RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g23 nha. 1 p. 15
  • Mwari Anovimbisa Kuti Nyika Haisi Kuzoparadzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anovimbisa Kuti Nyika Haisi Kuzoparadzwa
  • Mukai!—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Chipo Chisingaperi Chinobva kuMusiki
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Zviri Mumagazini Ino
    Mukai!—2023
  • Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Nyika Ichaparadzwa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—2023
g23 nha. 1 p. 15
Mvura yakapoteredzwa nemakomo nemiti.

Oleh_Slobodeniuk/​E+ via Getty Images

Mwari Anovimbisa Kuti Nyika Haisi Kuzoparadzwa

“Nyika haiparari nyore nyore sezvataifunga.”

Mashoko aya akataurwa nevaongorori vanobva kunyika dzakasiyana-siyana pavakaongorora nyaya yekuchinja kwemamiriro ekunze. Kana uchibvuma kuti kune Musiki ane hanya nevanhu, mashoko aya anogona kukuyeuchidza nezvezvinhu zvakaiswa naMwari panyika kuti zviibatsire kuti irambe iripo.

Asi kana tichitarisa kuparadzwa kuri kuita vanhu zvinhu zviri panyika, tinoona kuti pane zvakatowanda zviri kufanira kuitwa kuti idzokere pane zvayaiva. Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti Mwari ane zvaachaita panyaya iyi?

Ona mavhesi ari mubhokisi anoratidza kuti nyika icharamba iripo uye kuti ichatowedzera kuyevedza.

  • Nyika yakasikwa naMwari. “Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.” —Genesisi 1:1

  • Mwari ndiye muridzi wenyika. “Nyika nezvese zviri mairi ndezvaJehovha.”a—Pisarema 24:1

  • Mwari akasika nyika kuti irambe iripo. “Akamisa nyika panheyo dzayo; haizombobviswi panzvimbo payo nariini nariini.”—Pisarema 104:5

  • Mwari anovimbisa kuti zvinhu zvipenyu zvicharamba zviripo panyika nekusingaperi. “Mwari wechokwadi, Muumbi wenyika, . . . [haana] kungoisikira pasina, asi akaiumba kuti igarwe.”—Isaya 45:18

  • Mwari anovimbisa kuti vanhu vachagara panyika nekusingaperi. “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.”—Pisarema 37:29

Mwari akasika nyika nenzira yekuti vanhu vanogona kurarama pairi vachifara asi vasingaiparadzi. Bhaibheri rinotaura kuti panguva yake yakakodzera, Jehovha Mwari achagumisa zvese zviri kukanganisa nyika.—Zvakazarurwa 11:18

Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari achabva aita kuti nyika yedu ive paradhiso yakanaka uye kuti ‘achagutsa zvido zvezvinhu zvese zvipenyu.’—Pisarema 145:16

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe