RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 7/8 p. 32
  • “Ndinoda Nzira Yainokurukura Nayo Nyaya”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndinoda Nzira Yainokurukura Nayo Nyaya”
  • Mukai!—2000
Mukai!—2000
g00 7/8 p. 32

“Ndinoda Nzira Yainokurukura Nayo Nyaya”

Ndizvo zvakataurwa nomumwe murume muduku ari mutevedzeri womukuru wekambani wokuYucatán, Mexico, nezvenzira iyo magazini yeMukai! inokurukura nayo nyaya. Akatsanangura mutsamba kuti akatanga kupiwa Mukai! nechimwe Chapupu chaaishanda nacho pane imwe kambani inotengesa inishuwarenzi pavaishanda vose.

NezveMukai!, akati: “Ndiyo chaiyo inopa mashoko uye chokwadi. Ndinoda nzira yainokurukura nayo nhau, sezvo isingarerekeri kune zvematongerwe enyika uye haikoshesi vamwe vanhu kukunda vamwe. Ndakawana mhinduro dzezvinetso nokurava magazini iyi. Magazini iyi inokwezva, haina kwayakarerekera, inofambirana nenguva, inodzidzisa zvakawanda. Ndinoti makorokoto nomwoyo wangu wose!”

Mumakore akati kuti akapfuura, Mukai! yakakurukura dambudziko rine chokuita nokufirwa nomudiwa. Mashoko iwayo akazonyorwa patsva ndokuiswa mubhurocha rine musoro unoti Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Zvichida iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva anogona kunyaradzwa nokurava bhurocha iri rine mapeji 32. Ungakumbira bhurocha iri nokunyora ndokutumira kopani riri pano kukero iri pakopani kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

◻ Nditumirei bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa.

◻ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chapamusha chepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe