Kukurukurirana—Kunokosha Kuzvinhu Zvipenyu Zvepasi
JULIE paaiva mwana, vabereki vake vaimirira nechido nguva yaaizotaura mashoko ake okutanga. “Kunzwa mashoko okuti ‘Amai’ uye ‘Baba’ achibuda mumuromo womwana chinhu chinofadza chisina mubereki anogona kunyatsorondedzera,” vakadaro amai vaJulie. “Julie paakanditi ‘Amai’ kokutanga, zvakaita sokunge akanga ari kundimbundira notumaoko twake achiti: ‘Ndimi amai vangu. Ndinokudai, uye ndinoda kutaura nemi.’ Ndicharamba ndichiyeuka chiitiko ichocho chinokosha.” Kukwanisa kukurukura chipo chinokosha zvechokwadi!
Chokwadi, vanhu havasi ivo zvisikwa zvoga zvinokwanisa kukurukura. Kunyange zvazvo dzichinyanya kudzorwa nomusikirwo, mhuka dzine nzirawo dzadzo dzokukurukurirana dzinoshamisa. Somuenzaniso, shiri dzomumvura dzinonzi emperor penguins padzinenge dzichidanana muAntarctica ine chando dzinopedza nguva yadzo yegore mwaka wechando usati watanga dzichiririrana—asi kwete zvokungonakidzwa. Upenyu hweramangwana hwenhiyo dzeshiri dzacho hunenge huchibatanidzwa. Sei?
Yakandira zai rayo, hadzi inorisiyira shiri hono kuti irichengetedze pakahomwe kari padumbu rayo kusvika rachochonywa iyo yoenda zvayo kugungwa kunodya. Anenge mazuva 65 pava paya, inodzoka, yafamba netsoka nokuzvuzvurudza dumbu rayo nomuchando makiromita angasvika 150. Kuwana nzvimbo yayo yekare chishamiso chaicho, asi inowana sei hono yayo nekanhiyo kachangochochonywa pakati pemakumi ezviuru edzimwe dzinenge dzichiririrana? Panguva yokudanana shiri yoga yoga inoyeuka maririro eimwe zvakanaka chaizvo zvokuti kunyange pashure pemwedzi yakawanda dzaparadzana, dzinokwanisa kuwanana!
Kuwedzera pamaririro anoshamisa akasiyana-siyana, kukurukurirana kwemhuka kunosanganisira kushandisa nhengo dzomuviri, mavara anobata pfungwa, mwenje inon’aima, uye hwema hwakaoma kunzwisisa. Kunyange zvingaratidza sezvinoshamisa, zvirimwa zvinogonawo kukurukurirana uye kukurukurirana nedzimwe mhuka, sezvatichaona. Chokwadi, kukurukurirana kunokosha zvechokwadi kuzvinhu zvipenyu zvepasi zvinoraramisana uye zvakaoma kunzwisisa.
Unoda kuziva zvakawanda here nezvedzimwe nzira dzokukurukurirana dzinoshamisa dziri munyika yakatipota? Uye ungada kuwedzera kuonga kwako unyanzvi hwako hwokukurukura ndokuhunatsiridza here? Nyaya dzinotevera dzingakubatsira.
[Mufananidzo uri papeji 19]
“Emperor penguin” hadzi inowana sei hono yayo?