Mbizi—Bhiza romuAfrica Risingadzoreki
NOMUNYORI WEMUKAI! MUAFRICA
MBIZI dzinoda kusvika chiuru dzinomhanya pasina anodzidzora mumafuro eAfrica. Tsandanyama dzadzo dzinotamba-tamba sezvo mitsipa yadzo ine mazenze makuru inoenderana nokufamba kwadzo kune simba. Ruzha rwemahwanda adzo anotidibura pasi pakaoma runotinhira mumapani. Kupfumbuka kweguruva dzvuku kunorotoka kumashure kwadzo uye kunogona kuoneka kwemakiromita. Dzinomhanya, dzakasununguka uye zvoupengo, dzisingambozivi kuti kune chinonzi kudzorwa.
Sokunge kuti pane chimwe chiratidzo chisingaoneki, dzinotanga kudzora nhanho dzomira. Nemeno adzo akasimba, makobvu, dzinofura uswa hwakaoma. Boka racho rakangwarira, richiringaringa, kuteerera, uye kufembedza mhepo nguva nenguva. Kwatakurwa nemhepo, kuomba kweshumba iri kure kunosvika munzeve dzadzo, uye dzinomira kuti tumbi. Dzinonyatsoziva kuomba kwacho. Nzeve dzakati ngwa-a, uswa hwakarembera husingazunguziki pamiromo yadzo, mbizi dzinotarira kwabva kudzvova kwacho. Dzichiona kuti hapana ngozi iri pedyo, dzinokotamisa mitsipa yadzo dzopfuurira kufura.
Zuva parinotanga kugocha, dzinotanga kufamba zvekare. Pari zvino kunhuwira kwemvura ndiko kunoita kuti mabhiza omusango aya aende kurwizi. Dziri pamahombekombe akakwirira, dzinomira dzoyeva nechepasi pane mvura shava iri kuyerera zvishoma nezvishoma, dzichipfepfedza nokutsika-tsika pavhu rakaoma. Dzinombozeza, dzichiziva nezvengozi inogona kunge iri pasi pemvura yakaterama. Asi dzafa nenyota, uye dzimwe dzinotanga kusundana dzichienda mberi. Dzose dzinobva dzazongoti ririri kumhanyira kurwizi. Dzinodutira imwe neimwe nepainogona napo, dzotanga kudzoka mumapani asina miti.
Kumanheru boka racho rinofamba zvishoma nezvishoma muuswa hurefu. Dzakavhenekwa nokupenya kwakatsvukirira kwezuva rava kunyura, uku dzakapoteredzwa norunako rwesango romuAfrica, dzinooneka dzakanaka zvisingatauriki.
Dzine Mitsetse Noushamwari
Zvinoitwa zuva roga roga nembizi zvimwe chete. Dzinoramba dzichifamba nokuti dzinenge dzichitsvaka zvokudya nemvura. Dzichifura mumapani asina miti, mbizi dzinotaridzika zvakashambidzika uye dzakakora, ganda radzo rine mitsetse rakakakwa kuti ndi pamiviri yadzo yakasimba. Hapana mitsetse yeimwe mbizi yakafanana neyeimwe, uye sezvinotaura vamwe, hapana mitsetse inonyatsoti gedye-gedye. Mitsetse yadzo mitema nemichena inonyatsooneka inoita kuti dzisiyane nedzimwe mhuka dzinofura mumapani. Asi kutarisika kwadzo kunoyevedza uye ndokwomusango racho reAfrica chairo.
Mbizi dzine ushamwari zvikuru. Imwe neimwe inoita ushamwari hwakasimba neimwe kwoupenyu hwose. Kunyange zvazvo boka guru ringava nemhuka dzinokwana zviuru zvakati, rakakamurwa kuva mapoka maduku emhuri akawanda anenge aine mukono nehadzi dzawo. Boka remhuri duku iri rinoramba rakarongeka nokuti rinokamuranisa nhengo dzaro maererano nokukura kwadzo. Hadzi huru ndiyo inosarudza kufamba-famba kweboka racho. Inotungamirira, nedzimwe hadzi nevana vadzo zvichitevera mumutsara mumwe maererano nokukura kwadzo. Kunyange zvakadaro, pakupedzisira mukono ndiwo unotonga. Kana uchida kuti mhuri yawo iende rimwe divi, mukono wacho unosvika pahadzi inotungamirira woisundira kudivi raunoda.
Mbizi dzinoda kunanzvwa kuti dzichenese mvere dzadzo, uye zvakajairika kudziona dzichikwizirana nokurumana-rumana zvinyoro-nyoro pamazenze, mapfudzi, nemisana yadzo. Kuchenesana mvere uku kunoita sokunosimbisa chisungo chorudo pamhuka imwe neimwe uye kunotanga apo mhuru dzacho dzinenge dzichine mazuva mashoma okuberekwa. Kana pasina imwe nhengo yemhuri yokuchenesa mvere dzeimwe, mbizi dzinenge dzichivaviwa idzi dzinoumburuka muguruva kana kukwizira miviri yacho pamiti, zvuru zvomujuru, kana zvimwe zvinhu zvakamira.
Kutamburira Kurarama
Upenyu hwembizi hunogara huri pangozi. Shumba, mhumhi, mapere, mbada, uye makarwe zvose zvinoda nyama yemhuka iyi chaizvo. Mbizi inogona kumhanya makiromita 55 paawa, asi dzimwe nguva inobatwa yakarivara nezvikara zvinonyangira nokubata zvisingafungidziriki. Shumba dzinomirira dzakahwandira, makarwe anohwandira ari pasi pemvura yakasviba nematope, uye mbada dzinohwandira murima.
Kuzvidzivirira kwembizi kunobva pakungwarira nokushandira pamwe kwenhengo dzeboka racho. Kunyange zvazvo dzakawanda dzichirara usiku, panenge pane dzimwe dzinenge dzakasvinura nguva dzose, dzichiteerera nokurinda. Kana mbizi ikaona chikara chichiuya, inonyevera dzimwe nokupfepfedza kunomutsa boka rose. Kakawanda, kana imwe iri muboka ichirwara kana kuti yachembera uye yave kutadza kufambirana nedzimwe, dzimwe mbizi dzinodzora nhanho nemaune kana kuti kumirira kusvikira yave kufamba zvishoma yacho yagona kubatanazve neboka. Kana ngozi yavapo, mukono wacho unomira usingatyi pakati pechikara nehadzi dzacho, uchiruma nokukava muvengi kuitira kupa boka racho mukana wokutiza.
Kubatana kwemhuri kwakadaro kunoratidzwa nechimwe chiitiko chinoshamisa chakaitika muBani reSerengeti muAfrica, sezvakaonekwa nomusayendisiti anonzi Hugo van Lawick. Achitsanangura kutanga kumhanyisa mbizi kwakaitwa neboka remhumhi, akataura kuti mhumhi dzacho dzakagona kukamura mbizi hadzi imwe chete, mhuru yayo, nomumwe mwana wayo ati kurei. Pakamhanya dzimwe mbizi dzose, mai vacho nomwana ati kurei zvakarwisa mhumhi dzacho noushingi. Mhumhi dzacho dzakabva dzawedzera hasha, uye hadzi yacho nomwana wayo dzakatanga kuneta. Zvaiva pachena kuti dzichakurirwa. Van Lawick anoyeuka maitikiro acho akanga asina tariro achiti: “Pakarepo, ndakanzwa pasi pachitinhira, uye pandakacheuka, ndakashamiswa kuona mbizi gumi dzichiuya nokuchimbidza. Gare gare boka iri rakaunganira hadzi iya nevana vayo vaviri uye ipapo, dzichidzipoterera, boka rose rakaungana rakamhanya kuenda kwakanga kwabva dzimwe gumi. Mhumhi dzacho dzakatevera kwemamita 50 kana kuti anopfuura asi hadzina kugona kupinda muboka racho uye dzakabva dzarega kutevera.”
Kurera Mhuri
Mbizi hadzi inochengetedza mhuru yayo ichangoberekwa uye inoichengetera kure nedzimwe mbizi dzomuboka racho. Munguva yokugara kwadzo dzoga dziri pedyo nepedyo, mwana wacho anova pedyo zvikuru naamai vacho. Mhuru yacho inocherechedza uye kuziva mitsetse mitema nemichena iri pana amai vacho. Zvadaro, inoziva kuchema, hwema uye mitsetse yaamai vacho uye haizobvumi chero imwewo hadzi.
Vana vachangoberekwa havaberekwi vane mitsetse michena nemitema inonyatsooneka kufanana nehombe dzacho. Mitsetse yadzo mishava uye inotozoita mitema padzinokura. Mumapoka makuru, mhuru dzinobva kune mapoka emhuri akasiyana-siyana dzinoungana kuti dzitambe. Dzinomhanya uye kudzingirirana, kukavana nokumhanya nepakati pehombe, idzo dzimwe nguva dzinobatana nadzo pakutamba. Dzichigagadika nemakumbo adzo marefu akatetepa, mhuru dzacho dzinonakidzwa nokudzingirira shiri nedzimwe mhuka duku. Mhuru dzacho, nemakumbo adzo akareba, matete, meso matema mahombe, makanda anobwinya akapfava, imhuka duku dzakanaka uye dzinonakidza kuona.
Dzinogara Musango uye Dzinoshamisa
Nhasi mapoka embizi anogona kuonekwa achimhanya madiro mumasango emafuro makuru eAfrica. Zvinonakidza kuona.
Ndiani angaramba kuti mbizi, ine mitsetse michena nemitema isingawaniki pane imwe, yakavimbika kuboka rayo, uye inongomberereka yakasununguka, imhuka inoshamisa? Kudzidza nezvemhuka yakadaro kunopindura mubvunzo wakabvunzwa zviuru zvemakore zvadarika wokuti: “Ndianiko wakaregedza mbizi isina kusungwa?” (Jobho 39:5) Mhinduro yacho yakajeka. Mugadziri wezvinhu zvose zvipenyu, Jehovha Mwari.
[Bhokisi riri papeji 14]
Nei Mbizi Ine Mitsetse?
Vaya vanodavira mhindumupindu vanoona zvakaoma kutsanangura nezvemitsetse yembizi. Vamwe vakafunga kuti ingashanda sechinhu chokunyevera. Zvisinei, zviri pachena kuti shumba nezvimwe zvikara zvikuru hazvityi mitsetse yembizi kana napaduku pose.
Vamwe vakafunga kuti mitsetse yacho inoshanda kukwezva imwe hono kune hadzi. Zvisinei izvi hazviratidziki kuti ndizvo sezvo mbizi dzose dzine mitsetse isina kunyanya kusiyana uye mitsetse yadzo hairatidzi kuti ihono here kana kuti ihadzi.
Imwe tsanangudzo ndeyokuti mitsetse michena nemitema yakavapo kuitira kubatsira kuderedza kutsva muzuva romuAfrica rinopisa. Asi nei dzimwe mhuka dzisina mitsetse?
Imwe tsanangudzo ichiripo ndeyokuti mbizi yakava nemitsetse kuti irege kuonekwa nezvikara. Masayendisiti akaona kuti ichokwadi kuti kupisa kwomumapani eAfrica kunokanganisa kuoneka kwembizi, zvichiita kuti isaonekwe kana iri kure. Zvisinei, kusaonekwa kana iri kure kwakadaro kunoshanda zvishoma, nokuti shumba, muvengi mukuru wembizi, inorwisa iri pedyo chete.
Vamwewo vakati pakumhanya kwadzo kupindana-pindana kwemitsetse yemiviri yembizi kunovhiringidza shumba dzinenge dzichivhima, zvichikanganisa kugona kwadzo kutsaura mhuka imwe. Asi, chokwadi ndechokuti, zvidzidzo zvemhuka dzomusango zvakaratidza kuti shumba dzine unyanzvi uye dzinobudirira pakuvhima mbizi sezvadzinongoita pakuvhima dzimwe mhuka.
Chinowedzera kuvhiringidzika panhau yacho ndechokuti mitsetse yembizi inotoratidza kuva inoiisa pangozi. Manheru, muchiedza chemwedzi mubani, mitsetse yembizi michena nemitema inotoiita kuti ionekwe zvikuru kupfuura dzimwe mhuka dzine ruvara rumwe chete. Sezvo kazhinji shumba dzichivhima usiku, izvi zvinoita sezvinoipira mbizi yacho.
Saka mbizi yakawana kupi mitsetse yayo? Mhinduro yokunzwisisa izvi inogona kuonekwa mumashoko aya asina kuoma anoti: “Ruoko rwaJehovha rwakaita izvi zvose.” (Jobho 12:9) Hungu, Musiki akagadzira zvisikwa zvepanyika zviine zvinhu zvakasiyana-siyana nokuda kwezvikonzero izvo vanhu vangasambonzwisisa zvinoita kuti zvirarame. Kusikwa kunoshamisa kwezvinhu zvipenyu kunoita chimwe chinangwa. Kunounza mufaro nokunakidzwa kumwoyo yevanhu. Chokwadi, kunaka kwezvakasikwa kwakaita kuti vakawanda nhasi vanzwe sezvakaitwa naDhavhidhi wekare, akati: “Haiwa, Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; pasi pazere nepfuma yenyu.”—Pisarema 104:24.