Kutama Kukuru
NOMUNYORI WEMUKAI! MUKENYA
PASI rinotinhira nomutsindo wemamiriyoni ematsimba. Mhuka zhinjizhinji dzinofamba dzichienda mberi dzichikava nokupfumbura guruva dzvuku. Mhuka dzacho dzinomhanya nemakumbo adzo marefu akatetepa dzichipfuura nomumipata inodzika nokukwira uye nomuzvikomo, dzichienda kune rimwe divi rebani, dzichiyambuka nzizi nehova. Dzinofamba dziri boka guru, dzichisiya gwara guru rouswa hwadimbukira pasipasi. Danga guru iri rezvisikwa zvinobowa, zvichimhanya rinoratidza chimwe chezvishamiso zvinonakidza zvemhuka dzomusango pasi pano—kutama kukuru kwemvumba.
Bindu reEdheni romuAfrica
Serengeti isango. Riri munyika dzeTanzania neKenya, ibani guru, zienda nakuenda rinokwidza nokudzika richifukidza nzvimbo yemakiromita 30 000 kumativi ose. Kuno pasi rine ivhu rakaorera rinobva pakuputika kwepasi, zvichiita kuti pave nemhoteredzo yakanaka youswa hwakasvibirira hunofukidza nzvimbo yacho. Mune nzvimbo dzemasango omubayamhondoro uye minzwa yomumapani ine mashizha anodyiwa nemhuri dzenzou. Matanga etwiza anofamba zvinoyevedza achienda kune rimwe divi rebani racho achikanda nhanho refu zvishoma nezvishoma.
Mune dzimwe nzvimbo matombo egranite, anotsvedzerera pamusana pemhepo uye mvura yokunaya, anoonekera nomubani racho uye anogovera nzvimbo yakanaka yokuti shumba nembada zviwane pokurindira zviri. Nzizi dzinoyerera nokukurumidza idzo dzinomonyoroka nomunzvimbo yacho dzakazara nemvuu nengwena. Mumapani asina miti, matanga emvumba, hwiranondo, mharapara, uye mamwe marudzi emharapara akawanda anogona kuonekwa achifura. Mbizi dzine nyota dzinoungana pamatsime emvura, dzichiatenderedza kunge zvuma zvomuhuro zvakatungwa zvichena nezvitema. Nondo nemhara dzinosvetuka-svetuka zvinyoronyoro dzichienda kune rimwe divi dzakakombamira. Matanga makuru enyati huru, dzine nyanga huru dzakakombama uye miviri yakasimba, dzinofura zvishoma nezvishoma, dzichidhonza zvitsinzinzi zvouswa nemiromo yadzo mikuru.
Mapoka eshumba haazivani muSerengeti. Panguva yokupisa masikati makuru, dzinorara pamimvuri yemiti neyemakwenzi, dzichimirira kutonhorera kwemanheru kuti dzivhime. Mbada hadzinyatsooneki padzinorara, dzakazvambarara zvakaisvonaka pamapazi emiti epamusorosoro, dzakavharwa nechiedza chinopinda nomumashizha. Dindingwe rinoona mapani acho ari nzvimbo yakanakira kumhanya kwaro kunenge kupenya kwemheni. Muviri waro mutete haunyatsooneki sezvarinomhanyisa mhuka mubani racho.
Chokwadi, mhoteredzo yeSerengeti iparadhiso yemhuka dzinofadza kuona. Asi matanga makuru emvumba ndiwo anoita chimwe chezvishamiso zvikuru munzvimbo yacho inogara mhuka.
Mhuka Inosekesa Mubani Racho
Zvinofungidzirwa kuti mvumba dzinenge mamiriyoni 1,5 dzinotenderera muSerengeti. Iyi imhuka yakasiyana nedzimwe, ine musoro wakareba nemaziso anopenya, ari kure nokure uye ari pamusorosoro pedehenya. Nyanga dzayo dzakaita sedzemombe dzakakombamira pasi zvishoma uye nechokunze dzozokombama nechokumusoro. Musana wayo wakaderera nechokumakumbo okumashure anoita seasina simba kana achienzaniswa nemapfudzi ayo uye mutsipa zvakasimba. Makumbo ayo marefu akatetepa anotsigira uremu hwomuviri wayo. Mvumba yakafanana nemhuka dzinoverengeka dzakasiyana-siyana nokuti ine ndebvu dzakacheneruka refu dziri pasi pechirebvu, zenze rakasvibira riri pamutsipa, uye muswe wakaita sowebhiza.
Kazhinji kutamba kwemvumba kunosetsa uye kunovaraidza. Padzinenge dzakaungana dzakawanda, dzinobowa zvine ruzha rwakaita sekorasi yezviuru zvematatya. Dzakamira mumapani, dzinoita sedzakangaidzika, dzashamisika sezvadzinotarira nyika yakadzipoteredza.
Dzimwe nguva, mukono wemvumba unomhanya uchienda rimwe divi rebani racho, uchisvetukira-svetukira kumativi uye uchitenderera. Uchidzungudza musoro wawo, unosvetuka-svetuka nemakumbo akaomarara, uchipfumbura guruva zvinosekesa. Vamwe vanoti unoita izvi kuti uyevedze hadzi kana kuti kunyevera mimwe mikono nokuratidza simba rawo. Zvisinei, dzimwe nguva, mukono wacho unoratidzika sounenge uchitamba zvawo.
Kuberekerwa Munyika ine Ruvengo
Kana nguva yakanaka yasvika, mvumba dzinotanga kubereka. Dzine mano akasiyana needzimwe okubereka vana vadzo panguva imwe chete, dzichibereka mhuru dzadzo kubva pa80 kusvika pa90 kubva muzana mukati mevhiki nhatu. Panguva iyi danga racho rinozara nezviuru zvevana vadzo vanenge vachichema. Amai vamwe nevamwe vanofanira kukurumidza kushamwaridzana nemhuru yavo, nokuti kana danga racho rikamhanyiswa, amai vacho nemhuru yavo vangangoparadzana nyore nyore, uye mhuru yacho ingava nomukana muduku wokupona iri yoga.
Vana vacho vanoberekerwa munyika ine ruvengo yezvikara zvinogara zvakangwaririra. Hadzi dzinomirira kusvikira pasisina zviratidzo zvenjodzi dzisati dzabereka. Zvisinei, kana dzikavhundutswa nechikara, dzine simba rinoshamisa rokumbomira kubereka dzobva dzatiza. Zvadaro, pane imwe nguva gare gare pasisina chinotyisidzira, dzinokwanisa kupedzisa kubereka mhuru dzadzo.
Mhuru yacho inoita seinoberekwa ine pfungwa yokuziva ngozi uye inomira mukati memaminitsi mashomanana okuberekwa. Vhiki imwe yapera, mhuru yacho inenge yava kukwanisa kumhanya ichienda rimwe divi rebani racho makiromita 50 paawa.
Nguva Yokutama
Mvumba dzinotama mumatanga akakura dzichienda kune rimwe divi reSerengeti. Chinoita kuti dzitame dzakawanda kunaya kwemvura. Kunaya kwemvura kunodzorwa nemamiriro okunze anoramba achitenderera gore negore. Mugore rose kazhinji kunenge kune imwe nzvimbo inenge ichinaya mubani guru iri.
Mvumba dzinoda mvura zuva nezuva uye dzinofanira kuramba dzichiwana uswa hwokudya. Chero bedzi zvokudya nemvura zvichiwanikwa, dzinoramba dziri munzvimbo yacho. Asi sezvo mwaka wokupisa unosvika, uswa hwebani racho hunotanga kuoma uye nzvimbo dzinowanikwa mvura panenge pasisina. Matanga emvumba haangamiriri kuti mvura izonaya kwaanenge ari. Anofanira kuenda kwainenge ichinaya.
Kwose kunenge kwanaya mvura, masango akaoma anokurumidza kuchinja. Mumazuva mashomanana, uswa hunomera paivhu rakaorera ndokukurumidza kusvibirira. Uswa uhwu hune kudya kwakawanda nounyoro—hunokwezva mvumba zvikuru.
Zvisikwa izvi zvine mano okuona kuri kunaya mvura, kunyange iri kure kure. Hapana anoziva kuti zvinoziva sei kuti kwava kunaya kune rimwe divi reSerengeti—kungava kuti zvinoona mitswi yemvura nemakore nechokure kana kuti zvinonzwa munhuwi wounyoro mumhepo yakaoma. Chero zvazvingava, kuti apone, matanga acho anofanira kutama. Uye anotama!
Rwendo Rune Ngozi
Pakutanga dzinobva zvishoma nezvishoma. Mvumba zvisikwa zvinoda kutevedzera zvimwe zvorudzi rwazvo; kana mhuka imwe ikatanga kufamba ichienda kune rimwe divi, dzimwe dzakaipoteredza dzinomira kufura dzoedza kuitevera. Munguva pfupi danga rose rinofamba richienda mberi zvinoyevedza. Dzanzwa nenyota uye nenzara, dzinoramba dzichienda mberi. Dzimwe nguva dzinomhanya. Pane dzimwe nguva dzinofamba zvishoma nezvishoma dzichitevedzana, dzichisiya matsimba akadzika muvhu.
Rwendo rwadzo rwakazara nenjodzi. Zvikara zvinodzitevera, zvichinyatsocherechedza chero ipi isingagoni kufambisa, yakaremara, kana kuti inorwara. Padzinenge dzichifamba, dzinopinda munharaunda yemapoka eshumba, dzinenge dziri mumakwenzi dzakavandira. Dzakavanda muuswa hurefu, shumba dzinomhanyira paboka remhuka dziri kufura, dzichiita kuti dzipararire nokutya. Mbada, madindingwe, mhumhi, uye mapere dzose dzinodya mhuka ipi neipi inenge yasaririra kana inenge yatsauka pane dzimwe. Kana dzauraya, magora anosvika. Achiita ruzha uye achirwirana zvinenge zvasara, anongosiya marangwanda chete, anenge akangoti mbuu kuchena muzuva rinopisa romuAfrica.
Nzizi dzinoyerera nokukurumidza chibingamupinyi kudanga rinofanira kuyambuka. Kuyambuka rwizi zviitiko zvinofadza kuona, zviuru zvemhuka zvichisvetukira mumvura iri pasipasi. Dzakawanda dzinoyambuka zvakanaka. Dzimwe dzacho dzinotorwa nemvura kana kuti dzinodyiwa nengwena idzo dzinenge dzakamirira nechepasi pemvura. Rwendo urwu rune ngozi runoitwa gore negore. Parunopedzwa, rungaita makiromita 3 000.
Munhu—Chikara Chikuru Zvikuru
Kwezviuru zvemakore, munhu akanga asinei chokuita nokutama kwemvumba. Zvino munhu ingozi huru kuchiitiko ichi chinofadza. Mumakore achangopfuura hurumende dzeTanzania neKenya dzave dzichiedza kuchengetedza mhuka dzeSerengeti. Asi, kunyange zvazvo kutama kwemvumba kuchiitika munzvimbo yacho inochengetedzwa yadzinogara, zviuru zvadzo zvinoteyiwa ndokuurayiwa nevanhu vanovhima zvisiri pamutemo. Vachishandisa misungo yewaya, miseve ine muchetura, uye pfuti, vanovhima mhuka kuti vawanire vanhu vakagadzirira kutenga nyama yemhuka nezvinhu zvinogadzirwa nenyanga dzacho. Boka revachengetedzi vemhuka nevemasango rinotenderera panzvimbo dzinochengetedzwa, asi Serengeti yakakura zvokuti zvinenge zvisingabviri kuichengetedza zvakakwana. Sezvo vanhu vanowanda, kuedza kuda kupinda mubani iri rakaorera kunowedzera. Kuchengetera mhuka dzesango nzvimbo huru yakadai inhau yakaoma iri kuramba ichikurukurwa.
Pane imwe nguva mamiriyoni orumwe rudzi rwenyati aitenderera masango eNorth America. Zvino hakuchina. Vamwe vanotyira kuti ndozvichaitikawo kumatanga makuru okupedzisira emvumba muEast Africa. Ringava zuva rinosuruvarisa kana taizoona kupera kwechishamiso chakadaro. Tinomirira zvikuru zuva pasi poutongi hwaMwari hwakarurama, apo vanhu nemhuka zvichagara muukama hwakakwana uye zvichiwirirana. (Isaya 11:6-9) Panguva ino, ticharamba tichifadzwa nechiitiko chinonakidza ichi—kutama kukuru kwemvumba.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Matanga anofanira kuyambuka nzizi dzine mvura inoyerera nokukurumidza