RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 4 p. 6
  • 3 Usaneta

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 3 Usaneta
  • Mukai!—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Unogona Kuzadzisa Zvinangwa Zvako Pakushumira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Batsirwa Nezvawajaira Kuita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kuzvidzora Pakuita Zvawakajaira
    Mukai!—2016
  • Pfuurirai Kunharidzano!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 4 p. 6
Mukadzi ari kumaka karenda

NYAYA IRI PAKAVHA | KUZVIDZORA PAKUITA ZVAWAKAJAIRA

3 Usaneta

Karenda rakamakwa

Mumwe muongorori anoti zvinongoda mazuva 21 kuti munhu ajaire chimwe chinhu chaanenge achidzidzira. Asi ongororo dzinoratidza kuti vanhu vanosiyana-siyana, vamwe vanoda nguva shoma, vamwe yakati rebei. Izvi zvinofanira kukuodza mwoyo here?

Funga nezvemuenzaniso unotevera: Ngatitii unoda kuita maekisesaizi katatu pavhiki.

  • Muvhiki rokutanga unobva wanyatsoita mazuva matatu.

  • Muvhiki rechipiri, unopotsa nezuva rimwe chete.

  • Muvhiki rechitatu, unoita zvekare mazuva matatu.

  • Muvhiki rechina unopotsa watotadza, wozoekisesaiza zuva rimwe chete.

  • Muvhiki rechishanu, unoita mazuva ese ari matatu, uye kubva ipapo hausisina musi wauchajamba.

Zvatora mavhiki mashanu kuti upedzisire wajaira zvauri kuda kuita. Ingaita senguva yakareba chaizvo asi kana wangokwanisa kuzviita uchanzwa uchifara.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka.”​—Zvirevo 24:16.

Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisaora mwoyo. Chinokosha hakusi kuti takadonha kangani asi kuti takamuka here patakadonha.

Chinokosha hakusi kuti takadonha kangani asi kuti takamuka here patakadonha

ZVAUNGAITA

  • Usafunga kuti kana ukambotadza watokundikana zvachose. Ziva kuti pakuedza kuita zvawakaronga panogona kuitika zvinhu zvinokwanisa kukudzosera kumashure.

  • Funga zvinhu zvawakagona kuita. Somuenzaniso, kana uchiedza kuchinja matauriro aunoita nevana vako, zvibvunze kuti: ‘Ndakapedzisira riini kunzwa ndichida kupopotera vana vangu asi ndichibva ndazvidzora? Zvii zvandakaita? Ndingaita sei kuti ndirambe ndichizvidzora?’ Kuzvibvunza mibvunzo iyi kunogona kukubatsira kuti uone kuti pane zvauri kugona pane kungofunga zvauri kutadza.

Ungada here kuziva kuti Bhaibheri ringakubatsira sei pazvinhu zvakadai sekuzvidya mwoyo, kuva nemhuri inofara, uye kuwana mufaro chaiwo? Taura nemumwe weZvapupu zvaJehovha kana kuti enda panzvimbo yedu yepaIndaneti inonzi, jw.org.

ZVIMWE ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

‘Maziso ako ngaatarire mberi.’​—Zvirevo 4:25.

‘Ndiri kukanganwa zvinhu zviri shure, uye ndiri kusveerera zvinhu zviri mberi, ndiri kuvavarira kuti ndiwane mubayiro.’​—VaFiripi 3:13, 14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe