RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr23 March pp. 1-11
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2023
  • Misoro Midiki
  • MARCH 6-12
  • MARCH 13-19
  • MARCH 20-26
  • MARCH 27–APRIL 2
  • SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
  • APRIL 10-16
  • APRIL 17-23
  • APRIL 24-30
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—2023
mwbr23 March pp. 1-11

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

© 2022 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania

MARCH 6-12

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MAKORONIKE 23-26

“Kunamata Kunoitwa paTemberi Kunonyatsorongwa”

it-2-E 241

VaRevhi

Basa revaRevhi rakanga rakanyatsorongwa Dhavhidhi paaiva mambo. Akagadza vamwe vaRevhi sevatungamiriri, vatariri, vatongi, varindi vemagedhi nevachengeti vepfuma, uyewo vamwe vakawanda kuti vabatsire vapristi pamabasa ane chekuita nezvibayiro, kunatswa kwezvinhu, kuyera uye mabasa ekurinda akasiyana-siyana aiitwa mutemberi, muzvivanze, uye mudzimba dzekudyira. VaRevhi vaiva vaimbi vakanga vakarongwa mumapoka 24, sezvakanga zvakaitwa vapristi uye vaiita majana ekushumira. Paikandwa mijenya kuti vapiwe mabasa avo. Kune vaya vakagadzwa kuva mumapoka evarindi vemagedhi, paikandwawo mijenya kuti pasarudzwe kuti vaizonorinda pagedhi ripi.—1Mak 23; 25; 26; 2Mak 35:3-5, 10.

it-2-E 686

Mupristi

Pavaiita mabasa ekushumira patemberi, vapristi vaiva vakarongwa pasi pevatariri vakasiyana-siyana. Paikandwa mijenya kuti pasarudzwe kuti vaizoita mabasa api. Pamapoka 24 evapristi aivapo, rimwe nerimwe raiva nejana rekushumira kwevhiki rimwe chete, saka zvinoreva kuti gore rega rega vaizoshumira kaviri. Asi kungofanana nezvavakaita pakakumikidzwa temberi, vapristi vese vaishumira paiitwa mitambo nekuti vanhu vaipa zviuru zvezvibayiro. (1Mak 24:1-18, 31; 2Mak 5:11; enzanisa na2Mak 29:31-35; 30:23-25; 35:10-19.) Mupristi aigonawo kushumira pane dzimwe nguva chero bedzi asingavhiringidzi mabasa aiitwa nevapristi vanenge vaine jana rekushumira. Maererano netsika dzavanarabhi, munguva yaJesu vapristi vakanga vakawanda, saka mhuri dzinenge dziri muboka rine jana rekushumira vhiki racho dzaigona kunzi dzishumire kwezuva rimwe chete kana kupfuura zvichienderana nekuwanda kwavo.

it-2-E 451-452

Mumhanzi

Paaironga kuti zvinhu zvaizoitwa sei patemberi yaJehovha, Dhavhidhi akaita kuti vaRevhi 4 000 vaone nezvemimhanzi. (1Mak 23:4, 5) PavaRevhi ava, 288 ‘vakanga vakadzidziswa kuimbira Jehovha, uye vese vaiva nyanzvi.’ (1Mak 25:7) Urongwa uhwu hwaitungamirirwa nevarume vatatu vaiva nyanzvi dzekuimba vaiti Asafi, Hemani, naJedhutuni (uyo anofanirawo kunge ainzi Etani). Sezvo mumwe nemumwe wevarume ava aibva mumhuri yevanakomana vaRevhi vanoti Geshomu, Kohati naMerari, mhuri dzese nhatu dzevaRevhi dzaibatanidzwawo paurongwa hwekuimba hwaiitwa patemberi. (1Mak 6:16, 31-33, 39-44; 25:1-6) Vanakomana vaAsafi, Hemani, naJedhutuni vaiva 24, uye vese vaiva pakati penyanzvi 288 dzambotaurwa. Mwanakomana mumwe nemumwe akasarudzwa pachishandiswa mujenya kuti atungamirire rimwe boka revaimbi. Muboka raaitungamirira maiva nedzimwe “nyanzvi” 11 dzaisarudzwa kubva pavanakomana vake nevamwewo vaRevhi. Saka, kungofanana nevapristi avo vakanga vakaiswa mumapoka 24, nyanzvi dzekuimba 288 ([1 + 11] × 24 = 288) dzakanga dzakaiswawo mumapoka 24. Saka kana vaRevhi vasara 3 712 ‘vaidzidzira’ vakanga vakaiswawo mumapoka 24, varume 155 vaizowedzerwa kuboka rimwe nerimwe. Izvi zvinoreva kuti nyanzvi imwe neimwe yaizova nevaRevhi vanenge 13 vayaidzidzisa. (1Mak 25:1-31) Panhamba yevaRevhi vaiita zvekuimba, paizowedzerwawo vapristi vairidza mabhosvo.—2Mak 5:12; enzanisa naNu 10:8.

it-1-E 898

Murindi Wepagedhi

MuTemberi. Nguva pfupi asati afa, Mambo Dhavhidhi akanyatsoronga vaRevhi nevashandi vepatemberi, kusanganisira varindi vepamagedhi, avo vaiva 4 000. Boka rimwe nerimwe raiva nejana rekushumira patemberi kwemazuva 7. Vaifanira kurinda imba yaJehovha uye kuona kuti masuo avhurwa nekuvharwa nenguva. (1Mak 9:23-27; 23:1-6) Kunze kwekuita basa rekurinda, vamwe vaiona nezvemipiro yaiunzwa nevanhu kuti ishandiswe patemberi. (2Mad 12:9; 22:4) Pava paya, mupristi mukuru Jehoyadha paakazodza Jehoashi samambo, vamwe varindi vakagadzwa kuti varinde pamagedhi etemberi vachidzivirira Jehoashi, uyo akanga achiri mudiki, kuti asaurayiwa naMambokadzi Atariya. (2Mad 11:4-8) Mambo Josiya paaiparadza kunamatwa kwezvidhori, varindi vemasuo vakabatsira kubvisa mutemberi zvinhu zvaishandiswa pakunamata Bhaari. Zvinhu izvozvo zvakazonopiswa kunze kweguta.—2Mad 23:4.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w22.03 22 ¶10

Kunamata Kwechokwadi Kuchaita Kuti Uwedzere Kufara

Tinonamata Jehovha patinoimba nehama nehanzvadzi dzedu. (Pis. 28:7) VaIsraeri vaiona kuimba sechikamu chakakosha pakunamata kwavo. Mambo Dhavhidhi akasarudza vaRevhi 288 kuti vave vaimbi vepatemberi. (1 Mak. 25:1, 6-8) Mazuva ano tinogona kuratidza kuda kwatinoita Mwari patinoimba nziyo dzekurumbidza. Kunaka kwenzwi redu hakusiriko kunonyanya kukosha. Funga izvi: Patinotaura, “tese tinokanganisa kazhinji,” asi izvozvo hazvititadzisi kutaura muungano uye muushumiri. (Jak. 3:2) Saizvozvowo, tinogona kuimba tichirumbidza Jehovha kunyange tichifunga kuti hatigoni kunyatsoimba.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

Nei vaKristu Vakanyatsorongeka?

w11 6/1 14-15

Mwari Ane Sangano Here?

Marongerwo akaitwa vaKristu vechokwadi anoita kuti vabudirire kuita basa ravo. (Mateu 24:14; 1 Timoti 2:3, 4) Jesu akarayira vateveri vake kuti vaparidze mashoko akanaka oUmambo kumarudzi ose, rinova basa raisazombobudirira dai pasina sangano riri munyika yose. Somuenzaniso, zviri nyore kuti upe munhu mumwe zvokudya, asi kana wava kufanira kupa zviuru kana kuti mamiriyoni evanhu, unotofanira kuva neboka revanhu vakarongeka vanoshanda pamwe chete. Kuti vaKristu vaite basa ravo, vanofanira kushanda “vakabatana pakuita basa raMwari.” (Zefaniya 3:9; Byington) Sangano risina kubatana rinoita mazvake-mazvake rine charingabudisa here kana riine vanhu vemarudzi, mitauro uye vemadzinza zvakasiyana-siyana? Hapana charingabura.

Marongerwo akaitwa vaKristu vechokwadi anoita kuti vatsigirane uye vakurudzirane. Munhu anofarira zvokushambira anogona kusarudza kushambira ari oga, asinganetseki nokutarisira vaya vanenge vachiri kudzidzira. Asi kana onyura upenyu hwake hunova pamutanhiko, sezvo panenge pasina munhu angamubatsira. Zanondoga akapisa jira mumasese. (Zvirevo 18:1) Kuti vaKristu vaite zvavakarayirwa naJesu, vanofanira kubatsirana nokutsigirana. (Mateu 28:19, 20) Ungano yechiKristu inopa mirayiridzo yatinoda chaizvo iri muBhaibheri, inodzidzisa uye inokurudzira vose kuti varambe vachienderera uye vasadzokera kumashure. Kudai panga pasina misangano yechiKristu yakarongwa kuti tirayiridzwe uye tinamate, taizoenda kupi?—VaHebheru 10:24, 25.

Marongerwo akaitwa vaKristu vechokwadi anoita kuti vashumire Mwari vakabatana. Makwai aJesu paanoteerera inzwi rake, anova “boka rimwe chete” raanotungamirira. (Johani 10:16) Havana kudyarwa-dyarwa mumachechi kana mapoka akasiyana-siyana; uyewo havadzidzisi zvinhu zvakasiyana. Vose ‘vanotaura vachibvumirana.’ (1 VaKorinde 1:10) Kuti tigare takabatana, zvinhu zvinofanira kunge zvakarongeka. Jehovha anongokomborera chete kana hama dzakabatana.—Pisarema 133:1, 3.

Kuda Mwari nomwoyo wose uye kuda chokwadi cheBhaibheri kwakaita kuti mamiriyoni auye kusangano rinoita zvinhu izvi zvataurwa nezvimwewo zviri muBhaibheri. Sevanhu vakarongeka uye vakabatana, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinoedza kuita zvinodiwa naMwari. Anovavimbisa kuti: “Ndichagara pakati pavo nokufamba pakati pavo, ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.” (2 VaKorinde 6:16) Iwewo unogona kuwana chikomborero ichi chakazonaka kana ukanamata Jehovha Mwari wakabatana nesangano rake.

MARCH 13-19

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 MAKORONIKE 27-29

“Mazano Akapiwa Mwanakomana Nababa Vake”

w05 2/15 19 ¶9

Kuita Kuti Tirambe Tichizivikanwa sevaKristu

Dzidza kuti unyatsoona chokwadi cheBhaibheri. Pfungwa yedu yokuzivikanwa sevashumiri vaJehovha ingaderera kana isina kuvakirwa zvakasimba pazivo yeMagwaro. (VaFiripi 1:9, 10) MuKristu wose—muduku kana mukuru—anofanira kuratidza kugutsikana kwake kuti zvaanotenda chaizvoizvo ichokwadi chinowanikwa muBhaibheri. Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti: “Ivai nechokwadi nezvinhu zvose; batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo.” (1 VaTesaronika 5:21) VaKristu vechiduku vanobva mumhuri dzinotya Mwari vanofanira kuziva kuti havagoni kungovimba nokutenda kwevabereki vavo chete. Baba vaSoromoni Dhavhidhi, vakamurayira kuti “ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama.” (1 Makoronike 28:9) Zvaizova zvisina kukwana kuti Soromoni muduku aone kuti baba vake vakakudziridza sei kutenda muna Jehovha. Aifanira kuziva Jehovha iye pachake, uye ndozvaakaita. Akateterera Mwari achiti: “Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava.”—2 Makoronike 1:10.

w12 4/15 16 ¶13

Ramba Uine Mwoyo Wakakwana Kuna Jehovha

Chidzidzo chacho chiri pachena. Kugara tichipinda misangano uye kubuda muushumiri zvinhu zvakanaka uye zvinogutsa. Asi kushumira Jehovha nemwoyo wakakwana kunopfuura izvozvo. (2 Mak. 25:1, 2, 27) Kana mumwoyo, muKristu akaramba achida “zvinhu zviri shure,” kureva mararamiro enyika, anova pangozi yokurasikirwa neukama hwakanaka naMwari. (Ruka 17:32) Kana ‘tikanyatsosema zvakaipa, tonamatira kune zvakanaka’ tichava ‘vakanyatsokodzerwa noumambo hwaMwari.’ (VaR. 12:9; Ruka 9:62) Saka pasinei nokuti zvinhu zviri munyika yaSatani zvinoita sezvinobatsira sei kana kuti zvakanaka, tose zvedu tinofanira kuva nechokwadi chokuti hazvititadzisi kutsigira Umambo nemwoyo wose.—2 VaK. 11:14; verenga VaFiripi 3:13, 14.

w17.09 32 ¶20-21

“Shinga . . . Uzviite”

Mambo Dhavhidhi akayeuchidza Soromoni kuti Jehovha aizova naye kusvikira apedza kuvaka temberi. (1 Mak. 28:20) Achinyatsofunga nezvemashoko akataurwa nababa vake, Soromoni haana kurega zera rake uye kusava neruzivo rwakawanda zvichimutadzisa kuita basa. Akaratidza ushingi ndokuita basa racho, uye achibatsirwa naJehovha akapedza kuvaka temberi yacho yakakura mumakore 7 nehafu.

Sekubatsira kwaakaita Soromoni, Jehovha anogona kutibatsirawo kuti tive neushingi toita mabasa edu mumhuri uye muungano. (Isa. 41:10, 13) Patinoratidza ushingi pakushumira Jehovha, tinogona kuva nechivimbo chekuti achatikomborera iye zvino uye mune ramangwana. Saka, “Shinga . . . uzviite.”

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w17.03 29 ¶6-7

Kuva Shamwari Yakanaka Ushamwari Pahunenge Hwava Kuparara

Dhavhidhi aivawo nedzimwe shamwari dzakaramba dzakavimbika kwaari zvinhu pazvakanga zvakamuomera. Imwe yeshamwari idzodzo yainzi Hushai, uyo anonzi neBhaibheri “shamwari yaDhavhidhi.” (2 Sam. 16:16; 1 Mak. 27:33) Anogona kunge aiva jinda uye shamwari yepedyo yamambo, yaimbotumwa kuita zvimwe zvinhu zvakavanzika.

Absaromu mwanakomana waDhavhidhi paakabvuta umambo, vaIsraeri vakawanda vakamutsigira asi Hushai haana kumboita izvozvo. Dhavhidhi paaitiza, Hushai akaenda kwaakanga ari. Dhavhidhi akarwadziwa chaizvo nekupandukirwa kwaakaitwa nemwanakomana wake nevamwewo vaaivimba navo. Zvisinei, Hushai akaramba akavimbika, uye akazvipira kuisa upenyu hwake pangozi kuti mazano airongwa naAbsaromu asabudirire. Hushai haana kungoita izvozvo nemhaka yekuti ndizvo zvaaifanira kuita sejinda. Akaratidza kuti aiva shamwari yakavimbika.—2 Sam. 15:13-17, 32-37; 16:15–17:16.

MARCH 20-26

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MAKORONIKE 1-4

“Mambo Soromoni Anoita Chisarudzo Chisingaratidzi Uchenjeri”

it-1-E 174 ¶5

Uto

Utongi hwaSoromoni hwakachinja zvinhu munhoroondo yeuto revaIsraeri. Kunyange zvazvo paaitonga munyika yeIsraeri maiva nerugare runopfuura rwaimbovamo, Soromoni akaunganidza mabhiza nengoro. (Ona NGORO.) Mabhiza aya aiwanzomatenga kuIjipiti. Paitofanira kuvakwa maguta munyika yeIsraeri ekuti zvinhu izvi zvaishandiswa muhondo zvainge zvatengwa zviiswe. (1Mad 4:26; 9:19; 10:26, 29; 2Mak 1:14-17) Asi Jehovha haana kumbokomborera urongwa hutsva uhwu hwakaitwa naSoromoni. Soromoni paakafa uye pakapatsanuka umambo hweIsraeri ndipo pakapararawo uto reIsraeri. Izvi zvinoenderana nezvakazonyorwa naIsaya kuti: “Vane nhamo vaya vanodzika kuIjipiti kuti vanobatsirwa, vanovimba nemabhiza, vanovimba nengoro dzehondo nekuti izhinji, uye nemabhiza ehondo nekuti ane simba. Asi havatarisi kuMutsvene waIsraeri, uye havatsvagi Jehovha.”—Isa 31:1.

it-1-E 427

Ngoro

Munyika yeIsraeri maisava nengoro dzakawanda Soromoni asati atanga kutonga. Zvakanga zvakadaro nekuti Mwari akanga ayambira kuti mambo aisafanira kuzviunganidzira mabhiza sekunge kuti ndiwo aizoita kuti vaIsraeri vanzwe vakachengeteka. Murayiro uyu waiita kuti pasava nengoro dzakawanda nekuti mabhiza ndiwo aishandiswa kudhonza ngoro dzacho. (Dhe 17:16) Samueri paakayambira vanhu nezvemutoro wavaizova nawo kana vakava namambo akati: “Achatora vanakomana venyu ovaisa mungoro dzake.” (1Sa 8:11) Absaromu naAdhonija pavaida kutora umambo nechisimba, mumwe nemumwe wavo akazvigadzirira ngoro, uye akaita kuti varume 50 vamhanye vari pamberi payo. (2Sa 15:1; 1Mad 1:5) Dhavhidhi paakakunda mambo weZobha, akadimbura marunda emakumbo emabhiza ese aidhonza ngoro akangosiya 100 chete.—2Sa 8:3, 4; 10:18.

Mambo Soromoni akawedzera nhamba yengoro dzikasvika 1 400 achida kusimbisa uto reIsraeri. (1Mad 10:26, 29; 2Mak 1:14, 17) Guta reJerusarema nemamwewo mataundi ainzi maguta engoro aiva nenzvimbo dzakatovakwa dzekuchengetera zvinhu izvi zvekushandisa muhondo.—1Mad 9:19, 22; 2Mak 8:6, 9; 9:25.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w05 12/1 19 ¶6

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raMakoronike Rechipiri

1:11, 12. Chikumbiro chaSoromoni chakaratidza Jehovha kuti kuwana uchenjeri nezivo ndiko kwainyanya kudiwa namambo. Zvechokwadi kunyengetera kwatinoita kuna Mwari kunoratidza zvatinonyanya kuda mumwoyo yedu. Kuchenjera kuti tiongorore zvatinotaura muminyengetero yedu.

MARCH 27–APRIL 2

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MAKORONIKE 5-7

“Mwoyo Wangu Uchagara Uri Pairi”

w02 11/15 5 ¶1

Musarega Kuungana

Gare gare, Dhavhidhi ava mambo muJerusarema, akaratidza chido chakasimba chokuvaka imba yechigarire kumbiri yaJehovha. Zvisinei, sezvo Dhavhidhi akanga ari murwi, Jehovha akamuudza kuti: “Iwe haungavakiri zita rangu imba.” Asi, Akasarudza Soromoni mwanakomana waDhavhidhi kuti avake temberi yacho. (1 Makoronike 22:6-10) Soromoni akatsaurira temberi yacho muna 1026 B.C.E., apedza makore manomwe nehafu achivaka. Jehovha akatendera chivako ichi, achiti: “Ndakatsaura imba iyi yawakavaka, kuti ndiise zita rangupo nokusingaperi; meso angu nomwoyo wangu zvichavapo nguva dzose.” (1 Madzimambo 9:3) Chero bedzi vaIsraeri vairamba vakatendeka, Jehovha aizotsigira imba yacho. Zvisinei, kana vaizotsauka pane zvakanga zvakarurama, Jehovha aizorega kutsigira nzvimbo yacho, uye ‘imba yacho yaizova murwi wemabwe.’—1 Madzimambo 9:4-9; 2 Makoronike 7:16, 19, 20.

it-2-E 1077-1078

Temberi

Nhoroondo. Temberi iyi yakanga iripo kusvika gore ra607 B.C.E., payakazoparadzwa neuto revaBhabhironi raitungamirirwa naMambo Nebhukadhinezari. (2Mad 25:9; 2Mak 36:19; Jer 52:13) VaIsraeri pavaimbotsauka votanga kubatanidzwa pakunamata kwenhema, Mwari aibvumira mamwe marudzi kuti atambudze Judha neJerusarema, dzimwe nguva achitotora pfuma yepatemberi. Dzimwe nguva, vanhu vaimboregeredzawo kuchengeta temberi. Muna 993 B.C.E., mumazuva aRehobhoami, mambo Shishaki wekuIjipiti akatora pfuma yepatemberi. Panguva iyi, temberi yakanga ingori nemakore 33 bedzi yakumikidzwa. (1Mad 14:25, 26; 2Mak 12:9) Mambo Asa uyo akatonga kubva muna 977 kusvika muna 937 B.C.E. airemekedza imba yaJehovha uye aida kudzivirira Jerusarema. Asi akaita chisarudzo chekusachenjera paakapa Mambo Bheni-hadhadhi I wekuSiriya sirivha negoridhe zvaiva mupfuma yepatemberi kuti aputse chibvumirano chake naBhaasha mambo weIsraeri.—1Mad 15:18, 19; 2Mak 15:17, 18; 16:2, 3.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w10 12/1 11 ¶7

Anoziva “Mwoyo Yevanakomana Vevanhu”

Tinogona kunyaradzwa nomunyengetero waSoromoni. Vanhu vakaita sesu havangagoni kunyatsonzwisisa zviri kutsi kwemwoyo yedu, kureva kuti ‘dambudziko redu nokurwadziwa kwedu.’ (Zvirevo 14:10) Asi Jehovha anoziva zviri mumwoyo medu uye ane hanya nesu chaizvo. Kana tikanyengetera tichimutaurira zviri kutsi kwemwoyo yedu, zvichava nyore kutsungirira matambudziko edu.Bhaibheri rinoti: “Muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.”—1 Petro 5:7.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

Tingaita Sei Kana Tiri Mumamiriro Ezvinhu Akaoma Anotitadzisa Kupinda Chirangaridzo Neungano?

w93 2/1 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kana muKristu akarwara kana kuti akafamba rwendo otadza kupinda Chirangaridzo, anofanira kuzochengeta Chirangaridzo papera mwedzi here?

Dzimwe nguva, panogona kungoitika zvinhu zvakadai seurwere kana nzendo, zvinogona kutadzisa muKristu kupinda Chirangaridzo. Anofanira kuita sei kana izvozvo zvikaitika?

PaChirangaridzo, panofambiswa chingwa chisina mbiriso newaini tsvuku uye vakazodzwa nemweya mutsvene waMwari kuti vazorarama kudenga vanodya chingwa nekunwa waini yacho. (Mateu 26:26-29; Ruka 22:28-30) Kana mumwe munhu agara achidya chingwa nekunwa waini akatadza kuvapo paChirangaridzo nekuti ari kurwara ari kumba kana kuchipatara, vakuru vacharonga kuti mumwe wevakuru aende nechingwa newaini kumurwere wacho. Mukuru wacho achakurukura mavhesi eBhaibheri ane chekuita nerufu rwaJesu uye achabva apa murwere wacho chingwa newaini. Kana muKristu akazodzwa afamba rwendo, anofanira kuronga kuti apinde neungano iri pedyo nekwaanenge ari pazuva racho.

Tichifunga nezvezvataurwa pamusoro apa, kashoma kuti zviitike kuti muKristu akazodzwa aite Kudya kwaShe Kwemanheru papera mazuva 30, achitevedzera murayiro uri pana Numeri 9:10, 11 uye zvakaitwa pana 2 Makoronike 30:1-3, 15.

‘Vemamwe makwai,’ avo vane tariro yekurarama nekusingaperi muparadhiso panyika, havafaniri kudya chingwa nekunwa waini. (Johani 10:16) Zvakakosha kuti vapinde Chirangaridzo ichi chinoitwa gore negore, asi havadyi chingwa nekunwa waini. Saka kana mumwe wavo akatadza kupinda Chirangaridzo nekuti ari kurwara kana kuti ari parwendo, manheru acho anofanira kuverenga mavhesi anotaura nezverufu rwaJesu (kusanganisira anotaura zvakaitwa naJesu paakatanga chiitiko ichi) obva anyengetera achikumbira kuti Jehovha akomborere chiitiko ichi chiri kuitwa pasi rese. Panenge pasina hapo chikonzero chekuti parongwe kuti mumwe mukuru azomupa hurukuro yeBhaibheri papera mwedzi mumwe chete.

APRIL 10-16

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MAKORONIKE 8-9

“Aikoshesa Uchenjeri”

w99 11/1 20 ¶4

Apo Rupo Runowanda

Chokwadi, mambokadzi weShebha akashandisawo nguva yakawanda uye kushingaira zvikuru kuti ashanyire Soromoni. Zvimwe Shebha yaiva munharaunda yeRepublic yeYemen yemazuva ano; saka mambokadzi nemudungwe wake wengamera akafamba makiromita anopfuura 1 600 kuenda kuJerusarema. Sezvakataura Jesu, “akabva kumigumo yepasi.” Nei mambokadzi weShebha akatamburira kudaro? Akanyanyouyira “kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni.”—Ruka 11:31.   

w99 7/1 30 ¶4-5

Kushanya Kwakava Nemubayiro Mukuru

Zvisinei, mambokadzi akasvika muJerusarema “navanhu vazhinji namakamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha.” (1 Madzimambo 10:2a) Vamwe vanotaura kuti “vanhu vazhinji” vaibatanidza vaperekedzi vaiva nezvombo. Izvi zvinganzwisisika, tichifunga kuti mambokadzi wacho akanga ari mukuru-mukuru ane simba uye aifamba nezvinhu zvaikosha makumi ezviuru zvemadhora.

Zvisinei, ona kuti mambokadzi uyu akanzwa nezvembiri yaSoromoni “pamusoro pezita raJehovha.” Saka urwu rwaisangova rwendo rwebhizimisi. Zviri pachena kuti mambokadzi uyu akauyira zvikurukuru kuzonzwa nezvekuchenjera kwaSoromoni—zvichida kunyange kuzodzidza chimwe chinhu pamusoro paMwari wake, Jehovha. Sezvo zvimwe akanga ari werudzi rwaShemi kana Hami, avo vaiva vanamati vaJehovha, angangove aida kuziva pamusoro pechitendero chemadziteteguru ake.

w99 7/1 30-31

Kushanya Kwakava Nemubayiro Mukuru

Mambokadzi weShebha akaororwa kwazvo nokuchenjera kwaSoromoni uye nokubudirira kweumambo hwake zvokuti “akapera mweya.” (1 Madzimambo 10:4, 5) Vamwe vanoti kutaura uku kunoreva kuti mambokadzi akasara “asina romuromo.” Imwe nyanzvi inototi akafenda! Chero zvazvingave zvakaita, mambokadzi akashamiswa nezvaakanga aona uye nezvaakanzwa. Akati varanda vaSoromoni vaifara nokuda kwekukwanisa kwavo kunzwa kuchenjera kwamambo uyu, uye akakudza Jehovha nokuda kwekugadza Soromoni pachigaro chokutonga. Ipapo akapa mambo zvipo zvaidhura, ndarama yega yaisvika $1 480 000 000, mari yazvino. Soromoniwo akapa zvipo, achipa mambokadzi “zvose zvaaida nezvaakakumbira.”—1 Madzimambo 10:6-13.

it-2-E 990-991

Soromoni

Pashure pekunge mambokadzi uyu aona kunaka kwetemberi uye kweimba yaSoromoni, basa revashandi vaiuya nezvekudya nezvekunwa patafura, zvipfeko zvavo uye zvibayiro zvinopiswa zvaipiwa patemberi, “akashaya neremuromo,” achibva ati: “Zvandakaudzwa hazvitombosviki pahafu yezvandaona. Uchenjeri nekubudirira kwenyu zvinopfuura nekure mashoko andakanzwa.” Akabva ati vanhu vanoshandira mambo akadaro vanofara. Zvinhu zvese izvi zvakaita kuti arumbidze Jehovha Mwari, uyo akaratidza kuti anoda vaIsraeri nekugadza Soromoni kuti ave mambo anotonga zvakanaka uye zvakarurama.—1Mad 10:4-9; 2Mak 9:3-8.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-2-E 1097

Chigaro cheUmambo

Chigaro cheumambo chemutongi weIsraeri chakanyatsorondedzerwa muudzame ndechiya chakagadzirwa naSoromoni. (1Mad 10:18-20; 2Mak 9:17-19) Kunenge kuti chigaro ichi chakanga chakaiswa ‘muImba yeChigaro cheUmambo,’ iyo yaiva chimwe chezvivakwa zvaiva paGomo reMoriya muJerusarema. (1Mad 7:7) Chaiva ‘chigaro chikuru cheumambo chenyanga dzenzou, negoridhe uye nechekumashure kwacho chaiva nedenga rakaita raundi nezvekutsamidzira maoko.’ Kunyange zvazvo chigaro ichi chichinzi chaiva chenyanga dzenzou, chinofanira kunge chakagadzirwa sezvakanga zvakaitwa zvimwe zvinhu zvepatemberi. Zvichida chaiva chakagadzirwa nemapuranga chichibva chazoiswa goridhe rakanatswa nekunamirirwa nyanga dzenzou. Munhu aiona aigona kufunga kuti chigaro chacho chakangogadzirwa nenyanga dzenzou negoridhe chete. Pashure pekutaura nezvemasitepisi 6 aikwidza kuchigaro chacho, nyaya yacho inoti: “Shumba mbiri dzakanga dzakamira pedyo nezvekutsamidzira maoko. Paiva neshumba 12 dzakanga dzakamira pamasitepisi acho 6, sitepi rimwe nerimwe riine shumba kumativi aro maviri.” (2Mak 9:17-19) Shumba dzinowanzomiririra simba rekutonga. (Ge 49:9, 10; Zva 5:5) Shumba 12 dzinofanira kunge dzaiva nechekuita nemadzinza 12 eIsraeri, zvichida dzichimiririra kuzviisa pasi uye kutsigira kwaiita madzinza aya mutongi aigara pachigaro chacho. Paiva nechekutsika chegoridhe chaiva chakabatana nechigaro chacho. Rondedzero iyi yechigaro cheumambo chenyanga dzenzou negoridhe chaiva pakakwirira, chiine denga reraundi neshumba kumberi kwacho inoratidza kuti chaipfuura nekure zvimwe zvigaro zvese zveumambo zvepanguva yacho. Vanochera matongo havana kumbobvira vawana shongwe kana tsanangudzo yakanyorwa yechimwe chigaro cheumambo chakaita seichi. Izvi zvinoenderana nezvakanyorwa nemunyori webhuku raMakoronike kuti: “Hapana humwe umambo hwakanga hwambogadzira chigaro chakadaro.”—2Mak 9:19.

APRIL 17-23

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MAKORONIKE 10-12

“Batsirwa Nemazano Euchenjeri Aunopiwa”

w18.06 13 ¶3

Aigona Kunge Akafarirwa naMwari

Rehobhoamu anofanira kunge akaomerwa chaizvo. Kuita zvaidiwa nevanhu kwaizoreva kuti iye, mhuri yake uye vaya vemumuzinda make vaizofanira kusiya zvimwe zvinhu zvemutambarakede, vorega kunyanya kuomesera vanhu. Ukuwo, kuramba kwaigona kuita kuti vanhu vapanduke. Aizoita sei? Mambo uyu mutsva akatanga atsvaga mazano kuvarume vakuru vaimbova vanachipangamazano vaSoromoni. Zvisinei, Rehobhoamu akatsvagawo mazano kuvarume vechidiki vezera rake. Rehobhoamu akateerera mazano evezera rake ndokusarudza kudzvinyirira vanhu. Akapindura achiti: “Ndichaita kuti joko renyu rireme kwazvo, uye ini ndichariwedzera. Baba vangu vaikurovai netyava, asi ini ndichakurovai netyava dzine zvinobaya.”—2 Mak. 10:6-14.

w01 9/1 29

Maitiro Aungaita Zvisarudzo Zvakanaka

Jehovha anopawo vamwe vari muungano vakakura mumudzimu vatinogona kukurukura navo zvisarudzo zvedu. (VaEfeso 4:11, 12) Zvisinei, pakubvunza vamwe, hatifaniri kutevedzera muenzaniso wevaya vanobvunza munhu uno nouno kuzosvikira vawana anovaudza zvavanoda kunzwa. Vobva vatevera zano rake. Tinofanirawo kuyeuka muenzaniso waRehobhoami unonyevera. Paakanga achifanira kuita chisarudzo chikuru, akawana mazano akanaka kwazvo kubva kune varume vakuru vakanga vashanda nababa vake. Zvisinei, pane kutevera zano ravo, akabvunza varume vaduku vakanga vakura naye. Achitevera zano ravo, akaita chisarudzo chakaipa zvikuru uye somugumisiro akarasikirwa norutivi rukuru rwoumambo hwake.—1 Madzimambo 12:1-17.

Kana uchitsvaka zano, tsvaka kune vane ruzivo muupenyu uye vanonyatsoziva Magwaro uye vanoremekedza zvikuru nheyo dzakarurama. (Zvirevo 1:5; 11:14; 13:20) Pazvinenge zvakakodzera, wana nguva huru yokufungisisa nezvenheyo dzinobatanidzwa uye nezvemashoko ose awaunganidza. Paunosvika pakuona zvinhu nechiedza cheShoko raJehovha, chisarudzo chakarurama chingangova pachena.—VaFiripi 4:6, 7.

it-2-E 768 ¶1

Rehobhoamu

Unhu uhwu hwekuzvikudza uye hwekusava nehanya nevamwe hwakaratidzwa naRehobhoamu, hwakaita kuti vanhu vakawanda vasamutsigira. Madzinza aJudha naBhenjamini ndiwo chete akaramba achitsigira imba yaDhavhidhi. Vapristi nevaRevhi vaiva kuumambo hwemadzinza maviri uyewo hwemadzinza gumi vakaramba vachitsigirawo imba yaDhavhidhi. Paivawo nevamwe vanhu vekuumambo hwemadzinza gumi vakarambawo vachitsigira imba yaDhavhidhi.—1Mad 12:16, 17; 2Mak 10:16, 17; 11:13, 14, 16.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-1-E 966-967

Madhimoni Akaita Sembudzi

Mashoko akataurwa naJoshua ari pana Joshua 24:14 anoratidza kuti vaIsraeri vakanga vakanganiswa nekunamata kwenhema kwaiitwa muIjipiti pavaigara ikoko, uyewo zvakataurwa naEzekieri zvinoratidza kuti vaIsraeri vakaramba vachitevedzera tsika idzodzo dzechihedheni kwenguva refu. (Eze 23:8, 21) Ndokusaka vamwe vaongorori vachifunga kuti mutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari pavaiva murenje wekuvarambidza ‘kupa zvibayiro kumadhimoni akaita sembudzi’ (Re 17:1-7) uye zvakaitwa naJerobhoamu zvekugadza vapristi “venzvimbo dzakakwirira nevemadhimoni akaita sembudzi nevemhuru dzaakanga agadzira” (2Mak 11:15) zvinoratidza kuti pane vamwe vaIsraeri vainamata mbudzi sezvakanga zvakakurumbira muIjipiti, kunyanya kunzvimbo dziri nechekuzasi kweIjipiti. Herodotus (II, 46) anoti kunamata ikoko kwaiitwa muIjipiti ndiko kwakatevedzerwawo nevaGiriki vachibva vatanga kunamata mwari anonzi Pan uyewo vamwe vanamwari vainzi vaiva nemiviri yekuti dzimwe nhengo ndedzevanhu dzimwe ndedzembudzi. Vanamwari ava vanonzi vane simba mumasango uye vanoda zvebonde. Pane zvifananidzo zvinoratidza vaine nyanga, muswe wembudzi uye makumbo embudzi. Vamwe vanofunga kuti zvakaita vanamwari ava vechihedheni ndizvo zvakaita kuti vanhu vaizviti vaKristu mumakore ekuma500 kusvika 1000C.E. vafunge kuti Satani ane muswe, nyanga nemakumbo anenge emhuka.

Asi hazvitaurwi kuti vanamwari ivavo “vaiva nemvere” (seʽi·rimʹ) vakanga vakanyatsoita sei. Kunyange zvazvo vamwe vachifunga kuti vaiva mbudzi chaidzo kana kuti zvifananidzo zvembudzi, kunenge kuti zvakanga zvisina kudaro uyewo mamwe magwaro haatsigiri pfungwa iyoyo. Shoko rakashandiswa rinogona kunge richingoreva kuti mupfungwa dzevanhu vaivanamata, vanamwari ava venhema vakanga vakaita sembudzi kana kuti vaine mvere. Kana kuti kushandiswa kweshoko rekuti “mbudzi” mumavhesi aya kunogona kunge ingori nzira yekuratidza kuzvidza zvidhori zvese zvinoshandiswa pakunamata kungofanana neshoko rakashandurwa kuti zvidhori mumavhesi akawanda iro rinobva pashoko rinoreva kuti “ndove,” asi zvisingarevi kuti zvidhori zvacho zvakanga zvakagadzirwa nendove.—Re 26:30; Dhe 29:17.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

Dzidzisa Vadzidzi Vako Pavanokukumbira Mazano

be 69 ¶4-5

Ziva Mapinduriro Aunofanira Kuita

Mudzidzi weBhaibheri kana mumwe watinonamata naye paanobvunza zvaanofanira kuita pamamiriro ezvinhu akati, unofanira kupindura sei? Ungaziva kuti iwe pachako waizoita sei. Asi munhu wose anofanira kuva nomutoro wezvaanozvisarudzira muupenyu. (VaG. 6:5) Muapostora Pauro akatsanangura kuti aikurudzira kuti “kuteerera kusimudzirwe nokutenda” pakati pevanhu vaakaparidzira. (VaR. 16:26) Iwoyo muenzaniso wakanaka wokuti isu titevere. Munhu ane zvaanosarudza zvikurukuru achida kufadza mudzidzisi wake weBhaibheri kana kuti mumwe munhu ari kushumira vanhu, haasi kurarama nokutenda. (VaG. 1:10) Saka mhinduro iri nyore, yakananga ingasava yakanakira ari kubvunza wacho.

Saka ungapindura sei nenzira inopindirana nezvinotaura Bhaibheri? Ungaratidza nhungamiro yakafanira yeBhaibheri nemienzaniso yakanyorwa mariri. Padzimwe nguva, ungamuratidza kuti otsvakurudza mashoko sei kuti azviwanire nhungamiro nemienzaniso iyoyo. Mungatokurukura nhungamiro yacho uye kukosha kwemienzaniso yacho asi musingaratidzi kushanda kwacho panyaya iripo iye zvino. Bvunza munhu wacho kana achiona chimwe chinhu chingamubatsira kusarudza nokuchenjera. Mukurudzire kufunga nzira ingava inofadza Jehovha maererano nenhungamiro uye mienzaniso iyi. Nokuita izvi, uri kumubatsira ‘kurovedza masimba ake okunzwisisa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’—VaH. 5:14.

APRIL 24-30

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 MAKORONIKE 13-16

“Ndiriini Paunofanira Kuvimba naJehovha?”

w21.03 5 ¶12

Majaya—Mungaitei Kuti Vamwe Vavimbe Nemi?

Paaiva mudiki, Mambo Asa aizvininipisa uye aiva neushingi. Semuenzaniso, pashure pekunge baba vake Abhija vafa, Asa akava mambo uye akatanga kuparadza zvese zvaiva nechekuita nekunamata zvidhori. “Akaudzawo vaJudha kuti vatsvage Jehovha Mwari wemadzitateguru avo uye kuti vachengete Mutemo nemurayiro.” (2 Mak. 14:1-7) Mumwe muItiopiya ainzi Zera paakauya kuzorwisa vaJudha aine masoja 1 miriyoni, Asa akakumbira kubatsirwa naJehovha achiti: “Haiwa Jehovha, hazvina basa kwamuri kuti vamuri kubatsira vakawanda here kana kuti havana simba. Haiwa Jehovha Mwari wedu, tibatsirei, nekuti tinovimba nemi.” Mashoko aya anoratidza kuti Asa aiva nekutenda kwakasimba kwekuti Jehovha aigona kumuponesa pamwe chete nevanhu vake. Asa aivimba naBaba vake vekudenga, uye “Jehovha akakunda vaItiopiya.”—2 Mak. 14:8-12.

w21.03 5 ¶13

Majaya—Mungaitei Kuti Vamwe Vavimbe Nemi?

Zvaityisa chaizvo kuona masoja 1 miriyoni achiuya, asi Asa akabudirira nekuti akavimba naJehovha. Zvinosiririsa chaizvo kuti Asa paakatyisidzirwa naMambo Bhaasha weIsraeri uyo ainge akaipa, haana kuvimba naJehovha. Asa akatsvaga kubatsirwa namambo weSiriya. Chisarudzo ichocho chakaita kuti pave nematambudziko! Achishandisa muprofita wake Hananai, Jehovha akaudza Asa kuti: “Zvawakavimba namambo weSiriya, ukarega kuvimba naJehovha Mwari wako, uto ramambo weSiriya rapukunyuka muruoko rwako.” Kubvira ipapo, Asa akanga ava kugara achirwiswa. (2 Mak. 16:7, 9; 1 Madz. 15:32) Tinodzidzei?

w21.03 6 ¶14

Majaya—Mungaitei Kuti Vamwe Vavimbe Nemi?

Ramba uchizvininipisa uye uchivimba naJehovha. Pawakabhabhatidzwa wakaratidza kuti une kutenda kwakakura uye kuti unovimba naJehovha. Uye Jehovha akafara chaizvo kukugamuchira mumhuri yake. Iye zvino wava kufanira kuramba uchivimba naJehovha. Zvinoita sekuti zviri nyore kuvimba naJehovha paunenge uchifanira kuita zvisarudzo zvinokosha muupenyu, asi uchaitei pane zvimwewo? Zvinokosha chaizvo kuti uvimbe naJehovha paunenge uchiita zvisarudzo kunyange zviya zvine chekuita nevaraidzo, basa uye zvinangwa zvaungava nazvo! Usavimba neuchenjeri hwako. Asi tsvaga mazano eBhaibheri anokubatsira kuita zvisarudzo, uye ashandise. (Zvir. 3:5, 6) Kana ukadaro, uchafadza Jehovha, uye ucharemekedzwa nevanhu vari muungano menyu.—Verenga 1 Timoti 4:12.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w17.03 19 ¶7

Shumira Jehovha Nemwoyo Wakakwana!

Mumwe nemumwe wedu anogona kuongorora mwoyo wake kuti aone kuti wakazvipira zvakazara kuna Mwari here. Zvibvunze kuti, ‘Ndakatsunga here kufadza Jehovha, kudzivirira kunamata kwechokwadi uye kuita kuti ungano irambe yakachena?’ Funga kuti zvaida ushingi hwakadini kuti Asa abvise Maaka pachinzvimbo chaaiva nacho muumambo ihwohwo. Zvimwe hapana munhu waunoziva anoita zvinhu zvakaipa sezvaiita Maaka, asi panogona kunge paine pamwe paunogona kutevedzera kushingaira kwaAsa. Semuenzaniso, ko kana mumwe wemumhuri yako kana kuti shamwari yako yepedyo ikaita chivi, yorega kupfidza uye yodzingwa? Waizotsunga kurega kuwadzana nemunhu iyeye here? Mwoyo wako waizokukurudzira kuitei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe