RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 6 pp. 8-9
  • Kudzidzisa Vana Kuzvininipisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidzisa Vana Kuzvininipisa
  • Mukai!—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • ZVAMUNOFANIRA KUZIVA
  • ZVAMUNGAITA
  • Kuzvininipisa
    Mukai!—2019
  • Kupfekerei Kuzvininipisa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ratidza Kuzvininipisa Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kushingirira
    Mukai!—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 6 pp. 8-9
Mwana ari kuda kuti amai vake vamuitire zvinhu iye akagara

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kudzidzisa Vana Kuzvininipisa

DAMBUDZIKO

  • Mwana wenyu ari kuratidza kuti anozvikudza apa anongova nemakore 10!

  • Anoda kuti vanhu vese vamuitire zvaanoda.

Munotanga kunetseka mozvibvunza kuti, ‘Chii chiri kuita kuti adaro? Handidi kuti azvitarisire pasi asi haafaniri kuzozviona seanokosha kupfuura vanhu vese!’

Zvinoita here kudzidzisa mwana kuti azvininipise asi asingazozvitarisiri pasi?

Kamwana kari kuzviita mambokadzi pamberi pevabereki

ZVAMUNOFANIRA KUZIVA

Mumakore achangopfuura, vabereki vanga vachikurudzirwa kuti vaitire vana vavo zvavanoda, vachivarumbidza zvakanyanya kunyange pasina chine musoro chavaita. Vainziwo vasavatsiura kana kuvaranga. Zvaifungidzirwa kuti kuita izvi kunobatsira vana kuti vakure vasingazvitarisiri pasi. Asi zviri kushanda here? Bhuku rinonzi Generation Me rinoti: “Pane kuti vana vakure vaine unhu hwakanaka uye vachifara, vari kupedzisira vasisina hanya nevamwe.”

Vana vanenge vakura vachingorumbidzwa pese pese havadi kuudzwa kuti vakanganisa kana kushorwa. Vanotadza kuita ushamwari hunogara nekuti vanenge vakadzidziswa kungofunga zvavanoda ivo. Saka vakawanda vacho vanopedzisira vava kuzvidya mwoyo uye kurwara nedepression.

Vana vanonzwa vaine kakuzviremekedza kana vaita chinhu chine musoro, kwete nekugara vachiudzwa kuti vanokosha. Pamabasa avanenge vasarudza, vanofanira kushanda nesimba kuti vave neunyanzvi. (Zvirevo 22:29) Vanofanira kufungawo vamwe. (1 VaKorinde 10:24) Kuti vaite zvese izvi, vanofanira kuzvininipisa.

ZVAMUNGAITA

Murumbidzei pazvinenge zvakakodzera. Kana mwana wenyu akapasa kuchikoro, murumbidzei. Kana akafoira, musamhanyira kupa maticha mhosva. Izvozvo zvinoita kuti mwana wenyu atadze kuzvininipisa. Mubatsirei kuti ashande nesimba. Paanozoita zvinhu zvine musoro, chibvai mamurumbidza.

Mutsiurei. Hazvirevi hazvo kuti anofanira kungotsiurwa pese paanenge akanganisa. (VaKorose 3:21) Asi kana iri nyaya yakakura anofanira kutsiurwa. Izvi zvinosanganisirawo kana ava kuita humwe unhu husina kunaka. Mukamusiya, anotozokura aine unhu ihwohwo.

Semuenzaniso, ngatitii mwana wenyu ava nekatsika kekuda kushamisira. Akasatsiurwa anopedzisira ava kuzvikudza uye ava kutarisira vamwe pasi. Saka anoda kuudzwa kuti kushamisira kunoita kuti vamwe vasamufarira uye anogona kuzonyara mumwe musi. (Zvirevo 27:2) Muudzeiwo kuti munhu haafaniri hake kudada neunyanzvi hwaanenge ainahwo. Kumutsiura zvine rudo seizvi kuchaita kuti ave munhu anozvininipisa uye anoramba aine kachiremerera.​—Zvinotaurwa neBhaibheri: Mateu 23:12.

Itai kuti mwana azive zvakaita upenyu. Kujaidza mwana kunogona kuita kuti apedzisire ava kufunga kuti anofanira kuitirwa chese chaada. Semuenzaniso, kana achida chinhu chamusingakwanisi kutenga, mudzidzisei kuti zvakakosha kugutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Kana makundikana kuenda kunovhakacha, mutsanangurirei kuti muupenyu, zvimwe zvinhu zvaunenge wakaronga zvinogona kuzokundikana. Musazviomesera nekuita zvimwe zvinhu muchingoitira kuti vana venyu vafare. Ngavakure vachiziva kuti zvinhu zvinombooma.​—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 29:21.

Mudzidzisei kuva nerupo. Muratidzei kuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Mungazviita sei? Garai naye pasi monyora vanhu vanoda kubatsirwa pazvinhu zvakadai sekuvaendera kumashopu, kuvagadzirira zvinhu zvinenge zvafa pamba kana zvimwewo. Pamunonobatsira vanhu ivavo, endai naye. Itai kuti aone kufara uye kugutsikana kwamunoita panomubatsira vamwe. Iyi ndiyo nzira yakanakisisa yekudzidzisa mwana wenyu kuzvininipisa.​—Zvinotaurwa neBhaibheri: Ruka 6:38.

Kana muchida kunzwa zvimwe, endai pawebsite yedu inonzi jw.org motsvaga nyaya yakanzi “Kudzidzisa Vana Kuti Vaitire Vamwe Mutsa.”

MAGWARO EKUYEUKA

  • “Munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa, uye munhu wose anozvininipisa achakwidziridzwa.”​—Mateu 23:12.

  • “Kana munhu achitunhira mushandi wake kubvira achiri muduku, iye achazova munhu asingaongi muupenyu hwake hwapashure.”​—Zvirevo 29:21.

  • “Garai muchipa.”​—Ruka 6:38.

FUNGA KUTI VAMWE VAKURU

Bhaibheri rinoti: “Musingaiti chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri, musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi muchiva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.”​—VaFiripi 2:3, 4.

Mwana anokura achidzidziswa izvozvo anoziva kuti munhu wese ane zvimwe zvaanogona kumupfuura. Kuzvininipisa kuchabatsira mwana wenyu kuti asakanganiswa netsika yekuzvifunga yakazara muvanhu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe