RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 1 p. 3
  • Uri Kushushikana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kushushikana Here?
  • Mukai!—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Funganyo Yakanaka, Funganyo Yakaipa
    Mukai!—1998
  • Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Zvinokonzera Kushushikana Mupfungwa uye Zvinozovapo
    Mukai!—2005
  • Funganyo—“Chepfu Inononoka Kuuraya”
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 1 p. 3
Mukadzi ari kushushikana kubasa akatarisa pasi achiratidza kusuruvara.

KUWANA ZORORO PADAMBUDZIKO REKUSHUSHIKANA

Uri Kushushikana Here?

“Munhu wese anotomboshushikana, asi ini zvangu zvanyanya. Rangu dambudziko harisi rimwe chete, ndine zvakasiyana-siyana zvinondipedza simba, kusanganisira kuchengeta murume wangu ava nemakore achirwara nechirwere chepfungwa nezvimwewo zvirwere.”—Jill.a

“Mudzimai wangu akandisiya, ndikasara ndichirera vana vaviri ndega. Kurera vana uri wega hakusi nyore. Kuwedzera pane izvi, basa rakabva rapera uye ndakanga ndisisakwanisi kugadzirisa mota yangu. Ndakanga ndisingachazivi kuti ndoita sei. Ndaishushikana zvakanyanyisa. Mumwoyo mangu ndaizviziva kuti chaiva chivi kuzviuraya, saka ndakakumbira Mwari kuti andiuraye hake.”—Barry.

Unombonzwa uchishushikana zvakanyanya sezvaiita Jill naBarry here? Kana zvichimboitikawo kwauri, nyaya dzinotevera dzichakubatsira uye dzichakunyaradza. Dzichaongorora zvinoita kuti tishushikane, matambudziko anokonzerwa nekushushikana, uye zvatingaita kuti tideredze dambudziko iri.

a Mazita akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe