RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 7/8 pp. 24-25
  • Ngozi Dzokukumbira Chokufambisa Usingabhadhari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngozi Dzokukumbira Chokufambisa Usingabhadhari
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rusununguko Rwokufamba-famba
  • Kuudza Vamwe Kwauri
  • Kuenda Kurutivi Ruri Kure Kwazvo Rwenyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Mukai!—2000
g00 7/8 pp. 24-25

Ngozi Dzokukumbira Chokufambisa Usingabhadhari

NOMUNYORI WEMUKAI! MUAUSTRALIA

Mumwe musi kuchipisa muzhizha ra1990, Paul Onions, muchakairi wokuBritain ane makore 24, akanga ari kukumbira chokufambisa asingabhadhari mumugwagwa unonzi Hume Highway, kumaodzanyemba kweSydney, muAustralia. Paul akafara apo mumwe munhu waasingazivi akamira kuti amupe chokufambisa. Haana kumbofunga kuti kubvuma kutakurwa kwaizopotsa kwamuurayisa.a

ASINGAMBOROTI zvake nezvengozi yaigona kuvapo, Paul akagara pachigaro chemberi mumotokari uye akatanga kudya nyaya nomutyairi. Mumaminiti mashoma mutyairi uya aiita somunhu akanaka akatanga kuita hasha uye nharo. Pakarepo mutyairi wacho akamisa motokari parutivi penzira, achiti akanga achida kutora makaseti enziyo pasi pechigaro. Haana kubudisa makaseti asi pfuti—yaakanongedza pachipfuva chaPaul.

Asingateereri zvakanga zviri kurayirwa nomutyairi zvokuti arambe akagara, Paul akasunungura bhandi repachigaro, akasvetukira panze ndokubereka tsoka achikwidza nomugwagwa. Mutyairi wacho akamudzingirira netsoka, vanhu vose vaiva mudzimotokari vakatarisa. Pakupedzisira akamubata, ndokubata T-shirt yake achibva amuwisira pasi. Achipukunyura, Paul akamhanya nemberi kwemotokari yakanga iri kuuya, zvichiita kuti mutyairi akanga arohwa nehana, vamwe amai vaiva nevana, vamire. Mushure mokunge Paul ateterera, amai vacho vakamukwidza mumotokari, vakazeyesa motokari vachichinjika mugwagwa ndokutiza. Pave paya zvakazozivikanwa kuti munhu uya akanga arwisa Paul akanga ari mhondi yamakoko yakanga yauraya vachakairi vanomwe, vamwe vacho vakanga vachikumbira chokufambisa vasingabhadhari vari vaviri vaviri.

Chii chaiita kuti mhondi iyi iwanzofarira kuuraya vanhu vakadaro? Pakatongwa mhondi yacho, mutongi akacherechedza kuti: “Mumwe nomumwe wevanhu vacho akanga ari muduku. Vakanga vaine makore ari pakati pe19 ne22. Mumwe nomumwe akanga ari kufamba ari kure nokumusha, zvichizoita kuti zvifungidzirwe kuti hapana aizomutsvaka kwenguva yakati kana paine chinenge chaitika kwaari.”

Rusununguko Rwokufamba-famba

Vanhu vazhinji vava kukwanisa kufamba munyika dzakawanda kudarika vaikwanisa kudaro makore mashoma akapfuura. Somuenzaniso, mumakore mashanu chete, nhamba yavanhu vokuAustralia vakashanyira Asia yakapetwa nekanodarika kaviri. Ichitsvaka ruzivo kana kuti kunakidzwa, mhomho yevachiri kuyaruka nevabva zera inokwira ndege kuenda kunzvimbo dziri kure zvikuru. Ruzhinji rwevanhu ava runoronga kuzokumbira zvokufambisa rusingabhadhari kuitira kuti rushandise mari shoma. Zvinosuruvarisa kuti mumativi akawanda enyika kukumbira chokufambisa munhu asingabhadhari hakuchanakidzi uye zvava nenjodzi kukunda zvazvaiva zvakaita kare—kune vanokumbira chokufambisa vacho kana kuti kune vanovatakura.

Kufunga kwakanaka uye kuda kufamba hazvifaniri kutsiva uchenjeri hunoshanda husingadi kungonakidzwa. “Kuda kufamba kunowanzoita kuti vanhu vaduku vabve vasina kugadzirira rwendo rwacho zvakakwana uye vasinganzwisisi njodzi nemitoro iripo,” kanodaro kamwe kabhuku kakanyorerwa mhuri dziri kutsvaka vana vasiri kuzivikanwa kwavari.

Kabhuku kacho kanowedzera kuti: “Vanhu vanofamba vari mumapoka akarongwa, vari pabasa, kana kuti vanofamba vaine mepu dzemigwagwa havawanzoshayikwa. Mungava muAustralia kana kuti mune imwe nyika, vanhu vazhinji vanozoguma vanzi havazivikanwi kwavari vanenge vanhu vaya vanoda zvokufamba kwakachipa.”

Chero munhu ari kufamba asingabhadhari kana kuti achibhadhara, kufamba usina mepu dzemigwagwa—kunyange zvazvo kuchidiwa nevaya vasingadi chinovadzora—kungasiya munhu aine mukana wakakura wokukuvadzwa. Kana hama neshamwari dzisingazivi chinhu nezvokunenge kuine munhu ari parwendo, havakwanisi kubatsira kana pakaitika njodzi. Somuenzaniso, zvakadini kana munhu ari parwendo akaguma ava muchipatara asisazivi chinhu uye pasina mumwe munhu kumba anoziva kwaari?

Kuudza Vamwe Kwauri

Mubhuku rake rinonzi Highway to Nowhere, mutapi wenhau wokuBritain Richard Shears akanyora nezvevanoda kufamba vasingabhadhari vanomwe vakanyangarika, “vakangoerekana varega kukurukurirana nemhuri uye shamwari dzavo.” Hungu, pakutanga mhuri dzingasava nechokwadi kana hama dzavo dzakanyangarika kana kuti dzisiri kungoda kutaura nadzo chete. Izvi zvingaita kuti vasada kuudza zviremera kana vakasaziva kune hama dzavo dzinenge dziri parwendo.

Mumwe anoda zvokufamba asingabhadhari aiwanzodimburirwa panzira hurukuro parunhare nevabereki vake apo mari yake yainge yapera. Vachida kudzivisa izvi, vabereki vake vakakurudzira mhuri kupa vana makadhi okurova runhare kana kuti dzimwe nzira dzinovagonesa kurovera runhare kumba. Kunyange zvazvo izvi zvingadai zvisina kuponesa upenyu hwouyu mukadzi muduku, kugara uchitaura nevamwe kunobatsira ari parwendo kudzivisa kana kuti kutarisana nematambudziko maduku.

Vanhu vanomwe vakaurawa vangadaro vakarava mabhuku anotaura kuti Australia inyika yakakotsekana chose kufamba munhu uri woga uchienda kwaunoda. Kunyange zvakadaro, kukumbira chokufambisa chausingabhadhari kwakaratidza kuti ufuza—kunyange muri vaviri munyika inonzi “yakakotsekana” pane dzose.

[Mashoko Omuzasi]

a Ngazvizivikanwe kuti mune dzimwe nzvimbo kukumbira chokufambisa usingabhadhari hazvibvumirwi nomutemo.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Vabereki vanogona kudzivisa kunetseka kusina kufanira kana vakapa vana vavo makadhi okurova runhare kana kuti zvimwe zvinhu zvokurovera runhare kumba

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe