RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g23 nha. 1 pp. 6-8
  • Makungwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Makungwa
  • Mukai!—2023
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukanganiswa Kuri Kuitwa Makungwa
  • Nyika Yedu Yakasikwa Kuti Irambe Iripo Nekusingaperi
  • Zviri Kuedza Kuitwa Nevanhu
  • Bhaibheri Rinotii?
  • “Pfuma Zhinji Yamakungwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2023
  • Chii Chiri Kuita Munhu Kupasi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Zviri Mumagazini Ino
    Mukai!—2023
Ona Zvimwe
Mukai!—2023
g23 nha. 1 pp. 6-8
Munhu ari kutuhwina mugungwa akapoteredzwa nehove dzine mavara akasiyana-siyana, macoral, nezvimwe zvinomera zvemugungwa.

Georgette Douwma/Stone via Getty Images

VANHU VACHAPARADZA NYIKA HERE?

MAKUNGWA

MUMAKUNGWA ndimo munobva zvinhu zvakawanda zvatinodya uye zvinhu zvakawanda zvinoshandiswa pakugadzira mishonga yekurapa. Mumakungwa ndimo munobva inopfuura hafu yemhepo yatinofema, oxygen, uye ndimo munoenda magasi anokuvadza akadai secarbon. Makungwa anoitawo kuti mamiriro ekunze agare akanaka.

Kukanganiswa Kuri Kuitwa Makungwa

Kuchinja kuri kuita mamiriro ekunze kuri kukanganisa zvinhu zvinogara mugungwa zvakadai semashellfish, tumwe tumhuka tudiki tunonzi macoral, nezvimwewo. Nyanzvi dzesainzi dzinofungidzira kuti panozopera makore 30, zvinhu zvinoraramisa inenge 25% yezvisikwa zvemugungwa zvinogona kunge zvisisipo.

Nyanzvi dzinofungidzira kuti inenge 90% yeshiri dzinowana zvekudya zvadzo mugungwa dzinogona kunge dzakadya mapurasitiki, uye zvinofungidzirwa kuti mamiriyoni emhuka dzinogara mugungwa anofa gore rega rega nemhaka yekudya mapurasitiki.

Muna 2022, munyori mukuru wesangano reUnited Nations anonzi António Guterres akati: ‘Hatisi kuchengetedza makungwa saka ndinofunga kuti tinotofanira kuona zvekuita nekukurumidza kuti tiachengetedze.’

Nyika Yedu Yakasikwa Kuti Irambe Iripo Nekusingaperi

Makungwa nezvinhu zvipenyu zviri maari zvakasikwa zvichikwanisa kuzvichenesa zvega kana vanhu vakasanyanya kuzvisvibisa. Bhuku rinotaura nezvenyaya dzekuchinja kwemamiriro ekunze rinonzi Regeneration: Ending the Climate Crisis in One Generation rinotsanangura kuti kana vanhu vakasasvibisa makungwa, “anokwanisa kuzvichenesa ega.” Ona zvinotevera:

  • Tumwe tupukanana tudikidiki twemugungwa tunonzi maphytoplankton tunodya nekuchengeta carbon dioxide, iyo inofungidzirwa kuti ndiyo inonyanya kukonzera kuti kunze kuwedzere kupisa. Maphytoplankton anochengeta carbon dioxide yakawanda kungofanana neinochengetwa nemiti yese, uswa, nezvimwe zvinhu zvese zvinomera panyika zvabatanidzwa.

  • Tumwe tupukanana tudikidiki tunodya ganda nemabhonzo ehove dzakafa, izvo zvinogona kusvibisa makungwa. Tupukanana itwotwo tunozodyiwawo nezvimwe zvisikwa zvemugungwa. Imwe website inonzi Smithsonian Institution Ocean Portal inoti izvi zvinoita kuti “makungwa agare akachena.”

  • Magayiro anoita dzimwe hove zvekudya anoderedza acid iri mumvura yemugungwa, iyo inogona kukuvadza zvimwe zvisikwa zvemugungwa zvakadai semacoral, mashellfish, nezvimwewo.

    WAIZVIZIVA HERE?

    Kubatsira Kunoita Uswa Huri Mumakungwa

    Pikicha iri kuratidza mafungu ari kuenda kumahombekombe. Pasi pegungwa, uswa nezvisikwa zvemugungwa zviri kuoneka. Mafungu paanenge ava kuda kusvika kumahombekombe, uswa hwemugungwa hunoderedza kukura nekumhanya kwawo uye hunobata ivhu netumatombo zvinenge zviri mumvura. Hove nezvimwe zvisikwa zvemugungwa zvinowana zvekudya muuswa hwacho. Mvura inosvika kumhenderekedzo yachena uye mafungu asisina kunyanya kukura.

    Uswa huri mumakungwa hunobatsira kuti ivhu risakukurwa. Hunoita kuti tumhuka tunonzi macoral turambe tuine utano uye hunoderedza kukura kwemafungu egungwa zvekuti paanozosvika kumhenderekedzo haazokukuri ivhu rakawanda.

Zviri Kuedza Kuitwa Nevanhu

Mapikicha: 1. Murume ari mukicheni achibvisa zvinhu zvaatenga mubhegi risingakurumidzi kusakara. 2. Mukadzi ari kuisa mvura mubhodhoro rinoshandisika kakawanda.

Kushandisa mabhegi nemabhodhoro anoshandisika kakawanda kunobatsira kuderedza mapurasitiki anozopedzisira ava mumakungwa

Kana tisingadi kuzochenesa makungwa, hatifaniriwo kuasvibisa. Saka nyanzvi dzesainzi dziri kukurudzira vanhu kuti vashandise mabhegi, mabhodhoro nemimwewo midziyo inogona kushandiswa kakawanda pane kungoshandisa zvinhu zvepurasitiki kamwe chete vobva vangozvirasa.

Asi pane zvimwewo zvakawanda zvinoda kuitwa. Munguva ichangobva kupfuura, rimwe sangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda rakanhonga marara anosvika matani 9 200 akanga angosiyiwa pamhenderekedzo dzegungwa mugore rimwe chete munyika 112. Asi marara iwayo angori chikamu chidikidiki chemarara anopinda mumakungwa gore rega rega.

Magazini yeNational Geographic yakati “acid iri [mumakungwa] yawanda zvekuti zvinogona kusagadzirisika.” Vanhu vari kunyanya kupisa zvinhu zvakadai semarasha neoiri zvekuti zvisikwa zvemugungwa hazvichakwanisa kuchenesa makungwa sezvazvinofanira kuita.”

Bhaibheri Rinotii?

“Nyika yakazara nezvinhu zvamakaita. Kune gungwa, iro rakakura uye rakafara kwazvo, rakazara nezvinhu zvipenyu zvisingaverengeki, zvikuru nezvidiki.”—Pisarema 104:​24, 25.

Musiki wedu akasika makungwa achikwanisa kuzvichenesa. Funga izvi: Kana achiziva zvakawanda kudaro nezvemakungwa nezvisikwa zvese zvirimo, angatadza here kugadzirisa dambudziko iri rekusvibiswa kwemakungwa? Ona nyaya yakanzi “Mwari Anovimbisa Kuti Nyika Haisi Kuzoparadzwa,” iri papeji 15.

DZIDZA ZVIMWE

Mapilot whale ari kutuhwina mumvura.

Blue Planet Archive/Doug Perrine

Nyanzvi dzesainzi dzakadzidza kubva kune chimwe chisikwa chemugungwa kuti dzingachenesa sei pasi pengarava dzakakura pasingashandiswi makemikari anokuvadza. Verenga nyaya yakanzi “Ganda rePilot Whale Rinozvichenesa Rega” iri pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe