RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 5/1 pp. 24-25
  • Iye Akagovera Israeri muSinai

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iye Akagovera Israeri muSinai
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Sinai—Gomo raMosesi Nengoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Renje raJudha—Risina Chinhu Asi Rinofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Haufaniri Kukanganwa Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 5/1 pp. 24-25

Zviono zvomuNyika Yakapikirwa

Iye Akagovera Israeri muSinai

FUNGIDZIRA mamirioni—varume, vakadzi, uye vana—vachipinda mu“renje guru rinotyisa, makanga mune nyoka dzinopenga nezvinyavada, nevhu rakaoma risine mvura”!

Mashoko iwayo aMwari anowanwa pana Dheuteronomio 8:15 anopinza muchiono rungave rwakaratidzika kuva rwendo runotyisa rwaiva pamberi pavaIsraeri sezvo vakabuda muEgipita ndokupinda murenje reSinai. Chinetso chimwe chinotyisa: Ndiani aizogovera zvokudya zvakakwana nemvura?

VaIsraeri vakanga vave vari muuranda shure panodira Nire, asi havana kushaiwa. Mifananidzo iri pamadziro mumakuva akare inoratidzira mhatsa yamazambiringa, manwiwa, uye zvimwe zvirimwa, pamwe chete nehove nehuku izvo zvaizoita zvokudya zvakasiana-siana. Yakarurama sei, ipapoka, nyunyuto yokushuva murenje yokuti: “Ndianiko uchatipa nyama kuti tidye? Tinorangarira hove dzataidya Egipita, tisingatengi, namakake, namanwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki!”—Numeri 11:4, 5; 20:5.

Pashure pokunge vaIsraeri vayambuka Gungwa Dzvuku, vakakurumidza kunzwisisa zvakanga zvakaita chaizvoizvo Sinai. Ivo havana kutora nzira yokutengeserana yaifambwa zvikuru yokuchamhembe asi vakatendeukira kumuromo wepenenzura ine mativi matatu. Pakasvika nguva yavakanga vafamba anenge makiromita 80 nomurenje, kuda kwavo mvura kwakaratidzika kuva kwakakomba. Ivo vaisagona kunwa yavakawana, nokuti yakanga ichivava uye sezvinobvira yaiva nehosha. “Tichanweiko?” vakachema kudaro. Mwari akapindura, achishandura mvura yacho kuva inotapira.—Eksodho 15:22-25.

Cherechedza chiono chomudungwe wengamera pamusoro apa. Unogona kunzwisisa mubvunzo wokuti Israeri aizokwanisa sei kupfuurira nomurenje akananga kugomo reSinai. Vaizopfuurira seiko kuwana mvura yakakwana—uye zvokudya—nokuda kwavo vamene pamwe chete namapoka amakwai nemombe zvavaida kuti zvirambe zviri zvipenyu?—Eksodho 12:38.

Ivo vakaenda vakananga kumaodzanyemba uye nokukurumidza vakawana mvura inozorodza nezvokudya paErimi. (Eksodho 15:27) Iwoyo, zvisinei, wakanga usati uri mugumo wavo. Ivo vakanga vachinanga “kugomo raMwari wechokwadi,” Gomo reSinai. (Eksodho 3:1; 18:5; 19:2; 24:12-18, NW) Iroro rakanga riri kure namakiromita 120—makiromita enyika yakashata, yakaoma.

Sezvo boka guru rakafambira mberi rakananga kugomo reSinai, vakasvika pedyo—uye sezvingabvira vakamira—pane miti nemvura pakuru panozivikanwa seFeiran. Rutivi ruduku rwapo runooneka mupikicha iri papeji yakanangana neiyi.a Panopinda napamukana murenje, nechokuGungwa Dzvuku (Gulf of Suez). Izorodzo yakadini yavaigona kuwanako!

Nepo renje reSinai ringawanzokodzera rondedzero ye“renje guru rinotyisa,” vaIsraeri vaigona kufarikanya mumvuri wemichindwi yakaisvonaka nemimwe miti pane mvura nemiti peFeiran. Ivo vaiwana madate akawanda anotapira, anogovera zvokudya panzvimbo yacho uye mugove uyo vaigona kutakura.

Kwose ikoku kwaibvira nemhaka yokuti mvura yapasi yakasvika pamusoro paFeiran. Fungidzira kuti waizonzwa sei kudai waiva murenje uye kamwe kamwe wakawana mvura yakanaka yokunwa! Ikoku kunoratidzira kuti kunyange muSinai mune nzvimbo umo mvura inowanika. Pane dzimwe nguva tsime rinofanira kucherwa kusvikira pasi zvikuru. Ipapo kwaizoda basa kukweva migoro kana kuti zvirongo zvakazara nechinoyerera chinokosha, zvikurukuru kana makwai nemombe zvaida kupiwa mvura. Kusvikira kuzuva rino vaBedou veSinai vanokweverwa kutsime kwavanogona kuzvicherera vamene mvura namakamera avo.—Enzanisa naGenesi 24:11-20; 26:18-22.

Hungu, pasinei zvapo nenhambo apo ivo vakanyunyuta pamusoro pokwairatidzika kuva kwakafanana nokushaiwa kusingakundwi, vaIsraeri vaiva nemvura nezvokudya. Pane dzimwe nguva Mwari akagovera zvakadaro nenzira yenenji. (Eksodho 16:11-18, 31; 17:2-6) Padzimwe nguva iye sezviri pachena akavatungamirira ku“nzvimbo yokuzorora” apo zvinodikanwa zvavo chaizvoizvo zvaigona kugoverwa nemigove yomuzvarirwo. (Numeri 10:33-36) Nguva yose, iye aiisa pamberi pavo zvakawanda zvakanga zvakamirira vakatendeka muNyika Yakapikirwa.—Dheuteronomio 11:10-15.

[Mashoko Omuzasi]

a Pikicha inowanika muukuru hukuru zvikuru mu 1992 Karenda yeZvapupu zvaJehovha.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe