“Umhuka Chaihwo”
MARIAa akava pfambi yechiduku aine makore 14. Akatora mararamiro akaipa zvikuru aya amanikidzwa naamai vake pachake, vakamuudza kuti akanga akanaka uye kuti varume vaizomufarira zvokuti. Zvekare, vakamuudza kuti aizowana mari yakawanda. Manheru amai vaMaria vaienda naye kune imwe hotera kwavainotsvaka varume. Amai vacho vaigara vari pedyo kuti vatambire mari. Usiku hwoga hwoga, Maria airara nevarume vatatu kana vana.
Kusiri kure nokumba kwavanaMaria, Carina ane makore 13 akamanikidzwawo kuita chipfambi. Kufanana nedzimwe mhuri zhinji dzinogara munharaunda yavo yevashandi vomunzimbe, mhuri yaCarina yakashandisa muviri wake kuti iwedzere mari yayo yaiva shoma. Kune imwe nzvimbo Estela akasiyira chikoro panzira achiri muduku, asati atombogona kuverenga nokunyora, ndokutanga kuita zvechipfambi mumugwagwa. Uye Daisy akanga aine makore matanhatu apo akabhinywa neimwe hanzvadzi yake—uye akazobhinywawo nehama dzake kakawanda. Akava pfambi ava nemakore 14.
Kunzvimbo dzakawanda dzepasi pano, dambudziko roupfambi hwevana ichokwadi chinovhundutsa. Migumisiro yacho inorwadza. Kazhinji, vana vari pfambi, zvingava kuti apo neapo kana kuti nguva dzose, vanobatanidzwawo mukupara mhosva nokushandisa zvinodhaka. Vazhinji vavo vanonzwa kuvhiringidzika uye kunzwa vasingabatsiri, vaine tariro duku kana kusatova netariro yokubva muupenyu hwavo hwokutambura hwavanenge vachirarama.
Vanhu vakakurumbira vanoona kuparadza kunoita upfambi hwevana. Aimbova Purezidhendi weBrazil Fernando Henrique Cardoso akabaya dede nomukanwa paakati: “Upfambi hwevana umhuka chaihwo.” Pepanhau rokuBrazil rakabudisa mashoko aya anobaya mwoyo maererano noupfambi hwevana richiti: “Kunyika uko tsika iyi yakakurumbira, uko vanhu vasina basa nayo, uko vanhu vanoigamuchira, uye kunyange kuitsvaka nokuda kwe[mari] yainopa, zuva nezuva dzinoona kuparadza kwainokonzera. Mari ipi neipi inowanika pakupedzisira hapana zvainobatsira kana totarisa vanhu, mhuri, uye nzanga dzinoparadzwa nomuitiro wacho.”
Asi, pasinei nevavariro dzakanaka dzevaya vanoda kupedza chipfambi chevana, dambudziko racho riri kukura. Chii chinoita kuti zvinhu zvakaipa kudai zvivepo? Nei vanhu vazhinji vasina basa nazvo kana kuti vachitsigira mhaka dzakadaro?
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita ari munyaya dzino akachinjwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
“Upfambi hwevana umhuka chaihwo.”—AIMBOVA PUREZIDHENDI WEBRAZIL FERNANDO HENRIQUE CARDOSO
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
“Kubhinya vanhu kwose hakuwirirani nechiremera chevanhu, naizvozvo kunokanganisa kodzero huru dzevanhu, pasinei nezera, kuti munhui, rudzi, dzinza kana mamiriro ezvinhu omunhu anobhinywa wacho.”—UNESCO SOURCES