RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Titambire.
Ino iprogiramu yekutsvakurudza nayo mumabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha emitauro yakasiyana-siyana.
Kana uchida kudhaunirodha, enda pajw.org.
Chiziviso
Mutauro mutsva wavapo: Betsileo
  • Nhasi

Muvhuro, October 27

Varume [vanofanira kuda] madzimai avo semiviri yavo.—VaEf. 5:28.

Jehovha anotarisira kuti murume ade mudzimai wake, amuriritire, ave shamwari yakanaka kwaari, uye amubatsire kuramba ari pedyo naJehovha. Kudzidza kushandisa pfungwa, kuremekedza vanhukadzi uye kuva munhu anogona kuvimbwa naye, zvichakubatsira kuti uve murume akanaka. Kana waroora, unogona kuzova baba. Chii chaunogona kudzidza pana Jehovha nezvekuva baba vakanaka? (VaEf. 6:4) Jehovha akaudza Mwanakomana wake Jesu kuti aimuda uye aimufarira. (Mat. 3:17) Kana ukava baba, iva nechokwadi chekuti unogara uchiita kuti vana vako vazive kuti unovada. Gara uchivarumbidza nezvezvinhu zvakanaka zvavanoita. Vanababa vanotevedzera muenzaniso waJehovha vanobatsira vana vavo kuti vazova varume nevakadzi vechiKristu vakasimba pakunamata. Unogona kugadzirira iye zvino kuti uzoita basa iri kana uchiratidza kuti unoda vanhu vemumhuri mako uye vemuungano. Uye dzidza kuvaudza kuti unovada uye kuti vanokosha kwauri.—Joh. 15:9. w23.12 28-29 ¶17-18

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025

Chipiri, October 28

[Jehovha] anodzikamisa zvinhu panguva yako.—Isa. 33:6.

Kunyange zvazvo tiri vashumiri vaJehovha vakatendeka, tinosangana nematambudziko uye tinorwara sezvinongoita vamwe vanhu vese. Tinogonawo kupikiswa kana kutambudzwa nevanhu vanovenga vanhu vaMwari. Jehovha haaiti kuti tisatarisana nematambudziko akadaro, asi anotivimbisa kuti achatibatsira. (Isa. 41:10) Tichibatsirwa naye, tinogona kuramba tichifara, tichiita zvisarudzo zvakanaka, toramba takavimbika kwaari pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma. Jehovha anotivimbisa kutipa runonzi neBhaibheri “rugare rwaMwari.” (VaF. 4:​6, 7) Rugare urwu runoreva kunzwa takagadzikana mupfungwa nemumwoyo zvichibva pakuti tine ushamwari hwakanaka naJehovha. Rugare urwu “runopfuura kunzwisisa kwese.” Izvi zvinoreva kuti rwakanaka kupfuura zvatinogona kufungidzira. Semuenzaniso, wakambonyengetera nemwoyo wese here kuna Jehovha uye uchingopedza ukabva wanzwa kugadzikana? Irworwo ndirwo runonzi “rugare rwaMwari.” w24.01 20 ¶2; 21 ¶4

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025

Chitatu, October 29

Regai ndirumbidze Jehovha; zvese zviri mandiri ngazvirumbidze zita rake dzvene.—Pis. 103:1.

Kuda Mwari kunoita kuti vanhu vakatendeka varumbidze zita rake nemwoyo wese. Mambo Dhavhidhi ainzwisisa kuti kurumbidza zita raJehovha kwakafanana nekurumbidza Jehovha pachake. Zita raJehovha rinosanganisira mukurumbira wake, saka izvi zvinoita kuti tifunge nezveunhu hwake hwese hwakanaka uye mabasa ake anoshamisa. Dhavhidhi aida kutsvenesa zita raBaba vake uye kurirumbidza. Aida kuita izvozvo ‘nezvese zviri maari’ kureva kuti nemwoyo wese. Izvi ndizvo zvaiitwawo nevaRevhi vaitungamirira pakurumbidza Jehovha. Vaibvuma vachizvininipisa kuti mashoko avo aisazombofa akarumbidza zita dzvene raJehovha zvakakwana. (Neh. 9:5) Hapana mubvunzo kuti kuzvininipisa uye kurumbidza nemwoyo wese kwakadaro kwakafadza mwoyo waJehovha. w24.02 9 ¶6

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025
Titambire.
Ino iprogiramu yekutsvakurudza nayo mumabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha emitauro yakasiyana-siyana.
Kana uchida kudhaunirodha, enda pajw.org.
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe