RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 2/8 pp. 24-27
  • Vatambi Vane Minhenga Mitsvuku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vatambi Vane Minhenga Mitsvuku
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Runako Ruri Pamakumbo Marefu
  • Shiri Isina Kusimba, Inogara Munzvimbo Isina Kunaka
  • Kutevera Sheche Kwakaisvonaka
  • Kubva Pakuipa Kusvika Pakunaka
  • Great Rift Valley
    Mukai!—1997
Mukai!—2003
g03 2/8 pp. 24-27

Vatambi Vane Minhenga Mitsvuku

NOMUNYORI WEMUKAI! MUKENYA

ZVIURU zvemanzwi. Ruzha runorira rusingaperi runoita maungira rwakacheka gungwa riri kure. Dzinofamba mumvura iri kupenya yakaita girini ishiri dzepingi dzine zviuru. Kumusoro, denga rinozara norunako rwokubhururuka kwadzo. Dzichitenderera pamusoro pemvura, dzinorova mhepo nemapapiro adzo marefu, matete, dzichiratidza utsvuku. Gurusvusvu reshiri iri, dzine ruvara rwakajeka, rinopedza mate mukanwa! Zvichida ndicho chishamiso chakanaka zvikuru pashiri dzepasi pano—flamingo dzepingi dzomuGreat Rift Valley muAfrica.

Runako Ruri Pamakumbo Marefu

Kubvira makarekare flamingo yakadiwa nemhaka yorunako rwomuviri wayo. Mifananidzo yomutsipa wayo murefu yakanyorwa pamatombo uye inogona kuonekwa muzvinyorwa zveIjipiti. Chitarisiko cheshiri iyi chaishamisa zvikuru uye chaidiwa zvokuti vaIjipiti vaiiremekedza vachiti ndimo maigara mwari anonzi Ra. Mutsipa mutete, wakakombama uye makumbo matete akaisvonaka eflamingo zvakanyorwa mumifananidzo yekare yomumapako.

Nhasi marudzi mana eflamingo anogona kuwanika muAfrica, Caribbean, Eurasia, neSouth America. Flamingo duku ndiyo duku parudzi rwadzo rwose. Ine ruvara rwakaisvonaka, nemapapiro epingi nemakumbo netsvaratsvato tsvuku. Flamingo huru yakakura zvakapetwa ruviri pane flamingo duku uye yakareba kusvika masendimita 140. Flamingo dzose dzakafanana pane chimwe chinhu—muromo wakakombama zvishoma nechepakati uchiita kuti shiri yacho inakidze zvikuru kuona.

Padzinobhururuka, shiri dzacho dzinorova mapapiro adzo zvakaisvonaka uye dzinomhanya pamusoro pemvura notukumbo twadzo, dzokwanisa kusimuka kuenda mudenga. Nomutsipa wayo murefu uye musoro uri mberi nemakumbo achisaririra shure akati twasu, inobhururuka yakacheka denga. Zvinofungidzirwa kuti kune flamingo dzinosvika mamiriyoni mana dzinogara muGreat Rift Valley muAfrica.

Shiri Isina Kusimba, Inogara Munzvimbo Isina Kunaka

Nhamba huru yeflamingo dzomuRift Valley dzinogara mumvura ine munyu yomumakungwa inoshamisa zvikuru. Mvura yacho ine makemikari akawanda zvokuti inoita seine mafuta kana ukaibata uye inopisa zvishoma ikaiswa paganda. Tembiricha mumakungwa eRift inogona kukwira kusvika madhigirii 65. Munhuwi une simba wesarufa nomunyu unosimuka uchibva mugungwa uye unorembera pamusoro mumhepo inopisa. Munyu uri mumvura iyi wakawanda zvokuti unogwamba kuita matombo machena kumahombekombe egungwa.

Kune zvisikwa zvishoma zvinogona kurarama mumvura ine munyu zvakadaro. Asi, tumwe tupukanana tunorarama imomo tusingaoneki nemaziso—turi muzerere rine ruvara rwakada kuita girini inenge bhuruu. Zuva rinobanda munzvimbo iyi rinodziyisa mvura ine munyu, zvichiita kuti zerere iri riwande zvikuru. Zerere racho rakawanda zvokuti rinoita kuti mvura yacho yomugungwa iite girini. Kufanana nematombo eemeraudhi ari pachuma chakaisvonaka, makungwa aya akatevedzana anoshongedza zvakanaka mipata nemakomo akatevedza Great Rift Valley.

Zvinoshamisa kuti chisikwa chisina simba chakadai seflamingo chinokwanisa kurarama munzvimbo yakaoma zvakadaro. Nepo kuno ndiko kunotofarirwa neflamingo. Makumbo ayo marefu haakuvadzwi nemvura ine munyu, uye tsvaratsvato dzayo dzakaita sedzedhadha dzinoita kuti isanyura mumadhaka akapfava. Flamingo duku yakagadzirwa zvinoshamisa kuti igare mumamiriro ezvinhu akaoma zvakadai. Muromo wayo une tubvudzi tunoita kuti ikwanise kusefa uye kubata tupukanana tunenge twakawanda pamvura iri nechepamusoro nemasendimita 5 kusvika ku7. Kana dziri kudya, flamingo dzinoisa muromo wadzo wakatarisa mudenga, wakadzokera necheshure, nechepasi pemvura zvishoma. Flamingo inokwanisa kubata tupukanana nebvudzi riya uku ichisvisvina mvura.

Kutevera Sheche Kwakaisvonaka

Apo zuva rinobuda mangwanani pamusoro pemvura yomugungwa ine ruvara rwegirini, zvinoita sokuti keteni guru rabviswa. Chiedza chakatsvukuruka chinoratidza flamingo dzakawanda dzinopenya semarimi omoto pamusoro pegungwa. Shiri dzacho dzakamanikidzana chaizvo. Mitsipa yadzo yakasimudzwa mudenga, shiri dziri kuda sheche dzinofamba dziri muzvikwata, dzichifambisa miromo yadzo uku nouku.

Sezvo zvikwata zveshiri zvinopfuudzana, zuva rinopenya paminhenga yeshiri, zvichiita kuti pave nemavara matsvuku neepingi akasangana-sangana. Shiri dzacho dzinosvetuka-svetuka uye kutamba, dzichivhura mapapiro adzo dzichiratidza utsvuku huri mukati memapapiro adzo. Dzichiratidza mavara adzo akanaka zvikuru, dzinomhanya nepamusoro pemvura dzobhururuka, dzomhara dzotanga zvekare kuita izvi. Flamingo dzinenge dzakamanikidzana chaizvo zvokuti shiri idzi hadzikwanisi kubhururuka asi dzinofanira kumirira kuti dziri kumucheto dzitange ndidzo kubhururuka. Dzichirira nomufaro, dzinoita ruzha rune maungira anodzivira nzeve.

Ipapo chiriporipocho, usiku, shiri dzose dzinoti dzvamu kwava kuenda. Dzichifamba mumitsetse mirefu kana kuti dzakaita V, dzinobhururuka kwemazana emakiromita dzamara dzasvika kwadziri kuenda—gungwa rine mvura ine munyu rakanakira kuita matendere uye kurera manyana adzo. Zvinoshamisa kuti kutama uku kunoitika panguva imwe chete nokutama kunoita dzimwe flamingo dziri kune mamwe makungwa ane munyu muRift Valley.

Kubva Pakuipa Kusvika Pakunaka

Flamingo dzinosarudza kuvaka matendere adzo pamakungwa ari kure zvikuru kusingasvikiki. Kuenda kwadzo dzoga uku kunokosha, nokuti shiri dziri kuvaka matendere idzi hadzitani kuramwa. Kana dzikakanganiswa, sheche dzinogona kuramwa mazai adzo zvachose dzorega kudzoka zvekare.

Kumatendere kunenge kuine chipatapata. Dziine mufaro mukuru, shiri dzacho dzinotanga kuvaka. Dzichikombamisa mitsipa yadzo mirefu, dzinotora madhaka, matoto eshiri, neminhenga mishoma kuti dzigadzire dendere rinenge duri rakareba masendimita 40. Pamusoro panenge paine kakomba panogara zai rimwe chete, kuti risaendwe nemvura yakadzikira, ine munyu. Nenguva isipi mazana ezviuru zvemanyana anotanga kutsotsonywa. Vabereki vawo vanobhururuka vachienda nokubva kumatendere vakawanda, vakabatikana nebasa rinonetesa rokudyisa nokutarisira manyana anenge achichema nzara.

Zvadaro, kana manyana akura zvokukwanisa kufamba, vabereki vanoerekana vasiya vana vavo vobhururuka vachienda kune rimwe divi regungwa, kune zerere rakawanda. Kuno, kure nemanyana anoda chikafu, dzinokwanisa kuwana zvokudya dzowana rimwe simba. Gurusvusvu remanyana rinobva raunganidzwa zvino pamwe chete neshiri huru shoma dzinenge dzasara. Dzichitarisirwa neshiri huru idzi, shiri duku dzine ruzha dzinotungamirirwa kuyambuka mapani ane munyu kusvika dzasonganiswa nevabereki vadzo. Zvinoshamisa kuti mumhirizhonga yose iyi, shiri dzacho dzinokwanisa kuziva vana vadzo dzoenderera mberi nokuvatarisira.

Manyana maduku aya akati shatei uye haana kunyanya kufanana nevabereki vawo vakanaka zvikuru. Makumbo awo nemitsipa zvipfupi, miromo yawo yakati twasu, uye minhenga yawo michena-chena. Pashure penguva yakati kuti makumbo adzo mapfupi anotanga kukura, mitsipa yadzo inotanga kureba uye kukombama, miromo yadzo inotanga kukombama, zvichiita kuti ifanane neyedzimwe flamingo. Zvichatora mamwe makore maviri kana matatu shiri isina ruvara rwakajeka iyi isati yava flamingo ine ruvara rutsvuku. Zvadaro inobva yabatana neimwe sheche kana jongwe dzobatana nedzimwe flamingo dzinonakidza kuona mumakungwa ane munyu muRift Valley.

Runako rweflamingo muenzaniso unoshamisa wounyanzvi hwokugadzira. Kuona chisikwa ichi chakanaka munharaunda yachinogara kunofadza meso edu nenzeve dzedu. Asi chikuru pane izvi, zvinoita kuti kuonga uye rudo rwedu nokuda kwoMusiki wacho anoshamisa, Jehovha Mwari, zviwedzere.

[Mufananidzo uri papeji 25]

“Flamingo” huru

[Mufananidzo uri papeji 25]

“Flamingo” duku

[Mifananidzo uri papeji 26]

Manyana maduku haana kunyanya kufanana nevabereki vawo vakanaka zvikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe