RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g23 nha. 1 pp. 12-14
  • Mhepo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhepo
  • Mukai!—2023
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukanganiswa Kuri Kuitwa Mhepo
  • Nyika Yedu Yakasikwa Kuti Irambe Iripo Nekusingaperi
  • Zviri Kuedza Kuitwa Nevanhu
  • Bhaibheri Rinotii?
  • Haiwa, Mweya Wakanaka!
    Mukai!—1996
  • Maguta Makurusa Ari Kukachidzwa Zvishoma Nezvishoma
    Mukai!—1994
  • Kuchengetedza Zvakatipoteredza—Tave Tichibudirira Zvakadini?
    Mukai!—2003
Mukai!—2023
g23 nha. 1 pp. 12-14
Murume nemudzimai vari kufamba musinou uye vari kutarisa makomo azere nemiti yakakomberedza rwizi ruzere nemvura uye mudenga hamuna makore.

VANHU VACHAPARADZA NYIKA HERE?

MHEPO

MHEPO inotibatsira kuti tiwane mweya wekufema. Asi inotidzivirirawo kuti tisakuvadzwa nemwaranzi inobva kuzuva. Kudai pasina mhepo, kunze kwaizotonhora zvakanyanya zvekuti zvinhu zvaizooma nechando.

Kukanganiswa Kuri Kuitwa Mhepo

Kusvibiswa kuri kuitwa mhepo kunogona kutoparadza zvinhu zvipenyu panyika. Pavanhu vari panyika, 1% chete ndivo vari kufema mhepo inonzi yakachena nesangano rinoona nezveutano reWorld Health Organization.

Kusvibiswa kuri kuitwa mhepo kunokonzera zvirwere zvinotadzisa vanhu kufema zvakanaka, kenza yemapapu nezvirwere zvemwoyo. Kunokonzerawo kuti vanhu vanenge 7 000 000 vakurumidze kufa gore rega rega.

Nyika Yedu Yakasikwa Kuti Irambe Iripo Nekusingaperi

Nyika yedu yakasikwa ichikwanisa kuita kuti zvinhu zvese zvipenyu zviri pairi zviwane mhepo yakachena yekufema. Asi inongokwanisa kuita izvi kana vanhu vakangwarira kuti vasanyanya kusvibisa nharaunda. Ona zvinotevera.

  • Zvinotozivikanwa kuti masango anokwanisa kutora carbon dioxide mumhepo. Asi vanhu vakawanda havazivi kuti miti inonzi mangrove iyo inowanika mumachakwi pedyo nemhenderekedzo dzegungwa inototora carbon dioxide yakawanda kupfuura masango. Miti iyi iri mumachakwi inokwanisa kutora carbon dioxide inopeta ka5 inotorwa nemasango.

  • Ongororo dzichangobva kuitwa dzinoratidza kuti mamwe mazerere akakura akadai sekelp anotora carbon dioxide mumhepo. Mamwe mazerere acho akaita kunge mashizha. Mazerere iwayo ane tuhomwe tunenge twakazara mhepo uye izvi zvinoita kuti ayangarare mumvura kwemadaro marefu. Kana ava kure nekumhenderekedzo yegungwa, tuhomwe twacho twunoputika uye kelp yacho, iyo inenge yakazara carbon dioxide inobva yaenda pasi pegungwa. Zviri pachena kuti kelp yacho inoramba iri pasi ipapo kwemazana emakore.

  • Panguva yeCOVID-19 zvakanyatsooneka kuti mhepo yakapoteredza nyika inokwanisa kuchena zvakare. Muna 2020, mafekitari akawanda paakanga asiri kushanda uye motokari dzisiri kufamba, mhepo yakanga yava kutoita ichichena munguva pfupipfupi. Maererano nemushumo unonzi “2020 World Air Quality Report,” nyika dzakawanda dzakaongororwa dzakati mhepo yavo yainge yatoti chenei pakazopera lockdown.

    WAIZVIZIVA HERE?

    Mhepo Yatinofema Inogona Kuchena Zvakare

    Pikicha iri kuratidza uwandu hwetunhu tunokuvadza tunenge turi mumhepo muNew Delhi, India. Muna January 2020, uwandu hwacho hwakadzika kubva pa120.1, uhwo hunonzi hunokuvadza vanhu vese, zvekuti muna August 2020 hwakanga hwasvika pasi pe35.5, uhwo hunonzi haunyanyi kukuvadza.

    Panguva yeCOVID-19, kusvibiswa kwemhepo kunokonzerwa nemafekitari uye motokari kwakaderera chaizvo muNew Delhi, kuIndia. Uwandu hwetunhu twunokuvadza twaiva mumhepo (PM2.5) hwakaderera nekukurumidza. Tunhu itwotwo tudikidiki zvekusaoneka nemaziso tunogona kukonzera zvirwere zvinotadzisa vanhu kufema zvakanaka kana zvimwewo zvakaipisisa. Zvinhu izvi zvakangoitika kwenguva pfupi, asi zvakaratidza kuti mhepo yakapoteredza nyika inokwanisa kuchena nekukurumidza pashure pekunge yasvibiswa.

    Pikicha iri kuratidza utsi hwakanyanya hwaiva muNew Delhi, India, 2019 ava kunopera.

    © Amit kg/​Shutterstock

    2019 Ava Kunopera

    Pikicha iri kuratidza kuchena kwakaita mhepo muNew Delhi, India panguva yeCOVID-19.

    © Volobotti/Shutterstock

    Panguva yeCOVID-19

Zviri Kuedza Kuitwa Nevanhu

Murume ari kupaka bhasikoro rake asvika kubasa.

Kufamba nemabhasikoro kunoderedza kusvibiswa kwemhepo

Hurumende dziri kuramba dzichiudza makambani kuti aderedze kusvibiswa kwemhepo. Uyewo nyanzvi dzesainzi dziri kuramba dzichiwana nzira itsva dzekuchenesa mhepo inenge yasvibiswa. Semuenzaniso vanoshandisa tupukanana tudikidiki kuti twuchinje zvinhu zvinokuvadza zviri mumhepo kuti zvisakuvadza. Nyanzvi dzesainzi dziri kukurudzirawo vanhu kuti vafambe netsoka kana kuchovha mabhasikoro pane kushandisa motokari uye kuti vatsvage nzira dzekuderedza kushandisa kwavanoita magetsi mudzimba.

Mukadzi ari kubikira pachitofu chisingaburitsi utsi hwakanyanya.

Dzimwe hurumende dziri kupa vanhu vemunyika madzo midziyo yekushandisa pakubika inoderedza kusvibiswa kwemhepo, asi vanhu vakawanda havasati vakwanisa kuiwana

Asi mushumo wakabudiswa muna 2022 nemasangano epasi rese, kusanganisira World Health Organization neWorld Bank, unoratidza kuti pane zvimwe zvinofanira kuitwa.

Mushumo wacho wakaratidza kuti muna 2020, inenge 30% yevanhu vari pasi rese vanoshandisa zvinhu zvinosvibisa mhepo pavanobika. Munzvimbo dzakawanda, vanhu havakwanisi kutenga midziyo yekubikisa isingasvibisi mhepo kana kuti havana zvimwe zvavanogona kushandisa pakubika.

Bhaibheri Rinotii?

“Zvanzi naMwari wechokwadi, Jehovha, Musiki wedenga . . . iye akatambanudza nyika nezvibereko zvayo, iye anopa vanhu vari pairi mweya wekufema.”—Isaya 42:5.

Mwari ndiye akasika mhepo yatinofema uye akaita kuti pave nezvinhu zvinoichenesa. Anewo simba risingagumi uye anoda vanhu. Saka zvine musoro here kuti achangosiya mhepo yatinofema ichisvibiswa? Ona nyaya yakanzi “Mwari Anovimbisa Kuti Nyika Haisi Kuzoparadzwa.”

DZIDZA ZVIMWE

Zvakaita nyika uchiitarisa uri muchadenga.

Mhepo yakapoteredza nyika yakabva kupi? Ona vhidhiyo inonzi Denga Nenyika Zvakasikwa Here? iri pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe