Unoona Zvisingaonekwi Nemaziso Ako Here?
VATYAIRI vemotokari havawanzoona zvinenge zviri seri kwomugwagwa wakamonereka. Asi kana paine chionioni chinenge chakaiswa pakona yomugwagwa, motokari dzinenge dzichiuya dzinogona kuonekwa tsaona dzodziviswa. Saizvozvowo, vanhu havakwanisi kuona Musiki asingaoneki chaizvoizvo. Pane nzira yokuziva nayo kuti Iye aripo here?
Mumwe munyori muzana remakore rokutanga akataura nzira yatinganzwisisa nayo zvinhu zvatisingakwanisi kuona. Akanyora kuti: “Zvisingaoneki [zvaMwari] zvinonyatsooneka kubvira pakusikwa kwenyika, nokuti anonzwisiswa nezvinhu zvakaitwa, iro simba rake risingagumi nokuva Mwari kwake, zvokuti havana pembedzo.”—VaRoma 1:20.
Pafunge. Unoona uchenjeri hunoratidzwa nezvinhu zvakatipoteredza zvisingagoni kugadzirwa nevanhu here? Zvinhu zvakadaro zvinokubatsira kuona ne“maziso okunzwisisa kwako” kuti pane mumwe munhu mukuru pane vanhu here? Ngationgororei mimwe mienzaniso.—VaEfeso 1:18, King James Version.
Kudzidza Kubva Kune Zvakasikwa
Wati wamboshamiswa here norunako rwedenga rakajeka, rakazara nenyeredzi musi wakunenge kusina mwedzi, uchiona uchapupu hwoMugadziri Mukuru mariri? “Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa remaoko ake,” akadaro mumwe akazviona kare. “Kana ndichicherechedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza,” akafungisisa kudaro murume iyeye, “munhu chinyiko zvamunomufunga? Nomwanakomana womunhu zvamunomushanyira?”—Pisarema 8:3, 4; 19:1.
Ndezvemuzvarirwo kuti tishamiswe nezvinhu zvakasikwa zvakanyanya kunaka zvokuti vanhu havakwanisi kuzvitevedzera. Mumwe mutsetse wakakurumbira wenhetembo unoti: “Mwari chete ndiye anogona kugadzira muti.” Nepo, kusikwa kwomucheche kunotonyanya kushamisa, kunoitika pasina mirayiridzo yokusika inobva kuvabereki. Apo mbeu inobva kuna baba inosangana nezai rinobva kuna amai, hurongwa hunobva hwatoitwa muDNA yesero richangobva kuumbwa kuti rinambe mwana. Zvinonzi “kana ikanyorwa pasi,” mirayiridzo iri muDNA “ingazadza chiuru chamabhuku ane mapeji anosvika 600.”
Aya mavambo chete. Sero rokutanga rinokamukana kuita maviri, ipapo mana, zvadaro masere, zvichingodaro. Pashure pemazuva anenge 270, mucheche anenge akaumbwa nezviuru zvemamiriyoni emasero mapenyu emarudzi anodarika 200 anozvarwa. Uye kuedza kufungidzira kuti sero rokutanga rakanga rine mashoko anodiwa kuita kuti pave nemarudzi akasiyana-siyana emasero kwava kuagadzira panguva chaiyo yakarurama! Zvinokuita kuti urumbidze Musiki wedu here? Ona kurumbidza kwakaitwa nomunyori wepisarema akanyora kuti: “Imi makaumba itsvo dzangu; makandiruka mudumbu raamai vangu. Ndichakuongai, nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa.”—Pisarema 139:13-16.
Vaya vakadzidza nezve“zvishamiso” izvi vanonzwa vachitya. Dr. James H. Hutton, aimbova purezidhendi weChicago neIllinois State Medical societies, akati akashamiswa zvikuru ne “mashiripiti esero okugona kupa mamwe masero anotevera mashoko ose aanoda kuti agadzirwewo. Zvechokwadi zvinoshamisa kuti vasayendisiti vedu vanotsvakurudza ruzivo vakakwanisa kudzidza nezvezvinhu zvakadaro. Asi Uchenjeri hwaMwari zvechokwadi hunofanira kuva hwakaronga zvinhu izvi.”
Dr. Hutton akapfuurira achiti: “Muchikamu changu chiduku chokudzidza nezvokubudiswa kwemakemikari mukati momuviri, kudzidza nezvokushanda kwemakemikari anobudiswa mumuviri uye kusagadzikana kwemasero aya kunowedzera chokwadi chokuti Simba raMwari rinofanira kuva rakaita izvi zvinhu zvinoshamisa zvakaoma kunzwisisa uye kushanda kwezvinhu izvi zvinokosha.” Akagumisa achiti: “Kufunga nezvezvishamiso izvi kunoratidzika kwandiri sechikonzero chinogombedzera chokudavira kuti mumwe ane masimba ose uye anoziva chinhu chiri chose akaronga zvinhu zvose zvakasikwa izvi, akaita kuti zvifambe uye anozvitungamirira.”
Ataura mashoko aya, Dr. Hutton akabvunza kuti: “Iye ndiMwari chaiye here anoziva kunyange panenge pawa shiri duku?” Akapindura kuti: “Handina chokwadi nazvo. Uye handidaviri kuti Iye ane hanya nokurarama kwangu zuva rimwe nerimwe.”
Nei vazhinji vachibvuma kuti uchenjeri hunooneka mu“zvishamiso” zvokusika asi votadza kuva nechokwadi nezvokuvapo kwaMwari chaiye ane hanya nevanhu?
Mwari Ane Hanya Nesu Zvechokwadi Here?
Vazhinji vanotaura kuti kudai kwakanga kuna Mwari, aisazobvumira vanhu kutambura zvakadai. Mubvunzo unobvunzwa nevazhinji ndewokuti, “Mwari aiva kupi pataimuda?” Mumwe munhu akapona pakupondwa kwevanhu vane mamiriyoni nevaNazi muHondo Yenyika II akarwadziwa mwoyo zvikuru nokutambura kwaakaona zvokuti akati: “Kudai waigona kunanzva mwoyo wangu, mwoyo wangu waizokupa chepfu.”
Saka, kuvazhinji inhau inonetsa kugadzirisa. Sezvakataurwa nomumwe aiona zvinhu munguva yakapfuura ambotaurwa, uchapupu hwokuvapo kwoMusiki huri pachena kana tikaongorora kugadzirwa kwezvinhu kwakarongeka uye kunoshamisa. Asi, kana Iye ari Mwari ane hanya nesu, Angabvumira sei kutambura kwakakura zvakadaro? Kana tichizonzwisisa uye kunamata Mwari zvakarurama, tinofanira kuva nemhinduro inogutsa kumubvunzo uyu unokosha. Tingaiwana kupi?
Tinokukumbira kuti uwane bhurocha rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Papeji 32 yeMukai! ino, unogona kuwana nzira yokukumbira nayo bhurocha iri. Tine chokwadi chokuti kunyatsoongorora zvikamu zvinoti “Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura” uye “Chii Chave Chiri Muuyo Worupanduko?” kuchakupa mhinduro dzinogutsa.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Unoona uchapupu hwokuvapo kwoMusiki muzvinhu izvi here?