Emperor Inoshamisa
PENGUIN huru pane ose inonzi emperor yakareba inopfuura mita imwe uye inorema makirogiramu anosvika 40. Mamwe mapenguin paanoenda kuchamhembe, achitiza mwaka wechando chakakasharara uye une rima weAntarctica, maemperor anoenda kumaodzanyemba—kuAntarctica kwacho! Nei? Zvinoshamisa kuti, kunova namanyana awo.
Nhunzvi yeemperor yacho painokandira zai rayo, jongwe racho rinoribvisa muchando nokukurumidza richiriisa patsvaratsvato dzaro. Rinoritora roriisa muhomwe yokuchechenyera—ganda rakaita homwe riri padumbu. Nhunzvi yacho inoenda kugungwa risina kuita chando kunotsvaka zvokudya. Kwemazuva 65, pakunenge kuchitonhora zvakanyanya, jongwe racho rinorarira zai, richirarama nemafuta ari mumuviri waro. Kuti dzichengetedze kudziya kwomuviri wadzo padzinenge dzichirohwa nemhepo inotonhora kwazvo iyo inombomhanya makiromita 200 paawa, idzi shiri dzakachenjera dzinoungana pamwe chete muzvikwata zvakakura, imwe neimwe ichiwana mukana wayo wokubudira kunze, yakaisa musana wayo kumhepo.
Zvinoshamisa kuti zai racho rinochechenywa nhunzvi yacho painodzoka chaipo. Asi inogona sei kuwana jongwe rayo pakati pezviuru zvakafanana-fanana? Inoshandisa rwiyo. Padzakatanga kusarudzana, shiri mbiri idzi dzakaimbirana ndokusvika pakuziva maimbiro eimwe neimwe. Panodzoka nhunzvi dzacho, machongwe nenhunzvi zvinoimba nomwoyo wazvo wose. Vanhu vangavhiringidzika kwazvo nezhowe-zhowe rakadaro, asi maemperor acho anowanana munguva pfupi. Richangopa nhiyo ichangochochonywa richiita serisingadi, jongwe racho rava kuda kuziya nenzara rinogwesha roita mutsvedu pamusoro pechando kwemakiromita 67 richitsvaka mvura isina kuita chando uye zvokudya.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
By courtesy of John R. Peiniger