumutsara kubva kuna Adhamu, akaprofitawo pamusoro [pevakaipa].”—JUDHA 14.

Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti, Jesu Kristu, chapupu chakavimbika zvikuru kupfuura zvose zviri muBhaibheri, akabvuma kuti Adhamu naEvha vakararama. Paakabvunzwa nezvenyaya yokurambana, Jesu akapindura kuti: “Kubvira pakutanga kwokusika ‘[Mwari] akavaita munhurume nomunhukadzi. Nokuda kweizvi murume achasiya baba vake naamai, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’ . . . Naizvozvo ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mako 10:6-9) Jesu aizoshandisa nyaya yengano here kuti ataure chinhu chinotosungirwa kuti chiitwe nomutemo? Kwete! Jesu akadzokorora mashoko ari muna Genesisi nokuti ndeechokwadi.

Richipa mhedziso nezveuchapupu hwose huri muMagwaro, The New Bible Dictionary rinogumisa richiti: “Testamende Itsva inopupurirawo nhoroondo yezvakaitika iri muzvitsauko zvokutanga zviri muna Genesisi.”

Kana Adhamu naEvha Vasina Kumborarama, Dzimwe Dzidziso Dziri muBhaibheri Hadzingavi Dzechokwadi

Vanhu vakawanda vepachokwadi vanoenda kuchechi vanofunga kuti kutenda kuti Adhamu naEvha vaivapo hakukoshi pakuva muKristu akanaka. Zvingaita saizvozvo kana pasina kuongorora. Asi ngatimbofungai nezvemashoko anotevera uye toona kuti zvingatisvitsa kupi.

Somuenzaniso, chimbofunga nezveimwe dzidziso iri muBhaibheri inodiwa kwazvo nevanhu vanoenda kuchechi—rudzikinuro. Maererano nedzidziso iyi, Jesu Kristu akapa upenyu hwake hwakakwana sorudzikinuro kuti aponese vanhu pazvivi zvavo. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Sezvatinoziva, rudzikinuro muripo unoenderana unoshandiswa pakudzikinura kana kuwanazve chinhu chinenge charasika kana kuti chakakanganiswa. Ndokusaka Bhaibheri richiti Jesu “rudzikinuro runoenzanirana.” (1 Timoti 2:6) Tingabvunza kuti kuenzanirana nechii? Bhaibheri rinopindura kuti: “Vose zvavari kufa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.” (1 VaKorinde 15:22) Upenyu hwakakwana hwakabayirwa naJesu kuti adzikinure vanhu vanoteerera hunoenzana noupenyu hwakakwana hwakaraswa naAdhamu pamusana pechivi chokutanga chakaitwa muEdheni. (VaRoma 5:12) Zviri pachena kuti kana Adhamu asina kurarama, chibayiro chaKristu chorudzikinuro chaisazova nechinangwa zvachose.

Kuramba kana kurerutsa nhoroondo yaGenesisi yaAdhamu naEvha seisina kuitika kunongoita kuti dzimwe dzidziso dzose dziri muBhaibheri dzisavawo dzechokwadi!d Mafungiro akadaro anosiya mibvunzo yakawanda isina kupindurwa uye kutenda kusina pakwakavakirwa.—VaHebheru 11:1.

Upenyu—Hune Chinangwa Here Kana Kuti Hauna?

Tinozopedzisira tasarirwa nemubvunzo uyu unokosha: Kurambwa kwenhoroondo yezviri muna Genesisi kunogutsa vanhu here kuti vave nechinangwa muupenyu? Maererano naRichard Dawkins, asingatendi kuti kuna Mwari uye mutsigiri mukuru wedzidziso yokuti zvinhu zvakashanduka, zvinhu zvose zviripo “hazvina akazvigadzira, hazvina chinangwa, uye hazvina hanya kuti zvii zvingaitika.” Chokwadi aya maonero asina tariro zvachose, akatonyatsosiyana nounhu hwevanhu!

Zvakatonyatsosiyana neizvi ndezvokuti Bhaibheri rinopindura zvinogutsa mibvunzo inonetsa zvikuru youpenyu seiyi: Takabva kupi? Chinangwa choupenyu ndechei? Nei kuine uipi nokutambura kwazvo munyika? Uipi huchazombopera here? Uye nemimwewo mibvunzo yakawanda. Uyezve, kutenda rudzikinuro rwaKristu kunoita kuti tive netariro yokurarama nokusingaperi mumamiriro ezvinhu eParadhiso seaiva muEdheni, umo Mwari akaisa vanhu vokutanga Adhamu naEvha. (Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3-5) Chokwadi iyi itariro yakazonaka!e

Kunyange zvazvo nhoroondo yaAdhamu naEvha ingasabvumirana nedzidziso yokuti zvinhu zvakashanduka-shanduka, inopindirana nezvinozivikanwa nesayenzi. Uyezve, inonyatsopindirana neShoko rose raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri, rinoratidza zvinogutsa chinangwa choupenyu.

Saka wadii waongororazve Bhaibheri iwe pachako? Zvapupu zvaJehovha zvakatogadzirira uye zvinoda kukubatsira.

[Mashoko Omuzasi]

a KuUnited States pavanoverenga nhamba, nhamba idzi dzinoreva 7 achiteverwa nemazero 27 uye 100 achiteverwa nemazero 12.

b Kana uchida mamwe mashoko, ona mabhuku anoti Is There a Creator Who Cares About You? uye Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

c Ichokwadi kuti masayendisiti haasi kutanga upenyu paari kuita izvi. Asi anoita izvi achishandisa masero ezvinhu zvipenyu.

d Dzidziso idzi dzinosanganisira uchangamire hwaMwari, kuvimbika kwevanhu, zvakanaka nezvakaipa, rusununguko rwokusarudza, mamiriro ezvinhu evakafa, kuroorana, Mesiya akavimbiswa, nyika ichava paradhiso, Umambo hwaMwari, nedzimwewo dzakawanda.

e Kana uchida mamwe mashoko, ona bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? chitsauko 3, chinoti, “Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?,” uye chitsauko 5, “Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari,” rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Zviri pachena kuti kana Adhamu asina kurarama, chibayiro chaKristu chorudzikinuro chaisazova nechinangwa zvachose

[Mifananidzo iri papeji 12, 13]

Sezvakangoita chimutundumuseremusere chakagadzirwa nounyanzvi, ndizvowo zvakaitwa muviri womunhu

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jesu akabvuma kuti Adhamu naEvha vakararama

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe