RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 2 pp. 3-7
  • Bhaibheri Rinongovawo Bhuku Rakanaka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinongovawo Bhuku Rakanaka Here?
  • Mukai!—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotibatsira Pakunamata Uye Pakuva Netsika Dzakanaka
  • Bhaibheri Rinotsanangura Kuti Nei Vanhu Vachitambura Uye Vachirwisana
  • Bhaibheri Rinotipa Tariro
  • Bhaibheri Rinotibatsira Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
  • Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Sayenzi neBhaibheri Zvinowirirana Here?
    Mukai!—2011
  • Kuwiriranisa Sayenzi Nechitendero
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 2 pp. 3-7
Murume ari kuverenga Bhaibheri

NYAYA IRI PAKAVHA

Bhaibheri Rinongovawo Bhuku Rakanaka Here?

Bhaibheri rakapera kunyorwa makore anenge 2 000 akapfuura. Kubva panguva iyoyo pane mamwe mabhuku akawanda akanyorwa asi haasisiko. Asi Bhaibheri tichiri naro nanhasi. Inzwa zvinotevera.

  • Pane vanhu vakawanda vaiva nemasimba vakaedza kuparadza Bhaibheri asi vakakundikana. Somuenzaniso, kubvira munenge muna 476 kusvika muna 1453, munyika dzinozviti ndedzechiKristu, “munhu aionekwa aine Bhaibheri uye achiriverenga mumutauro weveruzhinji ainzi ari kuita zvinopesana nechechi,” rinodaro bhuku rinonzi An Introduction to the Medieval Bible. Vanhu vaishandurira Bhaibheri mumutauro weveruzhinji kana kuti vaikurudzira vanhu kuridzidza vaiisa upenyu hwavo pangozi. Vamwe vavo vakatourayiwa.

  • Pane vanhu vazhinji vakamboedza kuparadza Bhaibheri asi nanhasi ndiro bhuku rine vanhu vakawanda kupfuura mamwe ose. Kune maBhaibheri anenge mabhiriyoni 5 akaprindwa mumitauro inopfuura 2 800. Bhaibheri rakasiyana chaizvo nemabhuku esayenzi, eruzivo rwevanhu nemamwewo pakuti anogona kungowanika nevanhu vashoma uye anogona kukurumidza kusara nenguva.

  • Bhaibheri rakabatsira pakuchengetedza uye kuvandudza mimwe mitauro yarakashandurirwa. Bhaibheri remutauro wechiGerman iro rakashandurwa naMartin Luther rakabatsira chaizvo pakuvandudza mutauro iwoyo. Bhaibheri reKing James Version rekutanga “rinofungidzirwa kuti ndiro rakabatsira chaizvo kupfuura mabhuku ose akambobudiswa” mumutauro weChirungu.

  • Bhaibheri “rakashandiswa chaizvo panyaya dzetsika dzevanhu vari kunyika dzekumadokero, zvavanoita pakunamata, zvavanodhirowa, mabhuku avo, mitemo, zvematongerwo enyika nezvimwewo zvakawanda.”—The Oxford Encyclopedia of the Books of the Bible.

Izvi ndizvo zvimwe zvinoita kuti Bhaibheri rive bhuku rakasiyana nemamwe. Asi nei richifarirwa nevanhu vakawanda? Nei vamwe vakaisa upenyu hwavo pangozi kuti varichengetedze? Pane zvikonzero zvakawanda uye zvimwe zvacho ndeizvi: Bhaibheri rine mashoko euchenjeri anotibatsira pakunamata uye pakuva netsika dzakanaka. Rinotibatsira kunzwisisa kuti kutambura uye kurwisana kwevanhu zvakatanga sei. Rinototivimbisa kuti matambudziko iwayo achapera uye kuti zvichaitika sei.

ZVAKAITA BHAIBHERI

Bhaibheri rakavhurika

Bhaibheri rine mabhuku matsvene 66, ayo akanyorwa mumakore anenge 1 600.

Bhaibheri rakanyorwa nevanhu vanenge 40, uye vamwe vavo vaiva varimi, vabati vehove, vatongi, madzimambo, uye vaimbi.

Bhaibheri rinonyanya kutaura nezveUmambo hwaMwari, kureva hurumende yekudenga ichatonga nyika. (Dhanieri 2:44; 7:13, 14) Umambo uhwu huchabvisa zvakaipa, kutambura uye rufu nekuti huchaita kuti vanhu vose vabatane vari pasi paChangamire wedu akakodzera kutonga, ari iye Musiki, Jehovha Mwari.—1 VaKorinde 15:24-26.

Bhaibheri Rinotibatsira Pakunamata Uye Pakuva Netsika Dzakanaka

Dzidzo yatinowana kuzvikoro inokosha. Asi ‘kuva nemadhigirii hakusi iko kunoita kuti munhu ave netsika dzakanaka,’ yakadaro imwe nyaya yakabuda mupepanhau rekuCanada rinonzi Ottawa Citizen. Pavanhu vakadzidza zvikuru, vakawanda vavo vakadai sevakuru vehurumende uye vezvemabhizimisi, vanoita chitsotsi uye vanoba, uye izvi zvinoita kuti “vanhu varege kuvimba navo,” yakadaro kambani yeEdelman pashure peimwe ongororo yakaitwa pasi rose. Kambani iyi inoona nezvekudyidzana kwemakambani neveruzhinji.

Bhaibheri rinotidzidzisa nezvaMwari uye nezvetsika dzakanaka. Rinotibatsira kunzwisisa “kururama nokururamisira nokutendeseka, izvo zvinhu zvose zvakanaka.” (Zvirevo 2:9) Semuenzaniso, mumwe murume ane makore 23, watichati Stephen, akanga ari mujeri kuPoland. Ari imomo, akatanga kudzidza Bhaibheri uye akaona kuti rinobatsira. Akanyora kuti, “Iye zvino ndava kuziva kuti zvinorevei ‘kukudza baba vako naamai vako.’ Ndakadzidzawo kuzvidzora, nekuti ndaiva nehasha dzisingaite.”​—VaEfeso 4:31; 6:2.

Stephen akanyanya kubatsirwa nerugwaro rwaZvirevo 19:11 rwunoti: “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake, uye zvakamunakira kuti aregerere kudarika.” Iye zvino kana pakaitika chinhu chinomutsa hasha dzaStephen, anoedza kufunga nezvenyaya yacho akadzikama uye anoshandisa mazano eBhaibheri akakodzera. Anoti, “Bhaibheri ndiro bhuku rinotibatsira muupenyu kupfuura mamwe ose.”

Maria, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akatukwa nemumwe mukadzi aivenga Zvapupu, uye izvi zvakaita kuti vanhu vade kuona kuti chii chiri kuitika. Maria haana kudzorera asi akaramba achienda kwaaienda. Mukadzi wacho akanyara nezvaakanga aita uye akatanga kutsvaga Zvapupu. Papera unenge mwedzi, akazoona Maria, ndokumumbundira achibva amukumbira ruregerero. Mukadzi wacho akaonawo kuti zvaidzidzwa naMaria muBhaibheri ndizvo zvaiita kuti ave munhu munyoro uye azvidzore. Chii chakazoitika? Mukadzi aimbovenga Zvapupu uyu akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vamwe 5 vemumhuri yake vakatangawo kudzidza Bhaibheri.

Jesu akati uchenjeri hunoonekwa nemabasa ahwo. (Mateu 11:19) Mazano ari muBhaibheri anoratidza kuti anoshanda.Anovandudza mararamiro edu. Mazano acho ‘anochenjedza asina zivo,’ ‘anoita kuti mwoyo ufare,’ uye anoitawo kuti “maziso apenye” patinonzwisisa tsika dzinodiwa naMwari uye manamatiro atinofanira kuita.—Pisarema 19:7, 8.

Bhaibheri Rinotsanangura Kuti Nei Vanhu Vachitambura Uye Vachirwisana

Pavanenge vachidzidza nezvechirwere chinenge chapararira, vaongorori vanotsvaga chakonzera chirwere chacho. Isuwo kuti tinzwisise nezvekutambura uye kurwisana kwevanhu, tinofanira kuziva kuti zvakatanga sei. Bhaibheri rinogona kutibatsira chaizvo nekuti rinotaura nezvekusikwa kwevanhu vekutanga, vanova ndivo vakazokonzera matambudziko edu.

Bhuku raGenesisi rinoratidza kuti matambudziko edu akakonzerwa nevanhu vekutanga pavakapandukira Mwari. Chimwe chavakaita ndechokuti vakada kuzvitungamirira asi Musiki wedu chete ndiye aiva nekodzero yokuvatonga. (Genesisi 3:1-7) Zvinosuruvarisa kuti kubvira ipapo, vanhu vakatanga kuva nemafungiro iwayo ekuda kuzvitonga. Izvozvo zvakakonzerei? Kubvira kare vanhu havana rusununguko uye mufaro, vanorwisana, vanodzvinyirirana uye vanoita mazvake mazvake panyaya dzetsika nemanamatiro. (Muparidzi 8:9) Bhaibheri rinotaura chokwadi parinoti: “Munhu . . . haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Chinofadza ndechekuti kupanduka kwevanhu kwava pedyo nekuguma.

Bhaibheri Rinotipa Tariro

Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari haasi kuzosiya zvakaipa kuti zvirambe zvichingoitika nekuti anoda vaya vanomuremekedza uye vanotevedzera mitemo yake.Vakaipa vachawana “zvibereko zvenzira yavo.” (Zvirevo 1:30, 31) Asi “vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

Bhaibheri rakavhurika riri padivi pekapu yekofi

“[Mwari] anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Timoti 2:3, 4

Mwari achazadzisa chinangwa chake chekuti panyika pave nerugare achishandisa “Umambo” hwake. (Ruka 4:43) Umambo ihwohwo ihurumende ichatonga pasi rose, uye Mwari achahushandisa kuti aratidze kuti ndiye ane kodzero yekutonga vanhu. Paaidzidzisa vadzidzi kunyengetera, Jesu akaratidza kuti Umambo huchaita kuti zvinhu zvinake panyika achiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe . . . panyika.”—Mateu 6:10.

Vaya vachatongwa neUmambo hwaMwari vachaita zvinodiwa naMwari, vachiziva kuti hakuna munhu ane kodzero yekutonga mumwe munhu, kunze kweMusiki chete. Uori, makaro, musiyano pakati pevapfumi nevarombo, rusaruraganda uye hondo zvichapera. Pachange pasisina miganhu yenyika, kuchava nehurumende imwe chete uye vanhu vachange vava netsika uye manamatiro mamwe chete.—Zvakazarurwa 11:15.

Kuti tizopinda munyika itsva zvinokosha kuti tidzidze. Pana 1 Timoti 2:3, 4 panoti: “[Mwari] anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” Chokwadi ichocho chinosanganisira mitemo inodzidziswa neBhaibheri iyo ichashandiswa neUmambo hwaMwari pakutonga. Mimwe yacho tinoiwana muMharidzo yaJesu Kristu yepagomo. (Mateu, chitsauko 5-7) Paunenge uchiverenga zvitsauko zvitatu izvi, edza kufungidzira kuti upenyu huchange hwakaita sei kana munhu wose ava kushandisa zvakataurwa naJesu.

Zvinofanira kutishamisa here kuti Bhaibheri ndiro rinowanika nevanhu vakawanda kupfuura mamwe mabhuku ose? Kwete! Zvarinodzidzisa zvinonyatsoratidza kuti zvakabva kuna Mwari. Kuwanika kwarinoita nevanhu vakawanda kunoratidza kuti Mwari anoda kuti vanhu vemarudzi ose vadzidze nezvake, vowana makomborero achaunzwa neUmambo hwake.—Mabasa 10:34, 35.

Denga rizere nenyeredzi

Bhaibheri rinotaura kuti pane mitemo inoshanda pazvinhu zviri kumatenga

BHUKU RINORATIDZA KUTI KUTENDA MASHURA KWAKAIPA

“Vanhu vekare vaifunga kuti zvinhu zvose zviri kudenga nepanyika zvinotongwa navanamwari vanongoita zvavanoda chero nguva,” inodaro Encyclopedia of Science and Religion. Asi Bhaibheri rinotaura kuti zvinhu zviri kudenga nepanyika zvinoshanda maererano nemitemo. Somuenzaniso, makore anenge 3 500 akapfuura, Bhaibheri rakataura ‘nezvemirau yokumatenga uye yepanyika.’ (Jobho 38:33) Pana Jeremiya 31:35 rinotaura kuti kune “mirau yomwedzi nenyeredzi.” Vaya vakagamuchira chokwadi ichi zvakavabatsira kuti vasabatanidzwa pakunamata kwenhema uye pakutenda mashura.—Jobho 31:26-28; Isaya 47:1, 13.

BHUKU RINOTAURA CHOKWADI

Chinonyanya kufadza pavanyori veBhaibheri ndechekuti vainge vakavimbika kunyange pavainyora zvavaikanganisa.​— Somuenzaniso, Mambo Dhavhidhi paakaita upombwe nemukadzi ainzi Bhati-shebha, akanyatsobvuma chikanganiso chake achiti: “Ndakaita zvakaipa pamberi penyu [Mwari].” (Pisarema 51:4) Muapostora Johani akabvuma kuti akapfugamira ngirozi kaviri achida kuinamata. Ngirozi yacho yakamuti: “Chenjerera! Usadaro! . . . Namata Mwari!” (Zvakazarurwa 19:10; 22:8, 9) Vanyori veBhaibheri vaitaura zvinhu sezvazviri, kusiyana nezvaiita vamwe vanyori vekare.

BHUKU RINOITA KUTI PFUNGWA DZIGADZIKANE

Bhaibheri rinotikurudzira kuita zvinhu zvakadai sekunzwira vamwe tsitsi uye kukanganwira uye izvi zvinoita kuti tive nepfungwa dzakagadzikana. VaEfeso 4:32 inoti, “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose.”

Rimwe bhuku reMayo Clinic, iri kuUnited States rakati, “kana usingakanganwiri vamwe, unenge uchitozvikuvadza.” Bhuku racho rakati kukanganwira vamwe kunoita kuti “BP isakwire; ugarisane nevamwe zvakanaka; unamate zvakanaka uye uve nerugare rwepfungwa; usanyanye kuzvidya mwoyo uye usanetsane nevamwe; uye usava pamuedzo wekunwisa doro uye zvimwe zvinhu zvinodhaka.”

BHUKU RINOPINDURA MIBVUNZO INOKOSHA MUUPENYU

Mwana ari mudumbu

Mwana ari mudumbu

Sayenzi inopindura mibvunzo yakawanda chaizvo. Asi kunyange zvazvo ichiita kuti tinzwisise zvimwe zvinhu, pane zvaisingagoni kutitsanangurira. Bhuku rinonzi Biotechnology—Changing Life Through Science rinoti: “Masayendisiti akawanda, navanachiremba, uyewo vamwe vazivi vanobvuma kuti sayenzi haina mhinduro dzemibvunzo ine chekuita nezvekunamata kana kuti tsika dzakanaka.”

  • SAYENZI INOGONA kutipa masvomhu anoratidza kuti zvinhu zvose zviriko zvinoshanda sei, asi haikwanisi kutiudza kuti nei kuine zvinhu izvozvo uye kuti nei zvichishanda maererano nemitemo yazvo.

  • SAYENZI INOGONA kutsanangura kuti nhengo dzekubereka nadzo dzinoshanda sei, asi haikwanisi kutsanangura zvinhu zvinobatsira munhu kuita zvisarudzo zvakanaka panyaya dzebonde.

  • SAYENZI INOGONA kutsanangura kuti mwana anokura sei mudumbu raamai, asi haikwanisi kubatsira munhu kuziva kuti kubvisa pamuviri kwakaipa here kana kuti kwete.

Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyi nemimwe yakawanda inokosha, robva ratibatsira ‘kunzwisisa kururama nokururamisira nokutendeseka, izvo zvinhu zvose zvakanaka.’—Zvirevo 2:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe