Zvikomborero Zvikuru Zvinopfuura Pfuma
JON aiva nebasa raimubhadhara chaizvo muUnited States. Kunyange paaive achiri jaya, akafamba nyika yose uye akaita mari yakawanda. Iye nomudzimai wake vaiva neimba yakanaka uye upenyu hwakanaka. Vakawanda vaivaona vaiti vakakomborerwa.
Chimbofungawo izvi. Pavanhu 5 000 vakanyora tsamba dzokutsvaka basa, Kostasa aiva mumwe wevanhu 80 chete vakasarudzwa kuti vadzidzire basa pane rimwe bhengi rinozivikanwa zvikuru rokuEurope. Mumakore mashomanana chete akatevera, akanga akwidziridzwa kakawanda pabasa uye akazopedzisira ava mukuru mukuru wedhipatimendi guru pane rimwe bhengi. Paakazosiya basa iri achinotanga kambani yake, akanga ava kuita mari yakawanda pagore kudarika inoshandirwa nevakawanda muupenyu hwavo hwose. Aiona sokuti akanga akakomborerwa.
Asi varume vaviri ava vanonyatsoziva kuti pane zvikomborero zvinopfuura pfuma. Somuenzaniso, iye zvino Jon akazvipira kudzidzisa vanhu Bhaibheri achivabatsira kuti vaswedere pedyo naMwari. Jon anoti, “Ini pachangu ndakazvionera kuti pfuma haiiti kuti munhu afare. Basa rokuitsvaka uye kuichengeta harikuwanisi nguva yokuita zvimwe zvinhu. Asi, kurarama uchitevedzera mitemo yeBhaibheri kunoita kuti uwane zvikomborero zvakawanda, zvakadai sokuva nemhuri inofara, kuzorodzwa mupfungwa uye hana yakachena.”
Kostas anotiwo: “Mwari haadi kuti tirarame tichiti rimwe gumbo mushuga rimwe muupfu. Ndinoona sokuti chero chii chaanotipa chokuwedzera pane zvatinonyatsoda zuva rimwe nerimwe, tinenge tichifanira kuchishandisa maererano nezvaanoda.” Munguva ichangopfuura, Kostas nemhuri yake vakatanga kudzidza mumwe mutauro kuti vadzidzise vanhu vakawanda mitemo yeBhaibheri. Anoti, “Takadzidza kuti kupa kunoita kuti tifare kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Chokwadi, Jon naKostas vakadzidza kuti zvikomborero zvokunamata zvinokosha kupfuura pfuma. Daniel Gilbert, purofesa wepaHarvard, anotaura kuti nyanzvi dzeutano hwepfungwa “dzava nemakumi emakore dzichidzidza nezvokubatana kwakaita kupfuma nokufara, uye vakagumisa kuti pfuma inowedzera mufaro wevanhu kana ichipedza urombo hwavo vorarama vachiwana chouviri.” Asi akazowedzera kuti, “Kana zvadaro haichakuwedzeri mufaro.”
Vakawanda Vanozoyeuka Bako Vanayiwa Nemvura
Mumwe murume anoongorora zvinhu akati, “Kana usisiri kudya nhoko dzezvironda, mari yaunozoramba uchiwana haitomboiti kuti ufare.” Pakutanga kwezana remakore rapfuura, mumwe mutori wenhau akanzwisisa pfungwa iyi paakabvunzurudza Andrew Carnegie, uyo akaita basa guru pakuvandudza kugadzirwa kwezvinhu zvesimbi, uye panguva iyoyo aiverengwa pavapfumi vaiva panyika. Carnegie akamuudza kuti, “Vanhu havafaniri kushuva kuti dai vakapfuma sezvandakaita. Pfuma yangu ichandibatsirei? Ndava nemakore makumi matanhatu, uye zvandinodya hazvichanyatsogayiwa mudumbu. Ndaizoda hangu kusiya pfuma yangu yose kuti ndiwanezve uduku uye utano.”
Mutori wenhau akawedzera kuti: “VaCarnegie vakabva vatanga kutaura zvinyoro-nyoro vachiratidza kurwadziwa uye zvichibva pamwoyo, ndokuti, ‘Ndaizotengesa zvinhu zvangu zvose kuti ndiwanezve upenyu hwandaiva nahwo.’” Imwe shoroma inotengesa oiri inonzi J. Paul Getty, akazotaura zvinowirirana nemashoko aya achiti: “Kuva nemari hazvirevi kuti uchararama uchifara. Ingatoita kuti usafara.”
Zvimwe ungabvumirana nomunyori weBhaibheri akakumbira kuti: “Musandipa urombo kana upfumi. Regai ndidye zvokudya zvakandikwanira, kuti ndirege kuguta ndikazokurambai ndichiti: ‘Jehovha ndianiko?’ uye kuti ndirege kuva murombo ndikaba ndikamhura zita raMwari wangu.”—Zvirevo 30:8, 9.
Mambo Soromoni weIsraeri yekare akatsanangura kuti: “Ndakava mukuru, ndikawedzera kupfuura vose vakavapo ini ndisati ndavapo muJerusarema.” Asi, akawedzera kuti: “Zvinhu zvose zvakanga zvisina zvazvinobatsira uye kuri kudzingana nemhepo.” Soromoni akataurawo kuti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”—Muparidzi 2:9-11; 5:12, 13; Zvirevo 10:22.
Nzira Yokuti Ukomborerwe Nokusingaperi
Zviri pachena kuti tinogona chete kuwana mufaro usingaperi uye wechokwadi kana tikanyatsova noukama hwakasimba naMwari. Kana tikaisa Mwari pakutanga, tichaona kuti zvinhu zvose zvoupenyu hwedu zvinenge zvava kugutsa.
Zvinofadza hazvo kuti hatizogari tichinetseka pamusana pemari. Bhaibheri rinotivimbisa kuti mune remangwana kutengeserana kwemakaro uye kweudzvinyiriri kuchabviswa zvachose. (1 Johani 2:15-17) Nyika itsva yaMwari ichaunzwa pashure peizvi ichange ichitungamirirwa nemitemo yokururama. Pasi richachinjwa kuva paradhiso sezvo chiri icho chaive chinangwa chaMwari chepakutanga paakaisa vanhu vaviri vokutanga pariri. Chokwadi chichange chiri chikomborero kuona pasi rose razadzwa nomufaro, rugare uye rudo!—Isaya 2:2-4; 2 Petro 3:13; 1 Johani 4:8-11.
Upenyu hwepanguva iyoyo hunenge husiri hwokuzviomesera kana kuti husingafadzi. Tapfuma mune zvokunamata tichapfumawo nezvinhu zvokushandisa nokuti Mwari akazadzisa chinangwa chake chepakutanga chokuti vanhu vararame nokusingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. Tine chivimbo chokuti zvokudya, pokugara uye basa rinogutsa zvichange zvakawanda. Urombo pachange pasisina.—Pisarema 72:16; Isaya 65:21-23; Mika 4:4.
Munhu wose anotenda nomwoyo wose muna Jehovha, Mwari akanyora Bhaibheri, haazomboori mwoyo. (VaRoma 10:11-13) Saka, kunenge kuri kuchenjera kuti iye zvino titsvake zvikomborero zvinokosha kupfuura pfuma!—1 Timoti 6:6-10.
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rakachinjwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Kana tikaisa Mwari pakutanga, upenyu hwedu huchawedzera kugutsa
[Mufananidzo uri papeji 8]
Kushandisa mari nouchenjeri kunogona kuita kuti upenyu hunakidze